RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g97 6/8 pp. 18-21
  • Chii Chakaitika Kuvaraidzo?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Chii Chakaitika Kuvaraidzo?
  • Mukai!—1997
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Kudikanwa Kwokungwarira
  • Kufarira Zvokurwisana
    Mukai!—2012
  • Marambire Aungaita une Pfungwa Dzakanaka
    Mukai!—1999
  • Murangariro Wakadzikama Wevaraidzo
    Mukai!—1992
  • Zvivaraidze Nezvinhu Zvinofadza Jehovha
    Rarama Nekusingaperi Uchifara!—Kosi yeBhaibheri
Ona Zvimwe
Mukai!—1997
g97 6/8 pp. 18-21

Chii Chakaitika Kuvaraidzo?

VAGARI veRoma vekare, avo vaifungidzirwa kuti vaitevera tsika dzavo zvikuru, vaigona sei kurangarira kutambura kwevanhu biyavo sevaraidzo? “Kunogona bedzi kuve kwaiparirwa nechishuvo chezvinokuchidzira zvitsva nezvine simba zvikuru,” anonyora kudaro Gerhard Uhlhorn muThe Conflict of Christianity With Heathenism. “Vafinhwa nemifaro yose inobvira, vanhu vakatsvaka . . . zvinonakidza zvavakanga vasingachawani kumwe kupi nokupi.”

Vanhu vazhinji nhasi vanoratidzira “chishuvo chezvinokuchidzira zvitsva nezvine simba zvikuru.” Sezvinobvumwa, vangasaungana kuti vaone kudeuka kweropa chaikoiko kana kuti kusazvibata. Asi chisarudzo chavo chevaraidzo chinoratidzira kupengeswa nemasimba masimba nevatano kwakafanana. Rangarira mimwe mienzaniso.

Mabhaisikopo. Mumakore achangobva kupfuura aya vagadziri vemafirimu vakaratidzira “kuda havo zvakaipa,” anodaro anotsoropodza mabhaisikopo Michael Medved. “Shoko riri mune zvemabhaisikopo,” anowedzera kudaro, “rinoratidzika kuva rokuti kubudisa utsinye noupenzi kwakafanirwa nokurangarira kwakakomba zvikuru, ruremekedzo chairwo rukuru, kupfuura kuedza kupi nokupi kubudisa chiremera kana kuti kunaka.”

Kukwikwidzana neterevhizheni kwakamanikidza vagadziri vemafirimu kuita zvinenge zvose zvavanogona kuti vakwezve vanhu kuti vapinde muimba yokuonera mabhaisikopo. “Tinoda mifananidzo ine simba neinoorora, yakananga, yakanaka kupfuura zvose zvinoonekwa nevanhu muTV,” anodaro mumwe sachigaro weimwe situdhiyo yemabhaisikopo. “Hakusi kuti tinofarira ropa nezvinotyisa uye mutauro [wakasviba], asi ndizvo zvinodikanwa nhasi kuti ubudise firimu.” Zvirokwazvo, vazhinji havachavhundutswi kunyange nemasimba masimba ari pachena emubhaisikopo. “Vanhu havachatapurwi nemigumisiro yacho,” anodaro mumwe mutungamiriri wemabhaisikopo Alan J. Pakula. “Nzufu dzakawedzera kakapeteka nekana, kuputika kuri kuwedzera zvakanyanya, uye vari kuva vasingakendengi. Vave nenzara isingaperi yezvinokuchidzira zvoutsinye.”

Terevhizheni. Kuratidzirwa kunonyadzisa kwevatano muTV zvino kwava kuzivikanwa navose munzvimbo zhinji dzenyika, kubatanidza Brazil, Europe, uye Japan. Munhuwo zvake anoona TV muAmerica anoona zvine chokuita nevatano 14 000 mugore rimwe. “Kuwedzera kwemisoro yezvevatano nokujekesa hakuratidzi kuti zvichaderera,” rinoshuma kudaro rimwe boka rokunzvera. “Yaichimbova misoro yenyaya yaisafanira kutaurwa semakunakuna, ungochani, uye kuvatana nemhuka yazova nzira yokuwana nayo mari zvino manheru.”

Maererano nerimwe bhuku rinonzi Watching America, kune chikonzero chemadiro oupengo eterevhizheni. Rinoti: “Kuratidza vatano kune mari. . . . Sezvo mubatanidzwa wenhepfenyuro nekambani dzokugadzira vakaona kuti vakanga vari kufadza vaoni vakawanda kupfuura vavaigumbura, vakawedzera zvishoma nezvishoma mari yezvavanotengesa kupfurikidza nokubvumira zvisingafaniri kutaurwa zvakawanda kuti zvitaurwe pachena zvikuru kupfuura kare kose.”

Mitambo Yemavhidhiyo. Nhambo isina mhaka zvikuru yePac-Man neDonkey Kong yakabvumira nguva itsva yemitambo youtsinye hunotyisa. Purofesa Marsha Kinder anorondedzera mitambo iyi se“yakaipa zvikuru kupfuura TV kana kuti bhaisikopo.” Inotaura “mashoko okuti nzira bedzi yokuva nesimba ndeyemasimba masimba.”

Nemhaka yokushushikana kwevoruzhinji, mumwe mugadziri mukuru muUnited States zvino anoshandisa gadziriro yechiratidzo chezera pamitambo yayo yemavhidhiyo. Chiratidzo che“MA-17”—chinoratidzira kuti uyu mutambo we“vakura” hauna kukodzera vari pasi pemakore 17—ungabatanidza masimba masimba akakomba, nhau dzevatano, uye kumhura. Zvisinei, vamwe vanotya kuti chiratidzo chezera chinoti “vakura” chichangowedzera bedzi kukwezva kwemutambo wacho. “Kudai ndaive nemakore 15 ndokuona chiratidzo chokuti MA-17,” anodaro mumwe muduku anofarira mitambo, “ndaizowana mutambo iwoyo chero zvodini.”

Nziyo. Imwe magazini inoongorora zviri munziyo dzakakurumbira inotaura kuti pakupera kwa1995, 10 bedzi pamaarubhamu 40 ari pamusoro akanga asina kumhura kana kuti nongedzero kumirimo, masimba masimba, kana kuti vatano. “Nziyo dzinowanika nevasati vayaruka dzinoshamisa, zhinji dzadzo dzinozvidza tsika dzekare zvikuru,” inoshuma kudaro St. Louis Post-Dispatch. “[Nziyo] dzinokwezva kune vamwe vachiri kuyaruka dzizere nokutsamwa nokusava netariro uye dzinokurudzira mirangariro yokuti nyika nemuteereri somunhu oga zvichaparara.”

Nziyo dzedeath metal, rock ye“grunge,” uye rap ye“gangsta” dzinoratidzika kuva dzinofarira masimba masimba. Uye maererano nemushumo weSan Francisco Chronicle, “varidzi vemaindasitiri evaraidzo vazhinji vari kufungidzira kuti mapoka anotyisa zvikurusa nokukurumidza achava anobudirira zvikurusa neakakurumbira.” Nziyo dzekutsamwa norufu dzazova dzakakurumbira muAustralia, Europe, uye Japan. Chokwadi, mamwe mabhendi akaedza kusarudza shoko rakanaka zvikuru. Kunyange zvakadaro, Chronicle racho rinoti: “Ufakazi hunokarakadza kuti nziyo dzakanaka hadzitengwi zvikuru.”

Makombiyuta. Aya maturusi anokosha anobetsera zvikuru. Zvisinei, akashandiswawo nevamwe kuparadzira zvinhu zvakaipa. Somuenzaniso, magazini yeMaclean’s inoshuma kuti izvozvi zvinobatanidza “mifananidzo nemashoko pamusoro pechinhu chiri chose kubva kuzvinhu zvisiri zvenguva dzose zvinonamatwa kusvikira kuupfambi nokuvatana nevana—zvinhu zvaizokatyamadza vanhu vakura vazhinji, chida vana vavo.”

Zvokurava. Mabhuku mazhinji akakurumbira ari kufashukira nevatano nemasimba masimba. Muitiro wechinguvana wenguva pfupi yapfuura muUnited States neCanada ndiwo wakazonzi “nyaya dzinotyisa”—nyaya dzinotyisa dzinonanga pwere dzichiri duku semakore masere. Diana West, achinyora muNew York Teacher, anoti mabhuku aya ari “kuita kuti vaduku vasatye zvikuru, achidzivisa kukura kwendangariro kunyange kusati kwavamba.”

Mabhuku mazhinji anosetsa anobudiswa muHong Kong, Japan, uye United States anobudisa “nhau dzehondo dzoutsinye dzakakomba, kudyana kwevanhu, kugura musoro, usatani, kubata chibharo, uye kumhura,” inoshuma kudaro nzvero yakaitwa neNational Coalition on Television Violence (NCTV). “Ukuru hwemasimba masimba nemashoko evatano anozvidza ari mumagazini aya hunokatyamadza,” anodaro Dr. Thomas Radecki, mutungamiri wenzvero yacho weNCTV. “Zvinoratidza kuti takazvibvumira kuva vasingatapurwi sei.”

Kudikanwa Kwokungwarira

Sezviri pachena, munyika yanhasi mune zvinofadza pamusoro pevatano nemasimba masimba, uye kunoratidzirwa muindasitiri yevaraidzo. Mumiriro wezvinhu wacho wakafanana neuya wakarondedzerwa nomuapostora wechiKristu Pauro kuti: “Vakazvipa vasine hanya kuutere kuti vabate mabasa ose etsvina nokuchiva.” (VaEfeso 4:19) Nechikonzero chakanaka vazhinji nhasi vari kutsvaka chimwe chinhu chiri nani. Uri kudaro here? Kana zvakadaro, uchafara kuziva kuti unogona kuwana varaidzo yakanaka, seizvo nyaya inotevera icharatidza.

[Bhokisi riri papeji 19]

Terevhizheni Inogona Kuva Ine Ngozi

TEREVHIZHENI yakatanga kuoneka pairatidzwa zvigadzirwa zvenyika yose muUnited States muna 1939 muNew York. Mumwe mutori wenhau akanga aripo akaratidzira kusava nechokwadi kwake pamusoro peramangwana rouyu mudziyo. “Chinetso chine terevhizheni,” iye akanyora kudaro, “ndechokuti vanhu vanofanira kugara pasi vakangoti ndee pasikirini; mhuriwo zvayo yevagari veAmerica haina nguva yaizvozvo.”

Akanga asina kururama sei! Zvirokwazvo, kwakataurwa kuti panosvika nguva apo mugariwo zvake weAmerica anopedza kudzidza pachikoro, anenge apedza nguva yakawanda ne50 muzana ari mberi kweTV kupfuura mberi kwomudzidzisi. “Vana vanotarira terevhizheni zvikuru vane ukono zvikuru, vakaora mwoyo zvikuru, vanorema zvikuru, vanofungidzira zvishoma, vane tsitsi shoma, uye vadzidzi vanogona zvishoma kupfuura vamwe vavo vasinganyanyi kuona TV,” anodaro Dr. Madeline Levine mubhuku rake rinonzi Viewing Violence.

Zano rake nderokutii? “Vana vanofanira kudzidziswa kuti terevhizheni, kungofanana nemimwe midziyo iri yose iri mumba, ine basa rakananga. Hatisiyi muchina wokuomesa bvudzi uchishanda kana bvudzi redu rangooma, kana kuti tosita ichishanda kana tangopedza kugadzira tositi. Tinoziva mabasa chaiwo emidziyo iyi uye tinoziva nguva yokuivhara. Vana vedu vanofanira kudzidziswa zvakafanana pamusoro peterevhizheni.”

[Bhokisi/Mifananidzo iri papeji 21]

Varaidzo Iri Munyika Yose

Mukai! yakakumbira vanyori vayo vari mumativi akasiyana-siyana enyika kuti varondedzere mafambiro ari kuita varaidzo munzvimbo dzavo. Dzinotevera ndedzimwe dzetsinhiro dzavo.

Brazil: “Mapurogiramu eTV azova akashata zvikuru. Bva, nevabereki vazhinji vari kushandira kunze kwomusha, vana kazhinji kazhinji vanosiyiwa kuti vazvivaraidze neTV. MaCD-ROM ane nhau dzezvemidzimu uye mitambo yemavhidhiyo inoratidza masimba masimba makukutu zvakakurumbira.”

Czech Republic: “Kubvira pakuwa kwechiKomonisiti, nyika yacho yakazadzwa nevaraidzo isina kumboonekwa muno kare, kubatanidza mapurogiramu eTV anobva kuMadokero uye zvitoro zvinotengesa zvevatano. Vanhu vaduku vanogara vachienda kumadhisiko, makirabhu esiragi, uye mapabhu. Kushambadzira kunokurudzira kupambadza mari nedzvinyiriro yevaenzani kazhinji kazhinji zvinovapesvedzera zvakasimba.”

Germany: “Nenzira isingafadzi, vabereki vazhinji vaneta zvikuru zvokusagona kurongera vana vavo varaidzo, naizvozvo pwere kazhinji kazhinji dzinovimbana kuti dzive nenguva yakanaka. Vamwe vanozviparadzanisa vachitamba mitambo yepakombiyuta. Vamwe vanoenda kumadhanzi ousiku hwose anonzi madhindindi, uko mirimo yakazara.”

Japan: “Mabhuku ezvinosetsa ndiwo chokuzvivaraidza nacho chinodiwa zvikurusa nepwere nevanhu vakura, asi kazhinji kazhinji iwaya akazadzwa nemasimba masimba, unzenza, uye mutauro wakaipa. Kubhejera kwakakurumbirawo. Mamwe maitiro anokangaidza ndeokuti vasikana vaduku vari kufonera makirabhu efoni anogovera varume vane madonzo ounzenza. Vamwe vanongofonera kunakidzwa, nepo vamwe vachitosvika pakuronga kushamwaridzana nevane mitezo yokubereka nayo yakasiyana kuti vapiwe mari, uko pane dzimwe nguva kunotungamirira kuupfambi.”

Nigeria: “Dzimba dzokuratidzira mavhidhiyo dzisingadzorwi dziri kupararira dzichigura nokuWest Africa. Izvi zvitumba zvinotakurwa zvinobvumirwa vanhu vezera ripi neripi, kubatanidza vana. Mavhidhiyo ezvevatano nezvinotyisa anogara achiratidzwa. Mukuwedzera, mafirimu anogadzirwa muno anobudiswa muTV anowanzoratidza zvekushandisa midzimu.”

South Africa: “Madhindindi ari kubudirira kuno, uye mirimo inowanika nenzira iri nyore.”

Sweden: “Mapabhu nemakirabhu eusiku ari kubudirira muSweden, uye kazhinji kazhinji matsotsi nevanotengesa mirimo vanodirana vachienda kunzvimbo dzakadaro. Varaidzo yemavhidhiyo neterevhizheni yakazara nemasimba masimba, kushandisa midzimu, uye unzenza.”

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe