Kushivirira—Kubva Kukunyanyisa Kumwe Kuenda Kune Kumwe
RUNAKO runokwezva rweMupata weKashmir rwakasunda mumwe muzivi wemuzana remakore rechi16 kukuwa kuti: “Kana kune paradhiso kupi nokupi, iri pano!” Nenzira yakajeka, akanga asingazivi zvaizoitika gare gare munzvimbo iyoyo yenyika. Mukati memakore mashanu akapfuura, vanenge vanhu 20 000 vakaurayirwa imomo mukurwisana pakati pevokuda kuzvitonga neUto reIndia. Pepanhau reGermany Süddeutsche Zeitung zvino rinorondedzera nharaunda yacho so“mupata wemisodzi.” Mupata weKashmir unopa chidzidzo chakapfava bva chakakosha: Kusashivirira kunogona kuparadza paradhiso inobvira.
Kuva anoshivirira kunorevei? Maererano neCollins Cobuild English Language Dictionary, “kana uchishivirira, unobvumira vamwe vanhu kuva nemirangariro yavo vamene kana kuti zvitendero, kana kuti vaite nenzira yakati, kunyange kana usingabvumirani kana kuti usingatenderi.” Ivara rakaisvonaka zvakadini rokuratidzira! Zvirokwazvo tinonzwa takasununguka tine vanhu vanoremekedza zvitendero zvedu nemirangariro, kunyange apo izvozvi zvinosiyana nezvavo vamene.
Kubva Kukushivirira Kuenda Kukuzvitutumadza
Mhesano yokushivirira kusashivirira, uko kune mwero inoverengeka youkombi. Kusashivirira kungatanga nokusatendera kwakaganhurirwa kwemufambiro womumwe munhu kana kuti nzira yokuita nayo zvinhu. Kuva akaganhurirwa kunobvisa kufarikanya muupenyu uye kunoita kuti ndangariro yomunhu isagamuchira mifungo mitsva.
Somuenzaniso, munhu ane rumano anganyangadzwa nembavarira yokushereketa yemwana. Munhu muduku angafinhwa nenzira dzokufungisisa dzomumwe munhu mukuru kwaari amene. Kumbira munhu anongwarira kushanda pamwe chete nemumwe munhu anoita zvinhu zvine ngozi, uye vose vari vaviri vangagona kuva vanogumbuka. Nei kunyangadzwa, kufinhwa, uye kushatirwa? Nemhaka yokuti, muchiitiko chimwe nechimwe, mumwe munhu anowana zvakaoma kushivirira mirangariro kana kuti kuita kwemumwe.
Uko kusashivirira kunotanga, kuva akaganhurirwa kunogona kukura kuva rusarura, uko kuri kuvenga boka, rudzi, kana kuti rudzidziso. Chakakomba zvikuru kupfuura rusarura kuzvitutumadza, uko kunogona kuzviratidzira kumene muruvengo rwemasimba masimba. Mugumisiro wacho inhamo nokuteurwa kweropa. Funga nezve izvo kusashivirira kwakatungamirira mukati meHondo yevaKristu! Kunyange nhasi, kusashivirira ndiko kuri kuparira rwisano muBosnia, Rwanda, uye muMiddle East.
Kushivirira kunoda kudzikama, uye kuchengeta kudzikama kwakafanira hakusi nyore. Takafanana nependaramu yewachi, inovheya ichibva kune rumwe rutivi ichienda kune rumwe. Padzimwe nguva, tinoratidza kushivirira kushomanenesa; padzimwe nguva, kwakanyanyisa.
Kubva Kukushivirira Kuenda Kuunzenza
Zvinobvira here kunyanyoshivirira? Senator Dan Coats weUnited States, achitaura muna 1993, akarondedzera “gakava pamusoro perevo nokushandiswa kweshiviriro.” Airevei? Senator wacho akakuwa kuti nemhaka yokushivirira, vamwe “vanorega kutenda chokwadi chetsika—zvakanaka nezvakaipa, muzvakarurama nezvisakarurama.” Vanhu vakadaro vanofunga kuti nzanga haina kodzero yokusarudza uri mufambiro wakanaka nowakaipa.
Muna 1990, Lord Hailsham wezvamatongerwe enyika weBritain akanyora kuti “muvengi akaipisisa wetsika hakusi kusadavira kuvapo kwaMwari, kudavira kuti Mwari haazivikanwi, kudavira zvinooneka, makaro kana kuti chipi nechipi chezvimwe zvisakiso zvinogamuchirwa. Muvengi wechokwadi wetsika kuramba kuvapo kwetsika, kusadavira, chaizvoizvo zvikuru chinhu.” Sezvinooneka, kana tisingadaviri chinhu, hatina mipimo yemufambiro wakafanira uye chinhu chiri chose chinogona kushivirirwa. Asi kwakafanira here kushivirira chimiro chiri chose chomufambiro?
Mumwe mukuru wechikoro chapamusoro weDenmark akafunga kuti kwete. Akanyora nyaya yomupepanhau pakuvamba kwama1970, achinyunyuta pamusoro peziviso dzaiva muzvinobudisa nhau dzevaraidzo dzevatano dzairatidzira vatano pakati pemhuka nevanhu. Ziviso idzi dzakabvumirwa nemhaka ye“kushivirira” kweDenmark.
Nenzira yakajeka, zvinetso zvinobva mukuratidza kwete bedzi kushivirira kushomanenesa asiwo kwakanyanyisa. Nei kwakaoma kudzivisa kunyanyisa ndokurambira padzikamo yakafanira? Tapota rava nyaya inotevera.
[Mufananidzo uri papeji 21]
Kunyanyoshatiriswa nezvikanganiso zvevana kunogona kuvakuvadza
[Mufananidzo uri papeji 22]
Kushivirira chinhu chiri chose zvacho icho vana vanoita hakusati kuchizovagadzirira nokuda kwemabasa oupenyu