Kodzero Yokuchengeta Mwana—Murangariro Wakadzikama
KAZHINJI KAZHINJI, denho chaiyoiyo inouya pashure pokurambana, muhondo yokudiwa nokudzorwa kwemwana. Chirevo chokuti, “Zvinoda vaviri kuti parwiwe” hachisi chechokwadi nguva dzose. Zvingada mubereki mumwe bedzi anotonga anoda kuti zvinhu zviitwe nenzira yake. Rimwe gweta remhuri muToronto, Canada, rakati: “Mumutemo wemhuri, chinhu chiri chose chinogona kumutsa hasha uye chiri pamwoyo.”
Panzvimbo pokufunga nezvezvakanakira mwana zvikurusa, vamwe vabereki vanoita kuti kakavadzano irambe ichipfuurira nokuita zvikumbiro zvekodzero dzisina mufungo panyaya dzisina maturo. Somuenzaniso, vamwe vakaedza kubvumikisa kuti kodzero yokuchengeta mwana inofanira kuchinjwa nemhaka yokuti mumwe mubereki mumwe weZvapupu zvaJehovha uye achanyima mwana ‘upenyu hwenguva dzose.’
Asiri Chapupu angamutsa nyaya yokupemberera mazuva okuzvarwa, Krisimisi, kana kuti kunyange Halloween. Vamwe vanganyunyuta kuti songaniro yemwana uye kuchinja munzanga kwaizoganhurirwa kana mwana akasarudza kusakwazisa mureza. Kana kuti vamwe vangakarakadza kuti mwana angakuvadzwa mumurangariro nokuperekedza mubereki mukutaura kuvamwe pamusoro peBhaibheri. Vamwe vabereki vasiri Zvapupu vakatoti upenyu hwemwana hwaizoiswa mungozi nemhaka yokuti mubereki ari Chapupu aisazobvumira mwana kuisirwa ropa.
MuKristu anogonana sei nedenho yenharo dzinomutsa hasha dzakadaro? Kuita neshungu—“kutsiva”— hakusati kuchizoshanda. Kana nyaya yacho ikaendeswa kumutongi, mubereki mumwe nomumwe achava nomukana wokunzwiwa. Zvinokosha zvikurusa kurangarira zano reBhaibheri rokuti: “Kandira mutoro wako pamusoro paJehovha, iye uchakusimbisa; haangatongotenderi wakarurama kuti azununguswe.” (Pisarema 55:22) Kupfurikidza nokufungisisa pane izvi uye kupfurikidza nokushandisa nheyo dzeBhaibheri, vabereki vanogona, nebetsero yaJehovha, kugonana nomugumisiro upi noupi unobatanidza kodzero yokuchengeta mwana.—Zvirevo 15:28.
Kuva Nomufungo
Zvakanakira mwana zvikurusa ndiyo nhau huru. Kana mubereki achinyanyorayira, angarasikirwa nekodzero yokuchengeta mwana uye angatowana ropafadzo dzake dzokushanyirana nemwana dzaganhurirwa. Mubereki akachenjera anozvibata nenzira yorugare, achirangarira zano reBhaibheri rokuti: “Musatsiva munhu chakaipa kana akuitirai chakaipa. . . . Mudziurire kutsamwa . . . Usakundwa nezvakaipa asi ukunde zvakaipa nezvakanaka.” (VaRoma 12:17-21) Mungave mudare, muhofisi megweta, kana kuti nomunhu ari kunzvera kodzero yokuchengeta mwana, vabereki vanofanira kuita kuti “unyoro [hwavo hu]zivikanwe nevanhu vose.”—VaFiripi 4:5.
Pane dzimwe nguva mukwanyina akarambwa achaedza kunyengedza vamwe kupfurikidza nokuvamba zvinetso zvokufungidzira zvinotsausa. Kuchenjera kurwisa muitiro weunhu wokunyanyisa kuaya mashoko anodenha. Utano, rudzidziso, uye dzidzo inhau dzinofarirwa idzo vabereki vakarambwa vanoshandisa kuti varonge misikanzwa mukakavadzano dzekodzero yokuchengeta vana mukutonga.—Zvirevo 14:22.
Kuva nomufungo kunobatanidza kukwanisa kurangarira maidi ndokukurukurirana chibvumirano chakarurama. Hapana mubereki anofanira kukanganwa kuti kunyange pashure pokurambana, mwana achine vabereki vaviri. Vabereki vakarambana asi havana kuramba mwana. Naizvozvo, kunze kwemumamiriro ezvinhu akaipisisa, mubereki mumwe nomumwe anofanira kuva norusununguko rwokuita somubereki apo anenge ane mwana. Mumwe nomumwe anofanira kuva norusununguko rwokuratidza manzwire ake nezvinokosha ndokuita kuti mwana agoverane nomubereki mumibato yake yapamutemo, yorudzidziso kana kuti mimwe.
Ngatirangarirei migumisiro inobvira yokutonga kwedare: (1) kodzero yokuchengeta mwana yevabereki vose, (2) kodzero yokuchengeta mwana yomubereki mumwe, uye (3) ganhuriro paropafadzo dzokushanyirana. Ndoupi uri musiyano pakati pekodzero yokuchengeta mwana yevabereki vose nekodzero yokuchengeta mwana yomubereki mumwe? Unogona kuita sei apo unorasikirwa nekodzero yokuchengeta mwana? Zvakadini kana mumwe mubereki akadzingwa?
Kodzero Yokuchengeta Mwana Yevabereki Vose
Vamwe vatongi vanofunga kuti zvinokosha kuita kuti mwana arambe achionana nevabereki vose vari vaviri. Kurangarira kwavo kwakavakirwa panzvero kunoratidza kuti vana vangatambura dzvinyiriro shoma nekuvadziko yendangariro pashure pokurambana kana vabereki vachikwanisa kugoverana kodzero yokuchengeta mwana. Panzvimbo pokunzwa asiyiwa nomumwe mubereki, mwana angava nepfungwa yokudiwa nevabereki vose vari vaviri uye yokubatanidzwa mumhuri dzose dziri mbiri. “Kodzero yokuchengeta mwana yevabereki vose inzira yokuita kuti vabereki vose vari vaviri varambe vachibatanidzwa,” rinodaro rimwe gweta remutemo wemhuri.
Zvisinei, Dr. Judith Wallerstein, mutungamiriri weCenter for the Family in Transition, iri muCorte Madera, California, anonyevera kuti kuita kuti kodzero yokuchengeta mwana yevabereki vose ishande, unoda vabereki vanobatira pamwe uye mwana anochinjika uye anowirirana nevanhu. Aya mavara anokosha nemhaka yokuti mukodzero yokuchengeta mwana yevabereki vose vari vaviri vane kodzero yapamutemo yokugoverana mukuita zvisarudzo panhau dzinokosha dzinobatanidza utano, dzidzo, kurerwa murudzidziso, uye upenyu hwomunzanga hwemwana wavo. Asi izvi zvinoshanda bedzi kana vabereki vose vari vaviri vakaramba vane mufungo mukurangarira zvakanakira mwana wavo zvikurusa panzvimbo pezvakavanakira ivo somunhu oga.
Kodzero Yokuchengeta Mwana Yomubereki Mumwe
Dare ringapa kodzero yokuchengeta mwana yomubereki mumwe kumubereki uyo, mukurangarira kwaro, akashongedzerwa zviri nani kugovera zvinodikanwa zvemwana. Mutongi angasarudza kuti mubereki ane kodzero yokuchengeta mwana aite zvisarudzo ari oga pamusoro penhau dzinokosha pamusoro pegarikano yemwana. Kazhinji kazhinji, dare rinosvika pachisarudzo pashure pokuteerera zvakawanwa nevanzveri—kazhinji kazhinji ava vanzveri vendangariro, vanzveri vepfungwa kana kuti vashandi vemunzanga.
Vatsigiri vekodzero yokuchengeta mwana yomubereki mumwe vanofunga kuti gadziriro yacho inopa mwana kugadzikana kwakawedzerwa. Apo vabereki vanenge vasingakwanisi kana kuti zvingangosaita kuti vakurukurirane nenzira inobudirira, vatongi vazhinji vanoda havo iyi gadziriro yekodzero yokuchengeta mwana. Chokwadika, mubereki asina kodzero yokuchengeta mwana haabviswi chose chose muupenyu hwemwana. Kodzero dzokushanyirana nemwana kazhinji kazhinji dzinopiwa kumubereki asina kodzero yokuchengeta mwana, uye vabereki vose vari vaviri vanogona kupfuurira kugovera mwana nhungamiro inodikanwa, rudo, uye chidakadaka.
Ropafadzo Dzokushanyirana Nemwana
Hazvina kunaka kuti vabereki varangarire kodzero yokuchengeta mwana seine “anohwina” ne“anoruza.” Vabereki vanobudirira ndoku“hwina” apo vanoona vana vavo vachikura kuva vanhu vakuru, vanokwanirisa, vanoremekedzwa. Kubudirira mukurera mwana hakuna kubatana zvakananga nekodzero yapamutemo yokuchengeta mwana. Kupfurikidza nokuteerera zvinodikanwa zvinopiwa nedare munhau dzekodzero yokuchengeta mwana, kunyange apo izvozvi zvinenge zvichiratidzika kuva zvisina kururama, muKristu anoratidza “kuzviis[a] pasi pamasimba makuru.” (VaRoma 13:1) Zvinokoshawo kuyeuka kuti ino haisi nguva yokurwira chidakadaka kana kuti kuvimbika kwevana venyu kupfurikidza nokuzvidza mumwe mubereki mukuedza kuputsa ukama hwake navo.
Kune mienzaniso yomuBhaibheri yevabereki vanotya Mwari avo, nokuda kwezvikonzero zvakasiyana-siyana, vakaparadzaniswa nevana vavo. Somuenzaniso, Amrami naJokebhedhi, vabereki vaMosesi, vachiita zvakanakira mwana wavo zvikurusa, vakamuisa muareka duku inoyangarara v“akaigadzika pakati petsanga pamhenderekedzo dzorwizi [rwaNire].” Apo mucheche wacho akawanwa nomwanasikana waFarao, vakaramba vachivimba naJehovha. Ava vabereki vakachenjera navakatendeka vakatuswa neropafadzo “dzokushanyirwa nemwana” dzakawanda dzavakashandisa zvinobudirira kurovedza mukomana wacho munzira yaJehovha. Mosesi akakura kuva mubatiri akatanhamara waMwari wechokwadi.—Eksodho 2:1-10; 6:20.
Zvakadini, zvisinei, kana mumwe wavabereki akadzingwa? Mubereki wechiKristu anofanira kuita kuti mwana wacho amushanyire here? Gadziriro yokudzinga yeungano inongochinja bedzi ukama hwomudzimu pakati pomunhu wacho neungano yechiKristu. Kutaura idi, inodambura batano dzomudzimu. Asi ukama hwemubereki nomwana hunoramba huripo. Mubereki ane kodzero yokuchengeta mwana anofanira kuremekedza kodzero dzomubereki akadzingwa dzokushanyirana nemwana. Zvisinei, kana mubereki asina kodzero yokuchengeta mwana akava ngozi inotyisidzira uye huru kugarikano yemwana yomuviri neyomudzimu, ipapo dare (kwete mubereki ane kodzero yokuchengeta mwana) ringaronga kuti kushanyirana nemwana kutarisirwe nomumwe munhu wechitatu.
Hausati Uchitongova Woga
Gadziriro dzokurambana nekakavadzano dzekodzero yokuchengeta mwana dzinotevera ndezvinoitika zvinoremedza ndangariro. Mubatanidzwa wakatanga nenzira inovimbisa kwazvo waparadzwa pamwe chete netariro dzevaroorani vacho, zvirongwa, uye kariro. Somuenzaniso, kusavimbika muroorano kana kuti kurohwa kwakakomba kungamanikidza mudzimai akavimbika kuti azvitsvakire dziviriro yapamutemo nemwana wake. Bva, kunzwa ane mhaka nokusakwanisa kungapfuurira sezvaanofungisisa kuti chii chakakanganisika kana kuti nzira iyo nyaya yacho ingagona kudai yakabatwa nayo nenzira inobudirira zvikuru. Varoorani vazhinji vanoshushikana pamusoro pamaitiro evana vavo pakuputsika kwemhuri. Rwisano yomudare yekodzero yokuchengeta mwana ingava chinopishanisa ndangariro chinoedza kwete bedzi kuperera kwemunhu somubereki anoitira hanya asiwo kunoedza kutenda kwomunhu nokuvimba kwake naJehovha.—Enzanisa nePisarema 34:15, 18, 19, 22.
Apo mukwanyina asina mhaka anosarudza kuita chiito nemhaka yokubatwa zvisina kufanira kwemwana kana kuti kubatwa zvisina kufanira kwomukwanyina kana kuti kudzivirira utano hwake mungozi yehosha dzinopfuudzwa muvatano kubva kumukwanyina asina kutendeka, hapana kudikanwa kwokuti mukwanyina asina mhaka anzwe ane mhaka kana kuti kunzwa wasiyiwa naJehovha. (Pisarema 37:28) Mukwanyina asina kutendeka kana kuti anobata zvisina kufanira ndiye akatyora chibvumirano chinoyera cheroorano ndoku“nyengera” mukwanyina wake.—Maraki 2:14.
Pfuurira kuva ne“hana yakanaka” pamberi pomunhu naJehovha nokushandisa nheyo dzeBhaibheri, uchibata mukwanyina wako wawakarambana naye nokutendeka, uye uchiratidza kuchinjika muzvibvumirano zvenyu zvekodzero yokuchengeta mwana. “Nokuti zviri nani, kana kuri kuda kwaMwari, kuti mutambudzike kana muchiita zvakanaka, pakuti kana muchiita zvakaipa.”—1 Petro 3:16, 17.
Kana vari vana, vanoda kurudziro yokuti kuputsika kwemhuri yakanga isiri mhaka yavo. Pane dzimwe nguva zvinhu hazviitiki chaizvo sezvakarongwa. Asi kushandiswa kwenheyo dzeBhaibheri kunogona kupfavisa tapuro yekurambana kupfurikidza nokukurudzira kurukurirano yakazaruka uye yokunzwisisa pakati pevabereki nevana. Somuenzaniso, izvi zvinogona kuitwa kupfurikidza nokubvumira vana kuva norutivi rukuru mukugadzirira upenyu hwemhuri pashure pokurambana. Kupfurikidza nokushivirira nokuva nomutsa uye kupfurikidza nokufarira kunzwa kwevana uye kuteerera kune zvavanotaura, uchaita zvakawanda kuti uvabetsere kuti vachinjire kugadziriro itsva nemagariro.
Vamwe Vanogona Kubetsera
Vabereki havasiri ivo voga vanogona kubetsera mwana anotambura nokuputsika kwemhuri. Mitezo yemhuri, vadzidzisi, uye shamwari vanogona kuita zvakawanda kutsigira nokukurudzira vana vevakarambana. Zvikurukuru, madzisekuru namadzimbuya anogona kuita zvakawanda kuti abatsire kukugadzikana kwevana negarikano yemirangariro.
Madzimbuya namadzisekuru echiKristu angapa murayiridzo womudzimu wevana nemibato yakanaka, asi vanofanira kuremekedza zvisarudzo zvevabereki pamusoro perovedzo yorudzidziso, nokuti vabereki, kwete madzimbuya namadzisekuru, vane chiremera chetsika nechomutemo chokuita zvisarudzo izvozvi.—VaEfeso 6:2-4.
Netsigiro yakadaro, vana vevakarambana vanogona kupukunyuka kuputsika kweroorano yevabereki vavo. Uye vanogona kupfuurira kutarira mberi kuzvikomborero zvenyika itsva yaMwari, umo mhuri dzose dzichave dzasununguka pa“uranda hwokuora, [dzi]iswe pakusunungurwa kwokubwinya kwavana vaMwari.”—VaRoma 8:21; 2 Petro 3:13.
[Bhokisi riri papeji 29]
Kururamisa Kusanzwisisa
“Rurimi rwowakachenjera runobudisa zivo kwadzo,” uye mubereki wechiKristu ane mukana wakaisvonaka wokururamisa kusanzwisisa kana kuti zvokwadi dzisina kuzara. (Zvirevo 15:2) Somuenzaniso, pamusoro pokurapwa kwevana vavo, “Zvapupu zvaJehovha zvinogamuchira kurapwa nomushonga uye kuvhiya,” asi apo zvinosarudzwa somubereki ane kodzero yokuchengeta mwana, Chapupu chine kodzero yokubvuma chaziva gadziriro dzipi nedzipi dzokurapa.a—The Journal of the American Medical Association.
Zvapupu zvaJehovha zvinorangarira zvakakomba rudzidziso rwazvo, urwo rwakavakirwa paShoko raMwari, Bhaibheri. Irworwu rwunozviparira kuva vanababa, vanamai, vana, vavakidzani, uye vagari venyika vari nani. Vabereki vechiKristu vanopa chirango murudo, vachivaka kuremekedza chiremera uye vachishongedzera vana vavo nezvinhu zvakanaka zvinokosha zvoupenyu.b—Zvirevo 13:18.
Dzidzo yokunyika rutivi runokosha rwokurerwa kwemwana, uye Zvapupu zvaJevhoha zvinoda kuti vana vazvo vave neyakanakisisa inowanika.c—Zvirevo 13:20.
[Mashoko Omuzasi]
a Ona bhurocha rinonzi Ropa Rinogona Sei Kuponesa Upenyu Hwako?, rakabudiswa neWatchtower Bible and Tract Society of Pennsylvania.
b Ona bhuku rinonzi Chakavanzika Chomufarwa Wemhuri, maganhuro 5-7, 9, rakabudiswa neWatchtower Bible and Tract Society of New York, Inc.
c Ona bhurocha rinonzi Zvapupu zvaJehovha Nedzidzo, rakabudiswa neWatchtower Bible and Tract Society of Pennsylvania.
[Mufananidzo uri papeji 28]
Mubereki ane kodzero yokuchengeta mwana anofanira kuteerera nokushivirira apo mwana anotaura nezvekushanyirana kwake nomubereki asina kodzero yokumuchengeta