Kodzero Yokuchengeta Mwana—Rudzidziso Nemutemo
MUNYAYA dzokurambana nekodzero yokuchengeta mwana, rudzidziso runogona kuva chinhu chinokosha—uye chakaoma. Somuenzaniso, mibvunzo yakadai seinotevera ingamuka.
Mutongi anofanira kurangarira ufakazi hwokuti mumwe mubereki haana kukodzera kuwana kodzero yokuchengeta mwana nemhaka yokuti mubereki iyeye mutezo werudzidziso rwakati, zvikurukuru rudzidziso rwevashoma here? Mutongi anofanira kurangarira ufakazi pamusoro pezvitendero zvorudzidziso nemiitiro zvavabereki kuitira kuti agogona kusarudza kuti ndorupi rudzidziso, sokuona kwake, ruchava rwakanakira mwana zvikurusa here? Anofanira kurayira ipapo here kuti mwana wacho arerwe murudzidziso irworwo ndokurambidza mwana wacho kuti aende kune mamwe marudzidziso?
Nhasi, vanhu vakawanda zvikuru vanoroora kunze kwerudzidziso rwavo kana kuti dzinza. Naizvozvo apo varoorani ava vanorambana, vana vangave vatobatanidzwa nemarudzidziso maviri. Pane dzimwe nguva, mubereki anobatanidzwa mukurambana angave akagamuchira rudzidziso rwakati nguva pfupi yapfuura rwakasiyana neurwo mubereki iyeye aive narwo kare. Sangano rorudzidziso idzva ringava chinodzikamisa muupenyu hwomubereki iyeye uye rinokosha zvikuru kwaari asi risina kurovedzana nevana. Naizvozvo mumwe mubvunzo unomuka, Dare rinogona kurambidza mubereki here kuenda nevana kuminamato yorudzidziso yourwu rudzidziso nemhaka bedzi yokuti rwakasiyana norudzidziso urwo vabereki vaishandisa kare?
Iyi mibvunzo yakaoma. Inoda kuti mutongi arangarire kwete bedzi zvinodikanwa zvemwana asi zvido nekodzero zvevaberekiwo.
Kodzero Dzinokosha Dzevabereki Nevana
Ichokwadi kuti vatongi vangapesvedzerwa nemirangariro yavo yomunhu oga yorudzidziso. Asi munyika zhinji kungasabvira kuti kodzero dzorudzidziso dzevabereki kana kuti dzemwana dzichafuratirwa. Nyika idzi dzingave dzine mabumbiro omutemo anorambidza mutongi kuganhurira kodzero yavabereki inokosha yokutungamirira kurerwa kwemwana, kubatanidza murayiridzo wedzidzo noworudzidziso.
Mwana ane kodzero yokugamuchira kurovedza kwakadaro kuvabereki vake. Mutongi asati agona kukanganisa nenzira yapamutemo kurovedzwa murudzidziso kwemwana, dare rinofanira kunzwa ufakazi hunopwisa hwokuti “miitiro yorudzidziso yakati ine tyisidziro yapakarepo uye huru kugarikano yomuviri pamwana.” (Kutsveyamiswa kwamashoko ndokwedu.) Kusangowiriranawo hako pamusoro porudzidziso kana kuti kunyange kuvengana kwevabereki nemhaka yorudzidziso, hakuna kukwana kuti kururamise kupindira kweHurumende.
MuNebraska, U.S.A., chimiro chine mufungo chakatorwa namai vari mumwe weZvapupu zvaJehovha mukakavadzano yekodzero yokuchengeta mwana chinoratidzira nzira iyo idzi gadziriro dzapamutemo dzinodzivirira nayo vose vari vaviri vabereki navana. Baba vacho vasiri Chapupu vakanga vasingadi kuti mwana wavo apinde minamato yeZvapupu zvaJehovha paHoro yoUmambo. Dare rapasi rakabvumirana nababa vacho.
Mai vacho ipapo vakaikwidza kuDare Gurusa reNebraska. Mai vacho vakataura kuti pakanga pasina ufakazi hwekutyisidzira kwapakarepo kana kuti kukuru kugarikano yemwana muupi noupi wemibato yeZvapupu zvaJehovha. Mai vacho vakapupura “kuti kupinda nokutora rutivi mumibato yorudzidziso yevabereki vose vari vaviri . . . kwaizogovera hwaro kumwana kusarudza kuti rudzidziso rupi rwaaizoda apo aizosvika zera rakakwana rokunzwisisa.”
Dare rapamusoro rakachinja chisarudzo chedare rapasi ndokutaura kuti “dare [rapasi] rakashandisa uchenjeri hwaro zvisina kufanira mukuisa ganhuriro pakodzero yamai yokuchengeta mwana yokudzora kurera mwana wavo muduku mune zvorudzidziso.” Kwakanga kusina ufakazi chose chose hwokuti mwana wacho akanga ari kukuvadzwa nokupinda minamato paHoro yoUmambo yeZvapupu zvaJehovha.
Kodzero Dzevabereki Vasiri Kuchengeta Vana
Pane dzimwe nguva, vabereki vakarambana vanoedza kushandisa kakavadzano pamusoro pokurovedzwa murudzidziso senzira yokuwana nayo kudzora vana. Somuenzaniso, muKhalsa v. Khalsa, nyaya muruwa rweNew Mexico, U.S.A., vabereki vose vari vaviri vakanga vashandisa rudzidziso rweSikh mukati meroorano yavo. Asi chinguvana pashure pokunge varambana, mai vacho vakatendeukira kuchiKaturike ndokuvamba kudzivisa vana kushandisa chiSikh.
Baba vacho vakatsamwa ndokuendesa nyaya yacho kudare vachiedza kutsvaka chiremera chikuru chokutungamirira kurovedza murudzidziso vana murudzidziso rwavo rwechiSikh. Dare rokutonga rakaita sei kuchikumbiro chababa vacho? Rakaramba chikumbiro chake. Dare rokutonga rakarayira kuti “apo vana vacho vakanga vana[ye], vaisagona kutora rutivi nokuzvidira kana kuti nokumanikidzwa mumubato upi noupi weSikh, kubatanidza mubato wechechi upi noupi, kuenda kumisasa kwechiSikh kana kuti kukireshi.”
Baba vacho vakakwirira chisarudzo ichi kuDare Rokukwirira reNew Mexico. Iri dare rapamusoro rakabvumirana nababa vacho ndokuchinja chisarudzo chedare rokutonga. Dare rokukwirira rakati: “Matare anofanira kuomerera kumutemo wokusasarura marudzidziso, uye anofanira kupindira munharaunda iyi inoda kungwarira uye yakadzivirirwa nomutemo apo bedzi pane ufakazi hwakajeka uye hunotsigira hwokukuvara kwemwana. Ganhuriro munharaunda iyi inoparira ngozi yokuti ganhuriro dzedare dzichadzvinyirira zvisiri pamutemo rusununguko rwomubereki rwokunamata kana kuti kurangarirwa sedzine tapuro yakadaro.”
Chisarudzo chakadaro chinotevera mudungwe murefu wenheyo dzakasimba zvikuru munyika zhinji. Mubereki ane mufungo acharangarira nheyo idzi. Mukuwedzera, mubereki wechiKristu acharangarira nokungwarira kuda kwemwana kusonganira nevabereki vose vari vaviri, pamwe chete nomusengwa wemwana wokuratidza kuremekedza kuvose vari vaviri mai nababa.—VaEfeso 6:1-3.
Kuyanana Kunze Kwedare
Kunyange zvazvo kuyanana kunze kwedare kungave kwapamutemo zvishoma kupfuura kutongwa pamberi pomutongi, mubereki haafaniri kukusvika zvachero. Kubvumirana kupi nokupi kana kuti zvinosarudzwa zvinosvikwa munhau iyi yekodzero yokuchengeta mwana zvinogona kuitwa kuti zvishande nemirayiro yedare inozotevera. Naizvozvo, kwaizova kune mufungo kuti mubereki atsvake gweta remutemo wemhuri rine ruzivo rwokuzviwanira kuitira kuva nechokwadi chokuti nyaya dzose dzine chokuita nekodzero yokuchengeta vana dzibatwe zvakafanira uye zvakarurama.
Mubereki mumwe nomumwe anofanira kuwana nguva yokugadzirira nyaya yokuyanana. Maitiro nomufambiro zvomubereki mukati mokuyanana zvinogona kupesvedzera zvikuru mugumisiro wacho. Kazhinji kazhinji zvikuru, vabereki vari kurambana vanongofunga nezvekurambana bedzi zvokuti havaoni nhau dzinokosha: Ndezvipi zvakanakira mwana zvikurusa? Chii icho mwana anoda kuitira kuti akure mundangariro, mumirangariro, uye mumuviri?
Yeuka kuti mumurangariro wapamutemo, nhau inokosha mukuyanana, hakusi kusawirirana kworudzidziso kana kuti kumwe kwomunhu oga, asi kuti vabereki vanogona sei kubvumirana ndokuronga chibvumirano chakanakira vana. Mubereki zvichida achatarisana nemibvunzo isingakarirwi yorudzidziso kana kuti kumwe kusarura, kana kuti mazano okutsamwisa kana kuti kuvhiringidza. Zvikanganiso zvomubereki mumwe nomumwe zvingafumurwa kana kuti kunyange kukatutsirwa. Apo avo vanobatanidzwa vanoramba vane mufungo, zvisinei, chisarudzo chinogona kusvikwa.
Padzimwe nguva, gadziriro yokuyanana ingaratidzika seyarebeswa uye inokangaidza. Imwe nzira chiito chedare chirefu nokuzivisa kunokukangaidza, mutoro wemari, uye kukuvadza kwaro mwana. Zvirokwazvo izvozvo hazvidiwi. Kungofanana nezvinetso zvose zvakakomba muupenyu, mubereki wechiKristu achada kusvika gadziriro yokuyanana nenzira yokunyengetera, achiyeuka kokero yakafuridzirwa yoku“isa nzira yako pana Jehovha; vimbawo naye, iye uchazviita.”—Pisarema 37:5.
Asi zvakadini kana mhinduro isingagoni kusvikwa uye mutongi achipa mumwe mubereki kodzero yokuchengeta mwana? Kana kuti zvakadini kana mumwe wevabereki vari kurambana akadzingwa muungano yechiKristu? Uyewo, munhu anofanira kurangarira sei kodzero yokuchengeta mwana yevabereki vose nekodzero yokuchengeta mwana yomubereki mumwe? Mibvunzo iyi nedzimwe nheyo dzeBhaibheri dzinowirirana zvichakurukurwa munyaya inotevera.
[Bhokisi riri papeji 24]
Mavara Matatu Anokosha
Mutongi wedare remhuri akabvunzurudzwa neMukai! akataura kuti pakati pemavara anokosha ayo anotsvaka mumubereki matatu anotevera:
Kuva nomufungo—kuda kubvumira mwana zvikurusa kuonwa nomumwe mubereki (kana pasina tyisidziro kumuviri kana kuti kutsika kumwana)
Kunzwira Vamwe—kuziva zvinodikanwa zvemirangariro zvemwana
Kuzvidzora—upenyu hwapamusha hwakadzikama hungabetsera mamiriro ezvinhu akagadzikana umo mwana angagona kukura zvakanaka
[Bhokisi riri papeji 24]
Nhungamiro Dzavatongi
Kupfurikidza nokugadza nhungamiro, vamwe vatongi vakaedza kudzivisa nharo dzisiri madikanwa pamusoro pemipimo yorudzidziso yomubereki. Somuenzaniso:
1. Ukama hunokosha hunofanira kukurudzirwa pakati pemwana nevabereki vose vari vaviri. Mutongi Wedare Gurusa reCanada John Sopinka akati mubereki mumwe nomumwe anofanira kubvumirwa ku“ita mibato iya inoparira kuzivisa mubereki zvaari chaizvoizvo [kubatanidza kushandisa rudzidziso rwake]. Mubereki asingachengeti mwana haakarirwi kuedzesera kuva zvaasiri kana kuti kuva namararamiro okuedzesera mukati menguva yaanova nemwana.”
2. Kudzivisa mubereki asingachengeti mwana kudzidzisa mwana zvitendero zvake zvorudzidziso kuputswa kworusununguko rwerudzidziso rwemubereki, kunze kweapo kunenge kune ufakazi hwakajeka, hunotsigira, hwekukuvara kuri pedyo uye kukuru kwemwana.
[Mufananidzo uri papeji 25]
Vatongi vane basa rinorema munyaya dzekodzero yokuchengetwa kwevana
[Mufananidzo uri papeji 26]
Muyananisi anogona kubetsera vabereki kupedza kusawirirana kwavo pasina kutonga kwamatare kwakareba