Funganyo—“Muurayi Akanyarara”
“Chiratidzo chandakatanga kucherechedza chaiva kurema kukurusa. Kwakatanga pabhonzo repakati pembabvu dzangu; kwakakurumidza kukwira mumapfudzi angu, mutsipa, uye tsaya; ndokudzika zvakare nomumaoko angu ose ari maviri. Zvaiita sokunge kuti nzou yakanga yawira pachipfuva changu. Ndaitadza kunyatsofema. Ndakatanga kudikitira. Ndakatanga kusungwa mudumbu uye ipapo kuda kurutsa kwakakomba. . . . Gare gare, sezvo vakoti vakandibatsira kukwira pamubhedha wemuchipatara, ndinoyeuka ndichitaura nokushamisika kuti, ‘ndine hosha yemwoyo.’ Ndaiva nemakore makumi mana nemana.”
MUBHUKU rake rinonzi From Stress to Strength, Dr. Robert S. Eliot anorondedzera kudaro kupotsa kufa kwake anopfuura makore 20 apfuura. Pakuvamba mangwanani iwayo akanga apinda musangano uye akanga adzidzisa—sezvineiwo, pamusoro pehosha yemwoyo. Kamwe kamwe, Dr. Eliot, chiremba wemwoyo, akazviwana ari “murwere panzvimbo pachiremba mukamuri rinorapirwa vane hosha yemwoyo.” Anoti nhamo yake isingakarirwi yakaparirwa nei? “Nechemukati,” vanodaro Dr. Eliot, “Kudavidza kwomuviri wangu pachangu kufunganyo kwakanga kuchindikuvadza.”a
Sezvinoratidza chinoitika chaDr. Eliot, funganyo inogona kuva nemigumisiro inotyisidzira upenyu. Zvirokwazvo, muUnited States, yakabatanidzwa nezvimwe zvinoparira rufu zvikurusa. Migumisiro yefunganyo inogona kuungana chinyararire kwenguva yakati kuti yozongobuda pasina kunyevera. Nokudaro imhaka yechikonzero chakanaka kuti funganyo yakanzi “muurayi akanyarara.”
Nenzira inoshamisa, avo vane unhu hwerudzi-A—hunozivikanwa nekusashivirira, hasha, uye makwikwi—havasi voga vari mungozi dzine chekuita nefunganyo. Avo vanoratidzika sevakanyarara vangavawo mungozi, zvikurukuru kana kuterama kwavo kuchingova kwokunyepedzera bedzi, kungofanana nechivharo chisina kuvharwa zvakasimba pamusoro pepressure cooker. Dr. Eliot anorangarira izvi kuva zvechokwadi muchinoitika chake. Zvino anonyevera vamwe kuti: “Ungangodonha wofa nhasi—usingazivi kuti kwemakore waiva nebhomba rakateyewa nguva yokuputika rakasungirirwa pamwoyo wako.”
Asi hosha yemwoyo norufu rwakamwe kamwe hazvisi izvo zvinetso zvoga zvakabatanidzwa nefunganyo, sezvicharatidzwa nenyaya inotevera.
[Mashoko Omuzasi]
a Nepo kufunganya kuchigona kuva chimwe chinoparira, muzvinoitika zvizhinjisa zvehosha yemwoyo, pane kukuvadzwa kwakati kuti kwetsinga dzeropa dzemwoyo kunoparirwa nokuvharwa kwadzo nemafuta. Naizvozvo, kungava kusachenjera kuti munhu arerutse zviratidzo zvehosha yemwoyo, zvichida achidavira kuti kungoderedza funganyo kuchamurapa. Ona Mukai!, yaDecember 8, 1996, mapeji 15-25.