RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g96 11/8 pp. 10-13
  • Kuti Ndikurukure Nemwana Wangu, Ndakadzidza Mumwe Mutauro

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kuti Ndikurukure Nemwana Wangu, Ndakadzidza Mumwe Mutauro
  • Mukai!—1996
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Ndakanzwa Ndaparadzwa
  • Chii Chaizova Chakanakisisa Nokuda kwaSpencer?
  • Nguva Yechinjo Huru Zvikuru Nokuda Kwangu
  • Nguva Yokutama
  • “Tinogona Kutaura Pamusoro Pechinhu Chipi Nechipi”
  • Mutauro Waunoona!
    Mukai!—1998
  • Mwari Anoona Sei Matsi?
    Dzimwe Nyaya
  • Farira Matsi Dzaunonamata Nadzo!
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2009
  • ‘Jehovha Akaita Kuti Chiso Chake Chipenye Kwavari’
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2009
Ona Zvimwe
Mukai!—1996
g96 11/8 pp. 10-13

Kuti Ndikurukure Nemwana Wangu, Ndakadzidza Mumwe Mutauro

KUBEREKWA kwomwanakomana wedu, Spencer, muna August 1982 kwakanga kuri imwe yenhambo dzinofadza zvikurusa muupenyu hwedu. Akanga ari mucheche akasimba! Murume wangu neni takanga taronga nhambo yokumirira yamakore mashanu tisati tava nomwana wedu wokutanga. Sezvo mwedzi yakapfuura pashure pokuberekwa kwake, mufaro wakadini watakava nawo mukumuona achikura! Kunzverwa kwenguva dzose kwemwedzi nemwedzi pahofisi yachiremba kwakanga kwakanaka nguva dzose. Ndakaonga Jehovha nokuda kwechikomborero chakaisvonaka chakadaro.

Pakasvika panguva apo Spencer akanga ava nemwedzi mipfumbamwe yokukura, zvisinei, ndakavamba kunyumwira kuti chimwe chinhu chakanga chisina kururama. Akanga asiri kudavidza kumanzwi kana kuti kurira kwakati. Kuti ndiedze kunzwa kwake, ndaizvimisa ndimene pokuti aisagona kundiona uye ipapo ndairidza mapani kana kuti zvimwe zvinhu. Pane dzimwe nguva aitenderuka, asi kwaisatongova kwenguva dzose. Panzvero yake yomwedzi wechipfumbamwe, ndakakurukura kunetseka kwangu nachiremba wake, asi akandivimbisa kuti mwanakomana wangu akanga akasimba uye kuti pakanga pasina chinhu chokunetseka pamusoro pacho. Kunyange zvakadaro, sezvo mwedzi yakapfuura, akanga achiri asingadavidzi kana kutaura.

Pakunzverwa kwake kwegore rimwe, ndakataura zvekare kunetseka kwangu kuna chiremba wacho. Zvakare, hapana chaakawana chakanga chisina kururama, asi akatiendesa kunyanzvi yezvokunzwa. Ndakaenda naSpencer ikoko nokuda kwokunzverwa, asi migumisiro yacho yakanga isingawirirani. Ndakadzokera kechipiri nekechitatu, kungonoudzwa bedzi kuti migumisiro yacho yakanga ichiri isingawirirani. Chiremba wacho akarangarira kuti sezvo Spencer aikura, aizowana migumisiro yenzvero iri nani. Makore matatu okutanga eupenyu hwomwana akakomba nokuda kwokutanga mutauro. Ndakanga ndava kunetseka zvikurusa. Ndakaramba ndichibvunza nyanzvi yacho yezvokunzwa pamusoro pokunzvera uko kwaigona kugovera migumisiro inopwisa. Pakupedzisira, akandiudza pamusoro pokunzvera kwebrain-stem kwokunzwa kunowanika paMassachusetts Eye and Ear Infirmary.

Ndakanzwa Ndaparadzwa

Vhiki yakatevera takaenda kuchipatara chiri muBoston. Ndakanyengetera kuna Jehovha kuti andipe simba rokubata nemigumisiro yacho, ipi kana ipi yayaigona kuva. Mumwoyo mangu ndakarangarira kuti Spencer akanga achinetseka kunzwa uye kuti yamuro yokunzwa ndiyo yaizova inodikanwa bedzi. Ndakanga ndisina kururama sei! Pashure penzvero yacho, nyanzvi yacho yakatidana muhofisi yayo. Migumisiro yacho yakanga ichipwisa: Spencer akanga aine kurasikirwa nokunzwa kukuru kwetsinga dzokunzwa. Apo ndakabvunza chaizvoizvo chakwaireva, akanditsanangurira kuti mwanakomana wangu akanga asingakwanisi kunzwa kutaura nokumwe kurira kuzhinjisa. Izvi handizvo zvandakanga ndakarira kunzwa; ndakanzwa ndaparadzwa.

Pakarepo, ndakashamisika kuti, ‘Ikoku kungave kwakaitika sei? Chii chingave chakakuparira?’ Ndakafunga kudzokera shure kusvikira kukuva napamuviri kwangu nokupona. Chinhu chiri chose chakanga chafamba zvakaisvonaka. Spencer haana kumbova nechirwere chenzeve kana kuti kutonhorwa kukuru kupi nokupi. Ndakakurirwa nemurangariro! Ndaifanira kuitei zvino? Ndakafonera mhuri yangu neshamwari shomanene ndokuvaudza migumisiro yenzvero yacho. Imwe shamwari iri Chapupu yakandikurudzira kurangarira ikoku sedenho; ndaitongofanira kudzidzisa Spencer nenzira yakasiyana. Ndakaonga Jehovha nokuda kwesimba raidikanwa.

Chii Chaizova Chakanakisisa Nokuda kwaSpencer?

Hapana chandaiziva pamusoro pokurera mwana ari matsi kana kuti chakwaireva kuva matsi. Ndaifanira kurera mwanakomana wangu sei ndokukurukura naye zvizere? Pfungwa zhinji zvikuru nokunetseka zvakapiringishana mundangariro mangu.

Vhiki yakatevera takadzokera kuchipatara, uye nyanzvi yacho yakakurukura zvimwe zvataigona kuita. Yakatsanangura kuti mumwe mutoo, wokutaura, wakanangidzirwa pakutanga kutaura neunyanzvi hwokuziva kududzira kufambiswa kwemiromo. Mumwe mutoo wakanga uriwo kushandisa mutauro wezviratidzo, uyo uri mutauro wevanhu vari matsi. Kwakanga kune chirongwa icho chaizogovera murayiridzo mumutauro wezviratidzo uye chaizobatanidza gare gare unyanzvi hwokuziva kududzira kufambiswa kwemiromo nokutaura. Nyanzvi yacho yakarumbidzawo kushandiswa kwezvinobetsera kunzwa kuti zvikudziridze kunzwa kwakasara uko mwanakomana wangu akanga anako. Ipapo takashanyira nyanzvi yezvokunzwa yomunzvimbomo, iyo yakaisa Spencer zvinoiswa munzeve nezvinobetsera kunzwa. Mukati meshanyo yedu nyanzvi yacho yezvokunzwa yakakarakadza kuti Spencer aizova mudzidzi akanaka zvikuru nokuda kwomutoo wokutaura.

Chii chaizova chakanakisisa nokuda kwaSpencer? Ndakafunga pamusoro pechakanga chichikosha zvechokwadi. Jehovha anoda kuti tikurukure nevana vedu; ikoku kunokosha kana tichida kuva noupenyu hwemhuri hunobudirira. Taigona kuronda mutoo wokutaura ndokunangidzira ngwariro pakukudziridzwa kwokutaura neunyanzvi hwokuziva kududzira kufambiswa kwemiromo. Kwakanga kuchibvira kuti Spencer aizokudziridza unyanzvi hwake hwokutaura kusvikira kumwero uyo vamwe vaigona kumunzwisisa. Asi ikoko kwaisazozivikanwa kwemakore! Taifanira kuitei zvino? Takasarudza kushandisa mutauro wezviratidzo.

Mwedzi wakatevera Spencer akanyoreswa muchaidanwa panguva iyeyo kuti chirongwa chekurukurirano izere. Tose tiri vaviri Spencer neni takanga tichidzidza mutauro wezviratidzo wehwaro, uye Spencer akarayiridzwawo chiNgezi chinotaurwa nokuziva kududzira kufambiswa kwemiromo. Ndakaratidzwa nzira yandaigona kudzidzisa nayo mwanakomana wangu. Mwedzi yakapfuura, uye Spencer akanga achifambira mberi zvakanaka zvikuru. Zvisinei, ndakanga ndichingori nenhambo, apo ndainzwa ndaomerwa. Ndaiodzwa mwoyo apo ndaicherekedza vamwe vana vachiti “Mhamha” kana kuti vachidzidza nzira yokutaura nayo kuti “Jehovha.” Asi ipapo ndaizvibvunza kuti, ‘Nei ndichinzwa neiyi nzira? Mwanakomana wangu anofara uye ane utano hwakanaka.’ Ndakanyengetera kuna Jehovha kuti andibetsere kuonga ropafadzo yokuva nemwana akaisvonaka akadaro.

Apo Spencer akanga ava nemakore maviri okukura, takaita gadziriro dzokupinda kokorodzano yeZvapupu zvaJehovha uko purogiramu yacho yaizoturikirirwa muAmerican Sign Language (ASL). Ndakakurukura mirangariro yangu yokuodzwa mwoyo nevamwe varoorani avo vakanga vashanda neZvapupu zviri matsi kwemakore mazhinji. Vakandiudza nezvemisangano yomwedzi nomwedzi yeASL yeZvapupu zvaJehovha iyo yaiitirwa muMassachusetts ndokundikurudzira kuenda.

Ndakatevera zano ravo, uye tose tiri vaviri Spencer neni takavamba kupinda. Ikoko takava nomukana wokusangana ndokukurukurirana nevanhu vakura vari matsi. Muungano yedu yechiNgezi, Spencer akanga abetserwa zvishoma nemisangano. Aiti kwati-kwati neni, sezvo ndakanga ndirini bedzi waaigona kukurukura naye. Kukangaidzwa kwake mukati memisangano yakadaro kwakawedzera sezvaaikura, uye maitire ake akaderera. Apo takapinda misangano inoitiswa mumutauro wezviratidzo, zvisinei, kwakanga kusina kudaro. Akanga achikwanisa kukurukura norusununguko nomunhu ari wose pasina kushandisa amai vake somuturikiri. Akakudziridza ukama hunodikanwa zvikuru nevanhu muungano. Tose zvedu takava nani mukushandisa kwedu mutauro wezviratidzo, uye ndakadzidza nzira yokuva nayo mudzidzisi ari nani pafundo yedu yeBhaibheri yepamusha. Kwakanga kwakaisvonaka sei! Zvino, kwenguva yokutanga, pamisangano ndaigona kuva nomwanakomana wangu ndokungova MHAMHA vake bedzi panzvimbo pokuva muturikiri wake!

Nguva Yechinjo Huru Zvikuru Nokuda Kwangu

Netendero yomurume wangu, apo Spencer akanga ava nemakore matatu, ndakamunyoresa muchirongwa chevana vari matsi nevanonetseka kunzwa, chakanga chiri muchikoro chavose. Misangano yeboka yaipiwa kuti idzidzise vabereki, uye ndakashandisa uyu mukana kudzidza zvakawanda. Pane mumwe musangano boka rinoumbwa nevakuru vari matsi nevechiduku rakakurukura kuboka racho. Vaiva muboka racho vakatsanangura kuti vakanga vachikurukurirana zvishoma kana kuti kusakurukurirana nevabereki vavo kana kuti mhuri. Apo ndakavabvunza kuti chikonzero nei, vakapindura kuti vabereki vavo vakanga vasina kutongodzidza mutauro wezviratidzo, naizvozvo vakanga vasingatongokwanisi kukurukurirana zvizere nevabereki vavo pamusoro poupenyu, mirangariro yavo, kana kuti fariro dzavo. Kwakaratidzika kuti vaisanzwa vari rutivi rwemhuri dzavo.

Iyoyi yakanga iri nguva yechinjo huru zvikuru nokuda kwangu. Ndakafunga pamusoro pemwanakomana wangu. Ndaisagona kutsungirira kufunga nezvake achikura ndokubva pamusha pasina kutongova noukama nevabereki vake. Ndakanga ndakatsunga zvikuru kupfuura nakare kose kupfuurira kuvandudza unyanzvi hwangu mumutauro wezviratidzo. Sezvo nguva yakapfuura, ndakaramba ndichiziva kuti chisarudzo chokushandisa mutauro wezviratidzo ndicho chakanga chakanakisisa nokuda kwedu. Mutauro wake wakanga uchipfuurira kuwedzera, uye taigona kukurukura nhau ipi neipi, yakadai sokuti, “Tinoda kuenda kupi pazororo?” kana kuti “Unoda kuvei paunokura?” Ndakaziva kuti ndingadai ndakarasikirwa sei kudai ndakanga ndada kutsamira pakutaura nokuda kwekurukurirano.

Pazera remakore mashanu, Spencer akaiswa muzvidzidzo zvechikoro zvenguva dzose nevana vanonzwa nomudzidzisi aigona kutaura nezviratidzo. Akaramba ari muichi chirongwa kwemakore matatu marefu. Aivenga chikoro, uye kwakanga kusiri nyore kumuona achipinda muzvinetso zvikuru zvakadaro. Ndinoonga, kuti ndaigona kukurukura naye sezvataiedza nzira dzakasiyana-siyana dzokugonana nadzo nekangaidziko dzake. Pakupedzisira, zvisinei, ndakagumisa kuti ichi chirongwa muchikoro chavose chakanga chisina kunaka nokuda kwokuzviremekedza kwake kana kuti kubudirira kwake kwezvedzidzo.

Muna 1989 roorano yangu yakaguma. Zvino ndakanga ndava mubereki mumwe nemwanakomana ane makore matanhatu okukura ane mano omutauro wezviratidzo akanga achiwedzera nokukurumidza. Kunyange zvazvo ndaigona kukurukura naye, ndaiziva kuti ndaifanira kuwedzera unyanzvi hwangu muASL kuti ndigochengetedza nokusimbisa kurukurirano pakati pedu.

Nguva Yokutama

Ndakanzvera zvirongwa zvizhinji zvevana vari matsi munyika dzakasiyana-siyana ndokuwana chikoro muMassachusetts umo zvose zviri zviviri ASL nechiNgezi zvakanga zvichishandiswa mumutoo unorangarirwa kuva wemitauro miviri. Mukuwedzera, ndakaudzwa kuti nokukurumidza kwaizova neungano yeZvapupu zvaJehovha yeASL munharaunda yeBoston, uye shamwari yakakarakadza kuti titamire ikoko. Somubereki mumwe, mufungo wokutama kubva pamusha pedu nemhuri neshamwari vari muNew Hampshire yokumaruwa kuenda kunharaunda yeguta guru kwakanga kwakaoma kugamuchira. Spencer aifarirawo kugara mumaruwa. Pakanga paine zvinhu zviviri, zvisinei, izvo zvandaifanira kurangarira. Spencer aifanira kuva muchikoro umo vadzidzisi navadzidzi vose vaikurukurirana norusununguko nomutauro wezviratidzo, uye ndakarangarira kuti kwaizova kuri nani kuva muungano pamwe chete nezvimwe Zvapupu zviri matsi.

Takatama makore mana akapfuura, apo Spencer akanga aine makore mapfumbamwe okukura. Nokukurumidza pashure pacho, Ungano yeSign Language iri muMalden, Massachusetts, yakaumbwa, uye kubvira panguva iyeyo, Spencer akaita fambiro mberi huru. Maitire ake ava nani zvikuru, uye anofarira kuva pamisangano. Ndinowana mufaro mukuru mukumuona achikurukura ndokuumba ukama nevamwe. Hama nehanzvadzi dziri matsi dziri muungano yacho mienzaniso yakaisvonaka yokutevedzera nokuda kwomwanakomana wangu, dzichimubetsera kuziva kuti iyewo anogona kuwana nharidzano dzomudzimu. Uye ikoku akakuita. Anopa zvino hurukuro muChikoro Choushumiri Choubati Ushe hwaMwari uye ari kubatira somuparidzi asina kubhabhatidzwa. Akataura chishuvo chake chokubhabhatidzwa.

Mufaro wakadini wandinova nawo muushumiri, kumuona achitaura kutenda kwake kuvamwe vanhu vari matsi, mumutauro wezviratidzo! Kuzviremekedza kwake kwakawedzera zvikurusa. Spencer akandiudza nzira yaanonzwa nayo pamusoro peungano. Akati: “Tiri vemuno. Hama nehanzvadzi dzinogona kukurukura neni.” Mwanakomana wangu haachandikumbiri kuti tiende nokukurumidza pashure pemisangano. Zvino ndinotofanira kumuudza kuti yava nguva yokubva paHoro yoUmambo!

Pachikoro chake chazvino, Spencer anogona kukurukura zviri nyore nevamwe vana vari matsi. Kurukurirano dzake navo dzakamubetsera kuona musiyano uri pakati pokurangarira vana kwenyika nokuvarangarira kwaJehovha. Spencer neni tinokurukurirana norusununguko uye tine ukama hwapedyo, mutsinhirano nenheyo dzeBhaibheri. Apo anouya kumba mumasikati, tinoita basa rake rinoitirwa kumba pamwe chete. Tinoenda kumisangano yedu uye muushumiri hwapaimba neimba pamwe chete. Spencer, zvisinei, anogona kuona kuti havasi vana vose vari pachikoro chake vane uhu ukama hwapedyo nevabereki vavo.—VaKorose 3:20, 21.

“Tinogona Kutaura Pamusoro Pechinhu Chipi Nechipi”

Rinenge gore rimwe rakapfuura, ndakacherekedza Spencer akanditarira sokunge kuti akanga achida kundiudza chimwe chinhu. Ndakamubvunza kana akanga achida chinhu chipi nechipi. “Aiwa,” akapindura kudaro. Ndakamubvunza mibvunzo mishomanene pamusoro pokuti chinhu chiri chose chakanga chiri sei muchikoro uye zvichingodaro. Ndaigona kuona kuti akanga aine chimwe chinhu chaakanga achida kundiudza. Ipapo, mukati mefundo yedu yemhuri yeNharireyomurindi, akati, “Maizviziva here kuti vamwe vevabereki vevadzidzi vari pachikoro changu havazivi mutauro wezviratidzo?” Ndakamutarira ndichishamisika. “Ndiri kurevesa,” akadaro. “Kune vabereki vasingagoni kukurukura navana vavo.” Akatsanangura kuti vamwe vabereki vakanga vashanyira chikoro chacho uye kuti akanga avaona vachinongedzera nokuedzesera izvo vakanga vachida kutaura, vachiedza kuti vakurukure nevana vavo. “Ndinofara zvikuru kuti makadzidza mutauro wezviratidzo. Tinogona kukurukura. Hamungonongedzeri bedzi; tinogona kutaura pamusoro pechinhu chipi nechipi.”

Ikoku kwakabaya sei mwoyo wangu! Vazhinji vedu hationgi nhamburiko dzevabereki vedu kusvikira takura. Asi pano, pazera ramakore 12, mwanakomana wangu akanga achindiudza kuti aionga sei kuti taigona kufarikanya kurukurirano ine revo.

Imwe yenharidzano dzangu saamai yakanga iri kuva noukama hwakanaka nemwanakomana wangu uye kuti ndive pedyo naye. Ikoku zvimwe kungadai kusina kuitika kudai ndakanga ndisina kudzidza mutauro wezviratidzo. Tsauriro yangu kuna Jehovha yakandisunda kurangarira mabasa angu somubereki nenzira yakakomba; ikoku kwakaita kuti zvisarudzo zvinokosha pamusoro pekurukurirano zvive nyore zvikuru. Tose zvedu takabetserwa mumudzimu somugumisiro weizvi zvisarudzo. Anokosha sei mashoko ari pana Dheuteronomio 6:7, apo vabereki vanorayirwa kuudza mirayiro yaJehovha kuvana vavo ‘pavanogara mumba mavo uye pavanofamba munzira uye pavanorara pasi uye pavanomuka.’ Ndinoonga zvechokwadi kuti Spencer neni tinogona kukurukura norusununguko pamusoro pe“mabasa makuru aMwari.” (Mabasa 2:11)—Yakataurwa naCindy Adams.

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 12]

‘Ndaisagona kutsungirira kufunga nezvake achikura pasina kutongova noukama nevabereki vake’

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe