RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • bm chikamu 7 p. 10
  • Mwari Anonunura Vanakomana vaIsraeri

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mwari Anonunura Vanakomana vaIsraeri
  • Bhaibheri—Rinombotaura Nezvei?
  • Mashoko Akafanana
  • “Pinda Muna Farao”
    Famba naMwari Neushingi
  • Kusvika Pakuziva Nzira dzaJehovha
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—2005
  • Bhuku reBhaibheri Nhamba 2—Eksodho
    “Rugwaro Rwose Rwakafuridzirwa naMwari uye Runobetsera”
  • Mozisi Akasarudza Kunamata Jehovha
    Zvidzidzo Zvaunowana muBhaibheri
Ona Zvimwe
Bhaibheri—Rinombotaura Nezvei?
bm chikamu 7 p. 10
Mosesi akabata mahwendefa maviri ematombo akanyorwa Mirayiro Gumi

CHIKAMU 7

Mwari Anonunura Vanakomana vaIsraeri

Jehovha anorova Ijipiti nematambudziko, uye Mosesi anotungamirira vanakomana vaIsraeri kubva munyika iyoyo. Mwari anopa Israeri Mutemo achishandisa Mosesi

KWEMAKORE akawanda, vanakomana vaIsraeri vakagara muIjipiti, vachibudirira uye vachiwanda. Zvisinei, mumwe Farao mutsva akatanga kutonga. Mutongi uyu akanga asingazivi Josefa. Mutongi uyu ainge aine utsinye aitya vaIsraeri vakanga vawandisa, saka akavaita varanda uye akarayira kuti vanakomana vavo vose vakanga vachangozvarwa vakandwe muRwizi rwaNire. Asi vamwe amai vainge vakashinga vakadzivirira mwanakomana wavo aiva mucheche, vachimuviga mutswanda pakati petsanga. Mwanasikana waFarao akawana mwana wacho, akamupa zita rokuti Mosesi, uye akamurera mumhuri yeumambo hweIjipiti.

Mosesi paakanga ava nemakore 40, akapinda munyatwa paakadzivirira muranda wechiIsraeri airohwa nemuIjipiti aiva mukuru webasa. Mosesi akatizira kunyika iri kure zvikuru, kwaakagara ari mupoteri. Mosesi paakanga ava nemakore 80, Jehovha akamuudza kuti adzokere kuIjipiti oenda kuna Farao kunomurayira kuti asunungure vanhu vaMwari.

Farao akaramba zvakasimba. Saka Mwari akarova Ijipiti nematambudziko gumi. Pose paienda Mosesi pamberi paFarao kuti amupe mukana wokudzivisa dambudziko raitevera, Farao akaratidza kusindimara, achizvidza Mosesi naMwari wake Jehovha. Pakupedzisira, dambudziko rechigumi rakauraya matangwe ose emunyika yacho, kunze kweemhuri dzakateerera Jehovha ndokusasa ropa regwayana rechibayiro pamagwatidziro adzo. Ngirozi yaMwari yakauya kuzouraya matangwe ose yakadarika dzimba idzodzo. Pashure peizvozvo, vaIsraeri vakapemberera kununurwa uku kunoshamisa nokuva nomutambo waiitwa gore negore wainzi Paseka.

Pashure pokunge mwanakomana wake wedangwe afa, Farao akarayira Mosesi nevaIsraeri vose kuti vabude muIjipiti. Vakakurumidza kuronga kuti vabude muIjipiti vakawanda. Asi Farao akazvidemba kuti akanga avaudza kuti vaende. Akavatevera aine varwi vakawanda nengoro. VaIsraeri vakaita sevakanga vava parumananzombe pamhenderekedzo peGungwa Dzvuku. Jehovha akapatsanura Gungwa Dzvuku, akaita kuti vaIsraeri vapfuure nepanyika yakaoma, pakati pemadziro emvura! VaIjipiti pavakadirana vachivatevera, Mwari akarega mvura ichikoromoka, ndokunyudza Farao neuto rake.

Pave paya, vaIsraeri pavakanga vadzika misasa paGomo reSinai, Jehovha akaita sungano navo. Achishandisa Mosesi semurevereri, Mwari akapa vaIsraeri mitemo kuti ivatungamirire uye ivadzivirire mumararamiro avo ose. Chero bedzi vaIsraeri vaibvuma nokutendeseka kutonga kwaMwari, Jehovha aizova navo uye aizoita kuti rudzi irworwo ruve chikomborero kune vamwe.

Zvisinei, vaIsraeri vazhinji vakagumbura Mwari nokusatenda kwavo. Nokudaro, Jehovha akaita kuti chizvarwa ichocho chidzungaire murenje kwemakore 40. Pashure paizvozvo, Mosesi akagadza murume akarurama Joshua kuti amutsive. Pakupedzisira, vaIsraeri vakanga vagadzirira kupinda munyika yakanga yapikirwa Abrahamu naMwari.

​—Kubva muna Eksodho; Revhitiko; Numeri; Dheuteronomio; Pisarema 136:10-15; Mabasa 7:17-36.

  • Mosesi akasvika sei pakushandiswa naMwari kuti anunure vaIsraeri?

  • Nei vaIsraeri vaiita mutambo wePaseka?

  • Jehovha akasunungura sei vaIsraeri kubva muuranda hwomuIjipiti?

MURAYIRO MUKURU PANE YOSE

Mirayiro Gumi, yakanyorwa pana Eksodho 20:1-17, ingangove iri iyo inozivikanwa zvikuru pamitemo inenge 600 yakapiwa kuburikidza naMosesi. Zvisinei, Jesu Kristu paakabvunzwa kuti murayiro waMwari mukuru pane yose ndoupi, akasarudza uyu: “Ida Jehovha Mwari wako nomwoyo wako wose nomweya wako wose nepfungwa dzako dzose uye nesimba rako rose.”​—Mako 12:28-30; Dheuteronomio 6:5.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe