RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g02 6/8 pp. 12-14
  • Dzivirira Nzeve Dzako!

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Dzivirira Nzeve Dzako!
  • Mukai!—2002
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Zvinhu Zvatinonzwa
  • Kushanda Kunoita Nzeve Dzedu
  • Kukuvadzwa Kunoitwa Nzeve Dzedu Noruzha
  • Dzivirira Nzeve uye Ramba Uchinzwa Zvakanaka Kwenguva Yakareba
  • Ruzha—Chaunogona Kuita Pamusoro Parwo
    Mukai!—1997
Mukai!—2002
g02 6/8 pp. 12-14

Dzivirira Nzeve Dzako!

“Vanhu vanodarika mamiriyoni 120 pasi pano vane chinetso chokunzwa zvakanaka.”—World Health Organization.

KUKWANISA kunzwa kwatinoita chipo chatinofanira kukoshesa. Zvisinei, sezvatinochembera, kunzwa kwedu kunoderera zvishoma nezvishoma. Nzanga yemazuva ano, nemhaka yezvinhu zvakasiyana-siyana zvinoita ruzha zvainogadzira, inenge inoita kuti izvi zvikurumidze kuitika. Mumwe musayendisiti mukuru paCentral Institute for the Deaf, muSt. Louis, Missouri, U.S.A., akati: “Kutadza kunzwa zvakanaka kunenge 75 kubva muzana kunoitika kuvanhu vokuAmerica kunokonzerwa kwete nokuchembera chete asiwo zvawaiita kunzeve dzako muupenyu hwako hwose.”

Kunzwa ruzha rwakanyanya kunyange kwenguva pfupi kunogona kukanganisa tunhu turi mukati menzeve. Zvisinei, kakawanda kacho kutadza kunzwa kunokonzerwa “nokuramba uchiita mabasa ane ruzha, mitambo ine ruzha, uye kutandara kunzvimbo dzine ruzha,” akadaro Dr. Margaret Cheesman, mazvikokota munyaya dzokunzwa. Chii chaungaita kuti udzivirire nzeve dzako? Kuti tiwane mhinduro, zvakakosha kuti tizive chimwe chinhu pamusoro pokuti kunzwa kunombofamba sei.

Zvinhu Zvatinonzwa

Nzvimbo yatinorarama tiri inoita sokuti iri kuwedzera kuva noruzha. Zuva nezuva vakawanda vanonzwa ruzha rwakakura zvakasiyana-siyana kubva kumotokari, mabhazi, uye marori ari mumigwagwa kusvika kuruzha runoitwa nemichina yemagetsi kubasa.

Dzimwe nguva tinowedzera dambudziko racho nokuti tinenge tawedzera vhoriyamu yacho. Imwe nzira yakakurumbira yokuteerera mimhanzi kushandisa mahedhifoni anenge akaiswa paredhiyo inoridza maCD kana kuti makaseti. Maererano naMarshall Chasin, mumwe wevakatanga Musicians’ Clinics of Canada, kuongorora kwakaitwa muCanada uye muUnited States kunoratidza kuti vechiduku vasingachanzwi zvichikonzerwa nemahedhifoni anoshandiswa vhoriyamu iri pamusoro-soro vari kuwedzera.

Asi ruzha runonzi rwakanyanya ndorupi? Zvinhu zvatinonzwa zvinoiswa muzvikwata zvitatu—urefu hwenguva inonzwiwa ruzha, kudzokororwa kworuzha uye ukuru hworuzha. Urefu hwenguva inonzwiwa ruzha inguva yarunotanga kunzwiwa kusvikira rwapera. Kudzokororwa kworuzha kunotsanangurwa mukuitika kwakunoita pasekondi yoga yoga. Ruzha rusina kunyanya rusingakuvadzi nzeve runodzokororwa kutangira pa20 kusvika ku20 000 pasekondi imwe chete.

Ukuru, kana kuti simba roruzha, rinoyerwa muzvikamu zvinonzi decibels (dB). Kukurukurirana kwakawanda kunowanzoita madecibel anenge 60. Nyanzvi dzinoti ukaramba uchinzwa chipi nechipi chinodarika madecibel 85 mukana wokuzotadza kunzwa mune remangwana unenge uchiwedzera. Kana ruzha rwakurisa, nzeve dzinokurumidzawo kukuvara. Magazini yeNewsweek yakati: “Nzeve yako inokwanisa kunzwa zvakanaka kana uchishandisa muchina (unoita 100 dB) kwemaawa maviri, asi kwete maminitsi 30 ichinzwa mitambo ine ruzha (inoita 110 dB). Madecibel 10 oga oga anowedzerwa anoratidza zvakapetwa kagumi kukuvara kwenzeve dzako.” Kuongorora kwakaratidza kuti ruzha runenge rwava kurwadza parunosvika madecibel 120. Dzimwe redhiyo dzomumba dzinokwanisa kuita ruzha runosvika madecibel 140!—Ona bhokisi riri munyaya ino.

Kukubatsira kunzwisisa kuti nei ruzha rwakanyanya ruchikwanisa kukuvadza kunzwa kwako, regai tikurukure zvinoitika kana ruzha rukapinda munzeve dzako.

Kushanda Kunoita Nzeve Dzedu

Maumbirwe enzeve yatinoona iyi, kana kuti nzeve yokunze, akagadzirwa kuti iunganidze ruzha kwava kuruendesa mukati, kwarunosvika kuzimai renzeve nokukurumidza. Panguva ino ruzha runoita kuti zimai ritenheke, ukuwo zimai renzeve rinoita kuti tumabhonzo tutatu turi pakati penzeve tutenheke. Zvadaro, kutenheka kwacho kunoendeswa kunzeve yomukati, chisumbu chine mvura mvura iri mubhonzo. Pano maungira anofamba nomumvura iyoyo kuenda kune imwe nhengo yakaita sehozhwa iri mukati menzeve kune masero akaita sebvudzi. Mvura iri munzeve inoita kuti kumusoro kwemasero akaita sebvudzi kubudise mashoko anokwanisa kuverengeka. Mashoko aya anotumirwa kuuropi, kwaanodudzirwa kuti anzwike soruzha rwechimwe chinhu.

Izvi zvinobatsira uropi kusarudza kuti ndorupi ruzha rwokukoshesa uye rwokurasa. Somuenzaniso, amai vangasaita basa noruzha runoitwa nomwana anenge ari kutamba, asi vanokurumidza kusimuka kana pakaita kuchema kwokutya chinhu. Kunzwa nenzeve mbiri kunoita kuti tikwanise kunzwa zvose zviri kuitika kumativi ose. Zvinoita kuti tikwanise kuziva kuti ruzha ruri kubva nokupi. Asi, kana ruzha ruine kutaura mukati, uropi hunokwanisa kunzwisisa chinhu chimwe chete panguva imwe chete. “Ichi ndicho chikonzero nei kana munhu ari kuteerera parunhare asingakwanisi kunzwisisa zvinenge zviri kutaurwa nomunhu anenge ari pedyo naye,” rinodaro bhuku rinonzi The Senses.

Kukuvadzwa Kunoitwa Nzeve Dzedu Noruzha

Kuti tione kuti ruzha rwakanyanya runokuvadza sei nzeve dzedu, funga zvinotevera. Mumwe mushumo pamusoro pokuchengeteka kumabasa wakaenzanisa bvudzi riri munzeve dzedu negorosi riri mumunda uye ruzha runopinda munzeve nemhepo. Mhepo inenge ichingofefetera zvayo, kufanana noruzha rusina kunyanya, ichafambisa hura hwegorosi, asi gorosi hariparadzwi. Zvisinei, kana mhepo ikawedzera kuvhuvhuta, izvi zvichanyanya kuomera madzinde egorosi. Mhepo inongoerekana yavhuvhuta zvine simba kana kuti inoramba ichivhuvhuta inokwanisa kutyora madzinde egorosi robva rafa.

Izvi ndizvo zvinoitikawo noruzha uye bvudzi duku riri munzeve dzedu. Ruzha rwakanyanya runongoerekana rwavapo runokwanisa kutsemura masero omunzeve kwava kusiya mavanga anozoita kuti pave nokutadza kunzwa zvachose. Uyezve, ruzha rwakanyanya kwenguva refu runogona kukuvadza zvachose masero akaita sebvudzi asina kusimba ari munzeve. Kana angokuvadzwa chete, haakwanisi kugadzirwa zvekare. Izvi zvinogona kuguma nokunzwa ruzha—ruzha rwakati zharara, kurira kana kutinhira munzeve kana mumusoro.

Dzivirira Nzeve uye Ramba Uchinzwa Zvakanaka Kwenguva Yakareba

Kunyange zvazvo kuberekwa wakadaro kana kuti tsaona zvichikwanisa kuita kuti munhu atadze kunzwa zvakanaka, tinogona kutora matanho kudzivirira nzeve dzedu kwava kuramba tichinzwa zvakanaka kwenguva yakareba. Zvakanaka kugara wadzidza nezvezvinhu zvinokwanisa kukuvadza nzeve. Sezvakataurwa nomumwe mazvikokota munyaya dzokunzwa, ‘kurega chinetso chichikura usati waita chimwe chinhu zvakafanana nokuzoyeuka bako wanayiwa.’

Kazhinji kacho inenge iri nyaya yokuti tinoteerera sei uye kwete kuti chii chatinoteerera. Somuenzaniso, kana uchishandisa mahedhifoni, ungada kuita kuti vhoriyamu ive shoma zvokuti unokwanisa kunzwa zviri kuitika pauri. Kana redhiyo yomumotokari yako kana kuti yokumba ichirira zvokuti munotadza kunzwanana kana muchitaura, ichi chinogona kuva chiratidzo chokuti yakanyanya kukwirira zvokukuvadza nzeve dzako. Vanamazvikokota vanoyambira kuti kuteerera kwemaawa maviri kana matatu ruzha runosvika madecibel 90 kunogona kukuvadza nzeve dzako. Zvinovhara nzeve kana kuti zvimwe zvokushandisa zvinodzivirira nzeve zvinokurudzirwa kushandiswa nguva yose paunenge uri pane ruzha rwakanyanya.

Vabereki vangaita zvakanaka kuyeuka kuti vana vari nyore kukuvadzwa nzeve dzavo pane vanhu vakuru. Garai muchiyeuka ngozi iripo yezvinhu zvokutambisa zvine ruzha. Rumwe ruzha rwehosho dzevana runokwanisa kusvika madecibel 110!

Nzeve dzedu dziri nyore kukuvadzwa, iduku, uye inhengo dzakaisvonaka. Tinokwanisa kunzwa zvinhu zvakanaka zvakasiyana-siyana zvakatipoteredza tichishandisa nzeve. Zvechokwadi, chipo ichi chinokosha chokunzwa chinofanira kudzivirirwa.

[Bhokisi riri papeji 13]

Mwero Unofungidzirwa Woruzha Rwezvinhu Zvakasiyana-siyana (mumadecibel)

• Kufema—10

• Kuzevezera—20

• Kutaurirana—60

• Ruzha rwemotokari mangwanani-ngwanani kana manheru—80

• Muchini wokusanganisa zvokudya—90

• Chitima chiri kupfuura—100

• Saha yemagetsi—110

• Ndege yorudzi rwejeti iri kupfuura—120

• Kurira kwechivhorovhoro—140

[Bhokisi riri papeji 14]

Ungave Wava Kutadza Kunzwa Zvakanaka Kana Uchiita Izvi

• Kuwedzera vhoriyamu yeredhiyo kana TV nepo vamwe vachiti yanyanya

• Kugara uchikumbira vamwe kuti vadzokorore zvavataura

• Kuwanza kusunga chiso, kusveerera kana kutenderedza musoro wako kuti unzwe munhu ari kutaura newe

• Kana zvichikuomera kunzwa panenge pakaungana vanhu kana kumashure kuine ruzha, zvakadai sepamabiko kana kuti muchitoro mune vanhu vakawanda

• Uchinyanya kuvimba nevamwe kuti vakuudze zvinenge zvataurwa

[Mufananidzo uri papeji 13]

(Kana uchida mashoko azere, ona bhuku racho)

Nzeve yokunze

Mabhonzo matatu ari munzeve

Zimai renzeve

Nzeve yomukati

Tsinga dzinoenda kuuropi

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe