Unoziva Here?
(Mhinduro dzekwizi ino dzinogona kuwanwa munongedzero dzeBhaibheri dzakapiwa, uye ndaza izere yemhinduro yakadhindwa papeji 24. Nokuda kwemashoko okuwedzera, ona chinyorwa chinonzi “Insight on the Scriptures,” chakabudiswa neWatchtower Bible and Tract Society of New York, Inc.)
1. Chii chakadzivisa Jesu kuita mabasa esimba pakati pevanhu vaiva munharaunda yemusha wake? (Marko 6:5, 6)
2. Mitii miviri yakadudzwa naJesu mukunongedzera kukubvisa chegumi kworumano kwevaFarise? (Ruka 11:42)
3. Imhukai yakashandiswa nenzira youporofita kuratidza nzira iyo Jesu aizomira nayo “[a]singachemi” achitambudzwa? (Isaya 53:7)
4. Ndiani akanga ari muprista mukuru uyo akagamuchira rutongeso rwakashata nemhaka yokuti akakudza vanakomana vake kupfuura Jehovha? (1 Samueri 2:27-29)
5. Chii icho Jesu “akarayira,” zvokuti chakasiya ambuya vaSimoni uye vakanaya? (Ruka 4:38, 39)
6. Rutivi rwokutanga rwemudungwe runonzi chii? (Eksodho 14:19)
7. Kupfuura kwoupenyu hwomunhu kunofananidzwa nechii, mukupesana nokuva kwechigarire kwe“shoko ra[Jehovha]”? (1 Petro 1:24, 25)
8. VaIsraeri vakadya mana kekutanga uye mutemo weSabata wakatanga kushanda munharaunda ipi yerenje? (Eksodho 16:1, 13-31)
9. Nezvipi zvimwe zvinhu izvo zvidhori zvisingagoni kuita? (Pisarema 115:5-7)
10. Nemhaka yokuti vakakundikana kutsvenesa uye kukudza Mwari pamvura dzeMeribha, ndivanaani vakarambirwa kupinda muNyika Yakapikirwa? (Numeri 20:12)
11. Rutivi rwupi rwomuviri rwunoshandiswa nenzira yokufananidzira kumirira kukwanisa kushandisa umhare kana kuti simba? (Isaya 51:9)
12. Achiratidza ukuru hwouprista hwaKristu, Pauro akati Revhi akaripirei achiri muchiuno chaAbrahama? (VaHebheru 7:9, 10)
13. Kutaurai kunoshandiswa muBhaibheri kuratidzira kuti mambo waIsraeri aimirira kutonga kwoubati ushe hwaMwari kwaJehovha? (1 Makoronike 29:23)
14. Chimwe nechimwe chezvisikwa zvina zvipenyu zvechiono chaJohane chaimirirei? (Zvakazarurwa 4:7)
15. Chii chakanga chichizoitika kupasi pashure pokunge Dhiyabhorosi adzingwa mudenga? (Zvakazarurwa 12:12)
16. Kukamurwa kweNyika Yakapikirwa pakati pendudzi 12 kwakaitwa kupfurikidza nomutooi? (Numeri 26:55, 56)
17. Ishiri ipi ine maziso ose ari maviri akatarira mberi, kuchiigonesa kuona chinhu nemaziso ose ari maviri panguva imwe chete? (Pisarema 102:6)
18. Chii chaizoratidzira Timotio kuvamwe kupfurikidza nokuzvishandisa amene nenzira inopfuurira kuzvinhu zvomudzimu? (1 Timotio 4:15)
19. Dhanieri akanga ane nzvimboi muhurumende yeBhabhironi? (Dhanieri 2:48)
20. Adhama naEvha vakasonanidza chii kuti vaite zvipfeko? (Genesi 3:7)
21. Mukusimbisa mufungo wake wokusashandisa zvisina kufanira rurimi, Jakobho akati muonde waisazoberekei? (Jakobho 3:12)
22. Vanhu vanorwara vaifanira kubata chii chenguwo yaJesu kuti vagonaya chose chose? (Mateo 14:36)
23. Mitumbi yomudenga yaizoshanda sezviratidzo zvechii? (Genesi 1:14)
24. Ndivanaani zvikurukuru vaifanira kucherekedzwa nokuda kwoupenyu hune mwero, hunokudzwa uye mabasa akanaka? (Tito 2:2, 3)
25. Isaya akati vanhu vaizokanganwirwa chii, zvokuti “hakuna ugeremo, uchati: Ndinorwara”? (Isaya 33:24)
26. Kunyange zvazvo mashoko aakanokora, Pisarema 140:3, akaidana kuti “chiva,” izitai renguva dzose reiyi nyoka ine uturu iro Pauro akashandisa? (VaRoma 3:13, NW)
27. Vara rechitanhatu rearufabheti yechiHebheru nderipi?
28. Ishokoi rinoshandiswa kusiyanisa munhu asiri muJudha? (VaRoma 2:9, 10; ona King James Version.)
29. Nderipi rakanga riri zita rechiteshi chengarava chokuItaria uko Pauro akapedzera vhiki imwe nevaKristu biyake achienda kundomira pamberi paKesari? (Mabasa 28:13, 14)
30. Pauro anotirayira kuramba takaisa maziso edu pazvinhui zvisingaperi? (2 VaKorinte 4:18)
31. VaKristu havafaniri kuzviitirei, sezvo zvichatarisirwa naJehovha? (VaRoma 12:19)
32. Mukusimbisa kuparadza kweGehena, chii icho Jesu akataura kuti hachifi imomo? (Marko 9:48)
Mhinduro Dzekwizi
1. Kusatenda kwavo
2. Minte, ruyi
3. Gwai
4. Eri
5. Fivhiri yavo
6. Mberi
7. Uswa hunosvava
8. Renje reSini
9. Kutaura, kuona, kunzwa, kunhuwidza, kubata, kufamba
10. Mosesi naAroni
11. Ruoko
12. Zvegumi
13. Ku“gara pachigaro choushe chaJehovha”
14. Shumba, mhuru, munhu, gondo
15. Nhamo
16. Nomujenya
17. Zizi
18. Kufambira mberi kwake
19. Mutariri mukuru
20. Mashizha emuonde
21. Maorivhi
22. Mupendero
23. Mwaka, mazuva, makore
24. Varume nevakadzi vakwegura
25. Zvakaipa zvavo
26. Asipi
27. Waw
28. Wamarudzi
29. Puteori
30. “Zvisingaonekwi”
31. Kutsvaka matsive
32. “Honye yavo”