RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g97 7/8 pp. 9-11
  • Apo Pasi Rose Richava Utiziro

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Apo Pasi Rose Richava Utiziro
  • Mukai!—1997
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Neiko Nhamburiko Dziri Kukundikana?
  • Tariro Chaiyoiyo Bedzi Youtiziro Hwapasi
  • Nzvimbo Inochengeterwa Mhuka Ndiyo Tariro Yokupedzisira Yemhuka Dzomusango Here?
    Mukai!—1997
  • “Tarirai! Ndiri Kuita Kuti Zvinhu Zvose Zvive Zvitsva”
    “Tarirai! Ndiri Kuita Kuti Zvinhu Zvose Zvive Zvitsva”
  • Vanhu Vachaparadza Pasi Rino Zvokusagadzirisika Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2014
  • Chii Chichava Mburumbwa Yapasi?
    Kupukunyuka Ndokupinda muPasi Idzva
Ona Zvimwe
Mukai!—1997
g97 7/8 pp. 9-11

Apo Pasi Rose Richava Utiziro

UNODA kuona chisikwa chine ngozi zvikurusa munyika here? Ipapo tarira muchiringiro! Hungu, isu, rudzi rwomunhu, tiri chikara chakaipisisa chapasi! Tinotourayana pamwero mukuru zvikuru.

Kuita kuti pasi rive risina ngozi nokuda kwemhuka dzomusango, kunyange munzvimbo dzinochengeterwa mhuka—zvikurukuru kana dzikava kwokutizira kwokupedzisira—hondo, dambudziko rorudzi rwomunhu, inofanira kubviswa. Mhuka dzeBerlin Zoo dzine 91 bedzi pa12 000 dzakapukunyuka Hondo Yenyika II. Dzimwe nzvimbo dzinochengeterwa mhuka dzakawanda dzakatambura nenzira yakafanana. Muhondo yenguva pfupi ichangobva kupfuura muBalkan, vashandi vakashinga vemunzvimbo inochengeterwa mhuka vakabudisa mhuka dzakawanda kuti dziende kwakakotsekana; asi mazana edzimwe, kubatanidza mhuka inonzi deer, kitsi hombe, uye mapere, dzakaurawa. Nguva pfupi ichangobva kupfuura, mumasango eCambodia, maererano nevakuru vakuru vakanokorwa mashoko mupepanhau rinonzi The Australian, Khmer Rouge yakauraya neune mhuka dzakawanda dzisingawanzowanikwa. Neiko? Kuti itsinhanise matehwe adzo uye zvimwe zvinhu zvadzo nezvombo!

Kuparadzwa kwoupengo kwemhoteredzo yemhuka, kwakadai seuko kwakaitwa paPeron Islands iri payo yoga, kumaodzanyemba kwakadziva kumadokero kweDarwin, Australia, ndoumwe uipi hunofanira kukundwa kana mhuka dzichizova dzakakotsekana—mukati menzvimbo dzinochengeterwa mhuka kana kuti kunze kwadzo. Kaviri mumakore matatu, shiri dzinonzi pelican rookery paizvi zvitsuwa dzakatambudzwa, sezviri pachena pasina chikonzero kunze kwokuuraya, nenzira youtsinye zvikurusa, zviuru zveshiri duku dzakanga dzichigere kukwanisa kubhururuka.

Mumakumi amakore achangobva kupfuura, zvisinei, kurasikirwa kukurusa nemarudzi hakuna kuparirwa neutsinye; ndozvakaipira kuwandisa kwavanhu vari kuda zvikuru nzvimbo yokugara mairi nenzvimbo yokurima. Nemhaka youku kuvhozhokera nzvimbo dzinogarwa nemhuka kunopfuurira pamwe chete neshatiswo, The World Zoo Conservation Strategy inonyevera kuti: “Chiono chezana ramakore rechi21 nokuda kwegadziriro yose yomusikirwo yepasi hachifadzi. Hapana chinhu chinoratidzira kuti ruparadziko rwuri kuitika muanodokuva mativi ose enyika ruchaguma nokukurumidza.”

Nemhaka yeitiro hanya inowedzera pamusoro peramangwana rapasi, nguva apo pasi rose richava utiziro inganzwika kuva yokungofungidzira zvikuru. Bva, tariro iyoyo ine hwaro hwakasimba, kwete pavanhu vanoona zviri pedyo bedzi—avo makore mashomanene se50 apfuura, maererano nomumwe munyori wezvesayenzi, vakanga vasingazivi nezvokuparadzwa kwazvino uno kwemhoteredzo yemhuka—asi pauyo akafanokuona, Jehovha Mwari. Anopfuura makore ane mazana gumi namapfumbamwe, akafanotaura kuti rudzi rwomunhu, munguva yedu, rwaizobatwa ruchi“paradza nyika.” (Zvakazarurwa 11:18) Huchiva hwakataurwa apo pasi rakanga rine vanhu vashoma, uporofita ihwohwo hungave hwakaratidzika kuva sefungidziro kuvakawanda vairarama panguva iyoyo, asi hwakabvumikisa kuva hwakarurama sei!

Mukupesana, uku kuparadza kuri kuitika panguva apo sayenzi uye ruzivo rwokugadzira zvinhu zviri kuratidzika kuva zvinodokukwanisa kuita zvishamiso: mamicrotransmitter nemasatellite zvinotarisira marudzi ari mungozi, kuparadzwa kwemasango anonaya mvura yakawanda kunoyerwa nesikweyamita vari muchadenga, uye kusvibiswa kwemhepo inoyerwa mutwuzvitsama twudukusa. Bva, kunze kwepane dzimwe nguva, munhu anoratidzika kuva asingakwanisi kuita chiito pamusoro peaya mashoko akawanda zvikuru. Zvichida munhu akafanana nemuchairi wechitima chisiri kudzoreka. Ane bhodhi rakazara nezvishandiso zvemagetsi zvakaoma uye nezvinodzora zviri kumuudza chinhu chiri chose chiri kuitika, asi haagoni kumisa chitima chacho!

Neiko Nhamburiko Dziri Kukundikana?

Chimbofungidzira kuti mufekitari hombe, maneja anodada, akaipa anoita zvokungonzwa muridzi achitaura kuti iye haasati achizokwidziridzwa asi, panzvimbo pezvo, kuti iye achadzingwa mumwedzi mishomanene. Ashatiriswa uye aine hasha, anoshandisa nhema, chioko muhomwe, uye marudzi ose emazano okunyengera kuti aite kuti vashandi vakati vaparire nyongano. Vanoita kuti michina ife, kuti kugadzirwa kwezvinhu kunonozeke, uye kuti zvinhu zvinogadzirwa zvive zvine mhosho—bva nenzira yokungwarira yakadaro kuti agodzivisa kupiwa mhaka. Munguvayi, vashandi vakatendeseka, vasiri kuziva zviri kuitika chaizvoizvo, vanoedza kugadziridza; asi apo vanoedza zvakaoma zvikuru, zvinhu zvinova zvakaipisisa zvikuru.

“Maneja” wenyika ino akaipa akaronga mazano nenzira yakafanana pamusoro porudzi rwomunhu nepasi. Asi muchiitiko chino hatifaniri kuramba tiri “vasingazivi mazano ake,” nokuti Bhaibheri rinobvisa chaanohwanda nacho ndokuwadzanyura chisikwa chomudzimu chakashatirwa—Satani Dhiyabhorosi—ngirozi iyo yakava inozvikudza ndokuchiva kunamatwa. (2 VaKorinte 2:11, NW; 4:4) Mwari akamukandira kunze kwemhuri Yake yomudenga ndokumutongera ruparadziko.—Genesi 3:15; VaRoma 16:20.

Kufanana namaneja wefekitari akaipa, uyu “baba venhema” anoshandisawo zvombo zvemitoo yokunyengera kuti abudise kutsamwa kwake. Anovenga Jehovha Mwari uye anoda kuparadza chisiko Chake. (Johane 8:44, NW) Zvombo zvine simba zvikurusa zvaSatani ndiwo mashoko anoparadzirwa okureva nhema, makaro, kudisa zvenyika, uye dzidziso dzorudzidziso dzinokuvadza. Naizvozvi aka‘tsausa pasi rose rinogarwa’ uye akaita kuti vanhu—vakanga vanzi vaizova vachengeti vepasi—vave zvikara zvaro zvine utsinye zvikurusa, chaizvoizvo, vateveri vaNimirodhi wekare, “mudzimba mukuru pamberi paJehovha.”—Zvakazarurwa 12:9, 12; Genesi 1:28; 10:9.

Tariro Chaiyoiyo Bedzi Youtiziro Hwapasi

Zvisinei, kukundwa kwemasimba evanhu neanopfuura evanhu anoparira kutsakatika hakusati kuri kusingabviri. Musiki wamasimba ose wezvinhu zvipenyu zvose anogona kutibvisa muaya mamirire ezvinhu akaipa akaoma kubuda maari, uye akapikira kuita izvozvi kupfurikidza nehurumende yake yokudenga. Anopikira kuparadza zvikara izvozvo zviri kuparadza pasi. Tinonyengeterera izvozvi apo tinoti: “Umambo hwenyu ngahuuye. Kuda kwenyu ngakuitwe mupasi, sezvazviri mudenga.”—Mateo 6:9, 10, King James Version; Zvakazarurwa 11:18.

Wacherekedza here kuti kuuya kwoUmambo kwakabatana nokuitwa kwokuda kwaMwari pasi pano? Ikoku imhaka yokuti Umambo hwaMwari ihurumende yaMwari pamusoro papasi. Uye zvahuri umambo, huna mambo—Jesu Kristu, “Mambo Wamadzimambo naShe Wamadzishe.” (Zvakazarurwa 19:16) Hunewo vahunodzora. Kutaura idi, Jesu akati: “Vakaropafadzwa vanyoro; nokuti vachagara nhaka yenyika.” (Mateo 5:5) Hungu, ava vanyoro ndivo vanodzorwa nahwo vapasi, uye nebetsero yoUmambo hwaMwari, vachatarisira nhaka yavo nenzira yorudo, vachiiita kuti ive paradhiso inobudirira yakazara noupenyu. Nenzira inofadza, Strategy inoti: “Ramangwana ravanhu nechisiko rakachengeteka bedzi kana rudzi rwose rwomunhu ruchigona kugara mutsinhirano itsva nechisiko.”

Nhau uye kusakwana kwomunhu zvinoratidza kusabvira kwokuti “rudzi rwose rwomunhu” nhasi rugare mu“tsinhirano itsva” yakadaro nechisiko, nokuti runofuratira Jehovha. Kutaura idi, kubvumikisa kusava nematuro kwokuzvitonga kwomunhu ndicho chimwe chikonzero nei Mwari akabvumira nyika ino kupfuurira kwenguva refu yakadaro. Asi nokukurumidza, avo vanoshuva kutonga kwaKristu vachafarikanya rugare rukuru. Isaya 11:9 inosimbisa izvozvi, uye inonongedzerawo kuchikonzero nei ivava voga vachizokwanisa kugara mu“tsinhirano itsva” nechisiko: “Hazvingakuvadzi kana kuparadza pagomo rangu rose dzvene, nokuti nyika yose ichazara nokuziva Jehovha, sezvinofukidza mvura pasi pegungwa.” Hungu, dzidzo youmwari ndiyo inokosha. Uye izvozvo hazvina mufungo here, nokuti ndianizve kunze kwoMuvambi wechisiko ane uchenjeri hwakadaro?

Zvakadiniko naavo vanoramba vachifuratira Jehovha? “Asi vakaipa vachaparadzwa panyika,” inodaro Zvirevo 2:22. Hungu, chisimbwa chavo kana kuti kusaitira hanya zvichaita kuti varasikirwe noupenyu hwavo mu“kutambudzika kukuru” kuri kukurumidza kuswedera—mutoo waMwari wokuita nawo ruramisiro kuvose vanoramba vachishandisa zvisina kufanira nokukuvadza chisiko chake nenzira youdyire.—Zvakazarurwa 7:14; 11:18.

Unoda kugoverana muiyi gadziriro yokudzorerwa kwapasi kumamiriro ezvinhu akanaka here? Ipapo tapota dzidza izvo Mwari anoda kwauri kupfurikidza nokufunda Bhaibheri. Iro pacharo rine simba rokugadziridza kufunga kwako kuti kuwirirane nekwoMusiki. (2 Timotio 3:16; VaHebheru 4:12) Mukuwedzera, kupfurikidza nokushandisa zvaunodzidza, hausati uchizova bedzi mugari wemunyika ari nani zvino asi uchabvumikisawo kuti zvirokwazvo uri rudzi rwomunhu uyo Jehovha acharonza kwaari “nyika itsva” iri kukurumidza kuswedera.—2 Petro 3:13.

Vabudisi vemagazini ino kana kuti ungano iri pedyosa yeZvapupu zvaJehovha ichafara kukubatsira nefundo yeBhaibheri yapamusha yapachena kana kuti mabhuku okuwedzera anotsanangura nhau idzodzi kana uchida.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe