RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g98 2/8 pp. 16-18
  • Kubata Kwandinoita Nokukakama

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kubata Kwandinoita Nokukakama
  • Mukai!—1998
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Mibayiro Yokuva Nemurangariro Wakanaka
  • Kubatsira Kunogona Kuita Vamwe
  • Maropafadzo Makuru Ebasa
  • Chikoro Choushumiri Choubati Ushe hwaMwari Chinounza Betsero
    Bhuku rinoTungamirira reChikoro choUshumiri choUbati-ushe hwoUmwari
  • Kukurukura Uchitsetsenura
    Batsirwa Nedzidzo Yechikoro chaMwari Choushumiri
  • Tiri Shamwari Dzisingaparadzanisiki
    Mukai!—1997
  • Kubatsirwa Kwatinoitwa Nechikoro chaMwari Choushumiri
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2004
Ona Zvimwe
Mukai!—1998
g98 2/8 pp. 16-18

Kubata Kwandinoita Nokukakama

Yakataurwa naSven Sievers

NDAVE ndichikakama kubvira pamavambo ouduku. Ndichitarira shure, ndinoonga mabatire akaita vabereki vangu chinetso chacho. Apo ndaikakama, nguva dzose vaiedza kuisa ngwariro pakuteerera zvandaiedza kutaura panzvimbo pokuisa ngwariro pakururamisa mataurire angu. Maererano nenyanzvi dzokurapa, vabereki vanowanzoisa ngwariro nguva dzose pakukakama kwomwana wavo vangaipisa chinetso chacho.a

Mai vangu vakava mumwe weZvapupu zvaJehovha apo ndaiva nemakore matatu. Ndichiri wechiduku ndakasarudza kutevedzera muenzaniso wavo uye ndakabatsirwa kunyatsofunda Bhaibheri. Pana July 24, 1982, ndakabhabhatidzwa somubatiri waMwari akazvitsaurira pakokorodzano muNeumünster, Germany. Gare gare, ndakatamira kuSouth Africa, uko ndakapfuurira kutora rutivi mubasa rokuparidza pachena, iro vaKristu vose vanorayirwa kugoverana mariri. (Mateo 28:19, 20) Ndinokwanisa sei, kupfuurira somukakami, ungashamisika?

Mibayiro Yokuva Nemurangariro Wakanaka

Ndinofanira kubvuma kuti pane dzimwe nguva zvinondiomera kuchengeta murangariro wakanaka, asi ndakawana kuti kuva ane murangariro wakanaka zvirokwazvo kunoita musiyano mukuru. Idi nderokuti neimwe nzira ndinogona nguva dzose kukurukura. Kana kusiri kupfurikidza nokutaura, ndinokurukura kupfurikidza nokunyora mashoko pasi kana kuti kungoratidza vamwe mabhuku eBhaibheri. Kuva nomurangariro wakanaka kunondibatsira kukurira chinetso chokutanga kurukurirano. Ndinoedza kuchengeta sumo yangu yakapfava zvikuru. Pamavambo ekurukurirano, ndinorega saimba achitaura zvakawanda sezvinobvira. Vanhu vanofarira kutaura, uye izvi zvinondipa mukana wokuziva mafungire avo. Ipapo, ndinopfuurira nekurukurirano yacho nezvinhu zvavanofarira, ndichisimbisa shoko reBhaibheri. Kuisa ngwariro yangu pane zvavari kutaura kunondibatsira kukanganwa chinetso changu chokutaura, uye ndinokakama zvishoma.

Murangariro wakanaka unondibatsirawo kutsinhira pamisangano yechiKristu. Ndakawana kuti pandinotora rutivi zvikuru mukurukurirano dzeBhaibheri, ndipo apo vateereri nomuitisi vanondijaira zvikuru nokuteerera zvandinotaura panzvimbo pemataurire andiri kuzviita nawo.

Kuti ndiwane mufaro wokubudirira, ndinofanira kuramba ndichiedza. Izvi zvinondidzivisa kuti ndirege kuzvinzwira tsitsi ndokuva anonyanyozvifunga. Kurwisa kuzvinzwira tsitsi ihondo inopfuurira. Zvinonzi kana munhu akawa pabhiza, zvinokosha kuti akwirezve pabhiza kuitira kuti asarasikirwa nechivimbo. Naizvozvo kana ndichifanira kumira kutaura mukati metsinhiro nemhaka yokuti ndagumirwa zvachose, ndinoedza kuita sokukwirazve pabhiza, kupfurikidza nokutsinhira pamukana unotevera chaiwo.

Kubatsira Kunogona Kuita Vamwe

Apo ndinofanira kuridza runhare kana kuti kubvunza vandisingazivi mashoko, ndinoonga rubatsiro rwokungwarira pakutaura. Asi vamwe vanhu vanopfuuridza mwero muchishuvo chavo chokuda kubatsira, uye vanondibata somwana asingakwanisi kuita zvisarudzo.

Ndinoongawo kubatsira kwomudzimai wangu ane rudo, Tracy. Asati aita “somuromo” wangu, tinokurukura mamiriro ezvinhu muudzame uye anoziva zvandingada kuita. (Enzanisa naEksodho 4:10, 14, 15.) Nomutoo iwoyo, anondiratidza ruremekedzo somurume wake, uye anondisiya ndichinzwa kuti ndichiri kudzora upenyu hwangu ndimene.

Imwe betsero huru chave chiri Chikoro Choushumiri Choubati Ushe hwaMwari. Pamusangano uyu wevhiki nevhiki, vadzidzi vanogoverana mukurava Bhaibheri pachena uye mukupa hurukuro pfupi dzenhau dzeBhaibheri. Ndakashamisika kuwana kuti ndinogona kurava uye kutaura zvakanaka zvikuru pamberi pavateereri. Dai ndisina kunyoresa muchikoro, zvichida ndingadai ndisina kumboziva nezvemano aya.

Apo ndakava nemigove muChikoro Choushumiri Choubati Ushe hwaMwari, zvave zvichikurudzira zvikuru apo muitisi akaisa ngwariro pane zvandaitaura uye kwete pamataurire andaizviita nawo. Ndakabatsirwa zvikuru neBhuku Rinotungamirira Rechikoro Choushumiri Choubati Ushe hwaMwari,b kunyange zvazvo mamwe mativi ebhuku iri achipa denho huru zvikuru kune avo vanokakama kupfuura avo vanotaura nemuzvarirwo. Somuenzaniso, pane dzimwe nguva, nemhaka youkuru hwokukakama, handikwanisi kupedza hurukuro yangu munguva yakagoverwa. Zvinokurudzira zvikuru kwandiri, kunyange zvakadaro, apo muitisi anojekesa mativi andinokwanisa kushandira paari.

Maropafadzo Makuru Ebasa

Munguva yakapfuura, ndakava neropafadzo yokurava pachena chinyorwa chechiKristu chatinofunda pamisangano yedu. Ndakavawo neropafadzo yokuitisa fundo yacho apo kwakanga kusina mumwe mushumiri akakwaniriswa aivapo, uye nhasi ndinozviita nguva dzose. Kunyange zvazvo pakutanga ndaiva noruzazu, ndakabatsirwa naMwari mukuita migove yakadaro.

Kwemakore akawanda, zvisinei, mikana yokuti ndirave kana kuti kudzidzisa ndiri pachikuva cheungano yakanga yakaganhurirwa. Izvi zvainzwisisika, sezvo paive nenguva apo ndaitora nguva yakareba zvikuru kuti ndinzwisiswe. Naizvozvo ndakashandisa simba rangu zvakazara mukuita mimwe migove. Pakutanga, ndakashanda somutevedzeri mukutarisira mugove weungano wemagazini eNharireyomurindi neMukai! Ipapo, pashure pokuitwa mubatiri anoshumira, ndakatarisira mugove wemaBhaibheri, mabhuku, uye zvimwe zvinyorwa. Gare gare, ndakagoverwa kuongorora makadhi endima anoshandiswa mubasa redu rokuparidza pachena. Kuisa ngwariro pamigove iyi, ndichiedza kuita basa rakanaka, kwakandiunzira mufaro mukuru.

Kwemakore masere apfuura, ndakabatirawo somuevhangeri wenguva yakazara naTracy. Jehovha akandikomborera zvirokwazvo munhau iyiwo. Kutaura idi, pane dzimwe nguva ndinoshamisika kana Jehovha achishandisa utera hwangu hwokukakama. Pavanhu vashanu avo ndakava neropafadzo yokubatsira kuva vaKristu vakazvitsaurira, vaviri vakakami.

Ndichiri kuyeuka nomufaro zuva randakagadzwa kuti ndibatire somukuru weungano. Kunyange zvazvo mano angu okudzidzisa pachikuva akaganhurirwa, ndinoedza kuisa ngwariro pakubatsira vamwe pahwaro hwomunhu oga. Kukakama hakuganhuriri mano angu okunzvera Magwaro kuti ndibatsire mitezo yeungano iyo iri kutarisana nezvinetso zvakakomba.

Mumakore mashanu apfuura, ndakakokwa kuti ndiite migove yakawanda yokutaura. Kunze kwokupa hurukuro muChikoro Choushumiri Choubati Ushe hwaMwari, ndakakwanisa kupa zviziviso zvipfupi pamimwe misangano. Zvishoma nezvishoma kuerera kwemashoko angu kwakavandudzika. Asi ipapo ndakavamba kutadza zvakare. Ndichifunganya, ndakafunga kuti, ‘handichazopiwizve mimwe migove ipi neipi,’ asi ndakashamisika, kuti zita rangu raiva parudungwe rwaitevera! Mutariri anotungamirira weungano yedu akataura kuti kana ndikagumirwa zvokusagona kupfuurira, ndinogona kungomutarisa uye iye achauya pachikuva ndokunditsiva. Ndakashandisa chikarakadzo ichi chorudo kamwe kana kuti kaviri, asi handina kuzviita mumwedzi ichangobva kupfuura. Sezvo kutaura kwangu kwakavandudzika, ndakapiwa mativi akati rebei, kubatanidza hurukuro dzavose. Ndakaziva zvizere kufambira mberi kwandakanga ndaita bedzi apo ndakakumbirwa kutora rutivi mumienzaniso miviri pagungano redunhu reZvapupu zvaJehovha.

Kutaura chokwadi, handinyatsonzwisisi chikonzero nei kutaura kwangu kwavandudzika. Uyewo, kunogona kuipa zvakare mangwana. Kutaura idi, nepo ndichiratidzika kuva ndakafambira mberi chaizvo mukutaura pachikuva, ndakava nokukundikana kwakakomba apo ndaitaura nevanhu somunhu oga. Naizvozvo iyi haisi nyaya yokubudirira mupfungwa yokuti ndakakunda kukakama. Apo ndinokundikana, ndinoedza kuzviyeuchidza kuti ndinofanira kubvuma ganhuriro dzangu ndoku‘zvininipisa mukufamba naMwari.’—Mika 6:8.

Chipi kana chipi chingaitika munguva yemberi, ndicharamba ndichiedza, ndichiziva kuti munyika itsva yaMwari iri kuuya, kukakama kuchakundwa chose chose. “Marimi avanokakamira,” rinodaro Bhaibheri, “achaziva kutaura zvakanaka.” Ndine chivimbo chokuti izvi zvichava zvechokwadi mupfungwa chaiyoiyo uyewo neyomudzimu uye kuti kunyange “rurimi rwembeveve ruchaimba.”—Isaya 32:4; 35:6.

[Mashoko Omuzasi]

a Ona nyaya inoti “Understanding the Fear of Stuttering,” iri muchinyorwa chedu chechiNgezi chaNovember 22, 1997.

b Rakabudiswa neWatchtower Bible and Tract Society of New York, Inc.

[Mufananidzo uri papeji 18]

Nemudzimai wangu, Tracy

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe