Zvapupu zvaJehovha muRussia
Murangariro Wenyanzvi Yezverudzidziso
MUROMA, vatungamiriri venzanga vechiJudha muzana rokutanga ramakore vakati pamusoro pechiKristu: “Kana iri dzidziso iyi, tinoziva kuti inorambwa kwose kwose.” Vatungamiriri ivavo vakaitei? Zvinorumbidzwa, vakaenda kumuapostora Pauro, uyo akanga asingabvumidzwi kubva pamba, ndokuti: “Asi tinoda kunzwa kwauri zvaunofunga.” (Mabasa 28:22) Vakateerera muKristu aiziva panzvimbo paavo vaishora chiKristu.
Sergei Ivanenko, nyanzvi yezverudzidziso inoremekedzwa yekuRussia, yakaita zvakafanana. Kunyange zvazvo aidavira mishumo yakawanda isina kunaka pamusoro peZvapupu zvaJehovha yakanga ichitenderera muRussia, akasarudza kushanyira hofisi yebazu yeZvapupu, iri pedyo neSt. Petersburg, kuti awane mashoko. Akabvuma kokero yokuti ashanye ikoko, abvunze mibvunzo, uye acherekedze Zvapupu zvakananga.
Pakasvika VaIvanenko muna October 1996, zvivako zvinogara vanenge 200 vemitezo yevashandi vepabazu reZvapupu zvaJehovha muRussia zvakanga zvava pedyo nokupedzwa. Kwemazuva matatu akatevera, vakapiwa mukana wekucherekedza nzvimbo yaivakwa, kudya zvokudya mukamuri rokudyira, uye kubvunzurudza ani naani wavaida.
Nyaya iyo VaIvanenko vakanyora pamusoro peZvapupu yakabudiswa mupepanhau rakakurumbira revhiki nevhiki reRussia rinonzi Moscow News raFebruary 16-23, 1997. Nyaya yacho, yakanga ine musoro unoti “Tinofanira Kutya Zvapupu zvaJehovha Here?,” yakabudawo muchinyorwa chechiNgezi cheMoscow News, chemusi waFebruary 20-26. Sezvo varavi vakawanda veMukai! vachifarira zvikuru basa reZvapupu zvaJehovha zvemuRussia, pano tinobudisazve, nebvumo, hurusa yenyaya yacho. VaIvanenko vakavamba nechakaitika chinotevera, chakabudiswa nemavara matema makuru:
“‘Vemasekete, budai muRussia!’ airava kudaro mashoko akanga achivheyeswa nemitezo yebato raZhirinovsky reLDPR yairambidza musangano weZvapupu zvaJehovha. ‘Chii chausingadi pamusoro pesangano iri?’ Ndakabvunza mumwe wevakanga vachirambidza. Akanditambidza kopi yepepa reMegapolis-Express rakanga rine musoro mukuru waiti ‘Hosha Yerudzidziso Yatanga muKamchatka.’ Pepa racho rakati kuti zvizadze mabhokisi emari esangano racho, Zvapupu zvaJehovha zvakanga zvichitsvakira zvifeve vokuita navo ufeve uye kutarisira mapoka echihure, zvichiparadzira zvirwere zvinoparadzirwa muvatano pakati pevafambisi vengarava. ‘Uri mumwewo wevakaitirwa izvozvo here?’ Ndakabvunza ndichimunzwira tsitsi, ‘Unodavira mashoko aya here?’ ‘Hazvina basa,’ akandipindura kudaro. ‘Chinhu chikuru ndechokuti sekete iri rekuAmerica riri kuparadza umudzimu hweRussia netsika, uye tinofanira kurimisa.’”
Nyaya yakanyorwa naVaIvanenko yakatevera pasi pomutsetse muduku unoti: “Yakanyorwa naSergei Ivanenko, nyanzvi yezverudzidziso, mudzidzi weuzivi.”
“Zvirokwazvo kutendeseka kwakadai hakuwanzowanika, kunyange zvazvo chiri chokwadi kuti vaRussia vakawanda havafungi nenzira yakanaka zvikuru pamusoro peZvapupu zvaJehovha. Kungodudza kamwe chete iri sangano kunoita kuti vanhu vataure tsinhiro dzakawanda pamusoro pekunyanyisa kwaro kwakaipa, matangire arakaita kuAmerica, kutenda kwekusaziva kwemitezowo zvayo muvatungamiriri vesangano, uye kudavira kuti tasvikirwa nemugumo wenyika. Zvapupu zvaJehovha zvinorangarirwa nevakawanda nokutya kwakasangana nokuda kuziva.
“Rudzidziso Urwu Chii, uye Tinofanira Kurutya Here?
“Kuti ndizvizivire izvi, ndakashanyira musha weSolnechnoye muruwa rweKururtnoye, St. Petersburg, umo mune dzimbahwe rinodzora Zvapupu zvaJehovha zveRussia.
***
“[Apa] panzvimbo yeyaichimbova nzvimbo yekuzororera munguva yezhizha. Pakasvika 1992 chivako [chepakutanga] chakanga chasakara zvakaipa, uye vana vakanga vatsiviwa nevasina pokugara nemakonzo akawanda. Sezviri pachena kwakanga kuri kusakara kwenzvimbo yacho kwakabetsera Zvapupu zvaJehovha kuwana munda wacho wemaeka manomwe wekushandisa kwenguva isingazivikanwi. Vakagadziridza zvivako zvekare uye vakatangawo kuvaka zvitsva, kubatanidza chivako chemahofisi chine nhurikidzwa ina, [Horo yoUmambo] inogara vanhu 500, uye kamuri rokudyira. Zvapupu zvaJehovha zviri kudyarawo uswa (hwakaodwa zvakananga kubva kuFinland) nemarudzi akasiyana-siyana emiti. Basa riri kukarirwa kupera muzhizha riri kuuya iri. Basa guru redzimbahwe remahofisi nderekuronga basa rekuparidza nokutumira mabhuku kuungano dzemunzvimbomo dzeZvapupu zvaJehovha. Solnechnoye haina michina yekudhinda yayo yoga, nokudaro mabhuku emuRussia anodhindwa muGermany, ipapo anotumirwa kuSt. Petersburg, kubva ikoko anozoparadzirwa kunharaunda. Vanhu vanenge 190 vanoshanda panzvimbo yacho. Vanoshanda nokuzvipira uye kunyange zvazvo vasingapiwi mari, vanogoverwa zvinhu zvose zvinokosha, zvakadai sepokugara, zvokudya, uye zvipfeko.
“Basa renzvimbo yacho rinodzorwa nedare revakuru 18. Vasily Kalin ave ari mutsinhanisi wenzvimbo yemahofisi kubvira muna 1992. Akaberekerwa muIvano-Frankovsk. Muna 1951, pazera remakore mana, iye nevabereki vake vakadzingirwa kuSiberia (muna 1949 na1951 mhuri dzinenge 5 000 dzakatambudzwa nezviremera nemhaka yekuva Zvapupu zvaJehovha). Akabhabhatidzwa muna 1965 uye akagara munharaunda yeIrkutsk. Akashanda saforomani pafemu inogadzira miti.
“Kunze kwevazvipiri vepadzimbahwe kunewo vazvipiri 200 vanovaka vanobva kuRussia, Finland, Sweden, uye kuNorway vanogara muSolnechnoye: Vazhinjisa vavo vakatora marivhi kumabasa avo enguva dzose. Kunewo Zvapupu zvaJehovha zvakawanda zvinobva kuUkraine, Moldova, Germany, United States, Finland, Poland nedzimwe nyika. (Zvapupu zvaJehovha hazvina rusaruro. Pasinei zvapo nokuti vaGeorgia, vaAbkhazia, vaAzerbaijan uye vaArmenia vanogara pamwe chete panzvimbo yacho, mumakore mana hapana kumbova nokukakavadzana kumwe chete.)
“Zvokuvakisa zvakawanda zvikurusa nemidziyo zvakagoverwa nenyika dzekuScandinavia, uye zvakawanda zvakagoverwawo pasina mubhadharo nevavanonamata navo. Ndakaratidzwa katapira rakaunzwa kuSolnechnoye neChapupu chaJehovha chekuSweden muna 1993. Chakarigadzira nguva yose yachakanga chiri ikoko, uye chisati chaenda kumusha chakaripa hama dzacho mukutenda. Vashandi vanovaka vanogara mudzimba dzakanaka nemakoteji. Zuva ravo rakadai: 7:00 a.m.—chisvusvuro neminamato; vanoshanda kubva na8:00 a.m. kusvikira na5:00 p.m. neawa yekudya kwemasikati. PaMigovera vanoshanda kusvika panguva yekudya kwemasikati, uye Svondo izuva rekuzorora.
“Vanodya zvakanaka uye nguva dzose panenge pane muchero pazvinodyiwa. Rudzidziso rwacho haruchengeti kutsanya kupi nokupi kana kuti kuganhurira chaiko zvokudya. Pashure pokupedza basa, vakawanda vanogeza nemvura inodziya uye ipapo vanotora doro ndokungogara vachiteerera nziyo. Hapana zvidhakwa pakati peZvapupu zvaJehovha, asi zvinwiwa zvinodhaka hazvirambidzwiwo. Vatendi vanobvumidzwa kunwa zvitsama zvine mwero zvewaini, cognac, vodka zvichingodaro. Zvisinei, Zvapupu zvaJehovha hazvisvuti fodya.
***
“Katatu pavhiki kune makirasi ekufunda Bhaibheri, anopindwa zvikurukuru nevanhu vaduku. Zvisinei, hazvishamisi kuona avo vave vari Zvapupu zvaJehovha kwemakore 30-40. Vanenge vakura vose vakapedza nguva vari mumatorongo, misasa yevasungwa uye vadzingwa munyika. Pashure pokunge nguva yekudzvinyirirwa yaguma, vanachiremba vakawanda, magweta, mainjiniya, vadzidzisi, vanamuzvinabhizimisi, uye vadzidzi vakakumbanira Zvapupu zvaJehovha.
“Ungano dzinoedza kuchengetedza mamiriro ezvinhu okuenzana pakati pemitezo yadzo. Somuenzaniso, kunyange mutsinhanisi wedzimbahwe anosuka ndiro kana dzoro rake rasvika. Zvapupu zvaJehovha zvinodana mumwe nomumwe nenzira youshamwari uye zvinowedzerawo kuti ‘hama’ kana kuti ‘hanzvadzi’ pazvinodana munhu nezita rake.
“Apo Chapupu chaJehovha chinoputsa dzidziso dzeBhaibheri ndokuramba kupfidza, chinopiwa chirango chakakomba zvikurusa—chinodzingwa. Munhu wacho anogona kungopinda misangano, asi haakwaziswe zvekare nevaanonamata navo. Chirango chisina kukomba zvikuru kutsiurwa.
***
“Ndakapedza nguva refu ndichicherekedza Zvapupu zvaJehovha ndichiedza kuziva chakaunza vanhu vakawanda kwazvo vakasiyana-siyana kusangano iri rerudzidziso. Nemisiyano yose muunhu hwazvo, dzidzo yakasiyana uye zvinoda munhu oga nezvaasingadi, [Zvapupu zvaJehovha hazvigoverani mukunamata] nemarudzidziso anobvumirana pane zvisina kufanira nenyika inotadza. Hazvinzwi zvakasununguka munzvimbo idzo [vanhu] vanofanira kubvuma chiremera vasingazivi, dzinodavirwa zvisinganzwisisiki, idzo vanhu vanoparadzaniswa mukuva vatungamiriri nevanhuwo zvavo.
“Zvapupu zvaJehovha zvakatanhamara nokudavira kwazvo kwakasimba mukurarama maererano neBhaibheri. Zvinoedza kubvumikisa zvose zvazvinoita nenheyo dzakasiyana-siyana dzeBhaibheri, kana kuti nokutaura chikamu chemashoko chemuTestamende Yekare kana kuti Itsva. Zvapupu zvaJehovha zvinodavira kuti Bhaibheri uye Bhaibheri bedzi ndiro rine mhinduro dzemibvunzo yose. KuZvapupu zvaJehovha, Bhaibheri ndiro bumbiro remitemo, nheyo dzevanhu uye kutaurwa kwakakwirira zvikurusa kwechokwadi.
“Nokuda kwechikonzero ichi Zvapupu zvaJehovha zvinozivikanwa munyika yose sevanhu vanoteerera mutemo zvikuru uye zvikurukuru nokuda kwemurangariro wazvo wekungwarira pakuterera mitero. Vashandi vehofisi yekunzvera mitero nguva dzose vanozvinzvera uye vanoshamiswa kuti nguva imwe neimwe hapana kuputsa mutemo kupi nokupi. Chokwadika, Zvapupu zvaJehovha zvingagona, kufanana nevamwe vakawanda, kuedza kuwana chikonzero chekusaterera mitero, asi Bhaibheri rinotaura kuti munhu anofanira kutendeseka mukubhadhara mitero, uye kuZvapupu zvaJehovha iri ndiro shoko rokupedzisira.
“Zvisinei, kubonderana kwakasimba pakati peZvapupu zvaJehovha nehurumende kazhinji kazhinji kunotangira pachimiro chazvo chekusabvumirana pane zvisina kufanira neBhaibheri. Chimiro chazvo chekusava vezvematongerwe enyika zvachose chose ndicho nhau huru inoitiranwa nharo, uye chinozviratidza mukuramba kwazvo kushanda mumauto.
“Zvapupu zvaJehovha zvinodudzira mashoko aJesu sezvaari pamusoro pekusava rutivi rwenyika ino kwevadzidzi vake noumambo hwake, uye nokuda kwechikonzero ichi zvinoramba kutora rutivi muzvematongerwe enyika nehondo, pasinei zvapo nokuti ndokupi kwairi kurwirwa uye kuti nei iri kurwiwa. Nemhaka yokuti Zvapupu zvaJehovha zvakaramba kudanidzira kuti ‘Rumbidzai Hitler’ uye kushanda mumauto aHitler, zviuru zvakawanda zvevatendi zvakaendeswa kumisasa yevasungwa yeNazi, uye zviuru zvakafa. Chapupu chaJehovha cheGermany chimwe nechimwe chakarasikirwa noupenyu hwacho nokuda kwokuramba kutora rutivi mukurwisa Soviet Union, chinorangarirwa nevaRussia semunhu akaita chiito chetsika zvikuru. Panguva imwe chete, zvisinei, vaRussia vakawanda havanzwiri tsitsi Zvapupu zvaJehovha [zveRussia] izvo zvakapondwa nokuda kwokuramba kutora zvombo uye kutora rutivi muHondo Yenyika II, kana kuti zvakapomerwa mhosva yekuramba kushanda mumauto mukati menguva yerugare. Asi muzviitiko zvose zviri zviviri Zvapupu zvaJehovha zvakanga zvichiita maererano nezvitendero zvazvo zverudzidziso uye kwete zvitendero zvematongerwe enyika.
“Kasiri kare chinetso chakafanana chakamuka muJapan, uko vamwe vadzidzi vakanga vari Zvapupu zvaJehovha vakaramba kudzidza nzira dzekuzvidzivirira nadzo vakapinda mungozi yekudzingwa payunivhesiti. Muna 1996 Supreme Court yeJapan yakapa chisarudzo chinotsigira kodzero dzevadzidzi ava uye chakavabvumira kudzidza zvimwe zvidzidzo.
***
“Chii pamusoro peZvapupu zvaJehovha chinoshamisa vanhu vanofunga vezuva razvino uno? Kupfuura zvose kuparidza kwazvo nguva dzose kuti mugumo wenyika wava pedyo (zvinoita basa reufundisi pamigwagwa nepasuo nesuo). Nguva pfupi yapfuura vakuru vakarayira vaparidzi kuti vasasimbisire ‘mugumo wenyika’ uye jambwa rakaipa richawira vatadzi, asi panzvimbo pezvo kuti vatsanangurire vateereri kuti Jehovha ari kuvapa mukana wekuti vave no‘upenyu husingaperi muparadhiso pasi pano.’
“Imwe nhau inogumbura murangariro wakashata weZvapupu zvaJehovha kukunamata kwakavhengana, uye kuramba kwazvo kubatana kwemarudzidziso akawanda. Zvinodavira kuti chiKristu hachina kuvimbika kuna Mwari neBhaibheri, uye kuti mamwe marudzidziso ose chikanganiso chine ngwavaira. Zvapupu zvaJehovha zvinoenzanisa marudzidziso aya ne‘mhombwe yeBhabhironi,’ uye zvinotaura kuti jambwa rimwe chetero richaawira. Chinyorwa chemisi ichangobva kupfuura che‘Mukai!’ chinotaura kuti mugumo wemarudzidziso akasiyana-siyana wava pedyo, uye kuti rudzidziso bedzi rucharamba ruripo ndirwo rwuri kuparidzwa neZvapupu zvaJehovha.
“Sezvineiwo, Zvapupu zvaJehovha zvinobvuma kodzero yemunhu mumwe nomumwe yerusununguko rwehana.
***
“Nyika dzakati dzakatotaura kunetseka kwadzo pamusoro pokuti dzidziso dzeZvapupu zvaJehovha dzinotyisidzira nzanga here kana kuti kwete. Supreme Court yeruwa rweConnecticut, United States (1979) neNew South Wales, Australia (1972), Provincial Court yeBritish Columbia, Canada (1986) uye mamwe matare akazivisa kuti hapana ufakazi hwokuti Zvapupu zvaJehovha zvinotyisidzira nzanga, kana kuti zvinotyisidzira utano hwevanhu kana kuti ndangariro. European Human Rights Court (1993) yakatsigira kodzero yeZvapupu zvaJehovha yerusununguko rwerudzidziso, rwakanga rwakaganhurirwa muGreece neAustria. Nhasi Zvapupu zvaJehovha zviri kutambudzwa munyika 25 . . .
“Zvapupu zvaJehovha zvinogona kurangarirwa somuenzaniso kuvazvinogara navo munyika nokuda kwekuzvipira kwazvo kuchokwadi cheBhaibheri uye kudisa kwazvo kutsigira zvitendero zvazvo pasina udyire. Asi mubvunzo unomuka ndewokuti: Nzanga yedu yakagadzirira here kugovera vimbiso dzebumbiro remitemo dzerusununguko rwehana kumasangano anosimbisa mutoo wawo weBhaibheri mumativi ose oupenyu nenzira yekunyanyisa yakadaro uye yekusabvumirana pane zvisina kufanira?”
Mumutsetse uyu wekupedzisira, VaIvanenko vakamutsa mubvunzo unokosha. Muzana rokutanga ramakore, muapostora Pauro, akasarudzwa zvakananga naKristu kuti abatire semumiriri wake, akatambura nenzira isina kururama mu“usungwa.” Nokudaro, Pauro akanyorera vatendi biyake pamusoro penhamburiko dzake mu“kutavirira nokusimbisa Evhangeri.”—VaFiripi 1:7; Mabasa 9:3-16.
Nhasi Zvapupu zvaJehovha zvinobvuma kuti vose vanzvere basa razvo zvakakwana, sezvakaita VaIvanenko. Tinovimba kuti kana vanhu vakadaro, vachaona kuti mishumo yakaipa pamusoro peZvapupu haisi yechokwadi, kungofanana nemishumo yakadaro pamusoro pevaKristu vepakuvamba yakanga isiri yechokwadi. Nenzira yakatanhamara, Zvapupu zvinoteerera “murayiro mutsva” uyo Jesu akapa vadzidzi vake: “Mudane, sezvandakakudai imi.”—Johane 13:34, 35.
[Bhokisi riri papeji 15]
Fayira reMN
(Mashoko anotevera anobva mumafayira eMoscow News akadhindwa pamwe chete nenyaya iyi yakanyorwa naSergei Ivanenko.)
“Zvapupu zvaJehovha zveRussia rutivi rwesangano rechiKristu rinoshanda remunyika yose munyika 233 uye rine mitezo mamiriyoni 5,4. Zvapupu zvaJehovha zvinotevera nhungamiro yemudzimu yeMutumbi Unodzora uri muBrooklyn, New York. Sangano remuzuva razvino uno reZvapupu zvaJehovha rakakura kubva mukirasi yekufunda Bhaibheri yakaumbwa muna 1870 naCharles Taze Russell muPittsburgh, Pennsylvania. Sangano racho rakauya kuRussia muna 1887. Mumwe weZvapupu zvaJehovha zvokutanga muRussia, Semyon Kozlitsky, akadzingirwa kuSiberia achibva muMoscow muna 1891. Pasinei zvapo nokutsungirira kutambudzwa kwakaita sangano racho, muna 1956 muSoviet Union makanga mune Zvapupu zvaJehovha 17 000. Zvapupu zvaJehovha zvakabvumwa muRussia muna 1991, pashure pekupasiswa kwemutemo we‘Rusununguko Rwerudzidziso.’ Nhasi muRussia mune mapoka anopfuura 500 ane mitezo inoshingaira inenge 70 000. Sangano racho rinoparadzira makopi e‘Nharireyomurindi’ (anobudiswa mumitauro 125, inodhindwa makopi ane mamiriyoni 20) uye ‘Mukai!’ (mumitauro 81, inodhindwa makopi ane mamiriyoni 18.”
[Mufananidzo uri papeji 15]
Rutivi rwechivako chehofisi yebazu muRussia
[Mufananidzo uri papeji 16]
Zvapupu zvaJehovha zvinosangana mumapoka makuru
[Mifananidzo iri papeji 17]
Mhuri dzeZvapupu dzinofunda uye dzinofarikanya nhandaro pamwe chete
[Mifananidzo iri papeji 18]
Zvinogoverana zivo yeBhaibheri nevamwe