Nyika Ino Yakanangepi?
BHAIBHERI rakafanotaura kare nezvokuparara kwetsika kuripo uye rakati: “Mumazuva okupedzisira nguva dzinonetsa dzakaoma kubata nadzo dzichasvika. Nokuti vanhu vachava vanozvida, vanoda mari, . . . vasingateereri vabereki, vasingaongi, vasina kuvimbika, vasina rudo rukuru rwokuzvarwa narwo, . . . vanotyisa, vasingadi zvakanaka, vatengesi, vakaoma musoro, vanozvitutumadza nokuda kwokudada, vanoda mafaro panzvimbo pokuda Mwari, vane mufananidzo wokuzvipira kuna Mwari, asi vachikundikana kurarama maererano nesimba rakwo.”—2 Timoti 3:1-5.
Zvimwe ungabvuma kuti uprofita uhwu hweBhaibheri hunonyatsorondedzera zviri kuitika munyika mazuva ano. Asi hwakanyorwa makore anoda kusvika 2 000 akapfuura! Uprofita hwacho hunotanga nemashoko aya anoti: “Mumazuva okupedzisira.” Mashoko aya okuti “mazuva okupedzisira,” anorevei?
“Mazuva Okupedzisira” Echii?
Mashoko okuti “mazuva okupedzisira” akurumbira chaizvo. Mumutauro weChirungu chete, mashoko aya ave achishandiswa semisoro yemazana emabhuku. Somuenzaniso, chimbofunga nezvebhuku richangobva kubudiswa rinonzi Mazuva Okupedzisira Evasina Mhosva—America Ichirwa Hondo, 1917-1918 [The Last Days of Innocence—America at War]. Mashoko okutanga ari mubhuku racho anojekesa kuti parinenge richiti “mazuva okupedzisira,” rinenge richireva nguva yakatarwa, inenge yaparara tsika zvikuru.
Mashoko aro okutanga anoti, “Muna 1914 nyika yakanga iri kuchinja nokukurumidza zvikuru zvisina mukare akamboona.” Zvechokwadi, mugore ra1914 hondo yakanga isati yamboitika yakangoerekana yatanga munyika yose. Bhuku racho rinoti: “Iyi yaiva hondo huru nokuti yakanga isiri yokurwisana kwemauto maviri asi yaiva yenyika yose.” Sezvatichaona, hondo iyi yakaitika pakutanga kweanonzi neBhaibheri “mazuva okupedzisira.”
Bhaibheri rinodzidzisa kuti nyika ino isati yaguma ichatanga yapinda munguva inonzi “mazuva okupedzisira.” Chokwadi, Bhaibheri rinotaura kuti paimbova neimwe nyika yakaguma, richiti: “Nyika yepanguva iyoyo yakaparadzwa payakafukidzwa nemvura.” Zvakaitika rini, uye inyika ipi yakaguma? ‘Inyika yekare yevanhu vakanga vasingadi Mwari’ yaivapo mumazuva omurume ainzi Noa. Saizvozvowo, nyika yanhasi ichaguma. Asi vaya vanoshumira Mwari vachapona paichaguma, sezvakaita Noa nemhuri yake.—2 Petro 2:5; 3:6; Genesisi 7:21-24; 1 Johani 2:17.
Zvakataurwa naJesu Nezvomugumo
Jesu Kristu akataurawo nezve“mazuva aNoa,” ‘mafashamo paakauya akavakukura vose.’ Akaenzanisa zvinhu zvaiitika Mafashamo asati aitika—nyika iyoyo isati yaguma—nezvaizoitika munguva yaakati “kuguma kwemamiriro ezvinhu epanguva yacho.” (Mateu 24:3, 37-39) Dzimwe shanduro dzeBhaibheri dzinoshandisa mashoko okuti “kuguma kwepasi” kana kuti “kuguma kwenyika.”—Bhaibheri Rinoera, Bhaibheri Dzvene Testamende Itsva, uye Bhaibheri muNdimi yeUnion Shona.
Jesu akafanotaura zvaizenge zvakaita upenyu pasi pano nyika isati yaguma. Achitaura nezvehondo akati: “Rudzi ruchamukira rudzi noumambo huchamukira umambo.” Vanyori venhau dzakaitika kare vakati izvi zvakatanga muna 1914. Saka mashoko okutanga ari mubhuku rambotaurwa anotaura kuti mugore ra1914 ndimo makatanga “hondo huru, . . . isiri yokurwisana kwemauto maviri asi yaiva yenyika yose.”
Muuprofita hwake, Jesu akatizve: “Kuchava nokushomeka kwezvokudya nokudengenyeka kwenyika munzvimbo nenzvimbo. Zvinhu zvose izvi zvichava kutanga kwemarwadzo enhamo.” Akaenderera mberi achitaura kuti pakati pezvimwe zvaizovapo, paizova no“kuwedzera kwokusateerera mutemo.” (Mateu 24:7-14) Chokwadi tiri kuona izvi zvichiitika mazuva ano. Kuparara zvikuru kwaita tsika nhasi kuri kuzadzika uprofita hweBhaibheri!
Upenyu hwedu hunofanira kunge hwakaita sei munguva yakadai isisina tsika? Ona zvakanyorwa nomuapostora Pauro kuvaKristu vaiva muRoma maererano netsika dzakanga dzaipisisa. Akataura nezve“chido chinonyadzisa chokurara nomumwe munhu” chakanga chava nevanhu ivavo achiti: “Vanhukadzi vavo vakachinja zvavakasikirwa kuti zvive zvakasiyana nemasikirwo avo; saizvozvowo kunyange vanhurume vakasiya zvakasikirwa munhukadzi vakatsva kwazvo pakuchivana kwavo, vanhurume nevanhurume, vachiita zvinonyadzisa.”—VaRoma 1:26, 27.
Vanyori venhau dzakaitika kare vanoti kunyange zvazvo vanhu panguva iyoyo vakawedzera kunyura mumatope okuparara kwetsika, “vaKristu vashoma vaivapo vaishamisa vahedheni vaida zvemafaro asingadzorwi nokuti vaiva vakavimbika uye vaine tsika dzakanaka.” Izvi zvinofanira kuita kuti timbomira tozvibvunza kuti: ‘Zvakadii neni uye shamwari dzandinosarudza? Tinooneka takasiyana nevamwe here sevanhu vane tsika dzakanaka kusiyana nevaya vanoita unzenza?’—1 Petro 4:3, 4.
Hondo Yatinayo
Bhaibheri rinotidzidzisa kuti pasinei nounzenza huripo, tinofanira kuva “vasina chavanopomerwa nevasina mhosva, vana vaMwari vasina gwapa pakati pechizvarwa chisina kururama.” Kuti tiite izvi, tinofanira kuramba ta“kabatisisa shoko roupenyu.” (VaFiripi 2:15, 16) Mashoko aya eBhaibheri anoratidza zvinhu zvinokosha zvingashandiswa nevaKristu kuti varambe vasina kusvibiswa netsika dzakaipa—vanofanira kubatisisa dzidziso dzeShoko raMwari uye kuziva kuti mitemo yaro yetsika ndiyo yakanakisisa kwazvo muupenyu.
Satani Dhiyabhorosi “Mwari wemamiriro ezvinhu epanguva ino,” ari kuedza kuba mwoyo yevanhu. (2 VaKorinde 4:4) Bhaibheri rinotiudza kuti “anoramba achizvichinja kuva ngirozi yechiedza.” Ndizvo zvinoitawo vashumiri vake vaya vanomushumira. (2 VaKorinde 11:14, 15) Vanovimbisa rusununguko uye mafaro, asi sezvinotaura Bhaibheri “ivo pachavo vari kurarama sevaranda vokuora.”—2 Petro 2:19.
Usambotsauswa zvako. Vaya vanopira makotsi mitemo yaMwari vachapinda muna taisireva. MuBhaibheri, munyori wepisarema akati: “Ruponeso ruri kure nevakaipa, nokuti havana kutsvaka mirau” yaMwari. (Pisarema 119:155; Zvirevo 5:22, 23) Tine chokwadi nemashoko iwayo here? Kana tiine chokwadi nawo, ngatidzivirirei pfungwa dzedu nemwoyo yedu kuti tisakanganiswe nezvinhu zvinoparadzira tsika dzakaipa.
Zvisinei, vakawanda vanozvifurira vachiti, ‘Kana zvandiri kuita kusiri kutyora mutemo, saka ndiri kuita zvakanaka.’ Asi handizvo. Baba vedu vokudenga vanokubatsira norudo kuti uve netsika dzakanaka, havaomesi upenyu hwako kana kuita kuti hufinhe, asi vanokudzivirira. Ivo ‘vanokudzidzisa kuti ubatsirwe.’ Havadi kuti upinde mutsekwende, vanoda kuti ufare muupenyu. Chokwadi, sezvinodzidziswa neBhaibheri, kushumira Mwari ‘kune chipikirwa choupenyu huno nohuya huchauya.’ Ndihwo “upenyu chaihwo,” upenyu husingaperi munyika itsva yake yaakapikira!—Isaya 48:17, 18; 1 Timoti 4:8; 6:19.
Saka ona kusiyana kwakaita kunaka kwokutevera zvinodzidziswa neBhaibheri nokurwadziwa kunozoita vaya vanoisa zvimiti munzeve. Kuti Mwari atifarire uye kuti tirarame upenyu hwakanakisisa zvechokwadi tinofanira kumuteerera! Mwari anopikira kuti, “Munhu anonditeerera achagara akachengeteka, asinganetseki nokutya dambudziko.”—Zvirevo 1:33.
Vanhu Vane Tsika Dzakanaka
Bhaibheri rinotaura kuti nyika ino paichapfuura, “munhu akaipa haazovipozve.” Rinotiwo: “Vakarurama ndivo vachagara panyika, uye vasina chavanopomerwa ndivo vachasara vari pairi.” (Pisarema 37:10, 11; Zvirevo 2:20-22) Saka zvose zvinokonzera unzenza panyika zvichatsvairwa, kusanganisira vose vaya vanoomesa musoro kune zvinhu zvakanaka zvinodzidziswa noMusiki wedu. Nyika inenge iri paradhiso yakafanana neiya yakaiswa vanhu vaviri vokutanga naMwari, icharimwa zvishoma nezvishoma nevanhu vanoda Mwari.—Genesisi 2:7-9.
Chimbofunga uchirarama uchifara munyika inenge yacheneswa yakanaka samare inenge iri paradhiso! Mabhiriyoni evanhu vachamutswa vachavawo nomukana unoshamisa wokuvamo. Fadzwa nezvipikirwa zvaMwari zvinoti: “Vakarurama vachagara nhaka yenyika, vachagara mairi nokusingaperi.” “[Mwari] achapukuta misodzi yose pamaziso avo, rufu haruchazovipo, kana kuchema kana kuridza mhere kana kurwadziwa hazvingazovipozve. Zvinhu zvokutanga zvapfuura.”—Pisarema 37:29; Zvakazarurwa 21:3, 4.
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 27]
Nyika payakaguma, paiva nevanhu vaitya Mwari vakapona
[Mufananidzo uri papeji 28]
Pashure pokunge nyika ino yaguma, pasi richava paradhiso