RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g97 12/8 pp. 21-23
  • Ndezvipi Zvakanakira Mwana Zvikurusa?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Ndezvipi Zvakanakira Mwana Zvikurusa?
  • Mukai!—1997
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Dzimwe Nzira Dzekodzero Yokuchengeta Mwana
  • Mibvunzo Ingatarisanwa Nayo
  • Kodzero Yokuchengeta Mwana—Murangariro Wakadzikama
    Mukai!—1997
  • Kodzero Yokuchengeta Mwana—Rudzidziso Nemutemo
    Mukai!—1997
  • Kurambana Kunokanganisa Sei Vana?
    Mazano Ekubatsira Mhuri
  • Neiko Baba Naamai Vakaparadzana?
    Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda
Ona Zvimwe
Mukai!—1997
g97 12/8 pp. 21-23

Ndezvipi Zvakanakira Mwana Zvikurusa?

KURAMBANA kana kuti kusarambana? Iwoyo ndiwo mubvunzo mukuru unofungwa nevanhu vazhinji vakaroorana vasingafari. Makore mazhinji akapfuura kurambana kwaisafarirwa, kana kutoshorwa, nokuda kwezvikonzero zvetsika uye zvorudzidziso. Uye vabereki vapi nevapi vakanga vakaroorana vasingafari kazhinji kazhinji vaigara pamwe chete nokuda kwevana. Zvisinei, mipimo yenyika ino yakachinja zvikuru mumakore mashomanene zvikuru akapfuura. Nhasi kurambana kunogamuchirwa navazhinji.

Bva, pasinei zvapo nokugamuchirwa kwokurambana, vabereki vakawanda, vatongi, vadzidzi vemagariro avanhu, uye vamwe vari kuratidza kushushikana pamusoro pemigumisiro yakaipa yokurambana pavana. Kutaura kuzhinji kwenyevero kwave kunzwika zvino. Ufakazi huri kuwedzera hunoratidza kuti kurambana kunogona kuparadza mwana zvikuru. Vabereki vari kukurudzirwa kufunga nezvemigumisiro yokurambana nokuda kwavo vamene uye nokuda kwevana vavo. Imwe nyanzvi yezvemagariro evanhu Sara McLanahan, yePrinceton University, inoti “pakati pezvikamu zviviri muzvitatu nezvikamu zvitatu muzvina zvemhuri dzinorambana zvinofanira zvichida kuzvibvumira nguva yakawanda nokufunga pamusoro pokuti vari kuita chinhu chakarurama here.”

Nzvero dzemisi ichangobva kupfuura dzinoratidza kuti vana vevakarambana vari mungozi huru yokuita nhumbu vari vaduku, kusiira chikoro panzira, kuora mwoyo, kurambana muroorano dzavo vamene, uye kupiwa rubatsiro nehurumende. Munyika dzokuMadokero, mwana 1 mu6 anotapurwa nokurambana. Wezvenhau Mary Ann Mason, mubhuku rake pamusoro pekodzero yokuchengeta mwana muUnited States, akati: “Mwana akaberekwa muna 1990 akanga ane mukana unenge 50 muzana wokutarisirwa nedare munyaya yaibatanidza kuti mwana achagara nani uye kupi.”

Nenzira inosuruvarisa, kuvengana hakugumi nokurambana nguva dzose, sezvo vabereki vangapfuurira kurwisana mumatare pamusoro pekodzero yokuchengeta nokushanyirana nevana, vachidzvinyirirazve vana vavo. Uku kupopotedzana kunomutsa hasha mumatare emakakatanwa kunoedza kuvimbika kwevana kuvabereki vavo uye kunowanzovasiya vachinzwa vasina simba uye vachitya.

Mumwe anopa mhuri zano akati: “Kurambana hakununuri vana. Dzimwe nguva kunonunura vanhu vakuru.” Chokwadi ndechokuti nokurambana, vabereki vangapedza zvinetso zvavo vamene, asi panguva imwe cheteyo, vanogona kukuvadza vana vavo, vangapedza upenyu hwavo hwose vachiedza kugadzirisa kukuvara kwacho.

Dzimwe Nzira Dzekodzero Yokuchengeta Mwana

Mukuvengana nekudzvinyirirwa kwemirangariro yokusiyana, zvakaoma zvikuru kukurukurirana pamusoro peachava nekodzero yokuchengeta vana munguva yemberi nenzira yakadzikama uye ine mufungo. Kuderedza kubonderana kwevabereki ndokudzivisa makakatanwa mumatare, dzimwe nharaunda dzinopa imwe nzira yokupedza nayo rwisano dzacho, zvakadai sokuyananiswa nomumwe munhu musiri mudare.

Apo kunoitwa zvakanaka, kuyananiswa kunobvumira vabereki kuronga chibvumirano panzvimbo pokusiira zvisarudzo zvokunoenda vana kumutongi. Kana kuyananiswa nomumwe munhu kusingabviri, vabereki vangakwanisa kuronga gadziriro yekodzero yokuchengeta nokushanyirana nemwana kupfurikidza nemagweta avo. Kana vabereki vangobvumirana chete ndokunyorerana, mutongi anogona kusaina mutemo une zvishuvo zvavo.

Apo vabereki vanenge vasingagoni kubvumirana pamusoro pegadziriro yekodzero yokuchengeta mwana, gadziriro yomutemo munyika zhinjisa ichagovera mutoo wokuedza kuva nechokwadi chokuti zvakanakira vana zvikurusa zvinodzivirirwa. Vachanyanya kuitirwa hanya nomutongi vachava vana, kwete vabereki. Mutongi acharangarira maidi akakodzera mazhinji, zvakadai sezvishuvo zvavabereki, ukama hwemwana nomubereki mumwe nomumwe, zvinodikanwa nemwana, uye kukwanisa kutarisira mwana zuva nezuva kwomubereki mumwe nomumwe. Ipapo mutongi achasarudza kuti mwana achagara kupi uye nani pamwe chete nokuti vabereki vachaita sei zvisarudzo zvinokosha pamusoro peramangwana remwana.

Mugadziriro yekodzero yokuchengeta mwana yomubereki mumwe, mubereki mumwe angave nechiremera chokuita zvisarudzo. Mugadziriro yekodzero yokuchengeta mwana yevabereki vose, vabereki vose vari vaviri vanofanira kubvumirana pazvisarudzo zvinokosha zvakadai sokurapwa kwemwana nedzidzo.

Mibvunzo Ingatarisanwa Nayo

Apo vanotarisana nerwisano mudare yekodzero yokuchengeta mwana, vabereki vari Zvapupu zvaJehovha vanofanirawo kurangarira zvakanakira vana zvikurusa mumudzimu. Somuenzaniso, zvakadini kana mubereki asiri Chapupu achirwisana nokurovedzwa kupi nokupi kwevana kwakavakirwa paBhaibheri? Kana kuti zvakadini kana mubereki asiri Chapupu akadzingwa muungano yechiKristu?

Zviitiko izvi zvinogona kuita kuti kuita chisarudzo kuve kwakaomera zvikuru vabereki vechiKristu. Vanoda kuita nenzira yokuchenjera uye ine mufungo, uye vanodawo kuchengeta hana yakanaka pamberi paJehovha sezvavanorangarira nokunyengetera zvakanakira vana zvikurusa.

Munyaya dzinotevera, ticharangarira mibvunzo yakadai seiyi: Pakupa kodzero yokuchengeta vana, mutemo unorangarira sei rudzidziso? Ndinogona sei kugonana nedenho yenyaya yekodzero yokuchengeta mwana nokubudirira? Ndinogonana sei nokurasikirwa nekodzero yokuchengeta vana vangu? Ndinorangarira sei chibvumirano chekodzero yokuchengeta vana chevabereki vose nomubereki akadzingwa?

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe