RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g98 3/8 pp. 24-25
  • Takatiza Mabhomba—Makore 50 Gare Gare!

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Takatiza Mabhomba—Makore 50 Gare Gare!
  • Mukai!—1998
  • Mashoko Akafanana
  • “Mashoko Akanaka” Ari Kuparidzwa Muzvitsuwa Zviri Kure Kure Kuchamhembe Kweaustralia
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2010
  • Kuzivisa Umambo hwaMwari muZvitsuwa zveFiji
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2000
Mukai!—1998
g98 3/8 pp. 24-25

Takatiza Mabhomba—Makore 50 Gare Gare!

“Mabhomba achave achiputika pano nokukurumidza. Munhu wose ngaavande!”

NEMASHOKO iwayo murume wangu neni takanyeverwa nomupurisa kuti tibude mumba ndokunovanda mugomba rekongiri raiva pedyopo. Chiziviso chacho chakauya sechikatyamadzo chaicho. Kunyange zvakadaro, takanga tisiri munharaunda yenyika yasakadzwa nehondo; takanga tichishanyira shamwari dziri muchimwe chezvitsuwa zvakaisvonaka chiri kumucheto kweMarshall Islands, muMicronesia.

Takanga tauya kuti tizopedza vhiki neshamwari nomurume wayo pachitsuwa chiduku cheTōrwā. Mudzimai wacho akanga ari iye Chapupu chaJehovha bedzi pachitsuwa chacho, uye taida kumubetsera kuparidzira vanhu vaigaramo.

Vagari vekuMarshall Islands vane ushamwari nenzira yomuzvarirwo uye vanodisa kutaura nezveBhaibheri. Sezvo bhuku raIwe Unogona Kurarama Nokusingaperi muParadhiso Pasi Pano rakanga richangobva kubudiswa mumutauro womuno, takave nomukana wakanaka wokugovera makopi anoverengeka. Vose vaida bhuku racho vakativimbisa kuti vaizorirava ndokusarishandisa seken karawan, kana kuti “dumwa rerombo rakanaka,” kudzinga madhimoni. Tsika yakakurumbira ikoko ndeyokuisa peji yakapetwa inobva muBhaibheri mukati mebhotoro ndokuriturika pabango kana kuti muti uri pedyopo, sezvo izvozvo zvichifungwa kuti zvinodzivisa mweya yakaipa.

Kwemazuva anoverengeka takanga tave tichifarikanya kugara kwedu, asi pakasvika Chitanhatu, takakurumidza kuziva kuti zvaizova zvakasiyana. Takanga tavamba zuva nokushambira kunofadza mangwanani-ngwanani mumvura yakachena, inodziya yomudziva. Patakanga tichifamba tichidzoka kubva kumaombekombe kwegungwa, takaona ngarava pfumbu yairatidzika seine zvayaireva ichiuya. Pasina nguva refu, takaziva zvayakauya nazvo. Mupurisa akatsanangura kuti boka revarume vehondo veAmerica vanomwe rakanga rasvika kuti rizoputitsa mabhomba ekare pachitsuwa chacho. Kuti vanhu vave vakachengeteka, misha yaizosiyiwa uye vagari vepachitsuwa vaizopedza zuva vari mumakomba okuvanda akanga avakwa nevekuJapan mukati meHondo Yenyika II.

Makomba iwayo, ayo vanoshanyira Tōrwā vanenge vanokurumidza kuona, ufakazi hwenguva yakapfuura inotyisa. Uri kure chitsuwa chacho chinoratidzika separadhiso yomunyika dzinopisa, asi pedyo zvinova pachena kuti runako rweTōrwā rwakashatiswa nemavanga ehondo yakaguma anenge makore 50 akapfuura. Raichimbova bhesi guru rendege reJapan, chitsuwa chacho chakazara nezviyeuchidzo zveHondo Yenyika II. Kwose kwose, kune zvisaririra zvehondo zviri kudyiwa nengura—ndege dzehondo, pfuti dzine mabara, uye zvinoputika—zvakafukidzwa nemiti yemunyika inopisa.

Ndiwo mabhomba akasara, zvisinei, anotyisa zvikurusa. Mukati mehondo, mauto eUnited States akakanda anopfuura matani 3 600 emabhomba, napalm, uye zvitundumusere musere paTōrwā, uye mauto eJapan akanga ane matura awo amene emabhomba nezvombo pasi. Nepo zvisiri zvinobvira zvikuru kuti bhomba remakore 50 raizoputika, anongogara ane ngozi, zvinotsanangura chikonzero nei mapoka okubvisa mabhomba akashanyira chitsuwa chacho kashanu kubva muna 1945, gore rakapera hondo.

Takashamisika kana nyevero yacho yakanga iri yechokwadi chaizvoizvo, naizvozvo takafamba tichienda kunharaunda uko boka rokubvisa mabhomba rakanga rauya kumahombekombe ndokutaura navo. Haisi nyevero bedzi yakanga iri yechokwadi, vakataura kudaro, asi kuputika kwemabhomba kwaizovamba mukati meawa! Kudai taisazovanda mugomba, takaudzwa kuti, taizofanira kubva pachitsuwa chacho pakarepo.

Shamwari yedu yakasarudza kuramba iri muTōrwā ndokuwana dziviriro mugomba rokuvanda rechigwagwagwa nedzimwe mhuri dzinoverengeka. Akazotiudza gare gare kuti mafafitera bedzi aiva mugomba rekongiri rakare iri akanga ari maburi okubudisa nawo pfuti uye kuti, mukati macho, makanga muchipisa zvisina kunaka uye makatsvikinyidzanwa. Kupedzera zuva imomo kwakadzosa kuyeuka makore ehondo, uye akareurura kuti kunyange zvazvo mabhomba aiputika aimunakidza semwana, zvino airatidzika kuva anotyisa zvikuru.

Murume wake akanga abvuma kutiendesa kuWollet Island, mamaira mashanu kubva ipapo, muigwa duku rine mota kunze. Tichangobva kuenda takanzwa kurira kukuru. Tichicheukira kuTōrwā, takaona utsi huchipfungaira pedyo nenharaunda inogara vanhu yechitsuwa chacho. Nokukurumidza, kwakava nokumwe kuputika uye ipapo kuputika kwechitatu, kukuru zvikuru.

Takapedza zuva racho tichichiparidza paWollet, uye rakanga riri zuva rakanga rine kuputika kwemabhomba ari kure panhambo nenhambo. Mabhomba ekare akanga awanwa akaiswa chiratidzo mwedzi inoverengeka pamberi pezvi. Zvinoputika zvehondo zvakawanikwa pose pose—kumahombekombe, panomhara ndege, uye kunyange muzvivanze zvevanhu! Kuderedza nhamba dzokuputika, boka rokubvisa mabhomba rakanga raunganidza mabhomba maduku anoverengeka ndokuaputitsa pamwe chete.

Zuva rakanga rotovira apo takadzokera kuTōrwā. Sezvatakaswedera pedyo nechitsuwa chacho, takacherekedza kuti utsi hwakarovedzeka hwemoto wokubika hwakanga husipo. Takaziva kuti chimwe chinhu chakanga chisina kururama. Kamwe kamwe, igwa duku rakamhanya rakananga kwatiri, richitinyevera kusamboswedera pedyo. Rimwe bhomba guru rakanyura rakanga rasara kuti riputitswe pedyo nedhunduru rematombo ari mumvura. Nokudaro, sezvatakafamba tichibva pamaombekombe rubvunzavaeni, takaona chimwe chinhu icho vanhu vapenyu vazhinjisa nhasi vasati vamboona—kuputika kwepasi pemvura kwebhomba reHondo Yenyika II, rakakanda mvura neutsi mazana emafiti zvichipinda mumhepo!

Nenzira inofadza, hapana munhu wepaTōrwā akakuvadzwa zuva iroro. Ko boka rokubvisa mabhomba pakupedzisira rakazobvisa mabhomba ose akasara here? Sezvingabvira kwete. Mutungamiriri weboka racho akataura kuti aikarira vagari vepachitsuwa chacho kutsika zvimwe zvinoputika zvakawanda munguva yemberi. Chokwadika, izvozvo zvakatipa chimwe chinhu chokutaurira vanhu pamusoro pacho sezvatakapedzisa basa redu rokuparidza paTōrwā. Yakanga iri ropafadzo chaiyo kutaurira ava vanhu vepachitsuwa ichi nezvenguva apo Umambo hwaJehovha hucha“gumisa kurwa kusvikira kumigume yenyika.”—Pisarema 46:9.

Yakataurwa naNancy Vander Velde

[Mufananidzo uri papeji 25]

Bhomba risina kuputitswa

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe