RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g98 3/8 pp. 10-15
  • Ndakasundwa Nokuvimbika Kwemhuri Yangu Kuna Mwari

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Ndakasundwa Nokuvimbika Kwemhuri Yangu Kuna Mwari
  • Mukai!—1998
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Takatambudzirwa Kutenda Kwedu
  • Muedzo waBaba
  • Nhamo Yamai
  • Kuvamba Ushumiri Hwenguva Yakazara
  • Kusungwa Nokuiswa Mujere
  • Ushumiri Hwepashure Pejere
  • Ropafadzo Yebasa Inokosheswa
  • Kuvimba Nokutarisira kwaJehovha Kune Rudo
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2004
  • Ndingamuripa Neiko Jehovha?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2009
  • Kumirira Jehovha Nokushivirira Kubvira Paupwere Hwangu Zvichienda Mberi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1997
  • Kuchengeta Vimbiso Yangu Yokushumira Mwari
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1999
Ona Zvimwe
Mukai!—1998
g98 3/8 pp. 10-15

Ndakasundwa Nokuvimbika Kwemhuri Yangu Kuna Mwari

YAKATAURWA NAHORST HENSCHEL

“Fara kana ukagamuchira tsamba ino, nemhaka yokuti ndatsungirira kusvika pamugumo. Mumaawa maviri ndichaurawa.” Iwawo ndiwo akanga ari mashoko okuvhura etsamba yandakanyorerwa naBaba vangu. Musi waMay 10, 1944, vakaurawa nemhaka yokuti vakaramba kubatira muuto raHitler. Kuvimbika kwavo kuna Mwari, pamwe chete nokwaMai nehanzvadzi yangu Elfriede, kwakatapura upenyu hwangu zvakakomba.

MUNA 1932, inenge nguva yandakaberekwa, Baba vakavamba kurava zvinyorwa zveZvapupu zvaJehovha. Pakati pezvimwe zvinhu, vakaona unyengeri hwevafundisi. Somugumisiro, havana kuzofarirazve machechi.

Chinguvana pashure pekunge Hondo Yenyika II yavamba muna 1939, Baba vakapinzwa muuto reGermany. “Mukuwirirana neBhaibheri, handifaniri kuenda,” vakaudza Mai. “Kuuraya uku hakuna kururama.”

“Vachakuurayai kana mukasaenda,” Mai vakapindura. “Ipapo chii chichaitika kumhuri yenyu?” Naizvozvo Baba vakava murwi.

Pakupedzisira mai, avo kusvika panguva iyoyo vakanga vasina kufunda Bhaibheri, vakaedza kuonana neZvapupu zvaJehovha, kuedza kwaiva nengozi zvikuru panguva yacho. Vakawana Dora, aiva nomurume akanga ari mumusasa wevasungwa nemhaka yokutenda kwake. Dora akavapa kopi yeNharireyomurindi, asi akaudza Mai zvakananga kuti: “Yeukai kuti ndingaurawa kana Gestapo (mapurisa epachivande) ikawana kuti ndakupa iyoyi.”

Gare gare, Mai vakagamuchira zvimwe zvinyorwa zveZvapupu zvaJehovha uye vakavamba kunzwisisa zvokwadi dzeBhaibheri dzazvaiva nadzo. Pashure penguva yakati, Max Ruebsam, aibva kuDresden iri pedyo, akavamba kutishanyira pamusha pedu muMeissen. Akafunda nesu Bhaibheri achizviisa mungozi huru. Kutaura idi, pasina nguva refu pashure pezvo akasungwa.

Somugumisiro wefundo yeBhaibheri yaMai, vakasvika pakutenda Jehovha ndokutsaurira upenyu hwavo kwaari, vachiratidzira izvi nerubhabhatidzo rwomumvura muna May 1943. Baba neni takabhabhatidzwa mwedzi mishomanene gare gare. Hanzvadzi yangu yaiva nemakore 20 okukura, Elfriede, yaishanda muDresden, yakabhabhatidzwawo inenge nguva imwe cheteyo. Nokudaro, pakati chaipo peHondo Yenyika II, tose tiri vana takatsaurira upenyu hwedu kuna Jehovha. Muna 1943, Mai vakabereka hanzvadzi yedu dukusa, Renate.

Takatambudzirwa Kutenda Kwedu

Ndisati ndabhabhatidzwa, ndakabuda musangano reHitler Youth. Apo ndakaramba kukwazisa Hitler, kwaidikanwa zuva nezuva kuchikoro, ndakarohwa nevadzidzisi vangu. Zvisinei, ndakafara kuziva kuti ndasimbaradzwa nevabereki vangu, ndakanga ndaramba ndakatendeka.

Asi paive nenguva apo, nemhaka yokurohwa kana kuti zvimwe nemhaka yokutya, ndaiti “Rumbidzai Hitler!” Ipapo ndaienda kumba meso angu akazara misodzi, uye vabereki vangu vainyengetera neni kuti ndishinge ndokudzivisa kudenha kwemuvengi nguva inotevera. Kanopfuura kamwe, nemhaka yokutya ndakarega kuita zvakarurama, asi Jehovha haana kutongondisiya.

Rimwe zuva Gestapo yakauya ikasecha imba yedu. “Uri mumwe weZvapupu zvaJehovha here?” mumiriri weGestapo akabvunza Mai. Ndichiri kugona kuvaona vakazembera padhofuremu, vachiti vakatsiga, “Hongu”—kunyange zvazvo vaiziva kuti izvi zvaireva kuti pakupedzisira vaizosungwa.

Vhiki mbiri gare gare Mai vakanga vakabatikana nokutarisira Renate, uyo akanga asati ava negore rimwe rokukura, apo Gestapo yakauya kuzovasunga. Mai vakaramba vachiti: “Ndiri kungopa mwana wangu chokudya!” Zvisinei, mukadzi akanga auya nemupurisa akatora mwana mumaoko avo ndokurayira kuti: “Gadzirira! Unofanira kuenda.” Zvirokwazvo zvaisava nyore nokuda kwaMai.

Sezvo Baba vakanga vasati vasungwa, hanzvadzi yangu mucheche neni takasara tichitarisirwa navo. Mamwe mangwanani dzinenge vhiki mbiri pashure pokunge Mai vatorwa, ndakambundira Baba zvakasimba ndisati ndaenda kuchikoro. Zuva iroro Baba vakasungwa nemhaka yokuti vakaramba kudzokera kunobatira muchiuto. Naizvozvo apo ndakadzoka kumba masikati iwayo, vakanga vaenda, uye handina kutongozovaonazve.

Vanambuya vangu nedzimwe hama dzedu dzokunyama—vose vaishora Zvapupu zvaJehovha uye vamwe vavo vakanga vari mitezo yebato reNazi—vakawana kodzero yokuchengeta hanzvadzi yangu mucheche neni. Vaisandibvumira kurava Bhaibheri. Asi pashure pokuriwana pachivande kumukadzi muvakidzani, ndairirava. Ndaipfugamawo pamberi pemubhedha wehanzvadzi yangu duku ndokunyengetera.

Zvichingunodai, hanzvadzi yangu Elfriede yakanga yatsungirira miedzo yokutenda kwayo. Yakaramba kushandirazve mufekitari iri muDresden yaigadzira zvombo, asi yakabudirira kuwana basa rokutarisira mapaki nemapindu muMeissen. Payaienda kuhofisi kunotora muripo wayo, yairamba kushandisa kukwazisa kwokuti “Rumbidzai Hitler!” Pashure penguva yakati, yakasungwa ndokuiswa mujere.

Nenzira ine ngwavaira, Elfriede akabatwa nediphtheria nescarlet fever ndokufa vhiki shomanene pashure pokunge aiswa mujere. Akanga ane makore 21 bedzi. Mune imwe yetsamba dzake dzokupedzisira, akanokora mashoko aRuka 17:10 anoti: “Saizvozvo nemiwo, kana maita zvose zvamarayirwa, muti: tiri varanda pasina, takaita sezvataifanira kuita.” Kuvimbika kwake kuna Mwari kwakaramba kuchindisimbisa.—VaKorose 4:11.

Muedzo waBaba

Mukati mekuiswa mujere kwaBaba, sekuru vangu—baba vamai vangu—vakavashanyira kunoedza kuvaita kuti vashandure ndangariro yavo. Vakasungwa necheni maoko netsoka, Baba vakaiswa pamberi pavo. Baba vakarambisisa chikarakadzo chokuti vaite basa rechiuto nokuda kwevana vavo. Mumwe wevarindi vejere akaudza Sekuru kuti: “Kunyange dai murume uyu aiva nevana gumi, aisazoita nenzira yakasiyana.”

Sekuru vakadzokera kumba vatsamwa zvikuru. “Gororo iri!” vakapopota. “Hapana zviripo! Anogona sei kusiya vana vake amene?” Kunyange zvazvo Sekuru vakanga vatsamwa, ndakafara kuziva kuti Baba vairamba vakasimba.

Pakupedzisira, Baba vakatongerwa rufu ndokugurwa musoro. Imwe nguva pashure, ndakagamuchira tsamba iyoyo yokupedzisira ichibva kwavari. Sezvo vakanga vasingazivi kuti Mai vakanga vaiswa mujere kupi, vakanga vandinyorera. Ndakaenda kukamuri rangu rokurara repedyo nedenga remba ndokurava mashoko aye okuzarura anokorwa musumo yenyaya ino. Ndakasuruvara uye ndakachema, asi ndakafara kuziva kuti vakanga varamba vakatendeka kuna Jehovha.

Nhamo Yamai

Mai vakanga vatumirwa kujere riri kumaodzanyemba kweGermany kuti vamirire kutongwa kwavo. Rimwe zuva murindi akauya kuchitokisi chavo, achitaura nenzira youshamwari kuti vaifanira kuramba vakagara. Asi Mai vakasimuka vakati: “Ndatoziva kuti murume wangu aurawa.” Gare gare, vakavatumira nhumbi dzavo dzizere ropa, ufakazi hwakanyarara hwokutambudzwa kwavakanga vatambura vasati vafa.

Pane imwe nhambo Mai vakadanwa kuhofisi yejere ndokuudzwa kamwe kamwe kuti: “Mwanasikana wako akafira mujere. Unoda kuti avigwe sei?” Chiziviso chacho chakaitwa kamwe kamwe uye zvisingakarirwi zvokuti Mai pakutanga vakanga vasingazivi chokutaura. Asi kutenda kwavo kwakasimba muna Jehovha kwakavatsigira.

Hama dzangu dzokunyama dzaitarisira hadzo zvakanaka hanzvadzi yangu neni. Dzaitibata nomutsa zvikuru. Kutaura idi, imwe yavo yakaenda kunotaura nevadzidzisi vangu ndokukumbira kuti vandishivirire. Naizvozvo vadzidzisi vakavawo vane ushamwari zvikuru uye vaisandiranga apo ndaikundikana kuvakwazisa nokuti “Rumbidzai Hitler!” Asi mutsa wose uyu wakaratidzwa nechinangwa chokundibvisa pazvitendero zvangu zvakavakirwa paBhaibheri. Uye, nenzira inosuruvarisa, zvakati budirirei.

Mwedzi mishomanene bedzi hondo isati yapera muna May 1945, ndakapinda mimwe misangano nokuzvidira yesangano reNazi Youth. Ndakanyorera Mai nezvaizvozvi, uye vakawana murangariro mutsamba dzangu wokuti ndakanga ndasiya nharidzano yangu yokubatira Jehovha. Gare gare, vakataura kuti vakakanganiswa zvikuru netsamba idzi kupfuura nokunzwa kwavakaita rufu rwaBaba naElfriede.

Nokukurumidza pashure pezvo, hondo yakaguma, uye Mai vakadzoka vachibva kujere. Nebetsero yavo ndakawanazve dzikamo yangu yomudzimu.

Kuvamba Ushumiri Hwenguva Yakazara

Mukunopera kwa1949, makore mana pashure pokunge Hondo Yenyika II yaguma, mumwe mutariri anofambira akakurukura rugwaro rweBhaibheri rwuri pana Maraki 3:10: “Uyai nezvegumi zvose muimba yokuvigira, kuti zvokudya zvivepo mumba mangu, mundiidze naizvozvi zvino ndizvo zvinotaura Jehovha.” Ndakasundwa kuzadza kumbiriso yebasa rokuparidza nguva yakazara. Nokudaro, musi waJanuary 1, 1950, ndakava piyona, sokudanwa kunoitwa vashumiri venguva yakazara. Gare gare, ndakaenda kuSpremberg, kwakanga kuchidikanwa mapiyona zvikuru.

Muna August wegore iroro, ndakagamuchira tsamba yaindikoka kuzobatira pahofisi yebazu yeZvapupu zvaJehovha paMagdeburg, muEast Germany. Zvisinei, mazuva maviri bedzi pashure pokusvika kwangu, musi waAugust 31, mapurisa akauya achimhanya achipinda munzvimbo yedu, achiti matsotsi akanga akavanda imomo. Zvapupu zvizhinjisa zvakasungwa zvikaendeswa kujere, asi ndakakwanisa kutiza ndokuenda kuWest Berlin, uko Watch Tower Society yakanga ine hofisi. Ikoko, ndakarondedzera zvakanga zvaitika kuMagdeburg. Panguva imwe cheteyo, ndakaudzwa kuti Zvapupu zvizhinji zvakanga zviri kusungwa muEast Germany mose. Kutaura idi, ndakaziva kuti mapurisa akanga achinditsvaka kwakare kuSpremberg!

Kusungwa Nokuiswa Mujere

Ndakagoverwa kubasa rokupayona muEast Berlin. Mwedzi mishomanene gare gare, pandakanga ndichishanda somuendesi wamabhuku eBhaibheri kubva kuWest Berlin kuenda kuEast Germany, ndakasungwa ndokuendeswa kuguta reCottbus, uko ndakatongwa ndokutemerwa makore 12 mujere.

Pakati pezvimwe zvinhu, ndakapomerwa kukurudzira hondo. Pakutongwa kwangu, ndakati mukutaura kwangu kwokupedzisira: “Ndinogona sei ini, mumwe weZvapupu zvaJehovha, kupiwa mhosva somukurudziri wehondo apo baba vangu vakaramba kutora rutivi muhondo nemhaka yokuti vakanga vari mumwe weZvapupu zvaJehovha uye vakagurirwa musoro izvozvo?” Asi, chokwadika, vanhu ivavo vakanga vasingafariri chokwadi.

Pazera ramakore 19 zvakanga zvisiri nyore kwandiri kufunga pamusoro pokuiswa mujere kwemakore 12. Bva, ndaiziva kuti vamwe vakawanda vakanga vagamuchira mitongo yakafanana. Pane dzimwe nguva, zviremera zvaiparadzanisa Zvapupu; asi ipapo taikurukura zvokwadi dzeBhaibheri nevamwe vasungwa, uye vamwe vakava Zvapupu.

Pane dzimwe nguva, isu Zvapupu taichengeterwa mumudhadha mumwe chete wezvitokisi. Ipapo taipa ngwariro pakudzidza maBhaibheri edu zviri nani. Taidzidza maganhuro akazara eBhaibheri nomusoro uye takatoedza kuziva nomusoro mabhuku eBhaibheri akazara. Takazvigadzira nharidzano pamusoro pezvokuita nokudzidza zuva rimwe nerimwe. Pane dzimwe nguva taibatikana kwazvo zvokuti taitaurirana kuti, “Hatina nguva,” kunyange zvazvo takanga tiri kupedza zuva rose tiri muzvitokisi zvedu pasina basa rorudzi rwupi norwupi rwebasa ratakagoverwa!

Kubvunzurudzwa nemapurisa epachivande kwaigona kunetesa. Vangapfuurira masikati nousiku, pamwe chete nokutyisidzira kwemarudzi ose. Pane imwe nguva, ndakanzwa kurukutika zvikuru nokuodzwa mwoyo, zvichiita kuti zvindiomere kunyange kunyengetera. Pashure pemazuva maviri kana kuti matatu, pasina chikonzero chaichoicho, ndakabvisa kadhibhodhi pamadziro echitokisi changu raiva nemitemo yomuchitokisi yakanyorwapo. Pandakaritendeudza, ndakaona pakanyorwa. Ndichiritaridza kuchiedza chishomanene chaiwanika, ndakaona mashoko anoti: “Musatya avo vanouraya muviri,” uye “ndichachengeta vose vakatendeka semboni yeziso rangu.” Aya zvino ava rutivi rwerwiyo nhamba 27 mubhuku renziyo reZvapupu zvaJehovha!

Sezviri pachena, imwe hama yakanga iri mumamiriro ezvinhu akafanana yakanga yave iri muchitokisi ichi, uye Jehovha Mwari akanga aisimbisa. Nokukurumidza ndakawanazve simba romudzimu ndokuonga Jehovha nokuda kwekurudziro iyi. Handidi kutongokanganwa chidzidzo ichi, nokuti chakandidzidzisa kuti kunyange zvazvo ndisingagoni kubudirira nesimba rangu ndimene, nebetsero yaJehovha Mwari, hapana chisingabviri.

Mai vakanga vatotamira kuWest Germany, naizvozvo vakanga vasingaonani neni panguva yacho. Zvisinei, kwakanga kuna Hanna, akanga akurira muungano imwe cheteyo neni uye akanga ari pedyo zvikuru nemhuri yedu. Aindishanyira mumakore ose iwayo andakanga ndiri muchitokisi, uye aindinyorerawo tsamba dzinokurudzira uye ainditumira pasuro dzezvokudya zvinokosha. Ndakamuroora pandakabudiswa mujere muna 1957, pashure pokubatira makore 6 emutongo wangu wemakore 12.

Semudzimai wangu anodiwa, Hanna akabatira neni nokutendeka mumigove yedu yakasiyana-siyana uye ave achinditsigira zvikurusa. Zvaakandiitira mubasa redu renguva yakazara rose tiri tose ndechimwe chinhu icho Jehovha Mwari bedzi anokwanisa kumuripa.

Ushumiri Hwepashure Pejere

Hanna neni takavamba ushumiri hwedu hwenguva yakazara pamwe chete pahofisi panguva iyoyo yaitarisirwa neWatch Tower Society muWest Berlin. Ndakagoverwa kuita basa rokuvaka ipapo somuvezi. Gare gare, takavamba kupayona pamwe chete muWest Berlin.

Willi Pohl, uyo panguva iyoyo akanga achitarisira basa redu muWest Berlin, akandikurudzira kuramba ndichidzidza chiNgezi. “Handina nguva,” ndakapindura. Bva, ndinofara sei kuti ndakaramba ndichifunda chiNgezi nenzira yokuteerera! Somugumisiro, muna 1962, ndakakokwa kukosi yemwedzi gumi yekirasi yechi37 yeChikoro cheGilead, muBrooklyn, New York. Pashure pokudzokera kwangu kuGermany musi waDecember 2, 1962, Hanna neni takapedza makore 16 tiri mubasa rokufambira, tichishanyira ungano dziri muGermany mose. Ipapo, muna 1978, takakokwa kuzoshanda pahofisi yebazu iri muWiesbaden. Apo mabasa ebazu akatamisirwa kuzvivako zvitsva zvakakura kuSelters pakati pema1980, takabatira pazvivako zvakaisvonaka izvozvo kwemakore akati.

Ropafadzo Yebasa Inokosheswa

Muna 1989 chimwe chinhu chakanga chisingakarirwi chose chose chakaitika—Berlin Wall yakawa, uye Zvapupu zviri munyika dzeEastern Europe zvakavamba kufarikanya rusununguko rwokunamata. Muna 1992, Hanna neni takakokwa kuLviv, muUkraine, kuzogovera tsigiro nokuda kwenhamba yaikura nokukurumidza yevazivisi voUmambo munharaunda iyoyo.

Gore rakatevera racho, takakumbirwa kuenda kuRussia kunobetsera kuronga basa roUmambo ikoko. PaSolnechnoye, musha uri makiromita anenge 40 kunze kweSt. Petersburg, hofisi ipapo yakavakwa kuti itarisire basa rokuparidza muRussia mose nemamwe maripabhuriki mazhinjisa eyaichimbova Soviet Union. Apo takasvika, kuvaka kwakanga kwatovamba pazvivako zvokugara pamwe chete nepahofisi hombe uye chivako chokuchengetera zvinhu.

Mufaro wedu wakanga usingadzoreki pakutsaurirwa kwezvivako zvedu zvitsva zvebazu musi waJune 21, 1997. Hwerengedzo ye1 492 vakabva munyika 42 vakaungana paSolnechnoye nokuda kwepurogiramu chaiyo. Zuva rakatevera racho boka revanopfuura 8 400 rakaungana paSt. Petersburg’s Petrovsky Stadium nokuda kwokuhwirudzurwa kwepurogiramu yetsauriro pamwe chete nemishumo inokurudzira yakapiwa nevashanyi vekune dzimwe nyika.

Iwedzero dzinoshamisa zvakadini dzatave tiri kufarikanya mumaripabhuriki 15 eyaichimbova Soviet Union! Muna 1946, vazivisi voUmambo vanenge 4 800 vakanga vachiparidza mundima iyi. Anenge makore 40 gare gare, muna 1985, nhamba yacho yakanga yawedzera kusvika ku26 905. Nhasi, kune vazivisi voUmambo vanopfuura 125 000 mumaripabhuriki gumi eyaichimbova Soviet Union ari kutarisirwa nehofisi yedu yebazu muno muSolnechnoye, uye vanopfuura 100 000 vari kuparidza mune mamwe maripabhuriki mashanu eyaichimbova Soviet Union! Takafara sei kuziva kuti mumaripabhuriki 15 eyaichimbova Soviet Union, vanopfuura 600 000 vakapinda Chirangaridzo chorufu rwaKristu April akapfuura!

Ndinoshamiswa apo ndinoona nzira iyo Jehovha Mwari akatungamirira nayo kuunganidzwa nokurongwa kwevanhu vake muano “mazuva okupedzisira.” (2 Timotio 3:1) Sezvinotaura wezvemapisarema weBhaibheri, Jehovha anopa vabatiri vake nzwisiso, anovarayiridza nzira yavanofanira kuenda, uye anopa zano ziso rake riri pavari. (Pisarema 32:8) Ndinoirangarira seropafadzo kuva wesangano remarudzi akawanda raJehovha ravanhu!

[Mufananidzo uri papeji 11]

Nehanzvadzi dzangu mbiri, muna 1943

[Mufananidzo uri papeji 12]

Baba vakagurwa musoro

[Mufananidzo uri papeji 12]

Mai vakandibetsera kuwanazve dzikamo yomudzimu

[Mufananidzo uri papeji 13]

Nomudzimai wangu, Hanna

[Mufananidzo uri papeji 14]

Mukati mehurukuro yokutsaurira muHoro yoUmambo pabazu reRussia

[Mifananidzo iri papeji 15]

Chivanze nemafafitera zveimba yokudyira iri pabazu redu idzva muRussia

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe