Uchenjeri Hwokurega Uye Kuroorana Nomunhu Mumwe Bedzi
NHASI, vanhu vanenge mamiriyoni 30 vakatapurwa nevhairasi yeAIDS uye vanopfuura mamiriyoni 6 vakafa. Varwere vatsva vanenge 8 500 vari kuwanikwa zuva riri rose—1 400 vaivava vana, avo vanowanzofa mukati megore rokutanga roupenyu. Nhimbe dzeinonzi vatano isina ngozi dzakanyandura ngwariro yevanhu, asi vamwe vanorangarira kuti ikoku hakuna kukwana. “AIDS ihosha inouraya,” anonyora kudaro Dr. Steven J. Sainsbury muThe Tampa Tribune, “uye matanho api neapi anotorwa kudzivirira kupararira kwayo anofanira kuva anoshanda zvakakwana.”
Pamusoro pokushandiswa kwemakondomu senzira yokudzivirira nayo AIDS, Dr. Sainsbury anotsinhira kuti: “Tinogona kurangarira nhau yacho nenzira iyi. Ngatitii, nokuda kwezvikonzero zvisingazivikanwi, motokari kamwe kamwe dzinovamba kuputika nguva iri yose iyo mumwe munhu anotenderedza kiyi yeinjini. Vanofamba nemotokari vari kuroromeswa kwose kwose munyika. Pakupedzisira, hurumende inouya nechinopedza chinetso chacho. Ingowedzerai ichi chinowedzerwa mumafuta, vanodaro, uye ngozi yokuputika ichadzikira ne90 muzana. Waizorangarira chinetso chacho sechapedzwa here? Waizoramba uchichaira motokari yako here? Handifungi. Ipapo nei tichigamuchira makondomu sechinopedza AIDS?”
Achiziva kuti AIDS kazhinjisa inoparirwa nevatano, Dr. Sainsbury anogovera chinopedza chinetso chacho: “Hapana vatano kutozosvikira munhu agadzirira kuzvipira kuroorana nemunhu mumwe bedzi asina kutapurirwa vhairasi. Kurega uye kuroorana nemunhu mumwe bedzi ndiwo mashoko anokosha.”
Bhaibheri rinorayira kuti vanhu vasina kuroora varege uye kuroorana nemunhu mumwe bedzi kune avo vakaroorana. Mipimo yeBhaibheri yakakwirira inorambidza ufeve, upombwe, uye ungochani. (Mateo 19:4-6; 1 VaKorinte 6:9, 10; 7:8, 9) Kunyange zvazvo vazhinji vachitsoropodza mupimo uyu, vachiti hauchawirirani nomusi kana kuti ndewechinyakare, tsika dzeBhaibheri dzakaparira utano norugare rwendangariro.—Isaya 48:17.