Uya unzwe hurukuro yavose “Kutenda Nenguva Yako Yemberi”
Nguva yako yemberi inogona kuzivikanwa chaizvoizvo here? Pane chimwe chinhu chaunogona kuita kuti uzive zvaichava yakaita here?
Hurukuro yavose, rutivi rweKokorodzano yoRuwa yeZvapupu zvaJehovha yo“Kutenda Shoko raMwari,” icharatidza chikonzero nei kune tariro yechokwadi yenguva yemberi yakajeka. Ungateerera hurukuro yacho panzvimbo iri pedyo nemusha wako, sezvo kuvamba mwedzi uno ichapiwa pamazana ekokorodzano munyika yose.
Onana neZvapupu zvaJehovha zvomunzvimbomo kana kuti nyorera vabudisi vemagazini ino nokuda kwenzvimbo yekokorodzano iri pedyosa newe. Chinyorwa chaJune 8 cheMukai! muchiNgezi chicharongawo kero dzenzvimbo dzose dzekokorodzano muUnited States, Canada, Britain, uye Ireland.