Marwadzo Okurega Vachienda
“Murume wangu akanga andinyevera pazuva rakaberekwa mwana wokutanga—‘Kurera vana, mudiwa, muitiro wenguva refu wokurega vachienda.’”—Ourselves and Our Children—A Book by and for Parents.
VABEREKI vazhinjisa vanofara—kunyange kufarisisa—apo mwana wavo wokutanga anoberekwa. Pasinei zvapo nezvinovhiringa, zvibingamupinyi, marwadzo, kunetseka, uye funganyo izvo ubereki hunounza, vana vanogona kuva vanofadza zvikuru. Makore anenge zviuru zvitatu apfuura, Bhaibheri rakati: “Vana chipo chinobva kuna ISHE; chikomborero chaichoicho.”—Pisarema 127:3, Today’s English Version.
Zvisinei, Bhaibheri rinofanotaurawo izvi zvinoda kufungisisa: “Naizvozvo munhu unofanira kusiya baba vake, namai vake.” (Genesi 2:24) Nokuda kwezvikonzero zvakasiyana-siyana, vana vakura kazhinji kazhinji vanosiya musha—kuti varonde dzidzo kana kuti basa, kuti vakudze ushumiri hwavo hwechiKristu, kuti varoore kana kuti kuroorwa. Asi nokuda kwevamwe vabereki, chokwadi ichi chinorwadza zvikuru. Vanobvumira kurwira kuzvimiririra kwomuzvarirwo kwevana vavo kuti kuvaparire—sokutaura kunoita mumwe munyori—“kunzwa vatukwa, vashatirwa, vanyadziswa, vatyisidzirwa kana kuti varambwa.” Izvi kazhinji kazhinji zvinotungamirira kurwisano dzemhuri dzisingaperi uye kunyanduka. Vachiramba kutarisana nezuva iro vana vavo vachasiya musha, vamwe vabereki vanokundikana kuvagadzirira nokuda kwoukuru. Mugumisiro unowanwa nokuregeredza kwakadaro unogona kutyisa: vakuru vasina kugadzirirwa zvakanaka kubata imba, kutarisira mhuri, kana kuti kunyange kuwana nokuchengetedza basa.
Marwadzo okuparadzana anganyanya zvikurukuru mumhuri dzine mubereki asina mukwanyina. Mubereki asina mukwanyina anonzi Karen anoti: “Mwanasikana wangu neni tinowirirana; taiva nechisungo chaichoicho choushamwari. Kwose kwose kwandaienda, ndaienda naye.” Ukama hwapedyo hwomwana nomubereki hunozivikanwa navose mumisha ine mubereki asina mukwanyina. Nenzira inonzwisisika, pfungwa yokurasikirwa nokuva pedyo kwakadaro ingaparadza.
Zvisinei, bhuku rinonzi Traits of a Healthy Family rinoyeuchidza vabereki kuti: “Ndozvakaita upenyu hwemhuri: kurera kacheche kanotsamira pauri kuti kave mukuru anozvimiririra.” Ipapo rinonyevera kuti: “Zvinetso zvakawanda mumhuri zvinomuka nemhaka yokusakwanisa kwevabereki kurega vachienda.”
Zvakadini newe? Uri mubereki here? Kana zvakadaro, wagadzirira zuva apo uchafanira kurega vana vako vachienda here? Uye zvakadini nevana vako? Uri kuvagadzirira kuti vabudirire vari voga here?