RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g96 6/8 p. 32
  • Uchavapo Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Uchavapo Here?
  • Mukai!—1996
  • Mashoko Akafanana
  • Hausati Uchizoda Kuipotsa!
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1996
  • Haungadi Kurasikirwa Nayo!
    Mukai!—2000
  • Uya kuKokorodzano Yoruwa yo“Kutenda Shoko raMwari”!
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1997
  • Uri Kukokwa kuKokorodzano Yoruwa ye“Vazivisi Voumambo Vanoshingaira”
    Mukai!—2002
Ona Zvimwe
Mukai!—1996
g96 6/8 p. 32

Uchavapo Here?

Mukati megore rakapfuura, vanhu vanopfuura 8 700 000 munyika yose vakapinda Kokorodzano Yoruwa yeZvapupu zvaJehovha ye“Varumbidzi Vanofara.” Uchava here pane imwe yeKokorodzano Dzoruwa dze“Nhume Dzorugare rwaMwari?” Unokokwa noushamwari kuti upinde.

Munzvimbo zhinjisa, kokorodzano yacho ichavamba na9:30 Chishanu mangwanani nepurogiramu yenziyo. Rusando rwokuzarura ruchatanhamarisa hurukuro inokurudzira inoti “Mwari Anodei Kwatiri?” Iyoyi ichabatanidza mashoko atinogona kushandisa kubetsera mamiriyoni avamwe kuita izvo Mwari anoda.

Hurukuro yamasikati inoti “Kubetsera Vamwe Kudzidza Zvinodikanwa zvaMwari” ichashongedzera vakokorodzani kugoverana nenzira inobudirira zvikuru mubasa rokuita vadzidzi. Pashure pacho, hurukuro yokusiyirana ine mativi maviri inoti “Ngwarira Misungo Isingaoneki Yevaraidzo” ichanyevera pamusoro pemisungo yamadhemoni yokudzivisa. Purogiramu yeChishanu ichaguma nehurukuro inokosha inoti “Kutsigira Nokuvimbika Kururama kweShoko raMwari.”

Rusando rwamangwanani rweChitanhatu ruchasimbisa ukoshi hwebasa rokuita vadzidzi nehurukuro yokusiyirana ine mativi matatu inoti “Nhume Dzinounza Mashoko Akanaka Orugare.” Hurukuro yokupedzisira yorusando rwacho ichava pamusoro petsauriro norubhapatidzo, uye kubhapatidzwa kwavadzidzi vatsva kuchatevera.

Hurukuro yamasikati eChitanhatu inoti “Rangarira Mifungo yaJehovha Panhau” ichapindura mibvunzo iyo vazhinji vakava nayo panhau dzazvino uno. Uchafarikanya hurukuro yokusiyirana ine mativi maviri inoti “Mwari Worugare Anokutarisira.” Ipapo chimwe chinhu chaicho chichafarikanywa mukati mehurukuro yokugumisa yorusando rwacho inoti “Rondai Rugare rwaMwari Muupenyu Hwemhuri.”

Hurukuro yokusiyirana yamativi matatu yeSvondo mangwanani inoti, “Kuziva Rudzi Rwakarurama Rwenhume,” ichasimbisa musoro wekokorodzano kupfurikidza nokushandisa mienzaniso yavaporofita veBhaibheri. Purogiramu yamangwanani ichaguma nemutambo wezvipfeko zvekare uyo uchaburitsa zvidzidzo zvinokosha kubva munhauro yeBhaibheri yaMutongi Gidheoni.—Vatongi 6:11–8:28.

Rusando rwokupedzisira rwekokorodzano yacho paSvondo masikati ruchasimbisa hurukuro yavose ine musoro unoti “Rugare Rwechokwadi Pakupedzisira!—Kubva Mumanyukoi?” Pakupedzisira, hurukuro inonyandura inoti “Kupfuurira Mberi Senhume Dzorugare rwaMwari” ichagumisa kokorodzano yacho.

Sezvo kokorodzano 30 dzakarongwa nokuda kworutivi rwokumaodzanyemba kweAfrica bedzi, sezvinobvira kuchave kune imwe ichaitirwa pedyo nokwaunogara. Nzvera neZvapupu zvaJehovha zviri munzvimbomo nokuda kwenguva nenzvimbo yekokorodzano iri pedyosa newe.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe