Farikanya Mazororo Pasina Kuzvidemba!
APO akabvunzwa nzira iyo akafarikanya nayo shanyo yake kune imwe nzvimbo yemazororo yakakurumbira, mumwe mukadzi weAmerica zvino ari kugara muEurope, akapindura, kuti: “Inofanira kuve yaive yakaisvonaka vanhu vasati vauya.” Wati wambogoverana mirangariro yake here? Hotera nemadhisiko zvakaita mudungwe, mhenderekedzo yegungwa yakasvibiswa, yakazara vanhu, uye redhiyo dziri kurira noruzha hazvisiri pfungwa yomunhu ari wose yenzvimbo yezororo inofadza.
Kunosuruvarisa kutaura, mazororo haasi sezvatinoakarira nguva dzose. Panzvimbo pokutipa pfungwa itsva, anotisiya taneta; panzvimbo pokumutsidzira simba redu idzva, pane dzimwe nguva anotiita kuti tide kumwe kuzorora. Nokudaro, mubvunzo wakakodzera, Tinogona sei kufarikanya mazororo pasina kuzvidemba?
Dzikama
Sezvinonhuhwira muzvokudya zvedu, mazororo anoita migumisiro yakanakisisa apo anoshandiswa nokungwarira. Kunyange zvazvo upenyu hweshoroma yakakurumbira hungaratidzika sohunofadza, hahuna dzikamo uye hahupariri mufarwa wechokwadi.
Zvikurukuru mune chokuita nemazororo, kudzikama mukushandisa mari kunokosha. Ronga nokungwarira usati waenda, uye edza kuramba uri mumari yako yawakaronga kushandisa. Dzivisa kunyengedzwa nezvinopiwa chaizvo zvinorongwa nevanoronga kufamba vanokukurudzira ku“farikanya zvino, ripira gare gare.”
Uyewo, usava anonyanyakutya ngozi dzinobvira zvokuti mudzimu wokusununguka nokusharanganya unoita kuti mazororo ave anofadza zvikuru unodzimwa. Mukuwedzera, kudzikama kwakafanira kunobatanidza kuziva ngozi hurusa ingagona kutiparira kutarira pazororo redu nokuzvidemba. Hakuna chokuita netsaona, chirwere, kana kuti utsotsi asi, panzvimbo pezvo, noukama hwemunhu oga.
Kuchengeta Ukama Hwakanaka
Mazororo nemhuri kana kuti neshamwari anogona kusimbisa zvisungo zverudo. Kune rumwe rutivi, mazororo anogona kuparira kuipa muukama, uko kungava kwakaoma kugadzirisa gare gare. Munyori wezvenhau Lance Morrow akati: “Ngozi chaiyoiyo yezororo iri mukukwanisa kwaro kuisa pachena zvikuru rwisano dzose dzemhuri . . . Muvanhu muupenyu hwavo hwokushanda hwenguva dzose vane mabasa, mitoro, shamwari nemiitiro zvinoparadza nokupedza mirangariro. Mumhoteredzo yeimba yezororo, nhau dzemhuri dzakavigwa makore 20 akapfuura dzinokwanisa kumuka dzichirova sechinoputika.”
Naizvozvo usati waenda pazororo, sarudza nokungwarira kuriita chakaitika chinofadza. Yeuka kuti zvinofadza zvinosiyana. Vana vangave vachitsvaka zvinofadza, vabereki zvimwe kuzorora. Iva anodisa kurasikirwa nezvisarudzo zvomunhu oga pamusoro pezvokuita nokwokuenda. Kana kune mufungo uye kuchishanda, bvuma kutendera munhu mumwe nomumwe panhambo nenhambo kuronda chiri chefariro chaiyo kwaari. Dzidza kushandisa mavara omudzimu waMwari pahwaro hwezuva nezuva mugore rose, uye hakufaniri kuva kwakaoma zvisakafanira kupfuurira kuita saizvozvo mukati mezororo renyu.—VaGaratia 5:22, 23.
Nepo kuchengeta ukama hwakanaka nemhuri uye shamwari kuchikosha, ukama hwedu naMwari hunotokosha zvikuru. Pamazororo tinowanzosangana navanhu vasingagoverani murangariro wedu wechiKristu waMwari nezvinodikanwa zvake. Kusonganirana navo—zvichida kunyange kugaroshanyira nzvimbo dzevaraidzo dzinopanikirika—kunogona kutungamirira kumigumisiro yokuzvidemba. Yeuka kuti Bhaibheri rinonyevera, kuti: “Musanyengerwa, ushamwari hwakaipa hunoodza tsika dzakanaka.”—1 VaKorinte 15:33.
Apo unenge uri pazororo, kana ukambocherechedza mauri umene chishuvo chokunzvenga mipimo yechiKristu nemiitiro, nenzira yokuchenjera rwisana noutera hwakadaro uye kumbira betsero yaMwari kurwisa chishuvo ichocho!
Chii Chiri Kukurudzirwa?
Vanhu vasingaumbi upenyu hwavo maererano nenheyo dzechiKristu vanganzwa kuti apo vanenge vari pazororo vanoita madiro. Mune dzimwe nyika dzeEurope, kuratidzira vatano ibhizimisi rinobudirira, uye vamwe vanhu vanoronga kufamba vanotokutsigira. The European inonyora kuti ‘zvinhu zvakaipa vanhu vokuEurope vanoita mune mamwe maguta enzvimbo dzezororo eAsia zvanguve zvichizivikanwa navose.’ Ichinongedzera kune imwe nyika yokuAsia, magazini yeGerman Der Spiegel yakafungidzira kuti inosvika 70 muzana yevashanyi vechirume vose va“chakairi vevatano.”
Vachakairi vechikadzi zvino vanotevera nhungamiro yavabiyavo vechirume. Vendege inohaiwa veGerman inonyanyoita nzendo dzokuCaribbean inofungidzira kuti 30 muzana yevatakurwi vayo vechikadzi inoenda ikoko pazororo nokuda kwechinangwa chakajeka chevatano isiri yapamutemo. The European yakanokora mashoko mumwe mutori wenhau wechiGerman seanoti: “Vanokuona senzira iri nyore uye isina kuoma yokuva nomufaro—mutambo wokunze kwenyika.”
VaKristu vechokwadi, zvisinei, havarangariri vatano isiri yapamutemo senzira yokuva nayo nomufaro. Inoputsa nheyo dzechiKristu uye yakazadzwa nengozi. Kunyange zvazvo ngozi dzacho kazhinji kazhinji dzichizivikanwa, vanhu vazhinji vanongoedza havo kudzivisa migumisiro yacho panzvimbo pokurega muitiro wacho. Muenzaniso ishambadziro inooneka mumapepanhau eGerman inoratidzira amburera nezvigaro zviviri zvisina vanhu pamhenderekedzo yegungwa. Mashoko anotsanangura anoti: “Iva nerwendo rwakakotsekana, uye dzokera usina AIDS.”
Mugumisiro unonyangadza wekuchakaira kwevatano ivatano isiri pamutemo yevana. Nenzira ine revo, muna 1993 hurumende yeGermany yakabvumira mutemo unoita kuti vagari veGermany varangwe apo vanowanwa vane mhaka yokuvatana nevana vaduku—kunyange apo vari pazororo munyika dzokumwe. Kusvikira zvino, zvisinei migumisiro yakanaka yave iri mishoma. Upfambi hwavana hwave huri—uye hunoramba huri—ronda riri kunyenga munzanga yavanhu.
Ita Zororo Nguva Inotusa
Kurava, kufunda Bhaibheri, uye kupinda muushumiri hwechiKristu mibato inofadza, inotusa nokuda kwavaKristu vechokwadi. Asi vazhinji vanoparapatika kuti vawane nguva yakakwana yokuita izvi zvinhu kusvikira kumwero wavangada. Inguva iri nani zvakadini yokubata rudungwe pazororo, kure nedzvinyiriro dzakakomba dzinoiswa nenguva?
Chokwadi, zororo rokubatikana, rinogutsa ringasakutendera kuronda fariro dzechiKristu kusvikira kutambanuko yaunosiita. Asi kuregererei kuedza kutsaura inenge nguva yakati nokuda kwemubato womudzimu unovaka? Ikoku kuchangosiya nguva yokuzorora. Zvirokwazvo, vamwe vanotoshandisa nguva yokuwedzera inowanika mukati memazororo kuti vakudze ushumiri hwavo. Seizvo Jesu akataura, “vakaropafadzwa varombo pamweya.”—Mateo 5:3.
Nokukurumidza iwewo ungave uchienda pazororo. Kana zvakadaro, iva nechokwadi chokurifarikanya! Usanyanya kunetseka pamusoro pengozi dzinobvira, asi ita ngwariro dzakafanira. Yeuka zvikarakadzo zvakafanana neizvo zvinowanwa mubhokisi riri papeji ino. Pashure pacho, dzoka wazorora, uye wazorodzwa, uchidisa kupfuurira nemibato youpenyu iyo iri youkoshi hukurusa. Nokukurumidza zvikuru, zororo rapera, asi dzimwe dzeyeuko dzaro dzinokosheswa dzingagara dziri mundangariro nokusingaperi. Anokosha sei—mazororo anofarikanywa pasina kuzvidemba!
[Bhokisi riri papeji 16]
Zvikarakadzo Zvishomanene Zvemazororo
Kurira Utsotsi
1. Ronga kuti mumwe munhu arinde zvinhu shure kumba.
2. Gara kure nenharaunda dzinowanzorangarirwa sedzine ngozi.
3. Iva akangwarira mvangamakomwe, chengeta mari iri munzvimbo yakakotsekana pamuviri wako, uye kusiya mari yomuraudzo munzvimbo yakakotsekana kwauri kugara.
4. Iva akangwarira vaenzi vanopa betsero isina kukumbirwa.
Dzivisa Tsaona
1. Kana uchityaira, iva akangwarira, uye mira kazhinji kazhinji.
2. Paunenge uchigara muhotera kana kuti kufamba nendege, ngwarira nokuda kwezvinhu zvebetsero yekukurumidzira.
3. Bvumira nguva pashure pokusvika yokuchinja mumuviri usati watanga mibato inorema.
4. Iva nezvipfeko zvakafanira, shangu, uye midziyo yemibato yako.
Ramba Une Utano Hwakanaka
1. Kumbira zano kuna chiremba wako pamusoro pokudikanwa kwenhomba dzinobvira kana kuti mishonga.
2. Enda nebhokisi rokufamba naro remishonga rine mishonga iri madikanwa.
3. Wana kuzorora kwakakwana, uye ngwarira zvaunodya nezvaunonwa.
4. Gara nguva dzose une magwaro pamuviri wako ari madikanwa pamusoro pezvinodikanwa zvako zvokurapwa kana kuti zvishuvo zvako.
Chengeta Ukama Huchifadza
1. Ratidza rudo nokurangarira nokuda kwaavo vaunavo.
2. Chengeta mipimo yesonganiro yomunhu oga yakakwirira.
3. Usabvumira vamwe vari pazororo kukutungamirira muzviito zvaunorangarira kuva zvinopanikirika.
4. Tsaura nguva yokugutsa zvinodikanwa zvomudzimu.
[Mifananidzo iri papeji 15]
Sarudza mibato inovaka apo unenge uri pazororo