Rudzidziso Rwupi Rwunotenderwa naMwari?
NENZIRA isingafadzi, kuvengana kwerudzidziso kweFrance yezana ramakore rechi16 hakuna kupera. Muzana ramakore rakatevera racho, rusaruro rukuru rwakapesanisa Europe, sezvo vaKaturike nevaPurotesitendi vakaenda kuhondo zvakare mukati meHondo Yemakore Makumi Matatu (1618-48). Muzita raMwari, vaizviti Vakristu vakamutsiridza kuurayana kwavo kunotyisa.
Kuvengana kwerudzidziso nokuuraya hazvisati zvapera. VaKaturike nevaPurotesitendi vakaurayana nguva pfupi yapfuura muIreland, uye nhengo dzemarudzidziso eOrthodox neRoma Katurike dzakaita zvimwe chetezvo munharaunda yeyaichimbova Yugoslavia. Uye kunyange zvazvo kungaratidzika kuva kusingadaviriki, mukati meHondo Yenyika I neII, vose vari vaviri vaKaturike nevaPurotesitendi vakauraya mazana ezviuru emitezo yemarudzidzisiso avo vamene muhondo. Kuuraya uku kunoruramiswa here? Chii chiri murangariro waMwari?
Nhamburiko Dzokururamisa
“Kururamisa masimba masimba kwevafundisi kwakaedzwa nevanhu vakasiyana-siyana muna 1994,” rinodaro 1995 Britannica Book of the Year. Anopfuuura makore 1 500 akapfuura, kuedza kururamisa kuuraya kwakafanana kwakaitwa nomuzivi wechiKaturike “Musande” Augustine. Maererano neNew Catholic Encyclopedia, iye “akanga ari muvambi wedzidziso yehondo yakarurama,” uye enisaikoropidhiya yacho inotaura kuti kufunga kwake ‘kunopesvedzera kunyange munguva dzazvino uno.’
Chechi dzeChikaturike, dzechiOrthodox, uye dzechiPurotesitendi dzakaregerera, uye kunyange kutsigira, kuuraya muzita raMwari. Kunyange zvazvo chinyorwa chemarudzidziso aya chiri chokuteura ropa, chemamwe marudzidziso makuru mazhinji ari munyika yose hachisi nani. Ipapoka, unogona sei kuziva vanhu vanonamata zvechokwadi?
Kwete kupfurikidza nokungoteerera zvavanoti vanodavira. Pamusoro penhau iyoyi, Jesu Kristu akanyevera kuti: “Chenjererai vaporofita venhema avo vanouya kwamuri vachiratidzika semakwai asi mukati ari mapere anoparadza. Muchakwanisa kuvaziva nezvibereko zvavo. . . . Muti wakanaka unobereka zvibereko zvakanaka asi muti wakaora unobereka zvibereko zvakaipa. . . . Muti upi noupi usingabereki zvibereko zvakanaka unotemwa ndokukandirwa mumoto.” (Kutsveyamisa mashoko ndokwedu.)—Mateo 7:15-20, The New Jerusalem Bible.
Vanozikanwa Nezvibereko Zvavo
Mamiriyoni evanhu vakatendeseka ari kuona kuti marudzidziso enyika ‘miti yakaora’ yakabereka “zvibereko zvakaipa,” zvikurukuru, kupfurikidza nokutsigira hondo dzeropa. MuBhaibheri umambo hwenyika hwerudzidziso rwenhema hunorondedzerwa semhombwe yomudzimu inonzi “Bhabhironi Guru.” Bhaibheri rinotaura kuti “mukati maro mukawanikwa ropa ravaporofita neravatsvene, neravose vakaurawa panyika.”—Zvakazarurwa 17:3-6; 18:24.
Nokudaro, panzvimbo pokutendera hondo dzakakomborerwa nevatungamiriri verudzidziso, Mwari nokukurumidza achatonga marudzidziso iwayo akauraya muzita rake. Achaita ikoku mukuzadzika uporofita hweBhaibheri hunoti: “Saizvozvo guta guru, Bhabhironi, richaputsirwa pasi nesimba, rikasatongowanikwazve.” Apo chiitiko ichocho chinofadza chinoitika, Mwari achave a“tonga mhombwe huru” ndoku“tsiva ropa ravaranda vake paruoko rwayo.”—Zvakazarurwa 18:21; 19:2.
Vanhu vanonyangadzwa nokuuraya kwose kwakaitika muzita raMwari vangashamisika kana kune Vakristu vanorarama chaizvoizvo mutsinhirano neuporofita hweBhaibheri: “Vachapfura minondo yavo vachiiita mapadza, namapfumo avo vachiaita mapanga okuchekerera miti; rumwe rudzi harungazosimudziri rumwe rudzi munondo, havangazodzidzi kurwa.” (Isaya 2:4) Unoziva vanhu vanotya Mwari zvirokwazvo vakarega hondo here?
Rudzidziso Rwunotenderwa naMwari
Nzvero yenzanga ine musoro unoti “Mamwe Mashoko Pamusoro Pokururamisa Masimba Masimba,” yakabudiswa neYunivhesiti yeMichigan, yakati: “Kubvira pakuvamba kwezana ramakore, Zvapupu zvaJehovha zvakachengeta nguva dzose chimiro chazvo che‘Kusatora Rutivi kwechiKristu’ kusina masimba masimba muhondo huru mbiri dzenyika uye kurwisana kwemauto kwakatevera kwenhambo ye‘Rwisano Yepfungwa Dzakasiyana.’” Ichiratidza chikonzero nei Zvapupu zvichiramba zvisingatori rutivi, nzvero yacho yakati: “Dzidziso dzeZvapupu zvaJehovha dzinobva pakupwiswa kwazvo kuti Bhaibheri ishoko rakafuridzirwa raMwari.”
Hungu, Zvapupu zvaJehovha zvinorarama mutsinhirano neBhaibheri, iro rinodzidzisa kuti: “Vana vaMwari vanooneswa naizvozvi, navana vaDhiyabhorosi; mumwe nomumwe usingaiti zvakarurama, haazi waMwari, naiyewo usingadi hama yake. . . . Kuti tidane; tisingaiti saKaini, . . . akauraya munun’una wake.”—1 Johane 3:10-12.
Zvapupu zvaJehovha kazhinji kazhinji zvakakwevera ngwariro yavanhu kumhaka yeropa yemarudzidziso enyika. Zvakadzokororawo teterero yekurumidziro yeBhaibheri yokuti: “Budai mariri [Bhabhironi Guru], vanhu vangu, kuti murege kuwadzana naro pazvivi zvaro, mugorega kupiwa madambudziko aro. Nokuti zvivi zvaro zvasvika kudenga, Mwari warangarira zvisakarurama zvaro.”—Zvakazarurwa 18:4, 5.
Vanhu vazhinji vapachokwadi vari kuteerera kudanidzira kwokuti vasiye umambo hwenyika hworudzidziso rwenhema. Kana uchikatyamadzwa zvikuru nokuuraya kwose kunoitwa muzita rorudzidziso, tinokukumbira kuonana nomunhu akakupa magazini ino kana kuti kunyorera imwe yekero dzakagoverwa papeji 5. Zvapupu zvaJehovha zvichafara kukubetsera kudzidza nezvechipikirwa cheBhaibheri chenyika itsva yokururama, umo hondo ichave ichisimozve.—Pisarema 46:8, 9; 2 Petro 3:13.
[Mufananidzo uri papeji 10]
“Vanoti, tinoziva Mwari, asi vanomuramba namabasa avo.” Tito 1:16