RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g97 2/8 pp. 25-27
  • Vanochinjika, bva Vakazvipira Kumipimo yaMwari

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Vanochinjika, bva Vakazvipira Kumipimo yaMwari
  • Mukai!—1997
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Musiki—Muenzaniso Wedu Mukurusa
  • Vakasimba, bva Vanochinjika
  • Musungo Wokuva Anonyanyisa Kushivirira
  • Ukama Hwakasimba naJehovha
  • Nguva Dziri Kuchinja
  • Kushivirira—Kubva Kukunyanyisa Kumwe Kuenda Kune Kumwe
    Mukai!—1997
  • Bhaibheri Ringatibatsira Sei Kuti Tiremekedze Maonero Evamwe?
    Dzimwe Nyaya
  • Dzikamo Yakafanira Inogona Kunatsa Upenyu Hwako
    Mukai!—1997
  • Unoshivirira Zvechokwadi Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2001
Ona Zvimwe
Mukai!—1997
g97 2/8 pp. 25-27

Vanochinjika, bva Vakazvipira Kumipimo yaMwari

“VANHU vanoshivirira havatongori mafuza, uye mafuza haatongoshiviriri,” chinodaro chirevo chechiChina. Mutsumo yacho mune chokwadi chikuru, sezvo kuva anoshivirira kuri denho, kuchida kuzvipira kumipimo yakafanira yomufambiro. Asi tinofanira kuzvipira timene kumipimo ipi? Hakwaizova kune mufungo here kutevera mipimo yakagadzwa neMuiti worudzi rwomunhu, seinotsanangurwa muShoko rake, Bhaibheri Dzvene? Mwari amene anogadza muenzaniso wakanakisisa wokuomerera kumipimo yake.

Musiki—Muenzaniso Wedu Mukurusa

Mwari Wamasimba ose, Jehovha, akadzikama zvakakwana mukushivirira, asingaratidzi kwakawandisa kana kuti kushomanenesa. Kwezviuru zvemakore, akashivirira avo vanozvidza zita rake, vanoshatisa rudzi rwomunhu, uye vanoshandisa pasi zvisina kufanira. Muapostora Pauro akanyora, sezvakanyorwa pana VaRoma 9:22, kuti Mwari “akaita nomwoyo murefu zvikuru pamusoro pemidziyo yokutsamwirwa, yakagadzirirwa kuparadzwa.” Nei Mwari ave achishivirira kwenguva yakareba kudaro? Nemhaka yokuti kushivirira kwake kune donzo.

Mwari anoshivirira rudzi rwomunhu “nokuti haadi kuti vamwe varashike, asi kuti vose vatendeuke.” (2 Petro 3:9) Musiki akapa rudzi rwomunhu Bhaibheri uye akatuma vabatiri vake kundoita kuti mipimo yake izivikanwe kwose kwose. VaKristu vechokwadi vakazvipira kumipimo iyi. Asi ikoku kunoreva here kuti vabatiri vaMwari vanofanira kuoma mumamiriro ose ezvinhu?

Vakasimba, bva Vanochinjika

Jesu Kristu akakurudzira avo vari kutsvaka upenyu husingagumi kuti “pindai nesuo rakamanikana.” Asi kupinda nesuo rakamanikana hakurevi kuva akaganhurirwa. Kana tichida kuva vanodzvinyirira kana kuti tichiomerera papfungwa dzedu apo tinenge tine vamwe, zvirokwazvo kwaizoita kuti upenyu huve hunofadza zvikuru kumunhu ari wose kudai taizodzora chimiro chendangariro ichi. Asi sei?—Mateo 7:13; 1 Petro 4:15.

Theofano, mudzidzi wechiGiriki uyo akatsanangura kuti nguva yakapedzwa nevanhu vemamiriro ezvinhu akare akasiyana-siyana yakatungamirira kuvanzwisisa zviri nani, akati: “Zvinokosha kuti tiedze kuswedera pedyo nemafungire avo panzvimbo pokuvamanikidza kuuya kune edu.” Nokudaro, kupfurikidza nokusvika pakuziva mumwe munhu zviri nani, tinongowana kuti kunakirwa kwake nezvokudya uye kunyange mataurire ake hazvisiri zvechienzi sezvataifunga. Panzvimbo pokuva nezvizhinjisa zvokutaura nguva dzose kana kuti kuomerera pakuva neshoko rokupedzisira, tinodzidza zvinhu zvizhinji zvinobetsera kupfurikidza nokuteerera marangaririre ake. Zvirokwazvo, vanhu vanogamuchira mimwe mifungo vanowana zvakawanda muupenyu.

Panguva ipi kana ipi apo kunzwa kwomunhu oga kunobatanidzwa, tinofanira kuva vanochinjika ndokubvumira vamwe kufarikanya chisarudzo chavo vamene. Asi apo mufambiro unenge uri nhau yokuteerera Musiki wedu, tinofanira kuva vakasimba. Mwari Wamasimba ose haashori marudzi ose omufambiro. Akaratidza ikoku kupfurikidza nokubata kwake nevabatiri vake munguva yakapfuura.

Musungo Wokuva Anonyanyisa Kushivirira

Eri, muprista mukuru werudzi rwaIsraeri wekare, akanga ari mubatiri waMwari akabatwa mumusungo wokuva anonyanyoshivirira zvakapfuuridza. VaIsraeri vakanga vapinda muukama hwesungano naMwari, vachibvuma kuteerera mitemo yake. Asi vanakomana vaviri vaEri, Hofini naPinehasi, vaikara uye vaiva nzenza uye vaizvidza zvakakomba Wamasimba ose. Eri, kunyange zvazvo ainyatsoziva Mutemo waMwari, aingotsiura zvinyoro bedzi uye airegeredza muchirango chake. Akaita chikanganiso chokufunga kuti Mwari aizoshivirira uipi. Musiki anosiyanisa utera nouipi. Nokuda kwokuputsa kwavo Mutemo waMwari nemaune, vanakomana vaEri vakaipa vakarangwa zvakakomba—uye zvakanga zvakafanira kudaro.—1 Samueri 2:12-17, 22-25; 3:11-14; 4:17.

Kwaizova ngwavaira yakadini kuti tive vanonyanyoshivirira mumhuri medu kupfurikidza nokufuratira chakaipa chinodzokororwa kurutivi rwavana vedu! Kuri nani zvikuru sei kuvarera “mukuranga nomukurayira kwaShe”! Ikoku kunoreva kuti tinofanira kuomerera kumipimo yaMwari yomufambiro isu timene ndokuiroverera muvana vedu.—VaEfeso 6:4.

Nenzira yakafanana, ungano yechiKristu haigoni kushivirira uipi. Kana mutezo unomuitiro wokuita chakaipa chakakomba uye uchiramba kupfidza, unofanira kubviswa. (1 VaKorinte 5:9-13) Zvisinei, kunze kweboka remhuri uye muungano, vaKristu vechokwadi havaedzi kuchinja nzanga yose.

Ukama Hwakasimba naJehovha

Kusashivirira kunoparira mhoteredzo yefunganyo. Kana, zvisinei, tine ukama hwapedyo hwomunhu oga naMwari, tinofarikanya kunzwa kwokuchengeteka kunotibetsera kuchengeta dzikamo yakafanira. “Zita raJehovha inhare yakasimba; wakachenjera unovangiramo ndokuchengetwa,” tinorava kudaro pana Zvirevo 18:10. Zvirokwazvo hapana kuvadziko inogona kuuya kwatiri kana kuti kuvadiwa vedu iyo Musiki asati achizotarisira munguva yake yakafanira.

Mumwe munhu akabetserwa zvikuru neukama hwapedyo naMwari akanga ari muapostora Pauro. SomuJudha aizivikanwa saSauro, akatambudza vateveri vaJesu Kristu uye akanga ane mhaka yokuteura ropa. Asi Sauro amene akava muKristu uye, somuapostora Pauro, gare gare akapinda mukuparidza evhangeri nguva yakazara. Pauro akaratidzira chimiro chendangariro chokugamuchira dzimwe pfungwa mukuparidzira vanhu vose, “kuvaGiriki nokuvatorwa, kuvakachenjera nevasina kuchenjera.”—VaRoma 1:14, 15; Mabasa 8:1-3.

Akakwanisa sei kuchinja? Kupfurikidza nokuwana zivo yakarurama yaMagwaro uye kupfurikidza nokukura mukuda Musiki, asingasaruri. Pauro akaziva kuti Mwari anoruramisira mukuti Anotonga munhu mumwe nomumwe, kwete maererano netsika kana kuti nedzinza, asi maererano nezvaari nezvaanoita. Hungu, kuna Mwari, mabasa anokosha. Petro akataura kuti “Mwari haazi mutsauri wavanhu; asi parudzi rupi norupi, munhu, unomutya, achiita zvakarurama, unogamuchirwa naye.” (Mabasa 10:34, 35) Mwari Wamasimba ose haasaruri. Ikoku hakuna kufanana nevamwe vevatungamiriri venyika, vangashandisa kusashivirira nemaune nokuda kwemadonzo avo vamene.

Nguva Dziri Kuchinja

Maererano naJohn Gray, weYunivhesiti yeOxford iri muEngland, kushivirira “runako rwakava rushoma nguva pfupi yapfuura.” Asi ikoku kuchachinja. Kushivirira kunodzikamiswa neuchenjeri hwoumwari kuchakunda.

Munyika itsva yaMwari yava pedyo, kusashivirira kuchave kwaenda. Zvimiro zvokunyanyisa zvokusashivirira, zvakadai sorusarura nokuzvitutumadza, zvichave zvaenda. Kuganhurirwa hakusati kuchizovhunga kufarikanya muupenyu. Ipapo, kuchava neparadhiso yakaisvonaka kupfuura nekure yaizombobvira muMupata weKashmir.—Isaya 65:17, 21-25.

Uri kutarisira mberi kuzogara munyika itsva iyoyo here? Iropafadzo yakadini uye ikoko kuchave kuchifadza sei!

[Mufananidzo uri papeji 26]

Muapostora Pauro akaratidza dzikamo yakafanira nemhaka yokuti aive neukama naMwari

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe