RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g97 11/8 pp. 25-30
  • Ruzha—Chaunogona Kuita Pamusoro Parwo

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Ruzha—Chaunogona Kuita Pamusoro Parwo
  • Mukai!—1997
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Ruzha Chii?
  • Migumisiro Yoruzha
  • Zvaunogona Kuita
  • Kuwana Dziviriro Paruzha
  • Ruzha—Chinonyangadza Chazvino Uno
    Mukai!—1997
  • Kuchazombova Norugare Norunyararo Here?
    Mukai!—1997
  • Dzivirira Nzeve Dzako!
    Mukai!—2002
  • Vanomira muJerusarema
    Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri
Ona Zvimwe
Mukai!—1997
g97 11/8 pp. 25-30

Ruzha—Chaunogona Kuita Pamusoro Parwo

PAMUGUMO wezuva rinonetesa, unorara hope huru. Kamwe-kamwe, unopeputswa nokuhukura kwembwa dzomunharaunda. Unopinduka pamubhedha wako uye unokarira kuti ruzha rwunonyaudza rwuchakurumidza kupera. Asi rwunopfuurira. Dzichidzokorora dzadzokororazve, imbwa dzacho dzinoramba dzichihukura. Washatiriswa, watambudzwa nokushaya hope, uye iye zvino wanyatsopengenuka, unonetseka kuti vavakidzani vanogona sei kushivirira ruzha rwakadai.

Vanhu vanosiyana zvikuru mumashivirire avanoita ruzha. Vanoshanda panhandare yendege vachigara pedyo nenhandare vanodzongonyedzwa zvishoma zvikuru noruzha rwendege kupfuura vane basa risinei nendege. Mudzimai wapamba anoshandisa food processor yamagetsi anoshivirira ruzha rwayo zviri nani zvikuru kupfuura munhu ari mukamuri rinotevera ari kuedza kurava bhuku kana kuti kuona TV.

Ruzha Chii?

Nyika dzinosiyana munzira yadzinorondedzera nayo ruzha. MuMexico, ruzha “kutinhira kupi nokupi kusingadiwi kunonyangadza kana kuti kunokuvadza vanhu.” New Zealand inorangarira ruzha sorwanyanya apo rwunenge rwuri “rudzi rwuya rwunodzongonyedza zvisina mufungo rugare, kunzwa zvakanaka uye kugara zvakanaka kwomunhu upi noupi.”

Vasayendisiti vaviri vakakurumbira, Alexander Graham Bell, akagadzira runhare, uye Heinrich Hertz, wezvefizikisi weGermany, vakabatana zvikuru mukuyerwa kworuzha. Mabel, kana kuti anonyanyozivikanwa zvikuru semadecibel (chikamu chimwe mugumi chebel), anoyera kutinhira, nepo hertz ichiyera kukwirira kwokutinhira, kana kuti frequency, yokutinhira. Apo ruzha rwunoyerwa, zvinowanwa kazhinji kazhinji zvinonongedzera kuuwandu hwemadecibel oruzha rwunonyaudza.a

Asi ndiani anoziva kuti kuvhiringidza kwakakura zvakadini uko ruzha rwunoparira? Ndiwe, munzwi wacho! “Nokuda kwouwandu hworuzha rwunonyaudza, nzeve yomunhu inoramba iri chiyereso chakanakisisa,” inodaro The Independent yeLondon.

Migumisiro Yoruzha

Sezvo nzeve iri “chiyereso chakanakisisa” choruzha, sezviri pachena ndiwo mutezo sezvingabvira zvikurusa unokuvadzwa narwo. Kukuvadzwa kwetsinga dzomunzeve yako yomukati kunogona kuparira kurasikirwa nokunzwa kwechigarire. Ichokwadi kuti, vanhu vanosiyana mumaitire avo apo kunenge kune kutinhira kukuru. Asi kuramba uchinzwa wanzwazve kutinhira kuri pamusoro pemadecibel 80 kusvika ku90 kunogona kutungamirira pakurasikirwa nokunzwa zvishoma nezvishoma. Zvirokwazvo, mwero woruzha zvaunokwirira zvikuru, nguva inova shoma zvikuru yaunogona kupedza zuva riri rose uri mumhoteredzo iyoyo manzwire ako asati akuvadzwa.

Magazini yeNew Scientist inoshuma kuti maWalkman akawanda anotengeswa muFrance ane mwero wapamusoro zvikurusa wemadecibel 113. Ichinokora mashoko imwe nzvero, iyo yakataura kuti “nziyo dzerock dzinoridzirwa pamusoro zvikuru kweawa imwe pacompact disc yomunhu oga dzaipfuura madecibel 100 nguva zhinjisa uye dzaisvika pamwero wakakwirisisa wemadecibel 127.” Yakatokomba zvikurusa migumisiro yoruzha rwunobva mumakonzati anenge achitoitwa. Mumwe muongorori akaona vanhu vakaungana pedyo napaiva nomurwi wemagudzanzwi vasingazivi. “Ndakanga ndava kutadza kunyatsoona, muviri wangu waizunguzika nebhiti yebhesi,” anorondedzera kudaro, “uye ruzha rwacho rwairwadza nzeve dzangu.”

Ruzha runogona kuva nemigumisiroi pauri? Chimwe chiremera chinoti: “Ruzha rwenguva dzose rwomwero wapakati napakati kusvika kuwakakwirira rwunoparira kunetseka, kuneta, uye kusatana kuvhunduka.” “Kutambudzwa noruzha hakungobiri munhu mufaro chete, kunogona kusakadza munhu mumuviri nomundangariro,” anodaro Purofesa Gerald Fleischer, wapaYunivhesiti yeGiessen, Germany. Apo ruzha rwunouya pane mamwe mamiriro ezvinhu anodzvinyirira, maererano naPurofesa Makis Tsapogas, rwunogona kuparira kuora mwoyo uyewo hosha.

Kugara uri muruzha kwenguva yakareba kunogona kutapura unhu hwako. Apo vanzveri vehurumende yeBritain vakabvunza vanyajambwa voruzha kuti vairangarira sei pamusoro paavo vakaparira, vakataura nezvoruvengo, kutsiva, uye kunyange kuuraya. Kune rumwe rutivi, vaiti voruzha kazhinji kazhinji vanova vane masimba masimba apo vanova zvipfuro zvokunyunyutirwa zvanyunyutirwazve. “Ruzha rwunoderedza mano evanhu okurangarira vamwe ndokuparira masimba masimba noruvengo,” anodaro mumwe mutsigiri wevanovenga ruzha.

Vazhinjisa vakatambudzwa noruzha vanocherechedza kuderera zvishoma nezvishoma kwokushivirira kwavo dzongonyedzo yacho. Vanodzokorora murangariro womumwe mukadzi aiva nevavakidzani vane ruzha vairidzisa nziyo: “Apo unomanikidzwa kuteerera chimwe chinhu chausingadi kuteerera, chinokukuvadza. . . . Kunyange apo ruzha rwacho rwakanyarara, takanga tichimirira kuti rwutangezve.”

Saka, hapana nzira yokubata nayo noruzha here?

Zvaunogona Kuita

Noruzha rwakapararira kwose kwose kwazvo, vanhu vakawanda havatombozivi apo vanenge vachidzongonyedza vamwe. Kudai vaiziva, pasina mubvunzo vamwe vaizorega mubato wacho unonyaudza. Ndosaka kusvika kwoushamwari muvakidzani ane ruzha kuchigona kushanda. Mumwe munhu akashatirirwa kunyunyuta kwomuvakidzani kuzviremera kwokuti aiva noruzha. Akati: “Ndaifunga kuti vangadai vakauya kuzondiona kana vakatsamwiswa noruzha rwacho.” Vamwe mai vakaronga pati yevana vaduku vakaratidza kushamiswa apo vakasvikwa nechiremera chichinzvera nezvokunyunyutira ruzha. “Ndinoshuva kuti kudai avo vakanyunyuta vakanga vagogodza pasuo rangu ndokundiudza kana vakanga vasiri kufara,” akadaro. Hazvishamisi, ipapo, kuti mumwe wezvoutano hwemhoteredzo weBritain akashamiswa kuziva kuti 80 muzana yeavo vainyunyuta pamusoro poruzha rwomudzimba havana kumbokumbira vavakidzani vavo kuti vaderedze.

Kusada kwevanhu zvokutaura nevavakidzani vane ruzha kunoratidza kushayikwa kwokuremekedzana. ‘Kana ndichida kuridza nziyo dzangu, ndinoridza. Maruramiro angu!’ ndiyo davidzo yavanokarira uye kazhinji kazhinji ndiyo yavanowana. Vanotya kuti chikarakadzo chomutsa chokuderedza ruzha chingatungamirira kurwisano sezvo muvakidzani ane ruzha anoudza munyunyuti kuti haanei nazvo. Chiono chinosuruvarisa sei chenzanga yomuzuva razvino! Chakafanana sei nokutaura kweBhaibheri kwokuti muidzi “nguva dzokutambudzika,” vanhu zvikurukuru vaizova ‘vanozvida, vanozvikudza, vanotyisa, uye vasingarangariri’!—2 Timotio 3:1-4.

Zvizhinji zvinotsamira pamasvikire anoitwa nanyajambwa. Magazini yeWoman’s Weekly yakapa chiono chinotevera chenzira yokupedza nayo mamiriro ezvinhu akaoma pashure pokunyunyuta kwamasimba masimba kwakashatirisa anopomerwa: “Nounyoro uye nomutsa zvikuru, ‘Ona, ndine urombo—ndanga ndashatirwa asi ndinonzwa ndaneta kwazvo apo ndinotadza kurara’ zvichida zvichave zvoga zvinodiwa kuti muwiriranezve [nevavakidzani vane nharo].” Zvichida vachabvisa vachifara gudzanzwi ravo kumadziro akabatana nemba yenyu ndokuti deredzei kurira.

Chaizvoizvo, zvinokosha kuchengetedza ukama hwakanaka nevavakidzani vako. Zvimwe zviremera zvehurumende yomunharaunda zvinoyananisa vavakidzani vanopikisana. Tichirangarira kunzwa kworuvengo kunoparirwa nokumhan’ara, kudaidza mupurisa kunofanira kuva “chinhu chokupedzisira chokuita.”

Kana uchirangarira kutamira kuimba itsva, uchawana kuri kuchenjera kunzvera pangangobva dzongonyedzo yoruzha usati wapedzisa kusaina zvibvumirano. Vamiririri vezvokutengeswa kwenzvimbo vanokurudzira kuti ushanyire musha wauri kuda panguva dzakasiyana-siyana dzezuva kuti uongorore ruzha. Ungagona kubvunza vavakidzani zvavanocherechedza. Kana ukawana zvinetso pashure pokutamira muimba yako itsva, edza kuzvipedza nenzira inoratidza kuti uri muvakidzani akanaka. Kuendesana kumatare kunowanzokurudzira ruvengo.

Asi zvakadini kana uchigara munzvimbo ine ruzha uye usingagoni kutamira kumwe? Unofanira kutambura nokusingaperi here? Kwete hazvo.

Kuwana Dziviriro Paruzha

Chimboona zvaunogona kuita kuti musha wako usapinde ruzha rwunobva kunze. Ongorora madziro nouriri kuti uone kana pane maburi api naapi anogona kunamwa. Tarisa zvikurukuru pane masoketi. Pakasimba here?

Ruzha kazhinji kazhinji rwunopinda mumba nepamisuo nepamahwindo. Kuisa girazi rechipiri pahwindo (kuisa magirazi maviri) kunogona kubatsira kuderedza ruzha. Kunyange kuwedzera karabha padhofuremu rako kuchaita kuti suo rinyatsovhara risingasiyi mikaha. Zvichida kuvaka kakaita sekakamuri pamukova ndokuisa suo rechipiri kuchadzivirira mokutandarira mako paruzha rwunodzongonyedza rwemotokari nevanhu mumugwagwa.

Kunyange zvazvo ruzha rwemotokari nevanhu mumugwagwa rwuri kuwedzera pamwero unotyisa, vagadziri vemotokari nguva dzose vari kugadzira zvinhu zvitsva nemitoo kuti vaderedze mwero yokutinhira mukati memotokari yako. Matayi asingaiti ruzha pamotokari yako anobatsirawo. Munyika dzakawanda kuedza marudzi akasiyana-siyana emigwagwa kwakaita kuti zvinhu zvakadai se“kongiri isina ruzha,” iitwe iyo ine ivhu nematombo zvinosiyiwa zvichimara uye somugumisiro mataya anotsika panomara. Kunoshumwa kuti kushandiswa kwomugwagwa uyu kunoderedza mwero yoruzha nemadecibel maviri pamotokari duku uye decibel rimwe pamarori makuru. Kunyange zvazvo izvi zvingasaratidzika kuva zvizhinji, kuderedza nemadecibel matatu paavhareji kwakaenzana nokuderedza ruzha rwemotokari nevanhu mumugwagwa nehafu!

Vagadziri vemigwagwa zvino vanogadzira migwagwa mikuru yakavharwa nemipanda kana kuti yakavakirwa madziro evhu, nokudaro vachideredza ruzha nenzira inobudirira. Kunyange pasina nzvimbo yokuita izvi, fenzi dzakagadzirirwa izvozvo, dzakadai seiri kumabvazuva kweLondon yakaitwa nemapazi emikonachando akarukwa nemiti inogara iri girini, inodzivirira dzimba dziri pedyo nomugwagwa mukuru paruzha rusingadiwi.

Kuvhara kutinhira kunodzongonyedza nechinonzi ruzha rwuchena—somuenzaniso, mhepo yakanyarara kana kuti inotenderera—kunogona kubatsira mune dzimwe mhoteredzo, dzakadai semahofisi.b MuJapan mava kutengeswa mapiyano asina ruzha. Panzvimbo pokurova tambo, kasando kanonyandura kutenderera kwamagetsi kunoburitsa kurira mufoni dzomunzeve dzeari kuridza.

Vasayendisiti vakatopedza maawa akawanda vachinzvera kugadzirwa kwezvavanodaidza kuti zvinonyaradza ruzha. Zvikurukuru, izvi zvinobatanidza kushandisa chimwe chinhu chinoita ruzha rwunonyaradza ruzha. Chokwadika, izvi zvinobatanidza midziyo yomuraudzo uye inodhura zvikuru asi hazvibvisi chaizvoizvo panobva chinetso chacho. “Kusvikira vanhu vatanga kuona ruzha semarara,” inodaro U.S.News & World Report, “zvinonyaradza ruzha zvingava nzira bedzi yokuwana nayo nhambo yorunyararo.” Zvingangodaro hazvo, asi runyararo ndiwo mushonga woruzha here?

Kune chaizvoizvo tariro ipi neipi yorugare norunyararo nokuda kwomusha wako nenharaunda yako here? Nyaya yedu inotevera inogovera tariro chaiyoiyo.

[Mashoko Omuzasi]

a Mwero yoruzha kazhinji kazhinji inowanwa nokushandisa mita inoyera kutinhira mumadecibel. Sezvo nzeve ichinzwa mamwe mafrequency zvakajeka zvikuru kupfuura mamwe, mita yacho yakagadzirwa kuti iite zvakafanana.

b Sezvakangoita chiedza chichena chiri musanganiswa wemafrequency ose ari mundaza yezviedza, ruzha ruchena kutinhira kune mafrequency ose ari mukati mendaza yaanonzwika, pamwero inenge yakafanana yokutinhira.

[Bhokisi riri papeji 26]

Kudzivisa Kwaunogona Kuita Kuva Muvakidzani Ane Ruzha

● Rangarira vavakidzani vako apo unoita chimwe chinhu chine ruzha, uye fanovazivisa.

● Batira pamwe apo unokumbirwa nomuvakidzani kuderedza ruzha.

● Ziva kuti kufara kwako hakufaniri kuita kuti vavakidzani vako vasuruvare.

● Yeuka kuti ruzha rwunopfuura zviri nyore nepamisuo nomuuriri.

● Putira midziyo yomumba inoita ruzha.

● Iva nechokwadi kuti mumwe munhu anogona kudaidzwa kuti agadzire maalarm anongorira pasina chaitika.

● Usaite basa rine ruzha kana kuti kushandisa midziyo yomumba ine ruzha usiku.

● Usaridze nziyo pamwero unonyaudza vavakidzani vako.

● Usasiye imbwa dziri dzoga kwenhambo dzakareba.

● Usabvumire vana kusvetuka pauriri nokudaro vachidzongonyedza vanhu vanogara pauriri huri pasi.

● Usaridze bhero remotokari, kurovera misuo, kana kuti kunyanyomhanyisa motokari usiku.

[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 27]

Ruzha Newe

“Ruzha ndiyo ngozi yeindasitiri yakapararira zvikurusa muBritain nhasi,” inodaro The Times, “uye kuva matsi ndiwo mugumisiro warwo unozivikanwa zvikuru.” Kumwe kunzvera utano hwavanoshanda kunoratidza kuti ruzha rwuri pamusoro pemadecibel 85 rwunogona kukuvadza mwana achangobva kunambwa. Kunzwa kwomwana wacho kunokuvadzwa, uye mwana angava nokudzongonyedzwa kwemahormone pamwe chete nokuremara kwokuberekwa nako.

Kuramba uchinzwa ruzha kunotetepesa tsinga dzeropa ndokuderedza kufamba kweropa kumitezo yako. Uyewo, muviri wako unodavidza nokuita mahormone anokwidza B.P. ndokuwedzera kurova kwomwoyo wako, pane dzimwe nguva zvichitungamirira pakuva ane mwoyo unorova zvikuru kana kuti kunyange angina.

Apo ruzha rwunodzongonyedza muitiro wako wezuva nezuva, zvimwe zvinetso zvinogona kumuka. Kudzongonyedzwa kwehope kunogona kutapura maitiro ako mukati mezuva. Ruzha rwungasatapura kukurumidza kwaunoita kushanda, asi rwunogona kutapura nhamba yezvikanganiso zvaunoita.

[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 29]

Dziviriro Pabasa

Kana uchiwana ruzha rwuri chinetso pabasa, rangarira kupfeka rudzi rwezvinodzivirira nzeve.* Zvinodzivirira nzeve zvinopfekwa mumusoro wako sefoni dzomunzeve uye kazhinji kazhinji zvinoshanda zvikuru kune mwero yoruzha yakakwirira. Zvakanakira kuti unogona kuramba uchinzwa mashoko nenyevero dzemichina, kunyange zvazvo zvingakuita kuti kuve kwakakuomera kuziva pari kubva kutinhira kwacho. Zvinovhara nzeve zvinofanira kuva zvoukuru hwakanaka kwauri uye hazvina kukodzera kana une chirwere chenzeve kana kuti uri kurwara nenzeve.

Kutarisirwa kwemichina kwakanaka kunogona kuderedza kukwesherana. Kupfekedza michina nerabha kuchaderedza ruzha, sezvichaita kuisa michina ine ruzha payo yoga.

*Mutemo munyika dzakawanda unoda kuti vashandirwi vave nechokwadi chokuti vashandi vavo vanopfeka zvinodzivirira kunzwa kwavo zvakakwana.

[Mufananidzo uri papeji 28]

Unogona kuzvidzivirira sei paruzha rwevanhu vanofamba?

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe