Kuvhiya Pasina Banga
PAKUTANGA, musoro waChristine, kunyange zvazvo waibanda, wakafungwa kusave unotyisa zvikuru; kunyange zvazvo zvakadaro, wakapera muzuva rimwe. Asi ipapo Christine akavamba kuoma mutsipa. Tevere, musoro wake wakadzoka, uye akavhiringidzika—zviratidzo zvechienzi nokuda kwemunhu upi noupi, zvikuru sei mwana ari pasi pemakore masere okukura.
Pachipatara kunzvera kunonzi computed tomography (CT) kwakaratidza kuti Christine akanga ane arteriovenous malformation (AVM) muuropi hwake—mamiriro ezvinhu umo tsinga dzinobva neropa kumwoyo dzinopiringana nedzinodzosa.a Pasina kurapwa, Christine pakupedzisira aigona kuita sitiroko inouraya.
Kutozosvikira makore mashomanene apfuura maAVM akadaro aigona kurapwa bedzi nekuvhiya uropi. Mumaitiro aya anovhiya anodhonzera shure ganda remusoro ocheka dehenya. Ipapo, anofanira kupinda nomutsinga dzakapindana nemasero ouropi kuti asvike pakakanganisika pacho. Nzvero dzezvokurapa dzinoratidza kuti mukati ma1995, kwakanga kune zvinetso mukuvhiya kunenge 12 muzana kweAVM.
Vabereki vaChristine vakasarudza inonzi Gamma Knife panzvimbo pesurgical knife. Zita racho rinotinyengerei, nokuti Gamma Knife harisiri banga chairoiro. Panzvimbo pezvo chigadzirwa chinopinza mwaranzi 201 yechiedza yakanyatsonangidzirwa mudehenya rakavharwa. Mwaranzi umwe noumwe uri woga hauna kusimba zvakakwana kuti ukuvadze masero aunopinda nomaari. Asi mwaranzi yose 201 inonangidzirwa nokungwarira kuti isangane ndokubudisa mwero wakakwira wechiedza panzvimbo chaiyo yakakanganisika.
Gamma Knife mune dzimwe nzvero yakabvumikisa kuva yakachipa, uye pane zvinoitika zvishomanene zvikuru zvetapuro yepashure pokuvhiyiwa kupfuura neurosurgery iripo zvino. Asi muitiro wacho unoitwa sei?
Matanho Mana eRadiosurgery
Gamma Knife radiosurgery inoitwa mumatanho makuru mana. Rokutanga, musoro womurwere unoiswa muchitsigiro, chichaita kuti murwere ati dzi paanenge achirapwa. Rechipiri, “mepu” yeuropi hwomurwere inoitwa, zvimwe nekunzvera kweCT, magnetic resonance imaging (MRI), kana kuti angiogram. Tevere, mifananidzo yeuropi inotamisirwa kugadziriro yokuronga marapiro inoshanda nekombiyuta, iyo inotsaura pakakanganisika nokuratidza pairi chaipo.
Pakupedzisira, yava nguva yokurapa, umo musoro womurwere unoiswa muherimeti ine maburi 201 umo maranzi egamma anopinzwa namo. Urefu hwekurapa kwacho? Maminiti 15 kusvika ku45 bedzi, umo murwere anotindivadzwa zvishoma uye asinganzwi marwadzo.
Apo kurapa kwacho kunopedzwa, murwere wacho anoramba ari muchipatara kuti atariswe uye kazhinji kazhinji anobudiswa mangwanani anotevera. Ndizvo zvazvakanga zvakaita naChristine, adudzwa pakuvamba. Akarapwa neChina, akabudiswa neChishanu, uye akanga adzokera kuchikoro Muvhuro wakatevera wacho.
Chii Chinoitika kuAVM?
Radiosurgery haiparadzi chaizvoizvo kukanganisika kwetsinga. Panzvimbo pezvo, inoparira masero etsinga dzacho kuwanda, nokudaro ichidzivisa ropa kuerera richienda panzvimbo ine chinetso. Somugumisiro, zvichida mugore rimwe kana kuti maviri, tsinga dzinenge dzakuvara dzinovharwa chose chose. Ipapo pakakanganisika tsinga paya panodukupa uye pakupedzisira panopedzwa nomuviri.
Gamma Knife yakashandiswawo kurapa mapundu omuuropi ane ngozi duku anooneka paanogumira zvakajeka pamwe chete nemamwe mapundu anopararira, anoparadzirwa achienda kuuropi achibva mukenza inenge iri mune mimwe mitezo yemuviri. Mukuwedzera, yakaratidza migumisiro inovimbisa netrigeminal neuralgia (mamiriro ezvinhu anorwadza anotapura tsinga dzokumeso), pfavi, hosha yeParkinson, uye zvimwe zviitiko zvemarwadzo anorapika.
Chokwadika, kuchine mamwe mapundu omuuropi nemamiriro ezvinhu anoramba kurapwa neGamma Knife. Kana kufambira mberi kweneurosurgery kuchatungamirira kukurapa kunoshanda zvikuru takamirira kuzviona. Panguva ino, Gamma Knife radiosurgery inopa tariro kuvarwere vazhinji vane mapundu muuropi.
[Mashoko Omuzasi]
a Kunzvera kweCT iX ray yemutezo womuviri.
[Bhokisi riri papeji 21]
Kuvamba kweRadiosurgery
Gamma Knife yakavambwa anenge makore 50 akapfuura nachiremba wetsinga Lars Leksell uye biophysicist Börje Larsson. Leksell akawana kuti kurapa kumwe, kwakasimba kwokuparadza kwaigona kuparadza zvikanganiso zvakakomba zvomuuropi pasina kuvhiya—nokudaro pasina kubuda ropa kana kuti ngozi yokutapurwa.
Leksell akadana muitiro wake mutsva kuti stereotactic radiosurgery. Pakupedzisira, vanachiremba vakava vave nomutoo wokurapa nawo nzvimbo dzaimbova dzisingasvikiki dzeuropi, vasingafaniri kushandisa banga kupfuura zvisina kunaka nomutsinga dzakawanda dzisingatani kukuvara nemasero europi. Zvisinei, kushandiswa kweuyu muitiro mutsva kwaifanira kumira kwamakore akawanda nokuda kwokuvambwa kweunyanzvi hwazvino uno hwokuita mifananidzo, zvakadai sekunzvera kweCT neMRI, kunogona kuratidza vanovhiya chaizvoizvo pokunangidzira chiedza chacho. Nzvimbo yokutanga yeGamma Knife yakaiswa muStockholm muna 1968.
[Mifananidzo iri papeji 20]
MATANHO MANA EGAMMA KNIFE RADIOSURGERY
1. Kuisa furemu
2. Kuita mifananidzo yeuropi
3. Mifananidzo yekombiyuta inobetsera kuronga kurapa
4. Nhambo yokurapa
[Kwazvakatorwa]
Mifananidzo yakagoverwa neElekta Instruments, Inc., vagadziri veGamma Knife®