RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g97 5/8 p. 3
  • Kuuraya Muzita raMwari

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kuuraya Muzita raMwari
  • Mukai!—1997
  • Mashoko Akafanana
  • VaIsraeri Vairwa Hondo—Nei Isu Tisingarwi?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2022
  • “Muchanzwa Nezvehondo”
    Dzimwe Nyaya
  • Mwari Aiona Sei Hondo Kare Kare?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2015
  • Rudzidziso Rwupi Rwunotenderwa naMwari?
    Mukai!—1997
Ona Zvimwe
Mukai!—1997
g97 5/8 p. 3

Kuuraya Muzita raMwari

YAKANYORWA NOMUNYORI WEMUKAI! MUFRANCE

“Muzita raMwari, Tinouraya uye Ticharamba Tichiuraya”

PASI pemusoro mukuru wanokorwa mashoko pamusoro apa, International Herald Tribune yakati: “Zana rino ramakore, iro vanokarira migumisiro yakanakisisa munyika vapanhambo nenhambo vanoda kurangarira serakasunungurwa mukusaziva, rakaratidzirwa seripi neripi reakaritangira nemuitiro wevanhu unotyisa wokuurayana muzita raMwari.”

Munyori wacho akanongedzera kumienzaniso yekuponda kworudzidziso mumazana amakore apakuvamba. Ipapo, achinongedzera kukupondwa kwavakawanda kwakaitika muzana ramakore rechi20 akagumisa kuti: “Zvatinoona kupfuurira kunotyisa kwokusashivirira kwoupengo kwenguva dzakapfuura. Kunamata kunoramba kuri pembedzo nokuda kwemasimba masimba ezvamatongerwo enyika nokukunda nyika.”

Vamwe vanoedza kururamisa hondo dzorudzidziso dzanhasi nokutaura kuti Mwari akatendera kuurawa kwevaKanani nevaIsraeri vekare. Bva, iyoyo haisi pembedzo nokuda kwevanozviti Vakristu kuti varwe hondo nhasi. Nei? Nemhaka yokuti vaIsraeri vakarayirwa zvakananga naMwari kuti vabatire sevaurayi vemarutongeso ake akarurama vevanhu vainamata madhemoni, avo vane kunamata kwaibatanidza utere hwevatano hwakakomba nokubayira vana sezvibayiro.—Dheuteronomio 7:1-5; 2 Makoronike 28:3.

Humwe ufakazi hwokuti hondo dzaIsraeri wekare dzakanga dzisingori rwisanowo hadzo kushamisa kwerukundo urwo Mwari akapa rudzi rwacho. Somuenzaniso, vaIsraeri vekare vakamborayirwa kushandisa nyanga, zvirongo, uye mwenje—zvisitongori zvinhu zvehondo chaiyoiyo! Pane imwe nhambo vaimbi vakamiswa mberi kwehondo yevaIsraeri yakanga yanangana nesimba guru remauto aivhozhokera aibva kumarudzi anoverengeka.—Vatongi 7:17-22; 2 Makoronike 20:10-26.

Uyezve, apo, panhambo nenhambo, vaIsraeri vaienda kuhondo dzakanga dzisina kugadzwa naMwari, vaisakomborerwa naye uye vaikundwa. (Dheuteronomio 28:15, 25; Vatongi 2:11-14; 1 Samueri 4:1-3, 10, 11) Hondo dzaIsraeri, naizvozvo, hadzigoni kunongedzerwa kwadziri kururamisa hondo dzinorwiwa muChikristudhomu.

Muzita rorudzidziso, vaHindu vakarwa nevaMuslim nevaSikh; vaMuslim veShia vakarwawo nevaMuslim vechiSunni; uye muSri Lanka, vaBuddha nevaHindu vakaurayana.

Muenzaniso wokuuraya muzita raMwari dzakanga dziri hondo dzakaitika muFrance mukati mezana remakore rechi16. Nhau yehondo idzi inoumba rumwe rutivi rwechinyorwa chemhaka yekuteura ropa kukurusa kwemarudzidziso eRoma Katurike nechiPurotesitendi muEurope. Ngatinzverei hondo idzi, ndokuona chatinogona kudzidza madziri.

[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 3]

U.S. Army photo

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe