Chaunofanira Kungwarira
“CHINANGWA chiri pachena zvikurusa musiyano, kutindika, chinjo mubasa,” akanyora kudaro munyori wenhau Lance Morrow. Zvisinei, akataura kuti vamwe vanouya kumusha vachibva kuzororo ravo vaneta kwazvo zvokuti vakapika “kusazotongozviita zvakare.”
Bva, panzvimbo pokukanganwa pfungwa yokutora mazororo, kungava kuchenjera kunzvera pachine nguva mberi bviro yenjodzi ndokuita nhanho dzokudzidzivisa.
Dzivirira Zvinokosha Zvako
Vazhinji vakadzokera kubva kumazororo vachiwana kuti vasipo musha wavo wakanga wapazwa. Naizvozvo usati waenda pazororo, kumbira shamwari kana kuti vavakidzani kuti vanzvere musha wako nguva dzose. Ivo vangatokwanisa kupedza nguva yakati varipo kuita kuti kusanyanyova pachena kuti haupo. Vakumbire kuti vatore mapepanhau ako, nokuti hapana chinhu chinozivisa kusavapo kwako zvikuru chinopfuura murwi wemapepanhau kana kuti bhokisi retsamba razara tsamba dzisina kutorwa.
Unofanirawo kudzivirira zvinokosha zvako kunzvimbo yezororo rako. Mudzimwe nyika vokunze kwenyika vanorangarirwa kuva vakapfuma, uye mushanyiri ari wose ndinyajambwa anobvira wokubirwa. Muitiro wakanaka, naizvozvo, ndowekusiya mari yomuraudzo nemapepa anokosha musefa yehotera kana kuti muimwe nzvimbo yakakotsekana. Ngwarira vaenzi, usingavi asina tsitsi.
Gore rimwe nerimwe Miami, Florida, U.S.A., inogamuchira mamiriyoni avari pazororo vokunze kwenyika nevomunzvimbomo. Matsotsi anoshingaira zvikuru munzvimbo dzakadaro dzevashanyiri. Magazini yeTime yakashuma kuti mukati ma1992, “muFlorida moga, vashanyi 36 766, vokunze kwenyika uye vomunzvimbomo, vakapondwa, vakabatwa chibharo, vakabirwa kana kuti kuitwa vanyajambwa neimwe nzira.”
Apo unenge uri pazororo, zvikurukuru ngwarira mvangamakomwe. Varume vanofanira kuchengeta zvikwama zvavo munzvimbo dzisingaoneki uye dzakadzivirirwa, dzakadai semukati mehomwe dzemabhachi avo kana kuti muhomwe dzemudhebhe dzapamberi. Vafambi vane ruzivo rwokuzviwanira kazhinji kazhinji vanovanza mari nenzira youchenjeri pavari. Somuenzaniso, vamwe vanotakura mari yavo, mapasipoti, uye mavhiza mukahomwe, kakati sandara mumutsipa mavo uye kakapinzwa muzvipfeko zvavo. Vakadzi vanofanira kungwarira vatasvi vemabhasikoro kana kuti vemascooter kutyira kuti vanobvuta mabhegi asina kubatwa zvakasimba.
Matsotsi anoramba achiwanza nzira itsva dzokuita vashanyi vanyajambwa. Panzendo refu nezvitima, vatakurwi vakarara munyika dzokuEurope vakabirwa mukati mousiku. Mushonga unorarisa ungaiswa munzvimbo dzokurarira kuti pave nechokwadi chokuti vagari vemo havamuki apo zvinhu zvavo zvinenge zvichibiwa. Pane imwe nhambo, maererano neThe European, “mbavha dzinofungirwa kuti dzakabuda muchitima dzakaterama dzine mari inopfuura madhora 7 685 000 nezvinhu zvakabiwa.”
Dzivisa Tsaona
“Mhinduro yangu bedzi yechinetso chetsaona dzomuitiro,” akadaro munyori anosetsa Robert Benchley, “kurara pamubhedha zuva rose.” Asi ipapo iye akawedzera, kuti: “Kunyange ipapo, nguva dzose pane mukana wokuti uchadonha nokurara.” Pfundo ndeiri, tsaona dzinoitika kwose kwose! Naizvozvo kutya kutambura njodzi apo unenge uri pazororo hakufaniri kukutyisidzira kuti ugare uri pamba. Asi pane chikonzero chaicho chengwariro apo unege uri pazororo.
Mamiriro okufamba anogona kuva ane ngozi mukati menhambo dzezororo. Vagari veGermany vakasvika pakurovedzana nemudungwe wemotokari dzakawandisa wakareba makiromita 80 mukati menguva dzakadaro. Magazini yeTime yaAugust 14, 1989, yakataura, kuti: “MuEurope vhiki yapfuura, mamiriyoni emhuri akatanga zororo ravo retsika raAugust—uye nguva inotyisa neyakaoma yakawanwa navose. . . . . Unodokuva mugwagwa mukuru uri wose kunze kweParis wakanga wakazara zvokumisa motokari. . . . Pakati paJuly 28 naAug. 1 vanhu 102 vakafira mukubonderana kwomumigwagwa mikuru.” Naizvozvo, mira zvishoma nokuchenjera kuti uzorodze gadziriro yetsinga dzaneteswa nokumira nokufamba kwezvinofamba.
The European yakashuma zano rokuti vanofamba nemotokari “vanonotse nzendo dzavo kusvikira Svondo—kana kuti kufamba usiku.” Bva yakabvuma kuti vari pamazororo vazhinjisa “vachiri kuomerera pakuenda panguva imwe cheteyo.” Mugumisiro wacho? Europe yakanyanyowandirwa nezvinofamba. Kunyange zvazvo kuri kuchenjera kufamba apo migwagwa inenge isina kuwandirwa zvikuru, usafuratira idi rokuti kufamba usiku kunogona kuva nengozi. Munhu haaoni zvakanaka usiku, uye nokudaro mukana wetsaona ungawedzerwa. Mangwanani-ngwanani angava nguva iri nani yokufamba.
Usafuratira mamwe manyuko etsaona dzinobvira pashure pokusvika kunzvimbo yezororo rako. Kana tsandanyama dzako dzakazorora kwerakawanda zvikurusa regore, dzichakuvadzwa apo dzinoshandiswa nesimba. Naizvozvo ganhurira mitambo pamazuva mashomanene okutanga, apo muviri wako ungava usingatani zvikuru kukuvara.
Ramba Une Utano
Maererano nebhuku rinonzi 2 000 Everday Health Tips for Better Health and Happiness, “zvinetso zvinosanozivikanwa zvoutano zvavose zvikurusa izvo vashanyi vanotarisana nazvo panzendo dzokumhiri kwemakungwa zvakanangidzirwa pazvokudya, mvura nedzimwe hosha shomanene dzinotapukira.” Vanotarisira vashanyi vangagovera zano pamadzivisirwe ezvinetso zvakadaro, uye kunobetsera kutevera zvikarakadzo zvavo.
Munzvimbo dzakawanda kunokosha kudzivisa kunwa mvura yomupombi. Uye yeuka, mazaya eaizi sezvingabvira anoitwa nemvura yakadaro. Kungavawo kuchenjera kudzivisa kudya miriwo yemashizha, mayonnaise, zvokudya zvakaiswa kirimu, nyama mbishi kana kuti isingawanzowanika, shellfish, uye michero minyoro, kutoti uchigona kuimenya iwe umene. Munyika Dzinopisa Zvikurusa Dzapasi, mukaka mumbishi unofanira kuviriswa usati waunwa.
Manyuko makuru engozi kuvachena vari pazororo izuva, uye mumakore achangobva kupfuura ngozi yacho yakawedzera zvikuru nemhaka yokuderera kweozone mumhepo yakapoteredza pasi. Nhamba dzehosha itsva dzemelanoma inouraya, rudzi rwunouraya zvikuru rwecancer yeganda, rwakapeta nakaviri muUnited States pakati pa1980 na1993. MaT-Shirt akawanika muAustralia ane kutaura kwokuti “SLIP! SLOP! SLAP!” (Pfeka hembe nokukurumidza, zora sunscreen, uye pfeka heti.) Asi usanyengedzwa kuva nepfungwa yenhema yokuchengeteka kwokunyepera. Magirazi ezuva haavimbiki nguva dzose.
Kufamba nemhepo uko kunogura nzvimbo dzinoverengeka dzenguva dzimwe chetedzo kunogona kuguma nokuneta nokufamba nendege. Kunyange zvazvo kusiri hosha makuri kumene, kuneta nokufamba kunogona kuvhiringidza garikano yomuviri womunhu, zvikurukuru kana mumwe asina ugwinyi hwakanaka. Nzvero yakaitwa yavafambi nomumhepo pakati peLondon neSan Francisco, musiyano wenguva yamaawa masere, wakazivisa kuti “kuchinja kwendangariro . . . . kwakada mazuva asiri pasi pamanomwe kusvikira kugumi.” Bhuku rinonzi The Body Machine rakashumawo kuti vamwe vafambi vanokurumidza kudimbura munzvimbo dzenguva imwe cheteyo dzinoverengeka vane “chimiro chendangariro chokusataura zvakanaka, kuzengurira uye kuita mhosho nekaviri. Kupa ngwariro neyeuko zvakatamburwawo.”a
Mukuwedzera, kufamba nendege kunokurumidzisa hosha kupararira kubva kukondinendi kuenda kune imwe mumaawa mashomanene. Pepanhau reGerman Nassauische Neue Presse rakati: “Vanachiremba zvikurukuru vanonetseka zvikuru nehosha dzo‘kunze kwenyika’ dzakadai semalaria kana kuti kuzvimba chiropa idzo vari pazororo vanodzorera vachibva muAfrica, Asia, kana kuti South America. Gore riri rose vaGerman vanenge 2 000 vanodzokera kumusha vane malaria.” Pashure pokunge denda rebubonic raparira nzufu muIndia muna 1994, matanho akasimba okudzivirira akashandiswa kuridzivisa kupararira kudzimwe nyika.
Vanhu vane zvinetso zvoutano zvenguva refu, pamwe chete navakadzi vane pamuviri, vanofanira kungwarira zvikuru pakufamba. Kunyange zvazvo muzvinoitika zvizhinji pasina chikonzero chikuru chokuti vakadaro varege kufamba, vanofanira kutsvaga zano rachiremba wavo pachine nguva mberi. Kuchenjera kuti munhu ari wose anofamba atakure zita, kero, uye nhamba yerunhare yeshamwari kana kuti hama yokunyama inogona kusvikwa kana pakaitika mugariro unoda betsero yokukurumidza.
Munhu anoda majekiseni nguva dzose okuchengetedza shuga yomuropa iri pamwero wakaterama anofanira kuyeuka kuti kuyambuka nzvimbo dzenguva imwe cheteyo dzinoverengeka kuchavhiringidza rudungwe rwake rwokungwarira rwezvokudya nemajekiseni. Iye achafanira kuronga nenzira inowirirana. Kana kuti mufambi ane chinodzora kurova kwomwoyo anofanira kuva nechokwadi chokuti ane nhamba yerunhare yachiremba wake wemwoyo.
Uyezve, anotsamira pamurapirwe wakati achada kuuchengeta uri mumukwende wake waanotakurira nokuti mikwende yakarasika kana kuti yakaendeswa kusiriko ingagona kuva ngwavaira kumufambi wacho. Kusachinja zvipfeko kwamazuva anoverengeka kunogona kuva kusingafadzi; kurarama usina mushonga uri madikanwa kwemaawa mashomanene bedzi kungagona kuva kunotyisidzira upenyu.
Ngozi dzekufamba pazororo hadzisiri dzokurerutsa. Bva, hapawanzova nechikonzero chakanaka chokudzirega dzichikutyisidzira kugara uri pamusha. Ingova akangwarira. Yeuka: Gadziriro yakafanira inobetsera kukurira ngozi dzingabvira. Tevera zano rokuchenjera: “Munhu wakachenjera unoona chinetso chichiuya ndokuvanda; vasina kuchenjera vanopinda machiri ndokubhadhara chirango.”—Zvirevo 22:3, The New English Bible.
[Mashoko Omuzasi]
a Nokuda kwemazano pamusoro pechokuita nokuneta nokufamba nendege, ona Mukai!, June 8, 1986, mapeji 19-21.
[Mufananidzo uri papeji 13]
Apo unenge uri pazororo, ngwarira zvaunodya