Nzvimbo Inochengeterwa Mhuka Ndiyo Tariro Yokupedzisira Yemhuka Dzomusango Here?
MUNGUVA dzichangobva kupfuura chinjo huru yakaterama yakaitika munzvimbo dzinochengeterwa mhuka dzinofambira mberi zvikuru dzenyika. Soufakazi, dzakavandudza zvadzinoratidza maererano nemufungo womutsa zvikuru we“kunzwa sokunge wapinda mumhoteredzo dzomusikirwo”—kugadzirwa kwemhoteredzo yakafanana neyomusikirwo wemhuka dzacho, yakakwana nemiti, mabwe, mizambiringa, mhute, kurira, uye kunyange dzimwe mhuka neshiri zvinokwanisa kuva pamwe chete. Kunyange zvazvo zvichidhura—madhora ane mabhiriyoni 12 anoshandiswa mukuvandudzwa kwenzvimbo dzinochengeterwa mhuka nemadziva gore negore muUnited States moga—chinjo dzinorangarirwa sedziri madikanwa nemhaka yebasa idzva rokushingaira renzvimbo dzinochengeterwa mhuka.
Basa Rezana Ramakore Rinotevera
Nokushayikwa kwezvinhu zvipenyu kwomunyika yose kuri kutyisidzira pasi, zviremera zvenzvimbo huru dzinochengeterwa mhuka zvenyika zvakasarudza kuchengetedza, dzidzo, uye nzvero yesayenzi sebasa razvo rezana ramakore rechi21. Dzanyandurwa nedenho yacho uye dzasundwa nekurumidziro yayo, dzimwe nzvimbo dzinochengeterwa mhuka dzakatochinja zita rokuti nzvimbo dzinochengeterwa mhuka, dzichida hadzo panzvimbo pezvo mashoko akadai se“utuziro hwemhuka dzomusango” kana kuti “paka yokuchengetedza.”
Chiri kutungamirira muichi chinangwa chitsva chinyorwa chinonzi The World Zoo Conservation Strategy. Ichirondedzerwa nemumwe munyori se“chinyorwa chinokosha zvikurusa icho sangano renzvimbo dzinochengeterwa mhuka rati rambobudisa,” Strategy, chaizvoizvo, ichata yezvenzvimbo dzinochengeterwa mhuka; iyo “inorondedzera mabasa nemikana zvenzvimbo dzinochengeterwa mhuka nezvinogara mumvura zvenyika kukuchengetedzwa kwemhatsa yemhuka dzomusango dzenyika.” Ichibvisa mibvunzo ipi neipi pamusoro pemifungo mitsva, Strategy inowedzera kuti: “Kodzero imene yokuti nzvimbo inochengeterwa mhuka kana kuti dziva iveko inotsamira chaizvoizvo pakuti inobetsera sei kukuchengetedza.”
Kudzidziswa kwavose nokunzvera kwezvesayenzi, zvikurukuru nezvekuberekeswa kwemhuka dzinochengetwa, kunokosha kuiri basa idzva. Pakati pepwere dzanhasi pane vachengeti venzvimbo dzinochengeterwa mhuka vamangwana, avo vachava nomutoro wokuchengetedza dzinenge dzasara dziri mhenyu pandaza inowedzera yemarudzi akatsakatika musango. Vachatarisira basa iri nenzira yokuchenjera uye nokuzvipira here? Uye rudzi rwomunhu rwose zvarwo ruchanzwisisa zvikuru chisiko here? Nokuda kwedonzo iroro, Strategy inokurudzira nzvimbo inochengeterwa mhuka imwe neimwe kuva mudzidzisi, kuzviona serutivi rwe“mubatanidzwa wokurovedza hana dzevanhu womunyika yose.”
Nzvimbo Dzinochengeterwa Mhuka Dzinobatana Mumubatanidzwa Womunyika Yose
Nemhaka youkuruwo zvahwo hwebasa radzo, nzvimbo dzinochengeterwa mhuka dzakawanda dziri kubatana kuti dziumbe mubatanidzwa womunyika yose, pari zvino unoumbwa nenzvimbo dzinochengeterwa mhuka dzinenge 1 000. Masangano enyika dzakawanda, akadai seSangano Renyika Renzvimbo Dzinochengeterwa Mhuka neMubatanidzwa Wenyika Dzakawanda Wokuchengetwa Kwechisiko Nezviwanikwa, anobatanidza nzvimbo dzinochengeterwa mhuka idzodzi ndokutsinhiranisa nokutungamirira.
Richinongedzera kuchikonzero chinosunda chebatira pamwe yakadaro, bhuku rinonzi Zoo—The Modern Ark rinoti: “Kudai mhandu inonyangira, kuberekesa mhuka dzine ukama, kwaizorwiswa, zviremera zvenzvimbo inochengeterwa mhuka zvaisazogonazve kugutswa nokutarisira boka duku razvo zvimene, somuenzaniso, rematiger eSiberia. Panzvimbo pezvo, matiger ose eSiberia anochengetwa ari munzvimbo dzose dzinochengeterwa mhuka dzekondinendi—kana kuti kunyange munyika yose—aifanira kubatwa seboka rimwe.” Hungu, mazana erudzi rumwe norumwe anodikanwa kudzora kana kuti kubvisa kuberekesa mhuka dzine ukama—chinotangira kusabereka nokutsakatika—uye nenzira yakajeka hapana kana nenzvimbo imwe inochengeterwa mhuka inozvikwanisa. Strategy inoti: “Uku kuunganidzwa kukuru kwezviwanikwa zvose zvinowanika kuchava kuri madikanwa kupa zvinhu zvipenyu zvePasi redu . . . mukana wakanakisisa unobvira wokupukunyuka. Kune vakawanda vanodavira kuti kana isu tikakundikana kuchengetedza mamwe marudzi tichakundikana kuzviponesa.” Chokwadika, ichi chimiro chendangariro chokusava netariro hachirangariri chipikirwa cheBhaibheri cheparadhiso yapasi ichadzorerwa.—Zvakazarurwa 11:18; 21:1-4.
Zvishandiso Zvokubetsera Nzvimbo Dzinochengeterwa Mhuka Kubudirira
Dambudziko rokutsakatika rakanyandurawo kutangwa kwekugadzirwa kwemichina yakaoma, zvinoyamura kuberekesa mhuka dzakachengetwa zvinokwanisa kuwanwa nenyika dzakawanda: zvinyorwa zvapamutemo, International Zoo Yearbook (IZY), neInternational Species Information System (ISIS).
Chinyorwa chimwe nechimwe chokuberekwa kwemhuka chepanzvimbo inochengeterwa mhuka chinoronga udzame pamusoro pemhuka dzose dzinogara munzvimbo inochengeterwa mhuka dzorudzi rumwe rwakati, kupi nokupi kwadzingave dziri munyika. Zvachiri chinyorwa chenyika dzakawanda, ndechinokosha kukuchengeta boka rine utano hwakanaka rine mavara okugara nhaka uye kurwisa ‘mhandu inonyangira’ iyoyo, kuberekesa mhuka dzine ukama. Berlin Zoo yakavhura chinyorwa chokuberekwa kwemhuka chokutanga chimene chenzvimbo inochengeterwa mhuka apo, muna 1923, yakavamba kuberekesa wisent, kana kuti bison yeEurope, yakadokutsakatiswa neHondo Yenyika I.
Kuita kuti kuparadzirwa kwomunyika yose kwemashoko esayenzi akadai sezvinyorwa zvekuberekwa kwemhuka kuve nyore, IZY, uye mashoko enhamba dzouwandu hwevanhu, ISIS yakabatanidzwa netambo mumubatanidzwa wokufambiswa kwemashoko muna 1974 muUnited States. Mubatanidzwa wayo wekufambisa mashoko nomumhepo unokura uye mashoko awo mazhinji, anowedzera nguva dzose ari kubetsera nzvimbo dzinochengeterwa mhuka kushanda pamwe chete kuita kuti mufungo wokuita kuti nzvimbo zhinji dzinochengeterwa mhuka dzibatire pamwe uve wechokwadi.
Zvishandiso zvezvinhu zvipenyu zvakagamuchirwa nezviremera zvenzvimbo dzinochengeterwa mhuka zvinobatanidza kunzverwa kwokufanana kweDNA, kuisira zai, kuberekesa kunoitiswa nenzira isiri yomuzvarirwo, uye cryogenics (kuomesa nechando mbeu yomukono uye mazai). Kunzverwa kwokufanana kweDNA kunobetsera zviremera zvenzvimbo dzinochengeterwa mhuka kuziva mutsara wedzinza zvakarurama zvizere, izvo zvinokosha mukudzora kuberekesa mhuka dzine ukama pakati pemarudzi akadai semhuka dzinogara pamwe chete seboka, uko mutsara wedzinza wakaoma kucherekedza. Kuisira zai uye kuberekesa kunoitiswa nenzira isiri yomuzvarirwo, munguvayi, zvinowedzera kubereka. Imwe nzira iri kupfurikidza nokukudza boka re“mubereki” remarudzi ari mungozi. Mazai awo anogona kuisirwa kumhuka dzine ukama hwapedyo—kunyange zvipfuyo—idzo ipapo dzinogona kuita savanaamai vanotsiva. Muitiro wacho wakaguma nemhou ichibereka gaur (mhuka yomusango yakaita senyati) uye kitsi yepamba ichibereka zikitsi rekuIndia romusango riri mungozi huru yokutsakatika. Unoderedzawo ndyiko, ngozi, uye pfumvu yokutakura mhuka dzinobereka dziri mungozi yokutsakatika. Mazai kana kuti mbeu yomukono yakaoma nechando ndizvo bedzi zvinofanira kutorwa.
Nebviro yemamwe marudzi achitsakatika zvachose, zviremera zvenzvimbo dzinochengeterwa mhuka dzakati kuti zvakatotanga kuita sayenzi yecryogenics—kuomesa nechando mbeu yomukono uye mazai nokuda kwokuchengeta kwenguva refu. Iyi nzvimbo inochengeterwa mhuka ine chando inopa kariro yevana vanoberekwa makore gumi, zvichida kunyange mazana amakore, pashure pokutsakatika! Kunyange zvazvo yakazara nokusava nechokwadi, yakanzi “nzvimbo yakakotsekana yokupedzisira yokutendeukira kwairi.”
Kunzverwa Kwesango Kunobetsera Nzvimbo Dzinochengeterwa Mhuka Kuita Vamwe Vana
Kunzverwa kwemhuka kwezvesayenzi, kubatanidza kuita kwadzo munzvimbo dzadzinogara dzomusikirwo, kunokosha kukuberekesa mhuka dzakachengetedzwa uye ndiko kuri kuparira zvinoratidzwa “zvinoita kuti unzwe sewapinda mumhoteredzo yomusikirwo.” Kuti mhuka dzirambe dzine utano hwakanaka uye kuti dzibereke, zviremera zvenzvimbo dzinochengeterwa mhuka zvinofanira kurangarira kuita kwadzo kwomusikirwo ndokuita kuti dzirambe “dzichifara.”
Mikono nehadzi zvemadindingwe, somuenzaniso, zvinoramba zvisingaonani musango ndokukurukura bedzi kupfurikidza nehwema muweti yazvo nendove. Mhino dzemukono dzinouudza apo hadzi inenge yagadzirira kusangana, uye ipapo inogara nayo kwezuva rimwe kana kuti maviri chete. Apo zviremera zvenzvimbo dzinochengeterwa mhuka zvakadzidza nezveuyu muitiro, zvakavandudza madzinopfigirwa kuti hono nehadzi zvirambe zvisingaonani mukati menhambo yose kunze kwepfupi yokusangana, uye kwakashanda; twuvana twakaberekwa.
Nepo kusavapo kuchiita kuti dindingwe riite shungu, hazvina kudaro neshiri inonzi flamingo. Inosangana bedzi apo inenge iri mumapoka akakurisa kuti nzvimbo dzinochengeterwa mhuka dzakawanda zvikurusa dzitarisire. Naizvozvo imwe nzvimbo inochengeterwa mhuka muEngland yakaedza—yaka“peta nekaviri” ukuru hweboka racho kupfurikidza nechiringiro chikuru. Kwenguva yokutanga, shiri dzacho dzakatanga chaizvoizvo kudanana kwadzo kunoshamisa! Iyi mienzaniso inokupa kachiono kekuoma kunzwisisa kwemhuka dzomusango here? Zvirokwazvo zviremera zvenzvimbo dzinochengeterwa mhuka zvine basa guru.
Nharidzano Yokuponesa Mhuka Ndeyechokwadi Sei?
Achiratidza simba regadziriro itsva, mamwe marudzi akaberekwa nemhuka dzaichengetwa akatoiswazve munzvimbo dzawo dzokugara dzomusikirwo. Pakati paiwaya pane condor yeCalifornia, bison yeEurope, bison yeAmerica, oryx yeArabia, tsoko inonzi golden lion, uye bhiza rinonzi Przhevalskis. Kunyange zvakadaro, kariro dzenguva refu dzokuponesa dzinoratidzika kuva dzisina kujeka.
“Nzanga yavanhu yakaoma kunzwisisa, uye zvinetso zvenyika zvizhinji kwazvo,” inodaro Strategy, “zvokuti pasinei zvapo nokukura mukuziva neitiro hanya pamusoro pechisiko nemhoteredzo, hakuna kubvira kumisa miitiro yakawanda inoparadza.” Somugumisiro, “vezvekuchengetedza vanofanira kuva vakagadzirira kuwana mitoo yokupona nhambo inokarirwa yakakomba,” inowedzera kudaro. Nenzira yomuzvarirwo, ikoku kunoda batira pamwe pamwero uri wose wenzanga. Batira pamwe iripo iko zvino, maererano nomumwe munyori wenhau dzesayenzi, “inokundikana zvinotyisa kusvitsa zvinodikanwa.” Kana dzvinyiriro dziri kusunda kutsakatika dzikangodererawo zvadzo asi dzisingachinji, kunyange nhamburiko dzakanakisisa dzingava dzisina maturo. Nzvimbo dzokugara chaidzoidzo nedzakakwana—kwete nzvimbo duku bedzi, idzo dzinotungamirira kukuberekesa mhuka dzine ukama—dzinofanira kugadzirwa. Panguva iyoyo bedzi apo zviremera zvenzvimbo dzinochengeterwa mhuka zvinogona kudzorera mhuka dzazvaichengeta musango. Asi tariro yakadaro ndeyechokwadi here, kana kuti kungoshuva?
Zvakatonyanyooma zvakare kudavira kuti nzvimbo zhinji dzinochengeterwa mhuka dzomunyika yose dzinogona kupedza chinetso chacho. “Chokwadi chinosuruvarisa,” anodaro Purofesa Edward Wilson, “ndechokuti nzvimbo dzinochengeterwa mhuka dzose dziri munyika nhasi dzinogona kuchengeta marudzi asingapfuuri 2 000 bedzi emhuka, shiri, zvinokambaira nezvinokwanisa kurarama mumvura nepanyika”—mashomanene zvikuru. Nokudaro zviremera zvenzvimbo dzinochengeterwa mhuka zvine basa risingashuviki rokusarudza kuti marudzi api okutora nokuda kwokuchengetedza nepo asara ose achikumbanira ndaza refu yeayo ari kunanga kukutsakatika.
Nokuda kwenyanzvi dziri mubasa racho, ikoku kunomutsa mubvunzo unotyisa wokuti, Nemhaka yokudyidzana kwezvinhu zvipenyu zvose, mhatsa yamarudzi ezvinhu zvipenyu nezvinomera ichaderera zvakakomba kudaro rini kusvikira apo inotanga kutsakatika kukuru uko kungaparadza hwakawanda hwoupenyu hwasara pasi pano, rudzi rwomunhu ruchibatanidzwa? Masayendisiti anogona bedzi kufungidzira. “Kubviswa kworudzi rumwe kana kuti maviri kana kuti makumi mashanu kuchava netapuro dzatisingagoni kufanotaura,” anodaro Linda Koebner muZoo Book. “Kutsakatika kuri kuparira chinjo kunyange tisati tanzwisisa migumisiro yacho.” Munguvayi, rinodaro bhuku rinonzi Zoo—The Modern Ark, “nzvimbo dzinochengeterwa mhuka dzinoramba dziri pakati penzvimbo dzinokosha zvikurusa dzoupenyu muhondo yomunyika yose yokudenhwa kwemhuka, hondo ine ukuru husingagoni kufanotaurwa asi iyo zvizvarwa zvomunguva yemberi zvichatipa chose chose mhaka nokuda kwayo.”
Naizvozvo pane hwaro hupi nohupi here hwetariro? Kana kuti zvizvarwa zvomunguva yemberi zvakatongerwa kunyika yokufinha kwoupenyu here, negomba rakadzika-dzika rokutsakatika rakazvimirira?
[Mufananidzo uri papeji 7]
Munhu ndiye muvengi wadzo akaipisisa
[Kwazvakatorwa]
Tiger uye Nzou: Zoological Parks Board of NSW
[Mufananidzo uri papeji 8]
Dzimwe mhuka dziri mungozi—“bison”, madindingwe, uye zvipembere
[Kwazvakatorwa]
Bison uye Madindingwe: Zoological Parks Board of NSW
Chipembere: National Parks Board of South Africa