Pepanhau reRussia Rinorumbidza Zvapupu zvaJehovha
ZVIVAKO zvebazu reZvapupu zvaJehovha reRussia zvakatsaurirwa musi waJune 21, 1997. Zvivako zvacho zvinobatanidza dzimba dzokugara nomwe, Horo yoUmambo hombe, kamuri rokudyira, uye chivako chikuru chemahofisi nenzvimbo yokuchengetera zvinhu. Zviri anenge makiromita 40 kuchamhembe kwakadziva kumavirira kweSt. Petersburg, mumusha weSolnechnoye.
Tsauriro yacho yakaparadzirwa zvikuru nevatori venhau vakakokwa kupurogiramu yacho. Mumwe wavo akanyora muLiteraturnaya gazeta yeMoscow, magazini inoparadzirwa makopi anopfuura chikamu chimwe muzvina chemiriyoni: “Chinotanga kufunga munhu paanozviona ndechokuti, Ndiwo maitirwo ebasa aya!”—Ona mifananidzo iri pamapeji 16 ne17.
Munyori wacho, Sergey Sergiyenko, akatsanangura kuti: “Chinhu chiri chose pano chakaitwa nevatendi nemaoko avo vamene: Basa rokuvaka rakaitwa zvikurukuru nevekuFinland, Sweden, Denmark, Norway, uye Germany. Migwagwa yezvitinha yakachena; tsangadzi yakachekererwa; zvivako zvakaisvonaka zvine matenga ematayera, mafafitera makuru, uye masuo egirazi—uyu ndiwo muzinda wokutarisira wesangano remunharaunda reRussia rorudzidziso reZvapupu zvaJehovha.”
Vatori venhau vakabva kuMoscow, makiromita anopfuura 650 kumaodzanyemba kwakadziva kumabvazuva kwebazu, vakakokwa kutsauriro yacho uye vakagoverwa chokufambisa. Vakaratidzwa zvivako zvacho, uye pashure, nhambo yemibvunzo nemhinduro yakaitwa, apo zvokudya zvakapfava zvakagoverwa. Vachivakira pane zvavakacherekedza VaSergiyenko vakanyora kuti:
“Zvapupu, sokutaurwa kwazvinoitwa zvinozvininipisa uye hazvizvitutumadzi, . . . Kungochinjanisa mashoko echirevo chakakurumbira cheRussia chokuti, ‘Zvapupu zvinogara pa[musha wazvo] sezviri pachipfuva paJehovha.’ . . . Zvichigara zvichiratidza mutsa kuvanhu vose, Zvapupu, chokwadika, zvinoitira hanya chaizvo hama dzazvo dzimene.”
Nyaya yakanyorwa naS. Dmitriyev yakabuda muMoskovskaya Pravda, pepanhau rezuva nezuva rinoparadzirwa makopi anopfuura 400 000. Munyaya yake ine musoro unoti “Munogona Kuvaka Nyika Yenyu Mumene Nemaoko Enyu Mumene Bedzi,” munyori wacho akatsanangura kuti:
“Pashure pokunge sangano rorudzidziso reZvapupu rakazivikanwa zvapamutemo muRussia [muna 1991], mubvunzo wakamuka pamusoro pokuvakwa kwedzimbahwe razvo zvimene. Zvakanga zvichitsvaka nzvimbo pedyo neMoscow apo mushumo usingakarirwi wakauya wokuti nzvimbo yaichimbova musasa wepwere pedyo neSt. Pete[rsburg] yakanga iri kutengeswa. Nzvimbo yacho yakatengwa, uye zvakavamba kuvaka. . . .
“Gore rimwe nehafu rapfuura, musi waJanuary 1, 1996, nzvimbo iri mumusha weSolnechnoye yakava bazu rapamutemo resangano racho rorudzidziso. Pakati paJune, boka revatori venhau veMoscow rakakwanisa, kupfurikidza nokupedzera nguva yakati muSt. Pete[rsburg], kuedza kutsvaka kuti, Zvapupu zvaJehovha vaiva vanaani?”
VaDmitriyev vakapindura kuti chii? “Vanhu, sevamwe vanhu vapi nevapi.” Bva, vakasiyana, sezvavakataura pamugumo wenyaya yavo: “Vane rugare pakati pavo, rugare kwose kwose. Kurota here? Hongu. Bva zviripo.”
Mumwe mutori wenhau wokuMoscow, Maksim Yerofeyev, achinyorera Sobesednik, pepanhau rinoparadzirwa makopi anopfuura 300 000, akati: “Ukama hwose munzanga iyi duku hwakavakirwa panheyo inotevera: Hapana munhu anomanikidzwa kushanda, bva munhu wose anoshanda.”
Pashure pokurondedzera panogara mutariri weDare reBazu, Vasily Kalin, VaYerofeyev vakati: “Boka revatori vedu venhau risingavimbi rakanga richida kushanyira mamwe makamuri avaida. Ukuru nefenicha yedzimwe dzimba dzokugara dzakanga dzisina kumbosiyana chaizvo nemarongero ane mwero aiva mukamuri raVasily Kalin.”
Mumwe mutori wenhau, Anastasiya Nemets, akanyora nyaya inoti “Kugara Norugare Rwendangariro.” Musoro muduku wemusoro iwoyo waiva muVechernyaya Moskva waiti: “Izvi Ndizvo Zviri Kudzidzwa Nevanhu Mumusha Usiri Wenguva Dzose Uri Kunze kweSt. Pete[rsburg].”
Achirondedzera nzvimbo nechitarisiko chezvivako zvebazu, akanyora kuti: “Kwose kwose, kune masango nemaruva. Gulf yeFinland haisi kure. Pano pane dzimba dzakanaka dzakatsvinda nemavakiro eEurope, migwagwa yakachena inotsvairwa yakaiswa zvitinha, uye mibhedha yemaruva ane mavara akaisvonaka.
“Mafemu ezvekutengeserana anovakira maguta maduku akadaro ‘shoroma dzeRussia.’ Zvisinei, vanhu vasina zvakawanda vanogara mumusha uno . . . Vanogara zvakanaka, uye zvinokosha zvikurusa, vanogara seshamwari. Pane vanhu vanenge 350 bedzi pano, vanobva kumativi ose epasi; munhu anogona kunzwa mitauro yakasiyana-siyana ichitaurwa—kubva kuchiSpanish uye chiPutukezi kusvika kuchiFinnish nechiSwedish.
“Chaizvoizvo, iyi inzanga duku iri payo yoga: Musha wacho une mashopu okugadzira nokugadzirisa awo, pazvinobvira kugadzirira chinhu chipi nechipi icho mhuri huru yemitauro yakawanda inoda; vanotova nekiriniki yavo vamene.”
Zvirokwazvo, tsauriro yacho yakanga iri chiitiko chinofadza nokuda kwe1 492 vakabva munyika 42 vaivepo paSolnechnoye. Vazhinji vakanga varipo vakanga vari vakuru vakanga vabatira kwemakore apo basa rokuparidza rakarambidzwa. Unogona kufungidzira here kushamisika kukuru nomufaro zveava vave vachibatira Mwari kwenguva yakareba sezvavakafamba vachiona zvivako zvakaisvonaka zviri munharaunda iyi yakaisvonaka iri munzvimbo iyi yemaeka 17 yakaita sebindu? Zvinonzwisisika kuti vangave vaifunga kuti vairota.
[Mifananidzo iri papeji 22]
Vatori venhau vari kushanyira zvivako zvebazu
Nguva yemibvunzo nemhinduro