RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g97 2/8 pp. 23-25
  • Dzikamo Yakafanira Inogona Kunatsa Upenyu Hwako

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Dzikamo Yakafanira Inogona Kunatsa Upenyu Hwako
  • Mukai!—1997
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Vasingaregi Zvevamwe Vanobvira
  • “Kunzwa Kukuru Kwokusava Nechokwadi”
  • Dzivisa Musungo Wekusakendenga
  • Kuchengetedza Rusununguko—Sei?
    Mukai!—1999
  • Kushivirira—Kubva Kukunyanyisa Kumwe Kuenda Kune Kumwe
    Mukai!—1997
  • Vanochinjika, bva Vakazvipira Kumipimo yaMwari
    Mukai!—1997
  • Bhaibheri Ringatibatsira Sei Kuti Tiremekedze Maonero Evamwe?
    Dzimwe Nyaya
Ona Zvimwe
Mukai!—1997
g97 2/8 pp. 23-25

Dzikamo Yakafanira Inogona Kunatsa Upenyu Hwako

KUSHIVIRIRA kwakafanana neshuga mukapu yekofi. Mwero wakarurama unogona kuwedzera kunaka kwakati kuupenyu. Asi nepo tingava vane rupo neshuga, kazhinji kazhinji takaomera nokushivirira. Nei?

“Vanhu havadi kuva vanoshivirira,” akanyora kudaro Arthur M. Melzer, mumwe purofesa wepaMichigan State University. “Runouya nenzira yomuzvarirwo . . . rusarura.” Naizvozvo kusashivirira hakusiri chikanganiso chounhu zvacho chinotapura vashomanene bedzi; kuganhurirwa kunouya nenzira yomuzvarirwo kwatiri tose nemhaka yokuti rudzi rwose rwomunhu haruna kukwana.—Enzanisa naVaRoma 5:12.

Vasingaregi Zvevamwe Vanobvira

Muna 1991, magazini yeTime yakashuma nezvekuganhurirwa kunokura muUnited States. Nyaya yacho yakarondedzera “vasingaregi zvevamwe mumararamiro,” vanhu vanoedza kuisa mipimo yavo vamene yomufambiro pamunhu ari wose. Vakanga vasingabvumirani vakaitwa vanyajambwa. Somuenzaniso, mumwe mukadzi muBoston akabviswa pabasa rake nemhaka yokuti airamba kushandisa mekapu. Mumwe murume muLos Angeles akadzingwa nemhaka yokuti airema kupfuura mwero. Nei kushingairira kuita kuti vamwe vabvumirane?

Vanhu vakaganhurirwa havana mufungo, vane udyire, vane chisimbwa, uye vanoomerera pamifungo yavo. Asi vanhu vazhinjisa havasi vasina mufungo, vane udyire, vane chisimbwa, kana kuti vanoomerera pamifungo yavo kusvika kumwero wakati here? Kana mavara aya akasimba muunhu hwedu, tichava vakaganhurirwa.

Zvakadini newe? Unodzungudzira musoro wako manzwire omumwe munhu munakire wezvokudya here? Mukurukurirano, unowanzoda kutaura shoko rokupedzisira here? Pakushanda neboka, unovakarira kutevera mafungire ako here? Kana zvakadaro, zvingaita zvakanaka kuwedzera shuga shomanene mukofi yako!

Asi, sezvadudzwa munyaya yatangira ino, kusashivirira kunogona kuuya muchimiro chorusarura rwoutsinye. Chimwe chinhu chinogona kuita kuti kusashivirira kuwedzere ifunganyo yakakomba.

“Kunzwa Kukuru Kwokusava Nechokwadi”

Nyanzvi dzezvourudzi dzakanzvera nhau yorudzi rwomunhu kuti dziwane kuti ndirini uye ndekupi uko rusarura ganda rwave ruchioneka. Dzakawana kuti urwu rudzi rwokusashivirira haruoneki nguva dzose, uyewo haruratidzirwi munyika iri yose kusvikira kumwero mumwe chetewo. Magazini yesayenzi yomusikirwo yeGermany GEO inoshuma kuti kurwisana kwemarudzi kunooneka munguva dzenjodzi apo “vanhu vanenge vane kunzwa kukuru kwokusava nechokwadi uye vachiziva kuti kuzivikanwa kwavo kuri kutyisidzirwa.”

“Kunzwa kukuru kwokusava nechokwadi” kwakadaro kwakapararira zvikuru here nhasi? Zvirokwazvo. Sezvisakamboitika nakare kwose, rudzi rwomunhu rwuri kunetswa nenjodzi imwe pashure peimwe. Urovha, kudhura kweupenyu, kuwandisa kwevanhu, kuparara kweozone layer, utsotsi mumaguta, kusvibiswa kwemvura yokunwa, kusvibiswa kwemhepo—kutambura nokutya chipi nechipi chaizvozvi kunowedzera funganyo. Njodzi dzinoparira funganyo, uye fungayo isina kufanira inotungamirira kukusashivirira.

Kusashivirira kwakadaro kunobuda, somuenzaniso, uko mapoka emadzinza netsika zvakasiyana anovhengana, semudzimwe nyika dzeEurope. Maererano nomumwe mushumo wakaitwa neNational Geographic muna 1993, nyika dzokuWestern Europe ipapo dzakanga dzichigamuchira vakatamiramo vanopfuura mamiriyoni 22. Vagari veEurope vazhinji “vakashamiswa nekupinda kwevatsva vakawanda vaiuya” vomutauro wakasiyana, tsika, kana kuti rudzidziso. Kwave kune kuwedzera kwemufungo wekuvenga vabvakure muAustria, Belgium, Britain, France, Germany, Italy, Spain, uye Sweden.

Zvakadini nevatungamiriri venyika? Mukati mema1930 nema1940, Hitler akaita kusashivirira mutemo wehurumende. Nenzira inosuruvarisa, vamwe vatungamiriri vezvamatongerwe enyika norudzidziso nhasi vanoshandisa kusashivirira kuti vawane zvido zvavo vamene. Ikoko kwave kwakadaro munzvimbo dzakadai seAustria, France, Ireland, Russia, Rwanda, uye United States.

Dzivisa Musungo Wekusakendenga

Tikaisa shuga shomanenesa mukofi yedu uye tinonzwa kuti chimwe chinhu chiri kushaikwa; tikaisa shuga yakawandisa uye tinonzwa kutapirisa mumuromo medu. Ndizvimwe chetezvo nokushivirira. Rangarira zvakaitika kune mumwe murume anodzidzisa pane imwe koreji muUnited States.

Makore akati apfuura, David R. Carlin, Jr., akawana nzira iri nyore asi inoshanda zvikuru yokunyandura nayo kurukurirano yekirasi. Aiita kutaura kwaiitirwa kudenha mirangariro yevadzidzi vake, achiziva kuti vaizopikisa. Mugumisiro wacho waiva kurukurirano ine upenyu. Muna 1989, zvisinei, Carlin akanyora kuti mutoo mumwe chetewo wakanga usingachashandi zvakanaka. Nemhaka yei? Kunyange zvazvo vadzidzi vakanga vasiri kungobvumirana nezvaaitaura, vakanga vasisina basa nokuita nharo. Carlin akatsanangura kuti vakanga vagamuchira “kushivirira kuri nyore kwavasina chokwadi”—chimiro chendangariro chokusakendenga, chokusaitira hanya.

Ko chimiro chendangariro chokusaitira hanya ndichimwe chetecho nokusashivirira here? Kana pasina munhu anoitira hanya zvinofungwa kana kuti kuitwa nomunhu upi noupi, hapana mipimo napaduku pose. Kusavapo kwemipimo kusakendenga—kushayikwa chose chose kwefariro. Mamiriro ezvinhu akadaro anogona kuvapo sei?

Maererano naPurofesa Melzer, kusakendenga kunogona kupararira munzanga inogamuchira mipimo yakawanda yakasiyana-siyana yomufambiro. Vanhu vanosvika pakudavira kuti mitoo yose yomufambiro inogamuchirika uye kuti chinhu chiri chose inongova nhau yechisarudzo chomunhu oga. Panzvimbo pokudzidza kufunga nokubvunza zvinogamuchirika nezvisati, vanhu “kazhinji kazhinji vanodzidza kusatongofunga.” Vanoshaiwa simba retsika rinosunda munhu kudzivisa zvakasimba kusashivirira vamwe.

Zvakadini newe? Unombozviwana umene wava kugamuchira chimiro chekusaitira hanya here? Unoseka nyambo dzakaipa kana kuti dzourudzi here? Unobvumira mwanakomana wako kana kuti mwanasikana wechiduku kuona mavhidhiyo anotsigira makaro kana kuti unzenza here? Unofunga kuti zvakanaka here kuti vana vako vatambe mitambo yemakombiyuta yemasimba masimba?

Kushivirira zvakanyanyisa, mhuri kana kuti nzanga ichaona nhamo, sezvo pasina munhu anoziva—kana kuti anoitira hanya—zvakarurama kana kuti zvisakarurama. Senator Dan Coats weUnited States akayambira nezve“musungo wekushivirira sekusakendenga.” Kushivirira kunogona kutungamirira kukuva anogamuchira mimwe mifungo; kushivirira zvakanyanya—kusakendenga—kukusaziva.

Naizvozvo, chii chatinofanira kushivirira uye chii chatinofanira kuramba? Chii chiri chakavanzika chokuwana dzikamo yakafanira? Iyoyi ndiyo ichava nhau yenyaya inotevera.

[Mufananidzo uri papeji 23]

Vavarira kuita kwakadzikama kumamiriro ezvinhu

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe