RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g93 9/8 pp. 23-25
  • Ndinogona Sei Kudzivisa Kuwana AIDS?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Ndinogona Sei Kudzivisa Kuwana AIDS?
  • Mukai!—1993
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • AIDS—Kuparadzanisa Ngano Neidi
  • “Vatano Yakakotsekana” Here?
  • Dzvinyiriro
  • Kuramba
  • AIDS—Ndiri Pangozi Here?
    Mukai!—1993
  • AIDS—Kuirwisa Kwaungaita
    Mukai!—1998
  • Kubetsera Avo Vane AIDS
    Mukai!—1994
  • Kufambira Mberi Mukurwisa AIDS
    Mukai!—2004
Ona Zvimwe
Mukai!—1993
g93 9/8 pp. 23-25

Vechiduku Vanobvunza Kuti . . .

Ndinogona Sei Kudzivisa Kuwana AIDS?

“KUNONDISHATIRISA kuti ndakabvumira ikoku kuitika,” anodaro Kaye. “Nemhaka yenzira yandakasarudza kuita nayo, ndakarasikirwa nebanza rokuita zvisarudzo zvandaizova nazvo munguva yemberi.” (Magazini yeNewsweek, August 3, 1992) Pazera ramakore 18, Kaye akabatira utachiona hweAIDS.

Kaye anongova bedzi mumwe wavanopfuura vanhu vane mirioni muUnited States vakatapurwa neHIV (Human Immunodeficiency Virus) inouraya—utachiona uhwo vanachiremba vanotaura kuti hunoparira chirwere chinotyisa cheAIDS.a Hapana munhu anoziva chaizvoizvo kuti ipwere ngani dzakatapurwa, asi vanhu vaduku sezviri pachena vanoitira hanya. Kunzvera kwakaratidza kuti pakati pepwere dzeBritain, AIDS ndicho chinetso chadzo chikurusa. Pasinei zvapo neitiro hanya yakadaro, U.S. Centers for Disease Control, inoti: “Vachiri kuyaruka vazhinji vanopfuurira kushuma kupinda mumibato inoparira kubata HIV.”

AIDS nguva dzose ine ngozi, uye iri kupararira munyika yose pamwero yedenda. Unogona sei kuzvidzivirira umene?

AIDS—Kuparadzanisa Ngano Neidi

Bhukwana rakanyorwa neU.S. Centers for Disease Control rinotsanangura, kuti: “Hosha yeHIV haisati ‘ichingoerekana yaitika.’ Haugoni ‘kuibatira’ sechikosoro kana kuti dzihwa.” Naizvozvo, panguva dzose, kuonanawo zvako kwezuva riri rose navananyajambwa veAIDS hakusati kuchiratidzika kuva kune ngozi. Haufaniri kunetseka pamusoro pokuwana AIDS kwewokuchikoro biyako nemhaka bedzi yokuti unogara pedyo naye. Sezvo HIV isati iri utachiona hunotakurwa nemhepo, haufaniri kunetseka kana nyajambwa weAIDS akakosora kana kuti kuhotsira. Kutaura idi, mhuri dzavarwere veAIDS dzakagoverana matauro, midziyo yokudyira, uye kunyange zvokugezesa mazino pasina kuparadzira utachiona hwacho.b

Ikoku imhaka yokuti utachiona hunouraya hunogara muropa romunhu, urume, kana kuti mvura dzomumuromo wechibereko. Muzvinoitika zvizhinjisa, ipapoka, AIDS inopfuudzwa kupfurikidza nevatano—vatano yavane mitezo mimwe cheteyo yokubereka nayo kana kuti yavane mitezo yakasiana yokubereka nayo.c Vanyajambwa vazhinji vakatapurwawo kupfurikidza nokugoverana nariti kana kuti zvibatiso zvejekiseni, kazhinji kazhinji mukuedza zvisina kufanira mirimo, nomumwe munhu akatapurwa neHIV.d Uye nepo vanachiremba vachitaura kuti ngozi yacho “yakabviswa chose chose” kupfurikidza nokunzveresesa zvikuru, AIDS inogonawo kupfuudzwa kupfurikidza nokuisira ropa.

Naizvozvo munhu upi noupi anopinda muvatano yapamberi peroorano kana kuti anoedza mirimo inobairwa zvisiri pamutemo ari pangozi huru yechirwere cheAIDS. Chokwadi, mubiyako anobvira wevatano angasaratidzika saanorwara. Asi bhukwana rinonzi Voluntary HIV Counseling and Testing: Facts, Issues, and Answers rinoyeuchidza, kuti: “Haugoni kuziva kupfurikidza nokutarisa mumwe munhu kana iye ane chirwere cheHIV. Mumwe munhu anogona kuratidzika uye kunzwa akagwinya zvikuru nepo ane chirwere. Nokudaro, vanhu vazhinjisa vane chirwere cheHIV havazvizivi.”

“Vatano Yakakotsekana” Here?

Vashandi vezveutano vakawanda navadzidzisi naizvozvo vari kusimudzira kushandiswa kwamakondomu.e Shambadziro dzeTV, zvikwangwani, uye zvidzidzo zvechikoro zvakaparadzira shoko rokuti kushandiswa kweichi chidzoreso chokubereka kunoita kuti vatano ive “yakakotsekana”—kana kuti zvimwe “yakakotsekana zvikuru.” Zvimwe zvikoro zvakatoparadzira makondomu kuvadzidzi. Dzasundwa nenhema dzakadaro, pwere dzakawanda zvikuru dziri kuashandisa.

Kunyange zvakadaro, yakakotsekana zvakadini “vatano yakakotsekana”? Bhurocha rakanyorwa neAmerican Red Cross rinoti: “Makondomu anogona kuvandudza bviro dzako dzokudzivisa chirwere.” Asi unganzwa here wakakotsekana kana ‘ukangovandudza mabanza ako’ zvishoma okudzivisa hosha iyo nguva dzose inobvumikisa kuva ine ngozi? U.S. Centers for Disease Control inobvuma, kuti: “Makondomu ane namo akaratidzwa kuva anobetsera kudzivirira chirwere cheHIV nedzimwe hosha dzinopfuudzwa muvatano . . . Asi haadziviriri zvirwere zvose.” Zvamazvirokwazvo, anogona kutsemuka, kubvaruka, kana kuti kubva mukati mevatano. Mukuwirirana neTime, makondomu “anogona kuva nekundikano yapakati pe 10% ne 15%”! Waizoisa upenyu hwako pangozi yemwero wakakwirira wakadaro wokukundikana here? Uye zvakatonyanyoipa, isingasviki hafu yepwere dzinoshingaira muvatano muUnited States dziri kushandisa makondomu.

Zano raZvirevo 22:3 nokudaro rakakodzera: “Munhu wakangwara unoona zvakaipa, ndokuvanda; asi vasina mano vanopfuura havo, ndokuwira munjodzi.” Imwe yenzira dzakanakisisa dzokudzivisa kuwana AIDS ndeyokurega chose chose kuedza zvisina kufanira mirimo uye vatano youtere. Kuri nyore mukutaurwa kupfuura kuita here? Vazhinji vanonzwa nenzira iyoyo, zvikurukuru nemhaka yedzvinyiriro huru dzinotarisana nepwere.

Dzvinyiriro

Mukati mo“kukura kwepwere,” zvishuvo zvevatano zvakasimba. (1 VaKorinte 7:36, NW) Wedzera, zvino, pesvedzero yeterevhizheni namabhaisikopo. Mukuwirirana nedzimwe nzvero, vachiri kuyaruka vanotarira TV kwaanopfuura maawa mashanu zuva riri rose—zvakawanda zvako zvine chokuita nevatano yakajeka. Asi munyika isingavimbiki yeTV, vatano haina muuyo. Imwe nzvero yakazivisa kuti muterevhizheni yeUnited States “vaviri vasina kuroorana vane mitezo yakasiana yokubereka nayo vanova nevatano kubvira pakane kana kusvikira kukasere kazhinji kupfuura varume navakadzi vakaroorana. Zvinodzivirira kubereka hazvitongonongedzerwi kwazviri kana kuti kushandiswa, asi vakadzi havawanzova napamuviri; varume navakadzi havawanzobata zvirwere zvinopfuudzwa muvatano kutoti vari mahure kana kuti vanovatana navane mitezo mimwe chete yokubereka nayo.”—Center for Population Options.

Zviverengero zvakakura zvokutepfenyura kwakadaro zvinogona kutapura zvomenemene mufambiro wako here? Hungu, mukuwirirana nenheyo yeBhaibheri iri pana VaGaratia 6:7, 8 (NW), inoti: “Musanyengerwa: Mwari haasati achifanira kusekwa. Nokuti chipi nechipi icho munhu ari kudyara, achachekawo ichochi; nemhaka yokuti iye anodyara nomurangariro wenyama achacheka kuora kunobva panyama yake.” Imwe nzvero yepwere 400 yakacherekedza kuti “avo vakacherekedza zvikuru terevhizheni ye‘vatano’ vakava nevatano zvikuru kupfuura vanotarira zvishoma terevhizheni yevatano.”

Imwe pesvedzero yakasimba idzvinyiriro yepwere. “Ndaitsvaka boka rakanaka rokutamba naro, uye ikoko kwakaoma,” inobvuma kudaro imwe pwere inonzi David. “Ndinozviisa ndimene mumugariro usina kunaka kakawanda. . . . Ndakabatwa chirwere cheAIDS.” Nenzira yakafanana, pwere dzomunguva dzeBhaibheri dzaiwanzova nedzvinyiriro yavaenzani. Chii chiri zano reBhaibheri? “Mwanakomana wangu,” anodaro munyori waZvirevo, “kana vatadzi vachikugombedzera, usatenda iwe.”—Zvirevo 1:10.

Kuramba

Vanosimudzira “vatano yakakotsekana” vanotaura kunyange zvakadaro, kuti kurega hakuna mufungo. Asi pakupedzisira, kunobetsera zvomenemene here kurega utere? Mumwe achiri kuyaruka anobvuma kuti ikoku kunongovhiringidza bedzi pwere, achiti: “Vanotiudza kungoramba bedzi vatano uye kwakanaka kuva akanaka naakachena. Panguva imwe cheteyo, vanoparadzira [makondomu] uye vanotiudza nzira yokuita nayo vatano pasina kutambura miuyo.”

Usava nyajambwa wevhiringidziko yetsika yakadaro. Bhaibheri—rekare kunyange ringaratidzika kudaro—rinokukurudzira kudzivisa mufambiro ungagona kukuisa pangozi yechirwere cheAIDS. Kana ukateerera murairo weBhaibheri wo‘kurega ropa,’ hausati uchizobata AIDS kupfurikidza nokuisirwa ropa. (Mabasa 15:29) Tetekera kudzivisa kweBhaibheri kwo“kushandiswa kwemirimo” uye haufaniri kutya chirwere chinoparirwa nenariti ine utachiona yokurapa. (VaGaratia 5:20; Zvakazarurwa 21:8; The Kingdom Interlinear) Zvikuru mutemo weBhaibheri wetsika dzevatano uchakudzivirira. “Tizai ufeve,” rinoraira kudaro Bhaibheri. “Chimwe chivi chiri chose icho munhu anoita chiri kunze kwomuviri, asi iye anoita ufeve ari kutadzira muviri wake amene.” (1 VaKorinte 6:18, NW) Ngozi yeAIDS inosimbisa uchenjeri hwamashoko iwayo.

Pwere inogona sei ku“tiza” utere? Kwamakore ose nyaya dze“Vechiduku Vanobvunza Kuti . . .” dzakapa chiverengero chezvikarakadzo zvinoshanda, zvakadai sokuronga kuvhakacha seboka, kudzivisa migariro inobvumiranisa pane zvisina kufanira (yakadai sokuva moga nomumwe munhu womutezo wakasiana wokubereka nawo mukamuri kana kuti mumba kana kuti mumotokari yakapakwa), kugadza ganhuriro dzine chokuita neratidziro dzechidakadaka, kurega kushandiswa kwezvinwiwa zvinodhakisa (uko kazhinji kazhinji kunokanganisa kusarudza kwakanaka), uye kuramba zvakasimba kana mugariro wacho ukanyandurirwa kurudo.f Muchinoitika chipi nechipi usabvumira munhu upi noupi kukudzvinyirira kupinda mumufambiro usati uri une ngozi bedzi mumuviri asi unoparadza mumudzimu. (Zvirevo 5:9-14) “Unoda kuisa upenyu hwako mumaoko omumwe munhu here?” akabvunza kudaro mukadzi muduku asina kuroorwa anonzi Amy akanokorwa mashoko munyaya yeNewsweek. Iye akabatira HIV kubva kushamwari yechikomana pamberi pokupedza kufunda chikoro chapamusoro. Akabvunza zvakananga, kuti: “Mukomana iyeyo kana kuti musikana akafanirwa nokumufira here? Ndinokupanikira.”

[Mashoko Omuzasi]

a Ona nyaya inoti “Vechiduku Vanobvunza Kuti . . . AIDS—Ndiri Pangozi Here?” iri muchinyorwa chino chaMukai!

b Aichimbova chiremba mukuru wokuvhiya weUnited States Dr. C. Everett Koop akapindura vapanikiri kupfurikidza nokutaura kuti: “Zvinoitika zvokutanga zveAIDS zvakashumwa munyika ino muna 1981. Taizodai tave kuziva kusvikira zvino kudai AIDS yaipfuudzwa kupfurikidza neonanowo zvayo, isiri yevatano.”

c Ikoku kunobatanidza vatano yomumukanwa neyokushure.

d U.S. Centers for Disease Control inonyeverazve, kuti: “Kana ukaronga kuita kuti nzeve dzako dziboorwe . . . , iva nechokwadi chokuti unoenda kumunhu anokwaniriswa anoshandisa chishandiswa chitsva zvikuru kana kuti chakagezwa nomushonga. Usanyara kubvunza mibvunzo.”

e Magazini yeFDA Consumer inotsanangura, kuti: “Kondomu indande inofukidza chirema chose. Inodzivirira maSTD [zvirwere zvinopfuudzwa muvatano] kupfurikidza nokushanda sechidziviriro, kana kuti chidziro, kudzivirira urume, ropa, uye zvinoyerera zvomumuromo wechibereko kupfuudzwa kubva kune mumwe munhu kuenda kune mumwe.”

f Ona, somuenzaniso, zvinyorwa zvenyaya dze“Vechiduku Vanobvunza Kuti . . .” muna Mukai! wechiNgezi waApril 22, 1986; April 22, 1989; uye April 22, 1992.

[Mufananidzo uri papeji 25]

Kutera kudzvinyiriro yevatano kunogona kutungamirira kuAIDS

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe