RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g96 6/8 p. 31
  • Haiwa, Mweya Wakanaka!

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Haiwa, Mweya Wakanaka!
  • Mukai!—1996
  • Mashoko Akafanana
  • Mhepo
    Mukai!—2023
  • Kutsvaka Mhinduro Dzinogamuchirika
    Mukai!—1996
  • Kuchengetedza Zvakatipoteredza—Tave Tichibudirira Zvakadini?
    Mukai!—2003
Mukai!—1996
g96 6/8 p. 31

Haiwa, Mweya Wakanaka!

YAKANYORWA NOMUNYORI WEMUKAI! MUBRITAIN

APO unofema, unopinza mweya wakanaka here? Kusvibiswa kwemweya kwezuva rino “muvengi mukuru kupfuura kuputa,” anotaura kudaro mumwe chiremba akanokorwa mashoko muThe Times yeLondon. MuEngland nomuWales, mweya wakashatiswa unouraya vanofungidzirwa kuva vanhu 10 000 gore riri rose. Munyika yose, zvikurukuru mumaguta makuru, mamirire ezvinhu akakomba.

Vazhinji vanoshora indasitiri yemotokari nokuda kwokusvibisa mweya wakapoteredza pasi. Kuderedza utsi hune ngozi, motokari itsva munyika dzakawanda zvino dzinouya dzakaiswa macatalytic conveters, anoderedza zvinosvibisa. Mahydrocarbon ari muutsi akaderera kusvika ku12 muzana yomwero wa1970, nokuderedzwa kwakafanana kwemaoxide enitrogen uye carbon monoxide. Vana vanotakurwa mumapurema zvikurukuru vanokuvadzwa nokuti vakatakurwa pamwero uyo motokari dzinobudisa nadzo utsi hwadzo. Asi kusvipiswa kwemhepo kunotyisidzirawo vanogara mumotokari. Sezvinoshumwa, kushatiswa kwacho kwakakwirira katatu mukati memotokari kupfuura kunze. Dzimwe njodzi dzinobva mukufema utsi hwebenzene hunobva mupeturu sezvo unozadza tangi repeturu remotokari yako.

Zvino chimiro chakapararira zvikurusa chokushatiswa kwemweya munyika yose “Tunhu Turi Mudenga,” unodaro mumwe mushumo wemashoko emhoteredzo wa1993-94 weSangano Romubatanidzwa Wenyika Dzapasi Pose. Sezviri pachena, tuchin’ai, kana kuti tunhu, tunokwanisa kupinda mumapapu chaimo ndokuisamo makemikoro anokuvadza.

Kuderera kweozone layer iri pamusoro papasi kunokwezva tsinhiro dzakawanda dzezvokubudisa nhau. Papasi, zvisinei, chiedza chezuva chinotapura maoxide ehydrogen nezvimwe zvinhu zvinochinja-chinja zvekushatiswa kwemweya kuti zviparire mwero yakakwirira yeozone. Iyi mwero yakapetwa kaviri muBritain mukati mezana rino ramakore. Iyi mweya inokuvadza pendi nezvimwe zvivakiso, inoparira zvirwere mumiti, zvisimwa, uye zvirimwa, uye inoratidzika kuva inoparira zvinetso zvokufema muvamwe vanhu. Kunyange zvazvo kushatiswa kuzhinjisa kweozone kuchiitika mumataundi, nenzira inoshamisa inzvimbo dzomumaruwa dzinotambura migumisiro yakaipisisa. Munzvimbo dzomumaguta, maoxide enitrogen anokweva ozone yomuraudzo, asi uko maoxide iwaya ari mashoma, ozone yacho inoparira kuvadziko.

Mukuwedzera, kushatiswa kwemweya “kwakakwirira mukati memisha neka70 kupfuura kunze,” inoshuma kudaro The Times. Muno mweya unobva muzvinonatsa mweya, masendibhokisi, uye kunyange zvipfeko zvinogezwa nemichina yedry clean zvinoshatisa mweya. Utsi hwefodya nenzira yakafanana hunowedzera ngozi dzoutano mudzimba.

Chii, ipapo, chaunogona kuita kudzivirira mhuri yako? The Times yeLondon inogovera zvikarakadzo zvinotevera.

• Deredza kushandisa kwako motokari. Kana zvichibvira, goverana chokufambisa navamwe. Tyaira zvinyoronyoro. Kana ukamiswa nokuwandisa kwemotokari mumugwagwa kana kuti zvichida kumira kwamaminiti akati kuti, dzima injini. Kana zvichibvira, pamazuva onopisa paka motokari yako mubvute kuti udzivise kushatiswa kunobudiswa nokupwa kwepeturu.

• Sarudza kurovedza muviri mumangwanani-ngwanani apo mwero yeozone yokunze kazhinji kazhinji inenge yakaderera.

• Rambidza kusvutira mumba.

• Chengeta mawindo omukamuri rokurara akazaruka zvishoma pausiku kuti uderedze mhepo ine mwando nokubudisa mweya wakaipa kunze.

Pasina panikiro unobvuma, kuti: “Haiwa, mweya wakanaka!

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe