RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g98 3/8 pp. 7-9
  • Nyika Isina Utsotsi Iri Kuuya Nokukurumidza!

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Nyika Isina Utsotsi Iri Kuuya Nokukurumidza!
  • Mukai!—1998
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Dzidzo Iri Madikanwa
  • Mauyire Achaita Nyika Itsva
  • Nyika Itsva yaMwari Yava Pedyo
  • Kuwana Chinogadzirisa Chaicho—Zvinokwanisika Here?
    Mukai!—2003
  • Nyika Ino Yakanangepi?
    Mukai!—2007
  • Apo Nyika Itsva Ichauya
    Mukai!—1993
  • Mibvunzo Mina Yezvokuguma Inopindurwa
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2010
Ona Zvimwe
Mukai!—1998
g98 3/8 pp. 7-9

Nyika Isina Utsotsi Iri Kuuya Nokukurumidza!

APO tinotarira mamiriro ezvinhu enyika nhasi, zvinova zvakajeka kuti zvakaoma zvikuru kuedza kudzivisa kufurirwa kuita zvisina kururama. Chaizvoizvo, tose zvedu tinoberekwa tisina kukwana, tisingatani kuita zvisina kururama. (1 Madzimambo 8:46; Jobho 14:4; Pisarema 51:5) Uye sezvo Satani Dhiyabhorosi akadzingwa kudenga, ari kuita nhamburiko huru dzaasina kumboita kare kuti aparire nhamo.—Zvakazarurwa 12:7-12.

Migumisiro yacho yave yakaipa zvikuru. Kunzverwa kwevana 4 000 muScotland kwakaratidza kuti, somuenzaniso, zvikamu zviviri muzvitatu zveavo vari pakati pemakore 11 ne15 vakanga vatoita utsotsi kare. Kunzvera kwakaitwa muBritain yose kwakaratidza kuti anenge wechiduku mumwe chete muvatatu akanga asina matyira okuba muchitoro. Uye vanopfuura hafu vakabvuma kuti kana vaizopiwa chenji yakawandisa, vaizoitora.

Bhuku reItaly Lʹoccasione e lʹuomo ladro rinotaura chikonzero nei vanhu vakawanda “vachirega kuputsa mitemo.” Rinogumisa kuti chikonzero chacho hachisi chokuti va“notya kurangwa nomutemo asi kuti vane mavara etsika anovadzivisa kuita kudaro.” Ndekupi uko vanhu vanogona kudzidza mavara akanaka akadaro?

Dzidzo Iri Madikanwa

Naizvozvo, rangarira zvinodzidzwa mumikoto yakasiyana-siyana yekurukurirano. Somuenzaniso, shoko rinowanzoziviswa nemabhaisikopo neterevhizheni nderokuti masimba masimba, upombwe, uye mufambiro wakaipa zvinogamuchirwa. Hazvishamisi, naizvozvo, kuti vanhu vane mwero wakaderera kudaro wekuzvidzora. Bhaibheri, kune rumwe rutivi, rinodzidzisa nokuchenjera kuti: “Une mwoyo murefu unopfuura une simba; unodzora mweya wake, unopfuura unotapa musha.”—Zvirevo 16:32.

Tichirangarira mashoko anoparadzirwa anhasi, hazvifaniri kushamisa kuti vakawanda “havakwanisi kurega kuzvigutsa.” Zvichidzokororwa zvadzokororwazve, vanhu vanonzwa kuti: “Tenga iye zvino wozobhadhara gare gare.” “Zvifadze.” “Wakakodzera kuwana zvakanakisisa.” “Zviitire hanya.” Kuzvigutsa kunoratidzirwa kwose kuri kuviri sekunogamuchirwa uye kwakanaka. Asi murangariro wakadaro wokuzvifunga unopesana nedzidziso yeBhaibheri pamusoro poku“reg[a] kutarira zvake, asi ngaatarire zvavamwewo.”—VaFiripi 2:4.

Haungabvumi here kuti vazhinjisa vasina kutendeseka vanoshandisa mukana uri wose? Nenzira isingafadzi, kune nhamba dzinowedzera dzevanhu vanodisa kushandisa mamiriro ezvinhu kuti zvivanakire. Havabvunzi kana chiito chakati kuti chiri tsika yakarurama. Chavanoitira hanya bedzi ndechokuti, ‘Ndinogona kuzviita ndisingabatwi here?’

Chii chinodikanwa? Sezvadudzwa pamusoro apa, mavara etsika anodikanwa. Iwaya achadzivisa vanhu kuita zviito zvoutsotsi, kusaremekedza utsvene hwoupenyu, kufuratira utsvene hweroorano, kudarika miganhu yomufambiro wakarurama, uye kana kuti zvimwe kudzongonyedza kodzero dzevamwe. Avo vasingadzidzi mavara akadaro, sezvinotaura Bhaibheri, vanova “vasisina kana nepfungwa yose zvayo yokuzvibata.” (VaEfeso 4:19, NW) Mufambiro woutsotsi wevasingadi Mwari vakadaro ndiwo unotitadzisa kufarikanya nyika isina utsotsi.

Mauyire Achaita Nyika Itsva

Chokwadika, vanhu vakawanda vanoedza nepavanogona napo kuva vakatendeseka, kubata vamwe vavo noruremekedzo nokurangarira, uye kurega zvisingabvumirwe nomutemo. Asi kwaizova kusachenjera kufunga kuti munhu wose munyika achaita nhamburiko iyoyi. Vakawanda havazoiti kudaro, kunyange sezvakangoita vazhinjisa vakararama mumazuva omunhu akarurama Noa vaisada kuita zvakarurama. Munyika iyoyo yakazadzwa nemasimba masimba, Noa bedzi nemhuri yake vakarega miitiro isingadiwi naMwari, zvichivawanisa tendero yaMwari. Kupfurikidza nokubvisa vasingadi Mwari muMafashamo enyika yose, Musiki wedu akaunza kwechinguvana nyika yakanga isina utsotsi.

Zvinokosha kuyeuka kuti nhoroondo yeBhabheri yeMafashamo nokuparadzwa kwevasingadi Mwari inopfuura nyayawo zvayo inonakidza. Jesu Kristu akatsanangura kuti: “Sezvazvakanga zvakaita namazuva aNoa, ndizvo zvazvichaitawo namazuva oMwanakomana womunhu.” (Ruka 17:26; 2 Petro 2:5; 3:5-7) Sekuparadza kwakaita Mwari nyika iyoyo yamasimba masimba yaivako Mafashamo asati aitika, achaparadzawo nyika ino yakazadzwa neutsotsi.

Tine idi rinotevera rinobva kuchiremera chakanaka, sezvakataurwa nomuapostora anodiwa waJesu Johane kuti: “Nyika inopfuura nokuchiva kwayo; asi unoita kuda kwaMwari, unogara nokusingaperi.” (1 Johane 2:17) Kuguma kwenyika ino kuchadziurira nzira nyika itsva umo, Bhaibheri rinoti, “[Mwari] uchagara [norudzi rwomunhu], ivo vachava vanhu vake; Mwari amene uchava navo, ave Mwari wavo. Uchapisika misodzi yose pameso avo; rufu haruchavipo, kana kuchema, kana kurira, kana kutambudzika hazvingavipo.”—Zvakazarurwa 21:3, 4.

Richirondedzera mauyire achaita nyika itsva iyoyo, Bhaibheri rinotiwo: “Asi vakaipa vachaparadzwa panyika; vanoita nokunyengedzera vachadzurwapo.” (Zvirevo 2:22) Vakarurama bedzi vasara pasi pano, uporofita uhu hweBhaibheri huchazadzika: “Asi vanyoro ndivo vachagara nhaka yenyika; ndivo vachafarikanya kwazvo norugare rukuru.”—Pisarema 37:11.

Munyika itsva yaMwari, kunyange mhuka dzichava dzisingakuvadzi. Bhaibheri rinofanotaura kuti: “Bere richagara negwayana, ingwe ichavata pasi nembudzana, nemhuru nomwana weshumba nechipfuwo chakakora pamwe chete; uye mwana muduku uchadzitungamirira. . . . Hazvingakuvadzi kana kuparadza pagomo rangu rose dzvene, nokuti nyika yose ichazara nokuziva Jehovha, sezvinofukidza mvura pasi pegungwa.”—Isaya 11:6-9; 65:17; 2 Petro 3:13.

Nyika Itsva yaMwari Yava Pedyo

Mashoko akanaka ndeokuti mamiriro ezvinhu orugare akadaro achakurumidza kuvapo kupote pasi rose. Tinogona sei kuva nechokwadi kudaro? Nemhaka yezvakaporofitwa naJesu kuti zvaizoitika nokukurumidza mugumo wenyika usati waitika. Pakati pezvimwe zvose, akafanotaurawo kuti: “Nokuti rudzi ruchamukira rudzi, noushe huchamukira ushe; nenzara dzichavapo, nehosha, nokudengenyeka kwenyika kunzvimbo zhinji.” Akawedzera kuti: “Rudo rwavazhinji rwuchatonhora, nokuti kusarurama kuchawanda.”—Mateo 24:7, 12.

Muapostora waJesu akafanotaurawo kuti: “Namazuva okupedzisira [enyika ino] nguva dzokutambudzika dzichasvika. Nokuti vanhu vachava vanozvida, vanoda mari, vanozvirumbidza, vanozvikudza, vanotuka, vasingateereri vabereki, vasingaongi, vasati vari vatsvene, vasina rudo chairwo, . . . vasingazvidzori, vane hasha, vasingadi zvinhu zvakanaka, . . . vanoda zvinofadza zvenyika kupfuura Mwari.” (2 Timotio 3:1-5) Kutaura chokwadi, tiri kurarama mu“mazuva okupedzisira” enyika ino! Naizvozvo, nokukurumidza, ichatsiviwa nenyika itsva yaMwari yakarurama!

Kufunda Bhaibheri kwakapwisa mamiriyoni kuti nyika isina utsotsi inobvira, uye vari kuteerera kokero yokurayiridzwa nzira dzoMusiki wedu, Jehovha Mwari. (Isaya 2:3) Ungada kuvakumbanira here? Wakagadzirira kuita nhamburiko kuti uwane upenyu munyika itsva isina utsotsi here?

Jesu akaratidza zviri madikanwa pakutanga. Akatsanangura kuti: “Upenyu husingaperi ndihwo, kuti vakuzivei imi, Mwari uri woga wazvokwadi, naJesu Kristu, wamakatuma.” Nokudaro, garikano yako isingaperi inotsamira pakufunda kwako Shoko raMwari nokuita zvaunodzidza.—Johane 17:3.

[Mufananidzo uri papeji 8, 9]

Bhaibheri rinorondedzera nyika itsva isina utsotsi uye rinotaura kuti tingaifarikanya sei

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe