Murangariro weBhaibheri
Mafashamo—Iidi Kana Kuti Ingano Here?
‘Uye mhuka dzose dzakapinda muareka kuna Noa, mbiri mbiri.’—Genesi 7:8, 9.
NDIANI asati anzwa nezveMafashamo omuzuva raNoa? Zvimwe wakaziva nyaya yacho kubva pauduku. Zvirokwazvo, kana ukaenda kuraibhurari yomunzvimbomo kunonzvera nezveMafashamo, ungawana mabhuku akawanda zvikuru akanyorerwa vana panhau yacho kupfuura vakura. Nokudaro, ungasarudza kurangarira nhoroondo yeMafashamo senhau inoravirwa vana kana vave kurara. Vazhinji vanonzwa kuti nhoroondo yaMafashamo aNoa, pamwe chete norutivi rukuru rwasara rweBhaibheri, inongova nganowo hayo kana kuti, zvikurukuru, chidzidzo chetsika chakagadzirwa nomunhu.
Nenzira inoshamisa, kunyange vamwe vanoti vanovakira zvitendero zvavo zvorudzidziso paBhaibheri havana chokwadi chokuti Mafashamo akaitika chaizvozvo. Muprista weKaturike Edward J. McLean akambotaura kuti nhau yaNoa yaifanira kududzirwa, kwete senhau, asi se“chidzidzo kana kuti chokurava.”
Zvisinei, nhoroondo yeMafashamo iri muBhaibheri inongova bedzi chidzidzo, chisingatongofaniri kurangarirwa sechinhu chaichoicho here? Bhaibheri rimene rinobvumidza here murangariro wakadaro?
Udzamu Hwakavimbika
Rangarira kutanga chinyorwa chakaitwa naMosesi mubhuku raGenesi. Imomo, tinowana gore chairo, mwedzi, uye zuva apo murove wakavamba, apo areka yakazorora, uye apo pasi pakaoma. (Genesi 7:11; 8:4, 13, 14) Kunyange zvazvo misi chaiyo isina kunyorwa nguva dzose mune dzimwe nzvimbo muna Genesi, misi iyi inosimbisa kuti Mosesi airangarira Mafashamo sechiitiko chaichoicho. Siyanisa chokwadi cheBhaibheri nemashoko chaiwoiwo okuzarura engano zhinji okuti: “Paivapo . . .”
Somumwe muenzaniso, rangarira areka iyo imene. Bhaibheri rinorondedzera ngarava yakareba mafiti anenge 437, ine reshiyo yourefu nokukwira ya10 kwa1 uye reshiyo yourefu noupamhi ye6 kwa1. (Genesi 6:15) Zvino, Noa akanga asiri muvaki wengarava. Uye yeuka, aya akanga ari anopfuura makore 4 000 akapfuura! Bva, areka yakavakwa nokuwirirana kwemativi kwakanga kwakakodzera basa rayo semudziyo unoyangarara. Kutaura idi, nyanzvi dzazvino uno dzokuvaka ngarava dzehondo dzakawana reshiyo dzakafanana kuva dzakakodzera nokuda kwekutsiga kwechivako nokuterama mumakungwa. Kunyange zvazvo Bhaibheri risingatauri zvakananga urefu chaihwo hwenguva iyo Noa akapedza achivaka areka, nhoroondo yacho inobvumira kuvaka kwakatora makore 50 kana kuti 60. (Genesi 5:32; 7:6) Maidi aya anopesana chose chose nenhau inozivikanwa zvikuru inowanwa muDetembedzo Regamba raGilgamesh reBhabhironi. Detembedzo racho rinorondedzera bhokisi hombe, rakaipa remamita 60 rutivi rumwe norumwe rakavakwa mumazuva manomwe bedzi. Mukusiyana nengano iyoyo yeBhabhironi, nhoroondo yeBhaibheri yeBoporodzi inoitisa chivimbo mukururama kwayo.
Kunze kwenhoroondo yaGenesi, Magwaro anonongedzera kuna Noa kana kuti Boporodzi renyika yose kagumi. Ko nongedzero idzi dzinoratidzira kuti vanyori vakafuridzirwa vairangarira Mafashamo senhau chaiyo kana kuti sengano here?
Uchokwadi Hunosimbiswa
Munzvimbo mbiri muMagwaro, Noa anooneka mumutsara wedzinza werudzi rwaIsraeri, yechipiri ichiguma naJesu Kristu. (1 Makoronike 1:4; Ruka 3:36) Ezra naRuka, vakaunganidza mitsara yemadzinza iyi, vose vari vaviri vakanga vari vezvenhau vane unyanzvi uye vanofanira kuve vakadavira kuti Noa akanga ari munhu chaiyeiye.
Pane imwe nzvimbo muBhaibheri, Noa anorongwa pamwe chete nevanhu venhau, achidudzwa semurume wokururama nokutenda. (Ezekieri 14:14, 20; VaHebheru 11:7) Kwaizova nemufungo here kuti vanyori veBhaibheri vabatanidze munhu wengano somuenzaniso wokutevera? Aiwa, nokuti ikoku kungagona nyore nyore kutungamirira avo vanorava Bhaibheri kugumisa kuti kutenda hakusvikwi nesimba revanhu uye kunogona bedzi kuratidzirwa nevanhu vomumabhuku enyaya. Noa nevamwe varume nevakadzi vokutenda vakarongwa nemhaka yokuti vaive vanhu vane utera nemirangariro zvakafanana nezvedu timene.—VaHebheru 12:1; enzanisa naJakobho 5:17.
Munongedzero dzaMagwaro dzasara, Noa neMafashamo zvinonongedzerwa kwazviri mumashoko akapoteredza eruparadziko urwo Mwari akaunza pachizvarwa chakanga chisina kutenda chaipoteredza Noa. Cherekedza nongedzero yaJesu kuBoporodzi, yakanyorwa pana Ruka 17:26, 27: “Sezvazvakanga zvakaita namazuva aNoa, ndizvo zvazvichaitawo namazuva oMwanakomana womunhu: vaidya, nokunwa, nokuwana nokuwaniswa, kusvikira zuva rakapinda Noa muareka, mvura zhinji ikasvika ikaparadza vose.”
Jesu Kristu akanga ari chapupu chakaona chezviitiko zvaakarondedzera, nemhaka yokuti aiva mudenga asati ava mupenyu pasi pano. (Johane 8:58) Kudai Boporodzi raingova nganowo hayo, ipapo Jesu akanga achireva kuti kuvapo kwake kwomunguva yemberi kwaiva kwokufungidzira kana kuti zvimwe akanga achitaura chinhu chisiri chechokwadi. Mhedziso dzose dziri mbiri hadziwirirani neMagwaro asara ose. (1 Petro 2:22; 2 Petro 3:3-7) Naizvozvo, Jesu Kristu, kuchivakirwa pakucherekedza kwomunhu oga, aidavira nhoroondo yeBhaibheri yeMafashamo enyika yose kuva nhau yechokwadi. Nokuda kwevaKristu vechokwadi, ihwohwu pasina mubvunzo ndehumwe hweufakazi hwakasimba zvikurusa hwokuti Mafashamo omuzuva raNoa aiva idi, kwete ngano.
[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 18]
L. Chapons/Illustrirte Familien-Bibel nach der deutschen Uebersetzung Dr. Martin Luthers