Murangariro weBhaibheri
Inhungamiro Yaani Yaunogona Kuvimba Nayo?
“YAVA nguva yokuenda!” vanozivisa kudaro baba kumwanakomana wavo ane makore mashanu okukura. Baba vanotambanudza ruoko, uye aine chivimbo mwanakomana anosvasvavira uye anobata noruoko rwake ruduku minwe yababa vake. Kupi kana kupi uko rwendo rwacho rungatungamirira, mwana anovimba nenhungamiro yemubereki wake ndokutevera nechivimbo. Chipi kana chipi chingaitika, kubata kwakasimba kwomwana kunoramba kusingapunyutsi.
Sezvo tinorarama muaya mazuva asina chokwadi mune zvemari, mune zvematongerwe enyika, uye mune zvomunhu oga, haungafariri ruoko runotungamira runobva mumanyuko aungagona kuvimba nawo chose chose here? Bva, tinorarama munguva apo vanhu vasina kutendeseka vanokorovhera vasina ruzivo rwokuzviwanira. Nokudaro, pane chikonzero chakanaka chokuva vakangwara pamusoro peavo tinovimba navo. Zvichida wakaodzwa mwoyo zvikuru munguva yakapfuura apo mumwe munhu uyo wawaivimba naye nokuda kwenhungamiro akakugumbura.
Kunyange zvakadaro, Bhaibheri rinotikurudzira kuisa chivimbo chedu muna Mwari. “Nokuti ini Jehovha, Mwari wako, ndichabata ruoko rwako rworudyi, ndichiti kwauri: Usatya, ini ndichakubatsira,” akanyora kudaro muporofita Isaya. (Isaya 41:13) Uye muapostora Petro akarayira, kuti: “Naizvozvo zvininipisei pasi poruoko rune simba rwaMwari, kuti akukudzei nenguva yakafanira; kandirai pamusoro pake kufunganya kwenyu kwose, nokuti iye unokuchengetai.”—1 Petro 5:6, 7.
Zvisinei, ungasanobvunza, kuti ‘Chikonzeroi chandinacho chokuisa chivimbo changu muna Mwari nokuda kwenhungamiro?’ Zvikonzero zvine mufungo zvinotevera zvinowanwa muchinyorwa chavaIsraeri vakare.
Ruoko rwaJehovha Runotungamira Vanhu Vake
Nhevedzano yezviitiko zvakasvika pakavira usiku hwaNisani 14, 1513 B.C.E., zvakaparadza kutsunga kwomushushi Farao uye kwavaEgipita, zvokuti vakasunungura vanhu vaMwari, vaIsraeri, muuranda. (Eksodho 1:11-13; 12:29-32) Pana Nisani 15, rudzi runofara rwaIsraeri rwakananga kurenje ruchienda kuNyika Yakapikirwa. Nzira yakananga zvikurusa yakanga iri kuchamhembe kweMemphis, mumhenderekedzo dzeMediterranean, pedyo nenyika yaigarwa nevaFiristia vaityiwa, uye kupfuurira kupinda muNyika Yakapikirwa. Zvisinei, Mwari airangarira imwe nzira.—Eksodho 13:17, 18; Numeri 33:1-6.
Mwari akagovera nhungamiro inooneka kurudzi rwakare rwaIsraeri, chakaoneka seshongwe yegore masikati uye shongwe yomwoto usiku. (Eksodho 13:21, 22) Pamwe chete neichi chinhu chinoshamisa, Jehovha akashandisa semumiririri wake wepasi murume akatendeka Mosesi. (Eksodho 4:28-31) Nokudaro, kwakanga kune chibvumikiso chisingapokanwi chokuti ruoko rwaMwari rwakanga ruchitungamira vaIsraeri.
Pamusasa wavo wechipiri, Etami, “pamucheto werenje,” Jehovha akarayira Mosesi kudzoka ndokugara mumusasa pamhenderekedzo dzeGungwa Dzvuku, paPihahiroti. (Eksodho 13:20) Kufamba ikoku kwakaratidzika kuva kunoshamisa kwakasunda Farao kugumisa kuti vaIsraeri vakanga “varasha nzira panyika.” Aomeswa mwoyo, Farao akanga achinja mwoyo. Zvino akatsunga kuisazve vaIsraeri muuranda, akaunganidza hondo yake ndokutanga kuronda.—Eksodho 14:1-9.
Kupfurikidza nokuendesa rudzi rwacho nenzira yakasiyana, sezviri pachena murakanga riri bani raitungamira kuGungwa Dzvuku, Mosesi, kwakaratidzika kudaro, akanga ari kuisa vaIsraeri kuti vabatwe nemakomo kumativi ose emusasa paPihahiroti, Gungwa Dzvuku, uye hondo yaitevera yaFarao. Kwakaratidza kuti vaIsraeri vakanga vava chipfuro chiri nyore chokukurumidza kurwa kana kuti kuparadzwa.
Itapuroi iyo ikoku kwakava nako pavari? Vaizoratidzira chivimbo munhungamiro yaJehovha here? Kuzvitarisiko zvose zvokunze, mumiriro wezvinhu wakanga usina tariro. Naizvozvo, vamwe vakava vanotya. Vamwezve vakavamba kunyunyutira Mosesi. Vamwe vakanga vakatogadzirira kurega ndokudzokera kuuranda hweEgipita!—Eksodho 14:10-12.
Batisisa Ruoko rwaMwari!
Muuyu mumirire wezvinhu vaIsraeri vaifanira kuratidzira chivimbo muna Wamasimba ose chakafanana nechomwana. Kusingazivikanwi kurudzi rwose, Jehovha akanga ane chikonzero chakanaka chokurayiridza Mosesi kuyambuka Gungwa Dzvuku paPihahiroti. Kupfurikidza nokutanga kupinda kwavaIsraeri muNyika Yakapikirwa kumaodzanyemba kwenyika yavaFiristia, Jehovha akaratidza nzwisiso yorudo. Pashure pemakore 215 muEgipita, kwakanga kune panikiro shoma yokuti vaIsraeri vakanga vasina kugadzirira hondo norudzi rwevarwi vanotyisa. Naizvozvo, Jehovha akasarudza nzira yaizodzivisa rwisano yakadaro.a—Eksodho 13:17, 18.
Kununurwa kwerudzi uye kukurirwa kwaFarao nehondo yake paGungwa Dzvuku kunopa chipupuriro chinoshamisa kusimba rokuponesa raMwari. Kupfuurirazve, vaIsraeri avo, kunyange zvazvo vaisanzwisisa chikonzero chokuvatungamira kwaMwari munzira yakati, vasina kurega ruoko rwaMwari vakaonga sei! Vakabatisisa ndokuona kuparadzana kunoshamisa kweGungwa Dzvuku pamwe chete nokuparadzwa kwevavengi vavo. Chivimbo chavo munhungamiro yaJehovha chakatuswa.—Eksodho 14:19-31.
Zvakare, ngatirangarirei muenzaniso wemwana akabata ruoko rwomubereki. Apo mwana anova anotya, anoita sei? Panzvimbo pokuregeredza kana kuti kupfavisa kubata kwake, mwana achabatisisa minwe yomubereki wake noruoko rwake ruduku. Mukuita saizvozvo, iye anoratidzira chivimbo chisingazununguki chokuti mubereki achagovera nhungamiro isingakundikani uye simba mukati mematambudziko.
Nenzira yakafanana, apo tinowana nhamo muupenyu hwedu, tinoda kusimbisa kubata kwedu, kunyange kutovimba zvikuru nenhungamiro yaMwari! Shoko rake, Bhaibheri, rinogona kuva chiedza chedu chinotungamira. (Pisarema 119:105) Uyewo, yeuka kuti chivimbo chinouya pamwe chete nokutsungirira. Naizvozvo, tinofanira kupa Jehovha nguva yokupedza zvinetso, kunyange kana kwenhambo yakati yenguva tingasanzwisisa zvizere chikonzero nei iye achititungamira munzira yakati. Hungu, tinogona kuvimba nenhungamiro yaMwari.—Eksodho 15:2, 6; Dheuteronomio 13:4; Isaya 41:13.
[Mashoko Omuzasi]
a Nokuda kwamamwe mashoko pamusoro pePihahiroti, ona Insight on the Scriptures, Vhoriyamu 2, mapeji 638-9, yakabudiswa neWatchtower Bible and Tract Society of New York, Inc.