Wagadzirira Nokuda Kwezororo Here?
ZHIZHA muNorthern Hemisphere ravapedyo. Nokukurumidza mamiriyoni achava achienda pazororo. Asi mazororo haana kutongoganhurirwa kuzhizha. Kushanya razova bhizimisi regore rose, richiunza mabhiriyoni amadhora gore negore. Kunyange zvazvo vatori vemazororo vazhinjisa vachifamba mukati menyika yavo vamene, kuenda kunze kwenyika, kwaichimbova kwakaganhurirwa kuvapfumi, zvino kwava kwavose.
Nguva yokuzorora inopiwa navashandirwi inosiyana munyika nenyika. Muna 1979, 2 muzana bedzi yevashandi vemuGermany vakagamuchira zororo revhiki nhanhatu, asi zvino voruzhinji zvikurusa vanogamuchira. Avhareji yezororo ravashandi vomuindasitiri muWestern Europe inopfuura vhiki shanu.
Mazororo Ane Nzvimbo Yawo
Zororo raireva chimwe chinhu chakasiyana zvikuru neizvo rinoreva nhasi. The New Encyclopædia Britannica inotsanangura, kuti: “Muitiro wazvino uno wemazororo . . . unotorwa mukarenda yorudzidziso yekare yeRoma muchimiro chakasiyana. Anopfuura mazuva 100 egore akanga ari mazuva amadyo akatsaurirwa kuvamwari navamwarikadzi vakasiyana-siyana veRoma. Pamazuva ayo akanga ari mitambo inoera, uye nokudaro mazuva matsvene, vanhu vaizorora mumibato yavo yezuva nezuva yenguva dzose. Mazuva akanga asingarangarirwi sematsvene ainzi dies vacantes, mazuva okusashanda, umo vanhu vaishanda.” Panzvimbo pokuva mazuva okushanda, “mazuva okusashanda” enguva dzazvino uno mazuva ekuzorora.
VaGerman vanoda kudana mazororo kuti “vhiki dzakanakisisa dzegore.” Vapindwi muropa nebasa, kune rumwe rutivi, vanorangarira “mazuva okushanda” anhasi kuva okusashanda zvirokwazvo, asina mubato unerevo. Asi iwoyu ungava murangariro wokunyanyisa. Murangariro wakadzikama unogamuchira uchenjeri hwokubva panhambo nenhambo pamuitiro wenguva dzose, kuita chimwe chinhu chakasiyana, uye kuzorora.
Mativi akanaka amazororo akasimbiswa munzvero ya1991 yevakuru vakuru vebhizimisi muEurope, 78 mu100 iri yose yaavo vakati mazororo ari “madikanwa chose chose kudzivisa kuneta kwavakuru vakuru.” Zvikamu zvitatu muzvina zvakazara zvakafunga kuti mazororo akanatsa kuita basa, uye zvinopfuura zvikamu zviviri muzvitatu vakati mazororo akanatsa kuvamba zvinhu. Nenzira inofadza zvikuru, 64 muzana yavakadzi uye 41 muzana yavarume yakabvumirana nokutaura, kwokuti: “Ndingarasikirwa nedzikamo pasina zororo renguva dzose.”
Kufamba, Idzidzo Makuri Kumene
Muzana ramakore rechigumi namanomwe, mumwe chiremba wechiNgezi uye munyori Thomas Fuller akanyora, kuti: “Uyo anofamba kazhinji anoziva zvakawanda.” Kufamba kunotibvumira kurovedzana navanhu vanobva kudzimwe nzvimbo, kudzidza pamusoro petsika dzavo nemararamire avo. Kufamba munyika dzine miraramire yakaderera kupfuura yomunyika medu timene kunogona kutidzidzisa kuva vanoonga zvatinazvo uye kunogona kumutsa matiri mirangariro yokunzwira urombo kwavanhu vakaderera kupfuura isu timene.
Kana tikakubvumidza, kufamba kunogona kururamisa mirangariro yakaipa uye kuderedza fungira mano akaipa. Kunogovera mukana wokudzidza zvakananga zvinenge zvishomanene zvomutauro mutsva, kuravira zvokudya zvakawanda zvingatinakira, kana kuti kuvandudza mabhuku amapikicha emhuri dzedu, kuunganidzwa kwamasiraidhi, kana kuti raibhurari yevhidhiyo ine mienzaniso yerunako rwezvisiko zvaMwari.
Chokwadika, kuti tibetserwe zvikurusa, tinofanira kuita zvakawanda zvinopfuura kungofamba. Mushanyiri anofamba hafu yenyika yose kuti angopotera bedzi muhotera pakati pevashanyiri biyake—vazhinji vavo vari vomunyika yake amene—kuti ashambire padziva rehotera kana kuti mumhenderekedzo yegungwa, uye kudya zvokudya zvimwe chetezvo nezvaanazvo kumusha achadzidza zvishoma. Kunosuruvarisa sei! Maererano nemishumo, voruzhinji vevafambi sezviri pachena vanokundikana kuwana mufaro wapachokwadi munyika dzavanoshanyira kana kuti muvanhu varimo.
Gadziriro Yakafanira
Samuel Johnson, munyori werondedzero nemadetembo wechiNgezi wezana ramakore rechi18, akataura kuti munhu anofamba “anofanira kutakura zivo, kana achizounza zivo kumusha.” Naizvozvo kana ukava nenhambo yokushanya, gadzirira nokuda kwerwendo rwako. Rava pamusoro penzvimbo yauri kuenda usati waendako. Ronga zvinhu zvaunoda kuona, uye sarudza zvaunoda kuita. Ipapo gadzirira nenzira inowirirana. Somuenzaniso, kana uchida kufamba-famba pamhenderekedzo yegungwa kana kuti kukwira mumakomo, enda neshangu dzakafanira uye zvipfeko.
Usaedza kututira zvakanyanyowanda murudungwe rwako uye nokudaro uchipinza dzvinyiriro youpenyu yezuva riri rose muzororo rako. Siya nguva yakawanda yokuita zvinhu zvisingakarirwi. Imwe yebetsero chaidzoidzo dzokuva pazororo kuva nenguva yokufunga uye kufungisisa pasina dzvinyiriro dzerudungwe rwokubatikana, uchinzwa wakasunungurwa padzvinyiriro neganhuriro dzokurarama mukuwirirana nenguva yakaganhurirwa.
Zororo rinotusa zvikuru ringatobatanidza basa rakaoma. Kuita chimwe chinhu chakasiyana kunowanzova kunokosha kuzororo rakanaka. Somuenzaniso, rimwe sangano risina mhindu muUnited States rinonzi Volunteer Vacations rinoronga kuti vazvipiri vapedze mazororo vachichengeta nzvimbo inochengeterwa mhuka kana kuti masango. Mumwe muzvipiri akati akashanda zvakaoma zvikuru, asi akakufarikanya zvikuru kwazvo zvokuti akasarudza kudzokorora chinoitika chacho gore rimwe gare gare.
Zvapupu zvaJehovha kazhinji kazhinji zvinoshandisa mazororo nokuda kwokuenda kukokorodzano dzechiKristu kana kuti kupfuuridzira ushumiri hwapachena. Vamwe vanoshandisa mazororo avo kushanda padzimbahwe kana kuti nzvimbo dzamapazu eZvapupu zvaJehovha munyika dzavo dzakatsaukana, uye vakafarikanya chinoitika chacho. Pashure pacho, vazhinji vaizvozvi vanonyora tsamba pashure pacho dzokuonga ropafadzo yacho.
Hungu, mazororo anogona kuva anofadza zvikurusa, kunyange vhiki dzakanakisisa dzegore. Hakushamisi kuti vana vanoverenga mazuva kusvikira asvika! Nepo, pane zvinhu zvaunofanira kuzvingwarira. Nyaya inotevera ichatsanangura.