RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g97 6/8 pp. 22-24
  • Unogona Kuwana Varaidzo Yakanaka

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Unogona Kuwana Varaidzo Yakanaka
  • Mukai!—1997
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Iva Anosarudza
  • Basa Ravabereki
  • Farikanya Mimwe Mibato
  • Kusarudza Kwaungaita Varaidzo Yakanaka
    “Rambai Muri Murudo rwaMwari”
  • Zvivaraidze Nezvinhu Zvinofadza Jehovha
    Rarama Nekusingaperi Uchifara!—Kosi yeBhaibheri
  • Tingasarudza Sei Zvinotivaraidza?
    Ramba Uri Murudo rwaMwari
  • Sarudza Nekuchenjera Zvinhu Zvekuzvivaraidza Nazvo
    Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa—2019
Ona Zvimwe
Mukai!—1997
g97 6/8 pp. 22-24

Unogona Kuwana Varaidzo Yakanaka

BHAIBHERI harishori mufaro wevaraidzo, uyewo harirangariri kufarikanywa kwenhandaro sokupambadzwa kwenguva. Mukupesana, Muparidzi 3:4 inotaura kuti kune “nguva yokuseka” ne“nguva yokupembera.”a Vanhu vaMwari muna Israeri wakare vaifarikanya marudzi akasiyana-siyana evaraidzo, kubatanidza nziyo, kutamba, uye mitambo. Jesu amene akaenda kune mamwe mabiko makuru emuchato uye, pane imwe nhambo, “mutambo mukuru.” (Ruka 5:29; Johane 2:1, 2) Naizvozvo Bhaibheri haripesani nokuva nenguva inofadza.

Zvisinei, sezvo zhinji yevaraidzo yanhasi ichirumbidza mufambiro usingafadzi Mwari, mubvunzo unomuka, Chii chaunogona kuita kuti uve nechokwadi chokuti mipimo yako yokusarudza varaidzo inoramba yakanaka?

Iva Anosarudza

Mukusarudza varaidzo yavo, vaKristu vachada kutungamirirwa nenheyo dzeBhaibheri. Somuenzaniso, wezvamapisarema Dhavhidhi akanyora kuti: “Jehovha unoidza vakarurama; asi mweya wake unovenga wakaipa nounomanikidza.” (Pisarema 11:5) Uye Pauro akanyorera vaKorose kuti: “Urayai mitezo yenyu iri panyika, inoti: Upombwe, netsvina, nokushumba, nokuda zvakaipa, nokuchiva . . . Bvisai izvi zvose, zvinoti: Hasha, nokutsamwa, nokuvenga, nokutuka, nokutaura zvinonyadzisa nomuromo wenyu.”—VaKorose 3:5, 8.

Varaidzo zhinji inowanika nhasi inoputsa zvakajeka iri zano rakafuridzirwa. ‘Asi handizotongoiti zvinhu zvandinoona zvichiratidzwa pasikirini,’ vamwe vangaramba. Zvingadaro. Asi kunyange kana varaidzo yako isingaratidziri rudzi rwomunhu rwauchava, ingaratidzira chimwe chinhu pamusoro porudzi rwomunhu rwaunotova. Ingagona, somuenzaniso, kutaura kana uri pakati peavo “vanoda masimba masimba, NW” kana kuti vanogara vachingofunga ‘ufeve, kushumba, kuchiva, uye kutaura zvinonyadzisa’ kana kuti kana uri pakati peavo “vanovenga zvakaipa” zvirokwazvo.—Pisarema 97:10.

Pauro akanyorera VaFiripi kuti: “Zvose zvazvokwadi, zvose zvinokudzwa, zvose zvakarurama, zvose zvakachena, zvose zvinodikanwa, zvose zvinorumbidzwa, kana kunaka kupi nokupi, kana chingarumbidzwa chipi nechipi, fungisisai izvozvo.”—VaFiripi 4:8.

Asi urwu rugwaro rwunoreva here kuti bhaisikopo riri rose, bhuku, kana kuti zvinoratidzwa muTV umo nyaya yacho inobata nerudzi rwakati rwekusarurama, zvichida utsotsi, yakatoshata? Kana kuti mafirimu anosetsa ose hazvidiwi here nemhaka yokuti hazvisi “zvinokudzwa”? Aiwa, nemhaka yokuti mashoko akapoteredza anoratidza kuti Pauro akanga achikurukura kwete varaidzo asi zvinofungisiswa nemwoyo, zvinofanira kuva zvinhu zvinofadza Jehovha. (Pisarema 19:14) Kunyange zvakadaro, zvakataurwa naPauro zvinogona kutibetsera pakusarudza varaidzo. Tichishandisa nheyo iri pana VaFiripi 4:8, tinogona kuzvibvunza kuti, ‘Chisarudzo changu chevaraidzo chinondiparira kufungisisa zvinhu zvisina kuchena here?’ Kana zvakadaro, ipapo tinofanira kuita gadziridzo.

Mukunzvera varaidzo, zvisinei, vaKristu vanofanira ‘kuita kuti kuva nemufungo kwavo kuzivikanwe nevanhu vose.’ (VaFiripi 4:5) Sezviri pachena, kune kunyanyisa muvaraidzo kusina kufanira nokuda kwevaKristu vechokwadi. Kunze kwezvo, munhu mumwe nomumwe anofanira kunzvera zvinhu nokungwarira ndokuita zvisarudzo zvichamusiya ane hana yakachena pamberi paMwari nevanhu. (1 VaKorinte 10:31-33; 1 Petro 3:21) Kwaisazova kwakafanira kutonga vamwe pamusoro penhau duku kana kuti kuita mitemo isingachinjiki inorayira izvo vamwe vanofanira kuita.b—VaRoma 14:4; 1 VaKorinte 4:6.

Basa Ravabereki

Vabereki vane basa rinokosha munhau yevaraidzo. Pauro akanyora kuti: “Asi kana munhu asingachengeti vokwake, zvikuru veimba yake, warasha kutenda, wakaipa kukunda usingatendi.” (1 Timotio 5:8) Nokudaro, vabereki vane musengwa wokugovera mitezo yemhuri yavo kwete bedzi zvokunyama asiwo zvomudzimu nezvendangariro. Ikoku kwaizobatanidza kuita gadziriro yekufaranuka kwakanaka.—Zvirevo 24:27.

Pane dzimwe nguva urwu rutivi rweupenyu hwemhuri runoregeredzwa. “Nenzira isingafadzi,” anodaro mumwe mufundisi ari muNigeria, “vamwe vabereki vanorangarira nhandaro kuva kupambadzwa kwenguva. Somugumisiro, vamwe vana vanosiiwa vega, uye vanowana shamwari dzisidzo nokutamba kusiko.” Vabereki, musarega izvozvi zvichiitika! Ivai nechokwadi chokuti vana venyu vane nhandaro yakanaka inovazorodza chaizvoizvo.

Asi kungwarira kunodikanwa. vaKristu havafaniri kufanana nevazhinji nhasi “vanoda zvinofadza zvenyika kupfuura Mwari.” (2 Timotio 3:1-4) Hungu, varaidzo inofanira kuchengetwa iri munzvimbo yayo. Inofanira kuzorodza—kwete kudzora upenyu hwomunhu. Naizvozvo vana pamwe chete nevakura havadi bedzi rudzi rwakarurama rwevaraidzo asiwo mwero wakarurama.—VaEfeso 5:15, 16.

Farikanya Mimwe Mibato

Varaidzo yakakurumbira zhinji inodzidzisa vanhu kungogara panzvimbo pokuita basa. Somuenzaniso, rangarira terevhizheni. Bhuku rinonzi What to Do After You Turn Off the TV rinoti: “Sezvairi chaizvo [terevhizheni] inotidzidzisa kungogara: Varaidzo, uye kunyange kudzidza, kunova chimwe chinhu chatinogamuchira pasina kushandira, kwete chatinozviitira.” Chokwadika, kune nzvimbo kunyange yevaraidzo yatisingashandiri. Asi kana ichidya nguva yakawandisa yenguva yokusununguka yemunhu, inomudzivisa kuwana mikana inofadza.

Munyori Jerry Mander, uyo anotaura kuti iye “mutezo wechizvarwa chakararama TV isati yanyanya kukurumbira,” anorondedzera nhambo dzakasiyana-siyana dzokufinhwa dzaimutambudza pauduku hwake: “Kufunganya kwaiuyawo,” iye anodaro. “Zvakanga zvisingambofadzi kana, zvaisafadza kwazvo zvokuti ndaizosarudza pakupedzisira kuita chiito—kuita chimwe chinhu. Ndaifonera shamwari, ndaibuda panze. Ndaienda kunotamba bhora. Ndairava. Ndaiita chimwe chinhu. Ndikatarira shure, ndinorangarira nguva iyoyo yokufinhwa, yo‘kushayiwa chokuita,’ seiyo inobudisa mabasa okufunga zvitsva.” Nhasi, Mander anoti, vana vanoshandisa TV sechiororo chiri nyore chokufinhwa. “TV inodzima zvose zviri zviviri funganyo nokufunga zvinhu zvitsva kungatevera,” iye anowedzera kudaro.

Nokudaro, vazhinji vakawana kuti mibato inoda kutora rutivi panzvimbo pokungogara inogona kuva inotusa zvikuru kupfuura zvavaifungidzira. Vamwe vakawana kuti kurava zvinonzwika nevamwe kunofadza. Vamwe vanoronda mabasa okuzvifadza, akadai sokuridza zviridzwa zvenziyo kana kuti kudhirowa mifananidzo. Ipapo kune mikana yokuronga kuungana kunovaka.c (Ruka 14:12-14) Nhandaro yepanze inobetserawo. Mumwe munyori weMukai! muSweden anoshuma kuti: “Dzimwe mhuri dzinoenda kunodzika misasa kana kuti kunoredza kana kuti dzinofamba-famba mumasango, dzinoita nzendo nemagwa, kufamba mumakomo, zvichingunodaro. Vaduku vanofara.”

Kuvapo kwezvinhu zvinoshatisa muvaraidzo hakufaniri kutishamisa. Muapostora Pauro akanyora kuti vanhu vemarudzi “vanofambawo noupenzi hwokurangarira kwavo.” (VaEfeso 4:17) Naizvozvo, kunongofanira kukarirwa kuti zvizhinji zvezvavanowana zvichivaraidza zvinenge zviri zve“mabasa enyama.” (VaGaratia 5:19-21) Zvisinei, vaKristu vanogona kuzvirovedza kuita zvisarudzo zvakanaka pamusoro perudzi neuwandu hwevaraidzo yavo. Vanogonawo kuita nhandaro chinhu chokurangarira pamwe semhuri uye vanogona kunyange kuedza mibato mitsva ichava inozorodza uye yavachayeuka nokudisa mumakore anouya. Hungu, unogona kuwana varaidzo yakanaka!

[Mashoko Omuzasi]

a Zvimwe zvimiro zveshoko rechiHebheru rinoshandurwa kuti “kuseka” zvinogona kushandurwa kuti “kutamba,” “kugovera zvinonakidza,” “kupemberera,” kana kuti “kufara.”

b Nokuda kwemamwe mashoko, ona chinyorwa chechiNgezi cheMukai! chaMarch 22, 1978, mapeji 16-21, uye December 8, 1995, mapeji 6-8.

c Nokuda kwenhungamiro yeMagwaro pamusoro pekuungana kwenhandaro, ona Nharireyomurindi yaAugust 15, 1992, mapeji 15-20, uye October 1, 1996, mapeji 18-19.

[Mifananidzo iri papeji 23]

Nhandaro yakanaka inogona kuva inotusa

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe