Anokoshesa Chaizvoizvo Nharireyomurindi
“Kunyange zvazvo ndiri muRoma Katurike,” akanyora kudaro mudzidzi womugiredhi rechitanhatu weToledo, Ohio, U.S.A., “ndinoda kuzvinyoresa kumagazini yenyu yakaisvonaka. Akaita kuti ndifarire Nharireyomurindi ndiTrevor. Anogara pedyo neni mukirasi. Tave tiri shamwari kwerinenge gore zvino, uye akandidzidzisa zvinhu zvakawanda pamusoro paJesu, Jehovha, uye Zvapupu zvaJehovha.
“Trevor ndewezera rangu, urefu, uye akazvipira zvikuru kurudzidziso rwake. Akazvinyoresa kuNharireyomurindi uye anondikumbidza imwe yemagazini ake. Ndakafarira nyaya dzine mufungo dzamunonyora. Ndinovimba muchafuratira idi rokuti handisi Chapupu chaJehovha mondibvumira kuzvinyoresa kumagazini yenyu.”
Nharireyomurindi neimwe magazini yayo, Mukai!, anorahwa nomufaro nevanhu vemarudzi akawanda nemarudzidziso kupote nyika. Gore rapfuura roga makopi anopfuura mamiriyoni 900 emagazini aya maviri akadhindwa mumitauro inopfuura 120!
Iwewo uchabatsirwa nokurava Nharireyomurindi neMukai! nguva dzose. Kana uchida kuva nekopi kana kuti fundo yeBhaibheri yapamusha yapachena, tapota nyorera Watch Tower, Private Bag A-6113, Avondale, Zimbabwe, kana kuti kero yakakodzera iri papeji 5.