Tiri Shamwari Dzisingaparadzanisiki
TRACY imbwa yangu inonditungamira, imbwa nhema yakasimba ine makore gumi. Nemhaka yayo ndinogona kufamba-famba zvakanaka zvikuru. Inondiperekedzawo nokundinyaradza. Naizvozvo hazvishamisi kuti ndakasvika pakuida zvikuru uye kuti tiri shamwari dzisingaparadzanisiki.
Pane dzimwe nguva, nenzira isiri yemaune, vanhu vanokundikana nenzira iyo Tracy asingatongoiti. Rimwe zuva, somuenzaniso, ndakanga ndasiya Tracy kumba uye ndakanga ndichifamba neshamwari. Takanga tichikurukura nomufaro apo kamwe kamwe ndakawira pasi. Shamwari yangu yakanga yakanganwa kuti handioni, uye haina kundiyambira nezvemugero. Ikoku kwaizodai kusina kuitika ndina Tracy parutivi rwangu.
Kamwe, Tracy akaponesa upenyu hwangu chaizvoizvo. Ndakanga ndichifamba mumugwagwa apo motokari yakangotanga kuvheya ichibuda mumugwagwa yakananga kwandiri. Ndakanzwa kutinhira kwayo asi, chokwadika, ndakanga ndisingagoni kuona kwayaienda. Tracy akaona ndokunzwisisa ngozi yacho ndokukurumidza kundikwevera kwakakotsekana.
Handioni, bva Ndichiona
Ndakaberekwa muna 1944 kumaodzanyemba kweSweden, uye ndave ndisingaoni kubva pandakaberekwa. Ndakaendeswa kuchikoro chebhodhingi chevana vasingaoni, uko ndakadzidza kurava nokunyora Munyorero Wevasingaoni. Nziyo dzakava rutivi runokosha rwoupenyu hwangu, zvikurukuru kuridza piyano. Pashure pekupedza chikoro chepamusoro, ndakapfuurira kufunda mitauro nenziyo paYunivhesiti yeGöteborg.
Upenyu hwangu, zvisinei, hwakachinjwa nokusingaperi apo Zvapupu zvaJehovha zviviri zvakauya pasuo rangu panharaunda yeyunivhesiti. Nokukurumidza ndakavamba kupinda misangano yeZvapupu uye ndakatotanga kugoverana nevamwe zvandakanga ndiri kudzidza. Muna 1977, ndakaratidzira tsauriro yangu kuna Jehovha Mwari norubhabhatidzo rwomumvura. Kunyange zvazvo ndakanga ndisingaoni nameso, nokufunda Shoko raMwari, ndakanga ndagamuchira chimwe chinhu chinokosha zvikuru—kuona kwomudzimu.
Nhasi ndinozvirangarira sendiri nani zvikuru kupfuura avo vanoona nemeso asi vasingaoni nenzira yomudzimu. (Enzanisa naJohane 9:39-41.) Ndinofara kuva nechiono chendangariro chakajeka chenyika itsva yaMwari umo, maererano nechipikirwa chake, meso emapofu achaona—hungu, umo undonda hwose hwokunyama huchaporeswa uye umo kunyange vakafa vachamutswa!—Pisarema 146:8; Isaya 35:5, 6; Mabasa 24:15.
Kunyange zvazvo ndisina kuroorwa uye ndisingaoni nemeso, ndiina Tracy seshamwari yangu yakavimbika, ndinopfuurira zvakanaka zvikuru. Regai ndirondedzere nzira iyo anondibetsera nayo kuita basa rangu rokunyika uye kuita ushumiri hwangu semumwe weZvapupu zvaJehovha. (Mateo 24:14; Mabasa 20:20; VaHebheru 10:25) Asi kutanga, zvokuwedzera zvishomanene pamusoro paTracy pachake.
Anosarudzwa Nokuda Kwokurovedzwa Chaiko
Apo Tracy akanga ane mwedzi misere bedzi yokukura, akaedzwa kuti aonekwe kana aizokwanirisa seimbwa yokutungamirira. Akabvumikisa kuva akadzikama, ari nyore kudzidzisa, uye asingatyiswi nyore nyore neruzha rukuru rwakamwekamwe. Naizvozvo akatevera kuiswa mumusha nemhuri kwenguva yakati kuti adzidze zvakaita upenyu hwenguva dzose hwemhuri. Pashure pezvo, apo akanga akura zvakakwana, akaendeswa kuchikoro chokurovedza imbwa dzokutungamirira.
Pachikoro ichi Tracy akadzidza kuita zvinodikanwa paimbwa yokutungamirira zvakadai sokubetsera tenzi wake womunguva yemberi kuwana masuo, masitepisi, magedhi, uye nzira. Akadzidzawo nzira yokufamba nayo munzira dzomumativi omugwagwa dziri kufambwa nevanhu vazhinji uye nzira yokugura nayo migwagwa. Akadzidziswawo kumira pamucheto wemugwagwa, kuteerera zviratidzo zvezvinofamba mumugwagwa, uye kutiza mhinganidzo dzine ngozi. Pashure peinenge mwedzi mitanhatu yokurovedzwa, akanga agadzirira basa. Ndipo apo Tracy akasumwa kwandiri.
Zvandinoitirwa naTracy
Mangwanani mamwe nemamwe Tracy anondimutsa kuitira kuti ndimupe chokudya. Ipapo tinogadzirira basa. Hofisi yangu iri panofambwa maminiti 20 kubva pafurati redu. Ndinoziva hangu nzira yacho, asi basa raTracy nderokundibetsera kuti ndisvike ikoko ndisingadhumiri mumotokari, vanhu, mapouro emagetsi, kana kuti chinhu chipi nechipi. Apo tinosvika, anorara pasi pedhesiki rangu. Ipapo, mukati menguva yangu yezvokudya zvemasikati, tinowanzombofamba-famba.
Mumanheru, pashure pokudzokera kumba ndichibva kubasa, rutivi rwakanakisisa rwezuva redu rwunotanga. Apa ndipo apo Tracy anonditungamirira mubasa rokuparidza paimba neimba uye kudzimba kwandinoitisa fundo dzeBhaibheri. Vanhu vazhinji vanomufarira, vanomubhabhadzira nokumumbundira uye pane dzimwe nguva kundipa chimedu chezvokudya chakaisvonaka chokuti adye. Tinopindawo misangano yeChikristu vhiki imwe neimwe. Pashure paiyoyi vana vanoda kukwazisa nokumbundira Tracy, zvinova zvinomufadza.
Ndinoziva kuti Tracy inongova imbwa uye kuti ichafa rimwe zuva. Ikoku kunoreva kuti pakupedzisira ndichafanira kuwana imwe imbwa yokutungamirira. Asi, panguva ino, tiri timu uye tinodanana. Apo Tracy anenge asipo, handizvivimbi zvikuru, uye anotya nokusadzikama apo anenge asingagoni kunditungamirira.
Kudikanwa Kwokunzwisisa
Nenzira inoshamisa, pane dzimwe nguva vanhu vanoedza kutiparadzanisa. Vanorangarira Tracy seimbwawo zvayo kana kuti chipfuwo chokutamba nacho uye havanzwisisi ukama hwedu hwakadzama. Ava vanhu vanofanira kunzwisisa kuti Tracy kwandiri akangoita sewiricheya kumunhu akaremara. Kutiparadzanisa kwakafanana nokutora maziso angu.
Kana vamwe vakanzwisisa zviri nani ukama huripo pakati pangu naTracy, panova nezvinetso zvishoma zvikuru. Wiricheya, somuenzaniso, inogamuchirwa nyore nyore asi, nenzira isingafadzi, hazvina kudaro nguva dzose neimbwa yokutungamirira. Vamwe vanhu vanotya imbwa, kana kuti havangodzidi.
Zvinowanikwa mune rimwe bhurocha pamusoro peimbwa yokutungamirira, rakabudiswa neSwedish Association for the Visually Handicapped, zvinobetsera zvikuru. Rinoti: “Imbwa inotungamirira ibetsero inofamba nokuda kwemunhu asingaoni. Hungu, kupfuura izvozvo. Ibetsero mhenyu. . . . Ishamwari isati ichizotongokuodza mwoyo.”
Zvirokwazvo, Tracy anoshanda semaziso angu murima, uye anondibetsera kurarama upenyu hwenguva dzose sezvinobvira zvino. Bva, ndinopwiswa kuti nokukurumidza, munyika itsva yakapikirwa yaMwari, ndichakwanisa kuona zvishamiso zvose zvechisiko. Nokudaro, ndakatsunga zvino kuchengeta chiono changu chomudzimu.
Naizvozvo, nomusoro waTracy pamakumbo angu, tagadzirira zvino kuteerera chinyorwa chemagazini yeNharireyomurindi yazvino uno yakarekodwa.—Yakataurwa naAnne-Marie Evaldsson.