RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g97 6/8 pp. 25-30
  • Singapore—Ibwe Rinokosha reAsia Rakashatiswa

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Singapore—Ibwe Rinokosha reAsia Rakashatiswa
  • Mukai!—1997
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Guta Rinozvitonga Razvino Uno
  • Rusununguko Rworudzidziso Runovimbiswa
  • Zvapupu zvaJehovha Zvinorambidzwa
  • Kudzvinyirira Kuri Pachena
  • Kurayira Chiito
  • Kufarira Kuita Zvinodiwa naMwari Kwoupenyu Hwangu Hwose
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2008
  • “Ndiri Pano! Nditumei”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1993
  • ‘Kudzivirira Nokusimbisa Pamutemo Mashoko Akanaka’
    Zvapupu zvaJehovha—Vazivisi voUmambo hwaMwari
  • Rutivi 3—Zvapupu Kusvikira Kurutivi Rwuri Kuresa Rwapasi
    Zvapupu zvaJehovha—Vazivisi voUmambo hwaMwari
Ona Zvimwe
Mukai!—1997
g97 6/8 pp. 25-30

Singapore—Ibwe Rinokosha reAsia Rakashatiswa

BHA! Nenzira inotyisa zvikuru, masuo anorema esimbi eChangi Women’s Prison yeSingapore akarovera achivharira chirikadzi isina simba ine makore 71 okukura, muKristu. Somumwe weZvapupu zvaJehovha, yakanga yaedza kutsanangura chimiro chayo kumutongi aitungamirira: “Handisi tyisidziro kuhurumende ino.”

Bha! Yakateverwa naambuya vane makore 72 okukura, mumwe muKristu. Chii chaiva mhaka yavo? Kuva nezvinyorwa zveBhaibheri zveWatch Tower Society zvina, kubatanidza kopi yavo yomunhu oga yeBhaibheri Dzvene rimene.

Vose zvavo, vagari 64 vemuSingapore, vane makore 16 kusvikira ku72, vakasungwa uye vakawanwa vaine mhaka. Makumi mana nevanomwe vakaramba kuripa faindi nemhaka yehana uye vakaiswa mujeri kwenhambo dzakasiyana-siyana dzaibvira pavhiki imwe kusvikira kuina. Izvozvi zvaigona sei kuitika muguta rinozvitonga rinorondedzerwa seimwe yenzvimbo dzakanakisisa dzokugara munyika yose? Izvozvi zvaigona sei kuitika muguta rinozvitonga rinosanozivikanwa munyika yose nokuda kwokudzikama kwaro kwezvoupfumi, kubudirira kwakatanhamara, uye zvivako zvazvino uno pamwe chete nokunonzi kubvumira rudzidziso kwaro?

Guta Rinozvitonga Razvino Uno

Ngatitangei nenhau yaro pfupi. Nhau yazvino uno yeSingapore yakavamba muna 1819 nokusvika kwaSir Thomas Stamford Raffles wokuBritain. Raffles, mumiriri weEast India Company, akanga achitsvaka muzinda wokushandira munyika yokuMabvazuva. Akasarudza kurangarira Singapore. Ndiko kutanga kwakaita muzinda wokutengeserana uyo wakava netapuro pakubudirira kweEast Asia kusvikira nhasi.

Kuzvitonga kusati kwasvika Singapore yakarondedzerwa seguta risina kurongeka. Nhasi, hapana munhu aizorondedzera Singapore seisina kurongeka. Yachinja. Mukati memakore 30 akapfuura, guta racho rakadokuva rakavakwazve chose chose, vachiita kuti rirambe rine zvimiro zverekare zvichida pazvaibvira nokuchengetedza kumberi kwezvivako zvekare kana kuti zvimwe kubatanidza zvivako zvose zvenhau nezvivako zvazvino uno. Singapore yava mharadzano yezvinofamba mumvura muMabvazuva, kazhinji kazhinji ichiva nengarava dzakawanda se800 pachiteshi chengarava panguva imwe chete. Michina yakagadzirwa nounyanzvi zvikuru yazvino uno inobvumira kuburutswa nokukwidzwa kwezvinhu mungarava inotakura makondena makuru mumaawa mashomanene. Rutivi runokosha zvikuru rwezvemari rweguta racho runorayira ndokugamuchira mitengo yepfuma yezvivako nenzvimbo inobvira pa$600 000 kana kuti inopfuura pasikweyamita.

Vagari vemo vanenge 3 400 000 vanoumbwa nemhatsa huru yevokuChina, vokuMalaysia, maIndia, vaRungu, uye vamwe. Pakati pemitauro yavanotaura pane chiMandarin, chiMalay, chiTamil, uye chiNgezi.

Mugwagwa une makiromita 83 wepamusoro nepasi pevhu unopa Singapore imwe yenzira dzechokufambisa chazvino uno zvikurusa, chinokurumidza munyika. Mapaki akasvibirira akapararira zvikuru muguta racho, achiva apo nepapo pakati pezvivako zvirefu zvokuvaka kwazvino uno. “Chinokwezva” ari kutanga kushanya iRaffles Hotel yakagadziridzwa, inonzi zvino chivako chenyika nemhaka yemavambo ayo a1889. Chechipiri inzvimbo huru yokurima uye kudzidza miti ine mahekita 52, mahekita 4 akachengeterwa sango, umo matiger aichimbofamba-famba.

Rusununguko Rworudzidziso Runovimbiswa

Sechinobetsera fambiro mberi yayo yezvoupfumi isingaenzaniswi, Singapore inovimbisa rusununguko rworudzidziso kuvagari vose. Nenzira inosuruvarisa, Singapore haina kuita vimbiso yayo. Zvikurukuru vanhu vanosonganirana neungano yeZvapupu zvaJehovha vakawana ikoko kuva kwechokwadi.

Bumbiro Remitemo reRepublic of Singapore, muChikamu 15(1), rinogovera vimbiso huru yorusununguko rwokunamata: “Munhu ari wose ane kodzero yokutaura uye kushandisa rudzidziso rwake uye kuruparadzira.”

Chikamu 15(3) cheBumbiro Remitemo chinovimbisa kuti: “Boka riri rose rorudzidziso rine kodzero—

(a) yokutarisira nhau dzorudzidziso rwaro rimene;

(b) yokutanga nokuchengetedza masangano nokuda kwemadonzo orudzidziso kana kuti orupo; uye

(c) yokuwana ndokuva nezvinhu uye kuzvichengeta nokuzvitarisira mukuwirirana nomutemo.”

Pakuvamba sa1936, Zvapupu zvaJehovha zvaiva rutivi rwenzanga yeSingapore. Kwemakore mazhinji zvaiita misangano yeungano yenguva dzose muHoro yazvo zvimene yoUmambo yaiva pa8 Exeter Road, pakatarisana chaizvo nemusika wakabatikana. Ungano yacho yakakura, panguva imwe cheteyo ichiita rutivi rwayo nokuda kwokugadzikana kwoupenyu hwenzanga.

Zvapupu zvaJehovha Zvinorambidzwa

Izvozvi zvose zvakachinja pana January 12, 1972. Murayiro wokudzinga wakapiwa pasi peGovernment Banishment Act, ganhuro 109, uchirayira mufundisi wechiKristu Norman David Bellotti nomudzimai wake, Gladys, vagari vemuSingapore kwemakore 23, kuti vabude munyika yacho. Izvozvi zvakateverwa nokukurumidza nomurayiro wakanga uchibvisa kunyoreswa kweUngano yeSingapore yeZvapupu zvaJehovha. Mukati memaawa akati Horo yoUmambo yakatorwa nemapurisa ayo akapaza ndokupinda nesuo rokumberi. Chakatevera nokukurumidza zvikuru kwaiva kurambidzwa kwepamutemo kwemabhuku ose eWatch Tower Society. Ndiko kuvamba kwakaita kudzvinyirirwa kweZvapupu zvaJehovha.

Pashure Horo yoUmambo yakatengeswa nehurumende sorutivi rwechiito chavo chokudzvinyirira, zvose izvozvi pasina kuziviswa—pasina kunzverwa kwemhaka, pasina kutongwa, pasina mukana wokutaurawo.

Hurumende yeSingapore yakanongedzera yanongedzerazve kukusatora rutivi kweZvapupu zvaJehovha mubasa rehondo sepembedzo yokurambidza chose chose. Nguva pfupi yapfuura saDecember 29, 1995, VaK. Kesavapany, mumiriri wechigarire weSingapore weSangano Romubatanidzwa Wenyika Dzapasi Pose muGeneva, mutsamba yakanyorerwa H. E. Ibrahim Fall, Mubetseri weMunyori Mukuru weKodzero Dzevanhu, weSangano Romubatanidzwa Wenyika Dzapasi Pose muGeneva, akataura zvinotevera:

“Kurambidza sangano reZvapupu zvaJehovha kweHurumende yangu kunobva pakurangarira kuchengeteka kwenyika. Kuvapo kunopfuurira kwesangano racho kwaizova kunoparadza garikano yavose uye nhevedzano yakanaka muSingapore. Chinhu chikuru chaizoitika pamwe chete nokubvisa kunyoreswa kweZvapupu zvaJehovha chaiva kuti zvinyorwa zvazvo zvose zvirambidzwe kuitira kusimbisa kurambidzwa kwesangano racho uye kudzivisa kuenderera nokupararira kwezvitendero zvazvo.”

Pamusoro pokuramba ngozi yechengeteko yenyika yeSingapore, kunofanira kucherechedzwa kuti nhamba yemajaya anoramba basa rehondo inenge vanhu vashanu pagore. Singapore inochengeta varwi vanenge 300 000. Hurumende yeSingapore yakaramba kunyange kukurukura basa renyika revasiri varwi nokuda kwevanhu vashomanene zvikuru vanobatanidzwa.

Kudzvinyirira Kuri Pachena

Pashure pemakore anoverengeka okushivirira kusina kudzikama, kudzvinyirirwa kuri pachena kwekodzero dzavanhu kwakavamba kuitika muna 1992 apo vanhu vanoverengeka vakasungwa—vakapiwa mhaka yokuva nemabhuku anorambidzwa pasi peUndesirable Publications Act. Muna 1994 Watch Tower Society yakaendesa kuSingapore W. Glen How, Q.C. ane makore 75, gweta uye mumwe weZvapupu zvaJehovha kweupenyu hwake hwose. Basa rake seGweta raMambokadzi rakaita kuti awane kugamuchirwa uko kwakamubvumira kuoneka pamberi pematare eSingapore. Nemhaka yevimbiso yorudzidziso yeBumbiro racho Remitemo, kukwirira kwakaendeswa kuDare Repamusoro reSingapore, kuchibatanidza kudenhwa kwokururama kwokusunga kwacho uye chirambidzo cha1972. Pana August 8, 1994, kukwirira kwacho kwakarambwa noMutongi Mukuru Yong Pung How, weDare Repamusoro reSingapore. Nhamburiko dzokuwedzera dzokukwirira chisarudzo chacho hadzina kubudirira.

Pakasvika kuvamba kwa1995 kwakaratidzika kuti denho yepamutemo yakavakirwa paBumbiro Remitemo reSingapore yakanga yamutsa matanho anotodzvinyirira zvikuru. Muchirongwa chechiuto chinonzi Tariro Yokushanda, vakuru vakuru vepachivande vomuSecret Societies Branch of the Criminal Investigation Department vakavhozhokera kamwe kamwe mapoka maduku anoverengeka evaKristu vaisangana mumisha yavanhu. Vakuru vakuru vanenge 70 uye vashandi vanotsigira vakavhozhokera sezvinoita uto, zvichiguma nokusungwa kwevanhu 69. Vose vakaendeswa kunzvimbo dzokubvunzurudzira, vamwe vakabvunzurudzwa kweusiku hwose, uye vose vakapiwa mhaka yokupinda misangano yeZvapupu zvaJehovha uye kuva nezvinyorwa zveBhaibheri. Vamwe vakaiswa munzvimbo mavaiva voga kwemaawa 18, vasingatongokwanisi kuridzira runhare mhuri dzavo.

Kupomerwa kwevokumwe kwakaregwa. Asi 64 vari vagari vemuSingapore vakatongwa mudare mukupera kwa1995 uye mukuvamba kwa1996. Vose vane 64 vakawanwa vaine mhaka. Makumi mana nevanomwe, vaiva pakati pezera remakore 16 ne72, havana kuripa faindi yezviuru zvemadhora uye vakaendeswa kujeri kwevhiki dzinobvira paimwe kusvika kuina.

Vasati vaendeswa kuzvitokisi zvavo, varume nevakadzi vakapfekenuriswa zvipfeko zvose ndokunzverwa pamberi pevanhu vanoverengeka. Vamwe vakadzi vakaudzwa kuti vatambanudze maoko avo, kuchonjomara vachisimuka kashanu, uye kuzarura mirimo yavo ndokusimudza rurimi rwavo. Anenge mukadzi mumwe akaudzwa kuti ashandise mimwe yake kuvhura paanobudisa napo tsvina. Mujeri, vamwe vevarume vacho vaifanira kunwa mvura yomuchemba dzechimbudzi. Vamwe vasikana vakabatwa sematsotsi ane ngozi, vakachengetwa munzvimbo iri yoga kwemutongo wavo wose, uye vakapiwa hafu yezvokudya zvinogoverwa. Vamwe vachengeti vejeri vakatonyima Zvapupu maBhaibheri azvo.

Asi ngatirangarirei tsinhiro shomanene dzakabva kuvamwe vevakadzi vakaiswa mujeri. Izvo mishumo yavo pachavo yakaratidzira zvaipesana zvikuru nechitarisiko chakanaka cheiri guta razvino uno.

“Chitokisi chacho chakanga chine tsvina. Mokugezera maoko nechimbudzi zvakanga zvakashata zvikuru. Zvaisemesa uye zvaiva netsvina. Pasi pebhenji randaigara paiva nedandemutande netsvina.”

“Ndakaudzwa kuti ndipfekenure zvipfeko zvose, uye ndakapiwa zvipfeko zvomujeri, munogara sipo (musina sipo), uye chokugezesa mazino. Ndakaudzwa nevamwe vasungwa vaiva muchitokisi changu kuti vasungwa vechinguvana vaisawana mushonga wokugezesa mazino kana kuti mapepa ekuchimbudzi.”

“Taiva 20 muchitokisi chimwe. Chimbudzi chacho chaiva chiya chokuita zvokuchonjomara chine mudhuri waisvika muchiuno mangu. Mokugezera maingova neshawa imwe bedzi nenzvimbo imwe yokugezera maoko ine tepi. Taifanira kugeza tiri mapoka evatanhatu—tose zvedu taiva muchitokisi chacho taifanira kugeza muhafu yeawa mumangwanani.”

Pasinei zvapo nekuvadziko yokuiswa mujeri, vose vakakurangarira kuva ropafadzo kubatira Mwari—panguva ipi neipi, kupi nokupi, uye mumamiriro ezvinhu api neapi. Cherechedza tsinhiro inotevera yakabva kumusikana achiri kuyaruka:

“Kubvira panguva yandakapinda mujeri, ndakazviyeuchidza nguva dzose nezvedonzo randaiva ndiri imomo nokuda kwaro. Zuva riri rose ndainyengetera kuna Jehovha kuti anzwe munyengetero wangu ndokusandisiya. Ndakarangarira kuti akapindura munyengetero wangu nemhaka yokuti mudzimu wake mutsvene ndiwo wakandibetsera kutsungirira. Ipapo bedzi ndipo pandakaziva kuva pedyo kwandaiva nako naye, uye zvakandisimbisa zvikuru, kuziva kuti ari kutitarisira. Ndakanzwa ndaropafadzwa kukwanisa kupfuura nomuuyu muedzo nokuda kwezita rake.”

Mapepanhau munyika yose akakurumidza kuziva nezvenhau yacho. Vanobudisa nhau muAustralia, Canada, Europe, Hong Kong, Malaysia, United States, uye dzimwe nzvimbo vakashuma vashumazve zvakaitika zvacho. The Toronto Star, yeCanada, yakapfupikisa kushatiriswa kwenguva iyeyo nomusoro wayo unoti “Mbuya Vanowanwa Vaine Mhaka Yokuva neBhaibheri.” Sezvinobvumwa, nyika ine zvinetso zvizhinji zvakakomba zvinobatanidza vanhu vakawanda zvikuru, asi muiyi nhau mubvunzo unobvunzwa nevanhu vanokatyamadzwa kwose kwose mumwe chete. “MuSingapore chaimo?”

Zvakaoma kunzwisisa chikonzero nei rudzidziso runoshanda pachena nedziviriro izere yomutemo munyika dzinopfuura 200 mupasi rose ruchifanira kutambudzwa muSingapore. Zvinova zvakatooma kunzwisisa apo tinorangarira kuti hapana rumwe rudzidziso muSingapore rwakabatwa narwo nenzira yokusava nomufungo uye yokudzvinyirira yakadaro.

Zvirokwazvo, mutarisiri anobetsera wemapurisa uyo akatungamirira kuvhozhokera Zvapupu zvaJehovha akabvuma kudare kuti iyi ndiyo nguva bedzi iyo iye nevakuru vakuru vake vakanga varayirwa kudzongonyedza musangano worudzidziso. Kunokora mashoko kunotevera kunobva muchinyorwa choufakazi:

Mubvunzo: (Kumupupuri) Mukuziva kwako Secret Societies Branch yakambonzvera kana kuti kuroverera mhaka pamapoka orudzidziso asina kunyoreswa api neapi, kunze kweZvapupu zvaJehovha here?

Mhinduro: Hapana andinoziva nezvawo.

Ipapo kubvunza kwacho kwakapfuurira.

Mubvunzo: (Kumupupuri) Iwe pachako panguva ipi neipi wakambovhozhokera zvakafanana boka duku rorudzidziso, rinosangana mumusha uye risina kunyoreswa pasi peSocieties Act here?

Mhinduro: Handina.

Kurayira Chiito

Amnesty International uye International Bar Association rimwe nerimwe rakatumira mucherechedzi wawo chaiye kuti atarisire kururama kwokutonga kwacho. Mucherechedzi asingasaruri weAmnesty International, Andrew Raffell, iye pachake gweta reHong Kong, akataura zvinotevera: “Ndakaisa mumushumo wangu kuti kwairatidzika sokutonga kusingatungamirirwi nemitemo.” Akapfuurira kutsanangura kuti vakuru vakuru vehurumende vakadanwa sezvapupu havana kukwanisa kutsanangurira dare nei mabhuku eZvapupu zvaJehovha airangarirwa kuva asingadikanwi. Raffell akaronga zvimwe zvezvinyorwa zveBhaibheri zvakarambidzwa kubatanidza Happiness—How to Find It uye Upwere Hwako—kuWana zvakaNakisisa maHuri. Akawedzera kuti zvaisagona chaizvoizvo kurangarirwa sezvinhu zvisingadikanwi mupfungwa ipi neipi yeshoko racho.

Mucherechedzi weInternational Bar Association, Cecil Rajendra, akataura zvinotevera:

“Kubvira pakuvamba, zvakanga zvakandijekera kuti kutonga kwacho kwose kwaiva chaizvoizvo . . . kunyomba kwakaitirwa kuti kuratidzire kunyika kuti kutonga kwevoruzhinji kuchiri kuitwa muSingapore.

“Mugumisiro wacho wakanga une chokwadi uye paisatongova nomubvunzo panguva ipi neipi izvozvo zvisati zvaitika, mukati mokutonga kwacho kana kuti pamugumo wacho kuti vose vaipomerwa vaizowanwa vaine mhaka sokupomerwa kwakaitwa.

“Kunyange zvazvo kutonga kwacho kwakaitirwa mudare duku uye pomero dzacho dzaiva kutaura idi kuputsa kuduku Societies Act mhoteredzo yakanga yakapoteredza imba yedare yaiva yorutyo nokutyisidzira.

“Yaiva yakadaro zvikurukuru nemhaka yeidi rokuti mapurisa aiva neyunifomu anopfuura 10 akamiswa imomo (6 mukati meimba yedare uye 4 kunze) varume vanoverengeka veSpecial Branch vaisava neyunifomu vari pavharanda.”

Achitsinhira pamusoro penzira iyo kutonga kwacho kumene kwakaitwa, Rajendra akapfuurira kuti:

“Kuita kwoMutongi adudzwa kare mukati menhambo yokucherechedza (pamwe chete nomukati mokutonga mose, sezvinopupurirwa nezvinyorwa) kwakabvumikisa kuva kusina kukwana. . . . Mukupesana nezvenguva dzose zvokutonga kwakarurama, Mutongi wacho nguva nenguva akapindira apindirazve achitsigira varovereri vemhaka ndokudzongonyedza zvapupu zvaidzivirira zvichipa ufakazi varovereri vemhaka somuenzaniso shanduro yeBhaibheri yeKing James, yakapiwa nevarovereri kuti varatidze kuti mupomerwi aiva nezvinyorwa zvakarambidzwa!”

Mwero wokunetseka kwemunyika yose uri kuparirwa nokudzvinyirira kodzero dzevanhu kweSingapore mukuru kwazvo zvokuti magazini yokuBelgium ine musoro unoti Human Rights Without Frontiers yakabudisa mushumo une mapeji 18 unobata chose chose nokudenha kwehurumende yeSingapore Zvapupu zvaJehovha. Achinyora nenzira yokunyora chikamu chemagazini, Willy Fautré, munyori mukuru wemagazini iyeyo, akarondedzera nenzira pfupi zvikurusa mwero chaiwoiwo worusununguko rwomunhu munyika ipi neipi yezvematongerwe enyika:

“Kunyange zvazvo rusununguko rworudzidziso rwuri chimwe chezviratidzo zvakanakisisa zvechimiro chinozivikanwa zvikuru chorusununguko rwavanhu munzanga ipi neipiwo zvayo, masangano enyika ekodzero dzevanhu mashomanene zvikuru akabatanidzwa zvichida mumuitiro wokubvisa zvimiro izvozvo zvorusaruro nokusashivirira zvakavakirwa parudzidziso kana kuti dzidziso, kana kuti mukuitwa kwemitemo yaizodzivirira nokusimudzira rusununguko rworudzidziso.”

Human Rights Without Frontiers yakabudisa ndaza yayo yerumbidzo mumavara matematema seri kwomushumo wayo.

Zvapupu zvaJehovha ibetsero kuSingapore. Zvinoremekedza kodzero dzevavakidzani vazvo uye hazvisati zvichizopara mhaka mukurwisana navo. Hapana mugari wemuSingapore anofanira kutya pamusoro pokupazirwa imba yake kana kuti pamusoro pokudenhwa, kurohwa, kana kuti kubatwa chibharo nemumwe weZvapupu zvaJehovha.

Ushumiri hwazvo hwepachena hwokuzvidira hunosimbisa nokuvandudza upenyu hwemhuri ndokukurudzira kugara zvakanaka. Zvinoitisa fundo dzeBhaibheri dzepachena munhu upi noupi anoda kudzidza nheyo dzinovaka dzeBhaibheri uye nzira yokudzishandisa nayo muupenyu hwake. Misangano yazvo yefundo yeBhaibheri nomunyengetero rutivi rwedzidzo yazvo yechiKristu. Izvozvi zvakazviparira kuva vagari vari nani.

Vagari vemuSingapore avo vanoremekedza repabhuriki yavo uye vanoda zvakanakisisa nokuda kwenguva yayo yemberi vanofanira kukurudzira hurumende kunzvera patsva nzvimbo yakarurama yeZvapupu zvaJehovha munzanga yeSingapore. Inguva yokubvisa zvirango zvinorwisana nazvo ndokuzvidzorera icho mugari wemo ari wose anopiwa—rusununguko rwokunamata.

[Bhokisi riri papeji 30]

Nyika Iri Kuona

1. “Apo mapurisa eSingapore akavhozhokera kamwe kamwe misha mishanu pausiku humwe February apfuura sezvinoita uto romudenga, varume 69, vakadzi uye vachiri kuyaruka vakasungwa ndokuendeswa kudzimbahwe remapurisa. Yaisava nzira iyo misangano yefundo yeBhaibheri yaifanira kuguma nayo.”—The Ottawa Citizen, Canada, December 28, 1995, peji A10.

2. “Kwaizogutsa chaizvoizvo vose avo vanoitira hanya rusununguko rworudzidziso nekodzero dzehana kudai Hurumende yeSingapore yaizogadzirisa chimiro chayo kana toreva nezvemitezo yeava vanhu vasina mhaka uye vasingakuvadzi uye kuvabvumira kushandisa uye kuparadzira kutenda kwavo pasina kutya kana kuti kudzongonyedzwa.”—Purofesa Bryan R. Wilson, Yunivhesiti yeOxford, England.

3. “Munhevedzano yokutonga iyo yakamutsa kupikisa kwemapoka erusununguko evagari vomunyika dzakawanda, matare eSingapore akawanira mhaka Zvapupu zvaJehovha 63 kubvira muna November akapfuura.”—Asahi Evening News, Japan, January 19, 1996, peji 3.

4. “Zvapupu zvaJehovha zvinofanira kubvumirwa kusangana uye kushandisa rudzidziso rwazvo norugare pasina tyisidziro yokusungwa kana kuti kuiswa mujeri. Rusununguko rworudzidziso ikodzero inokosha iyo inovimbiswa neBumbiro Remitemo reSingapore.”—Amnesty International, November 22, 1995.

5. Chan Siu-ching, sachigaro weJustice and Peace Commission yeHong Kong Catholic Diocese, mutsamba kuna Lee Kuan Yew, Gurukota Guru, Hofisi Yemutungamiriri Wehurumende, yakanyorwa musi waJune 1, 1995, akati: “Nhau huru ndeyokuti kunyange kana hurumende yeSingapore ichirangarira avo vari kuramba basa rehondo sevari kuputsa mutemo uye vanofanira kupiwa mhaka, mimwe mitezo iyo inongotora rutivi mukuungana kwerudzidziso nokuda kwedonzo rokunamata haifaniri kutapurwa. . . .

“Naizvozvo tinonyora kuti tikumbire Hurumende yenyu:

1. kusarambidza Zvapupu zvaJehovha kuitira kuti zvifarikanye rusununguko rwokunamata nerwehana;

2. kurega kupa mhaka mitezo yeZvapupu zvaJehovha iyo inongopinda kuungana kwedonzo rorudzidziso.

3. kubudisa mitezo yeZvapupu [zva]Jehovha yakasungwa nguva pfupi yapfuura nemhaka bedzi yokupinda mumibato yorudzidziso.”

[Mufananidzo uri papeji 27]

Zvapupu zvaJehovha paimba yedare pashure pokunge kupiwa mhaka kwaitwa

[Mufananidzo uri papeji 27]

Ichi Chapupu chine makore 71 okukura chakaudza mutongi kuti: “Handisi tyisidziro kuhurumende ino.” Zvisinei, chakaiswa mujeri

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe