RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g96 11/8 pp. 8-9
  • Rudzidziso Rumwe Ruchasara

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Rudzidziso Rumwe Ruchasara
  • Mukai!—1996
  • Mashoko Akafanana
  • Manyuko Oushingi Husingakundikani
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1994
  • Kushandisa Rudzidziso Rwakachena Nokuda Kwokupukunyuka
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
  • Mwari Anofadzwa Nemachechi Ose Here?
    Mugwagwa Unoenda Kuupenyu Husingaperi—Wakauwana Here?
  • Kubuda Murudzidziso Rwenhema
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
Ona Zvimwe
Mukai!—1996
g96 11/8 pp. 8-9

Rudzidziso Rumwe Ruchasara

FUNGIDZIRA kuti kwaizova kwakaita sei kudai vanhu vose pasi pano vakanga vakabatana murudzidziso rumwe, mukunamatwa kumwe kwakachena kwaMwari wechokwadi bedzi. Ikoko kwaizova manyuko echinzwano akadini! Kwaizova kusisinazve gakava rorudzidziso, rwisano, kana kuti hondo. Ikoku kunongova kufungidzira bedzi here? Aiwa. Chiono chomuapostora Johane chokuparadzwa kwemhombwe, umambo hwenyika hworudzidziso rwenhema, chinoratidza kuti chimiro chimwe chokunamata chichasara pashure pokuparadzwa kwayo. Chipi?

Inzwi iro Johane akanzwa kubva kudenga rinotipa nhungamiro: “Budai mariri, vanhu vangu, kuti murege kuwadzana naro pazvivi zvaro, mugorega kupiwa madambudziko aro.” (Zvakazarurwa 18:4) Kuri pachena kuti Mwari amene ari kutaura pano nevanhu vake. Cherekedza kuti haarayiri vanhu vake kusangana nemhombwe yacho munhamburiko yenyika yose yokuiponesa kupfurikidza nokuibetsera kugadziridza nokuda kwoupenyu hwakaisvonaka. Aiwa, hapana mushonga nokuda kwayo. Naizvozvo, anovarayira kubuda ndokugara kure nayo kuti vagodzivisa kushatiswa nouipi hwayo hukuru uye kuti vadzivise kutongwa pakupedzisira ndokuparadzwa pamwe chete nayo.

Murayiro wokudenga wo“kubuda mariri” unobetserawo vatsvaki vechokwadi vapachokwadi kuziva vanhu vaMwari. Vangazvibvunza vamene, kuti, ‘Vanhu vapi pasi pano nhasi vakateerera uyu murayiro kupfurikidza nokubuda murudzidziso rupi norupi, sangano, kana kuti boka ravanamati rakabatanidzwa ne“Bhabhironi . . . Guru”? (Zvakazarurwa 18:2) Vanhu vapi pasi pano nhasi nokudaro vakazvisunungura vamene mudzidziso dzeBhabhironi, zvitendero, miitiro, uye magamuchidzanwa?’ Vangava vanaani kunze kweZvapupu zvaJehovha? Pakati peZvapupu zvinopfuura mamiriyoni 5,2 munyika dzinopfuura 230, vose vakanga vave vachisonganirana norudzidziso rweBhabhironi, zvichida kupfurikidza nokuberekwa kana kuti kutendeuka, vakabuda chose chose marwuri—pane dzimwe nguva pasinei zvapo nezvirambidzo nechishoro zvinobva kuhama dzokunyama, shamwari, uye vatungamiriri vorudzidziso.

Mumwe muenzaniso ndiHenry, mumwe murume wokuSouth Africa, uyo akanga ari muchengeti wehomwe wechechi yake uye akanga akabatanidzwa nayo zvikuru. Asi akanga achitsvaka zvokwadi, uye rimwe zuva akagamuchira fundo yeBhaibheri yapamusha yapachena neZvapupu zvaJehovha. Pashure penguva yakati, apo akasarudza kuva Chapupu, akaudza mufundisi wake, uyo akanga ari muvakidzani wakewo wapedyo, kuti akanga achida kubuda muchechi.

Mufundisi wacho akakatyamadzwa ndokutora gare gare mukuru mukuru anotungamirira nemimwe mitezo yechechi kuti vashanyire Henry. Vakabvunza chikonzero nei akanga asiya chechi yavo kuti ave mutezo worudzidziso urwo, maererano navo, rwusina mudzimu mutsvene waMwari. “Pakutanga, ndakanga ndichitya kuvapindura,” akadaro Henry, “nemhaka yokuti vakanga vagarova nepesvedzero huru pandiri. Asi ndakanyengetera kuna Jehovha nokuda kwebetsero, uye akandigonesa kuita iyi dziviriro: ‘Pamarudzidziso ose enyika dzakawanda, nderwupi rwumwe bedzi rwunogaroshandisa zita raMwari, Jehovha? Havasi Zvapupu zvaJehovha here? Munofunga kuti Mwari aizovabvumira kuva nezita rake ndokusavapawo mudzimu mutsvene wake here?’” Vakuru vakuru vacho vechechi vakanga vasingakwanisi kuramba uku kurangarira, uye Henry ava zvino mumwe weZvapupu zvaJehovha.

Naizvozvo apo inzwi rinobva kudenga rinorayira, kuti: “Budai mariri,” kune imwe nzvimbo kwokuenda. (Zvakazarurwa 18:4) Kune vanhu, vanamati vaMwari wechokwadi, Jehovha, uko unogona kutizira. Mamiriyoni akatiza. Vachizivikanwa seZvapupu zvaJehovha, vanoumba uhama hwechiKristu hwemarudzi akawanda, vakarongwa muungano dzinopfuura 78 600, uye vari kuva zvino newedzero hurusa munhau yavo. Vakabhabhatidza vanhu vanopfuura 1 200 000 mumakore mana akapfuura! Vasati vabhabhatidzwa, vose ivava vakapedza kosi yefundo yeBhaibheri inonyandura mumudzimu, ichivagonesa kuita chisarudzo chomunhu oga, chakavakirwa pakurangarira kwakaisvonaka kwokurega kwaichimbova kubatanidzwa kwose norumwe rudzidziso rwupi norwupi.—Zefania 2:2, 3.

Kana usati wapinda musangano weZvapupu zvaJehovha paimwe yeHoro dzazvo dzoUmambo, kuregererei kuita kudaro vhiki ino? Ungaororwa nenzira yakanaka nezvauchaona nokunzwa. Uye kana uchida kunzwisisa Bhaibheri, kuregererei kukumbira mumwe weZvapupu zvaJehovha kuti arifunde newe, seizvo mamiriyoni avamwe akaita? Kana munyengetero wako uri nokuda kwokunzwisisa zvakarurama Shoko raMwari pamwe chete nemararamire anotsinhirana neShoko iroro, uchawana mhinduro yomunyengetero wako.

[Mifananidzo iri papeji 9]

Mamiriyoni ari kutendeukira kukunamatwa kwaJehovha Mwari

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe