RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g97 11/8 pp. 30-31
  • Kuchazombova Norugare Norunyararo Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kuchazombova Norugare Norunyararo Here?
  • Mukai!—1997
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Zvibingamupinyi Zvinofanira Kukurirwa
  • Mugumo Woruzha Here?
  • Ruzha—Chaunogona Kuita Pamusoro Parwo
    Mukai!—1997
  • Ruzha—Chinonyangadza Chazvino Uno
    Mukai!—1997
  • Rugare Rwechokwadi—Rwunobva Mumanyukoi?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1997
  • “Rugare rwaMwari” Ngarurinde Mwoyo Wenyu
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
Ona Zvimwe
Mukai!—1997
g97 11/8 pp. 30-31

Kuchazombova Norugare Norunyararo Here?

APO vakabvunzwa zvavaikarira pazororo kune imwe nyika, vanoda kusvika vatatu muvana vari vose vevashanyi veBritain vakapindura kuti, “Rugare norunyararo.” Asi ruzha zvarwuri chinetso chenyika yose, vakawanda vanodavira kuti rugare chairwoirwo norunyararo chinongova chirotowo zvacho.

Pasinei zvapo nenhamburiko dzakasimba dzokuderedza ruzha, ungashamisika kana kune mufungo kudavira kuti kuchazombova nokubudirira kwakakwana. Zvakadini nevamwe vasingagoverani kuitira hanya kwako?

Zvibingamupinyi Zvinofanira Kukurirwa

Hakusi nyore kutaura nevanhu vane nharo, kwakatooma zvikuru ndiko kuvaita kuti vabvume mirangariro yako. Apo mapoka ane ruzha evechiduku akaungana panze pechivako icho Ron aigara, akatanga kuvafarira. Akadzidza mazita avo. Akatobatsira kugadzira rimwe remabhasikoro avo. Kubva ipapo, haana kuzova nechinetso kubva kwavari.

Rangarira chinoitika chaMarjorie, mubereki anorera oga ane mhandara yake, uyo anogara mufurati iri pakati pevavakidzani vane ruzha. Vanogara pamusoro havana kapeti pauriri hwavo. Somugumisiro, Marjorie anowana kuti ruzha runobva kuvana vanofamba pauriri neshangu dzine mavhiri, vanobhambisa bhora, kana kuti kunyange vanojikija pamubhedha rwunomudzongonyedza. Mukuwedzera, amai vavo vanopfeka shangu refu pamba. Marjorie akasvika nomutsa kuti akumbire muvakidzani wake kunyarara, asi kusiyana kwomutauro pakati pavo kwakaparira kusanzwisisana. Kanzuru yemanisiparati yomunzvimbomo yakazvipira kutumira muturikiri kuti abatsire kupedza chinetso chacho, nokudaro Marjorie anomirira vandudziko.

Pauriri huri pasi pane murume anoridzisa nziyo pakati pa7 na8 mangwanani ari ose, bhiti yebhesi ichitinhira nguva dzose. Kusvika kwake murume wacho kwokungwarira kwakaunza mhinduro yokuti aida nziyo dzake kuti ‘dzimuise mumurangariro wakanaka webasa rake.’ Marjorie anogonana sei?

“Ndiri kushandira kuzvidzora nokushivirira nokumirira,” anodaro. “Ndakarongazve rudungwe rwangu, uye ndinogara ndokurava kunyange zvazvo kune ruzha. Ndinowana kuti ndinokurumidza kuisa ngwariro yangu yose pabhuku rangu. Ipapo handinzwi ruzha rwacho zvakanyanya.”

Heather, kune rumwe rutivi, anogara mufurati yakatarisana nebhawa, iro, pashure pousiku hwezhowezhowe, rinovharwa na6 mangwanani. Kunyange zvazvo pakupedzisira akanyunyuta kuzviremera zvomunharaunda, zvishomanene zvakaitwa kumisa kudzongonyedza kwacho.

Mugumo Woruzha Here?

“Vanhu vakawanda vanowana runyararo rwakakwana rwuchidzongonyedza zvikurusa uye rwuchityisa,” anodaro Dr. Ross Coles weMedical Research Council’s Institute of Hearing Research yeBritain. Nziyo dzakaisvonaka dzeshiri, kupopoma zvinyoronyoro kwemasaisai pamahombekombe pane jecha, kudaidzira kwevana vanofara—izvi nokumwe kutinhira zvinotifadza. Kunyange zvazvo tingashuva zvino kuzorodzwa paruzha, tinofara kuva neshamwari dzakanaka dzinokurukura nesu. Mwari akapikira rugare norunyararo nokuda kwevabatiri vake vakatendeka.

MuBhaibheri wezvamapisarema anoti: “Asi vanyoro ndivo vachagara nhaka yenyika; ndivo vachafarikanya kwazvo norugare rukuru.” (Pisarema 37:11) Hurumende yoUmambo yaMwari yokudenga ichakurumidza kupindira munhau dzevanhu. (Dhanieri 2:44) Ipapo, mukutonga kwaKristu Jesu, “rugare rwakawanda ruchavapo, kusvikira mwedzi waguma.”—Pisarema 72:7; Isaya 9:6, 7.

Unogona kuva nechokwadi kuti kupindira kwaMwari kuchaparira rugare norunyararo tose zvedu tinoshuva, sezvakafanotaura muporofita waMwari Isaya kuti: “Basa rokururama richava rugare, zvibereko zvokururama zvichava kunyarara nokutenda nokusingaperi. Vanhu vangu vachagara . . . padzimba dzakasimba.”—Isaya 32:17, 18.

Kunyange zvino, unogona kuwana rugare norunyararo zvomudzimu panoungana Zvapupu zvaJehovha munharaunda yako. Kunyange zvazvo dzimwe nhambo makumi ezviuru achiungana nokuda kwokunamata mukokorodzano huru—uye kuungana uku chokwadi kune ‘ruzha rwevarume, vakadzi, uye vana’—ruzha rwacho harwudzongonyedzi asi rwunofadza. (Mika 2:12) Zvionere kupfurikidza nokusangana neZvapupu zvomunharaunda kana kuti nokunyorera imwe yekero dziri papeji 5 yemagazini ino kuti uonane nazvo. Farikanya rugare chairwoirwo norunyararo muushamwari nazvo zvino uye zvichida nokusingaperi.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe