Kunetswa Mune Zvevatano—Chinetso Chenyika Yose
BASA rakanga rava risingafadzi nokuda kwomunyori muduku anonzi Rena Weeks. Chokwadi, femu yemitemo yaaishandira yakanga ine zita rakakurumbira uye yaiva nehofisi munyika dzinopfuura makumi maviri nena. Asi aishandira murume uyo, maererano nokutaura kwake, aive asingaregi kumukwinyata nokumubata-bata. Denho dzinonyadzisa dzaichinjaniswa nokutaura kwakaora, kunokarakadzira.
Makore akapfuura, vakadzi vaiva mumamiriro ezvinhu akafanana naayo vakanga vane kushomanene kwokupotera—kunze zvimwe kwokurega. ‘Zvaaitaura mukurwisana nezvake’ zvingadai zvakava chisarudzo chavatarisiri vebasa. Uye kunyange avo vaida kudavira kutaura kwomukadzi pamusoro penhau yacho zvimwe vangadai vakarerutsa chinetso chacho nokutaura kuti, ‘Pane nyaya here ipapa?’ Asi nguva dzachinja. Rena Weeks akaita zvinopfuura kungopenga ndokurega. Akamhan’ara.
Vatongi veU.S. vakamupa $450 000 yokuripa kutambudzika kwake mumirangariro, pamwe chete ne$2 025 000 yemuripo wechirango yakabva kuna aichimbova bhasa wake. Ipapo, muchiito chakabata ngwariro dzebhizimisi nefemu dzemitemo munyika yose, vatongi vacho vakarayira femu yemitemo kuripa mamiriyoni 62,1 emadhora emuripo wechirango chokukundikana kururamisa chinetso chacho!
Mhaka yaWeeks haitongori iyo yoga. Imwe nyaya yakapinda mudare nguva pfupi yapfuura yaibatanidza zvitoro zvinoderedza mutengo zvorudzi zve(U.S.) Mumwe mushandi anonzi Peggy Kimzey akataura kuti mutarisiri wake akanga ataura zvakaora zvakawanda zvevatano kwaari. Muna 1993, Peggy Kimzey akasiya basa rake ndokumhan’ara. Akapiwa $315 000 yokunyadziswa nenhamo yendangariro pamwe chete ne$9 yamatandanyadzi mumiripo yakarashika. Vatongi vacho vakasarudzawo kuti aichimbova mushandirwi wake akanga aparira mhoteredzo yebasa ine utsinye nokushivirira kunetswa kwacho. Chii chaiva chirango chacho? Madhora mamiriyoni mazana mana nemashanu mukuripa!
Magazini inonzi Men’s Health inoti: “Mhaka dzekunetswa mune zvevatano dzave dzichiwedzera nokukurumidza. Muna 1990, EEOC [Equal Employment Opportunity Commission] yakabata zvichemo zvakadaro 6 127; pakasvika gore rakapera [1993] hwerengedzo yegore negore yakanga yodokupeta kaviri kusvika 11 908.”
Kushandiswa Zvisina Kufanira Kwesimba
Nepo miripo inoshamisa inowaniswa nevatongi ichiva misoro mikuru yemapepanhau, zvokwadi ndeyokuti nhau shomanene dzinombopinda mudare redzimhosva. Vanyajambwa vazhinjisa vanotambura kunyadziswa kwavo vakanyarara—vashandiswi mumuitiro wakaipa wesimba nokutyisidzira kuri kuitika muhofisi, mumigwagwa, mumabhazi, pamakaunda okudyira, uye mumafekitari. Padzimwe nguva, pane kumanikidza chaiko kwokuvatana. Nguva zhinjisa, kunyange zvakadaro, kunetsa kwacho kunoumbwa nezviito zvemanomano, bva zvinogumbura nenzira inonyadzisa: kubata-bata kusingadikanwi kana kuti kusina kufanira, kutaura kwakaipa, kudzvokora kworuchiva.
Chokwadi, vamwe vanoramba kudana muitiro wakadaro kuti kunetsa, vachiita nharo kuti kunongovawo zvako kuedza kusina kunaka kwavarume kuti vakwezve ngwariro yevakadzi. Asi vazhinji, semunyori anonzi Martha Langelan, vanoramba kuedza kwakadaro kuti vapembedze muitiro unogumbura. Anonyora, kuti: “Hakusi kukonewa kunyenga, kana kuti kunyenga kwakaipa, kana kuti kunyenga kwomusere, kana kuti kunyenga ‘kusinganzwisiswi’. Hakuitirwi kufadza vakadzi; muitiro unobatira rimwe basa chose chose. Kufanana nokubata chibharo, kunetsa mune zvevatano kunoitirwa kumanikidza vakadzi, kwete kuvakwezva. . . . [Iko] iratidziro yesimba.” Hongu, kazhinji kazhinji kubata zvisina kufanira kwakadaro kunongovawo umwe mutoo woutsinye uyo kupfurikidza nawo “munhu ane simba pamusoro pomumwe, [ano]muitira zvakaipa.”—Muparidzi 8:9; enzanisa naMuparidzi 4:1.
Vakadzi kazhinji kazhinji vanoita chimwe chinhu kukunetswa mune zvevatano, kwete nomufaro, asi nemanzwire anobva mukusemburwa nehasha kusvikira kukuodzwa mwoyo nokunyadziswa. Mumwe nyajambwa anoyeuka, kuti: “Mamiriro ezvinhu acho akandiparadza. Ndakarasa kuvimba kwangu, chivimbo changu, kuzviremekedza kwangu, uye zvishuvo zvebasa rangu. Unhu hwangu hwakachinja zvikuru. Ndakanga ndiri munhu akasununguka. Ndava akakasharara asingatauri, ndakanzwa ndasiyiwa, uye ndanyadziswa.” Uye apo muiti anenge ari mushandirwi kana kuti mumwe munhuwo zvake ane simba, kunetswa kunova kusingafadzi zvikuru.
Hazvishamisi, ipapo, kuti matare akavamba kuranga vatadzi ndokuripa vanyajambwa. Sezvo U.S. Supreme Court yakarondedzera kubata zvisina kufanira kwakadaro sekuputswa kwekodzero dzevanhu, vashandirwi vakaramba vachipiwa mutoro zvapamutemo kuti vachengete mhoteredzo yebasa isina “utsinye kana kuti isingagumburi.”
Kambani dzinoshivirira kunetsa mune zvevatano dzingatambura tsika dzakaderera dzevashandi, kurovha basa kukuru, basa shoma rinoitwa, uye vanotsiva vanobuda basa vakawanda—tisingadudzi njodzi yemari kana vanyajambwa vakasarudza kumhan’ara.
Kwakapararira Sei?
Kunetsa mune zvevatano kwakapararira sei chaizvo? Nzvero dzinoratidzira kuti inopfuura hafu yevakadzi vari kushanda muUnited States vakakutambura. Rimwe bhuku nokudaro rinoti: “Kunetsa mune zvevatano chinetso chakapararira. Kunoitika kuvakadzi vari mumabasa ari ose kubva kuna hweta kusvika kuvanobata pamwe nevakuru vakuru vebasa. Kunoitika pamwero uri wose wevanoshanda nevakuru vakuru uye murudzi rwuri rwose rwebhizimisi neindasitiri.” Zvisinei, chinetso chacho hachina kutongoganhurirwa kuUnited States. Bhuku rinonzi Shockwaves: The Global Impact of Sexual Harassment, rakanyorwa naSusan L. Webb, rinodudza maidi anotevera:a
CANADA: “Imwe nzvero yakaratidza kuti vakadzi 4 mu10 vakashuma kuva vakanetswa mune zvevatano pabasa.”
JAPAN: “Nzvero yaAugust 1991 yakaratidza kuti 70 muzana yevakadzi vakanzverwa yakatambura” kunetsa pabasa. “Makumi mapfumbamwe muzana vakati vakanetswa mune zvevatano vachienda nokudzoka kubasa.”
AUSTRIA: “Nzvero ya1986 yakaratidza kuti inodokuva 31 muzana yevakadzi yakashuma zviitiko zvakakomba zvokunetswa.”
FRANCE: “Muna 1991 nzvero . . . yakawana kuti 21 muzana yevakadzi 1 300 vakanzverwa vakati vakatambura pachavo kunetswa mune zvevatano.”
THE NETHERLANDS: Nzvero yakaratidza kuti “58 muzana yevakadzi vakapindura [nzvero yacho] vakati vakanga vatambura pachavo kunetswa mune zvevatano.”
Chiratidzo Chenguva Dzacho
Chokwadika, kutambudza nekunetsa munzvimbo yebasa hachisi chinhu chitsva. Vakadzi—uye pane dzimwe nguva varume—vakabatwa zvisina kufanira zvakadaro kunyange shure munguva dzeBhaibheri. (Genesi 39:7, 8; Rute 2:8, 9, 15) Asi mufambiro wakaipa wakadaro unoratidzika kuva wapararira zvikurukuru nhasi. Nei zvakadaro?
Kutanga, mumakore mashoma apfuura vakadzi vakatanga kuenda kubasa munhamba dzapamusoro zvikurusa. Vakadzi vakawanda naizvozvo vanoratidzirwa kumamiriro ezvinhu umo kushandiswa zvisina kufanira kwakadaro kunogona kuitika. Zvisinei, chinotova cherevo huru zvikuru ndeicho Bhaibheri rakaporofita kare kare, kuti: “Yeuka izvi! Kuchava nenguva dzakaoma mumazuva okupedzisira. Vanhu vachava vanozvida, vane makaro, vanozvitutumadza, vanozvikudza; vachava vanotuka . . . ; vachave vasina mutsa, vasina tsitsi, vacheri, vane masimba masimba, uye vanotyisa.” (2 Timotio 3:1-3, Today’s English Version) Kupararira kwekunetswa mune zvevatano chibvumikiso chimwe chete chakajeka chokuti mashoko aya ari kuzadzikwa nhasi. Nenzira inofadza, imwe nyaya iri mumagazini inonzi Men’s Health inotaura kuti “kuwedzera kwezvichemo zvokunetswa mune zvevatano kwakaperekedzwa nokuderera kunoshamisa muunyoro. Tsika dzakaipa dziri kwose kwose.”
Kuparira kwekunetswa mune zvevatano kunoratidzirawo “tsika itsva,” idzo dzakapararira nokukurumidza munyika yose mukati mema1960. Kuparadzwa kwemiganhu yetsika dzegamuchidzanwa kwave kuchiperekedzwa nokuzvidzwa kunokatyamadza kwekodzero nemirangariro yevamwe. Chipi kana chipi chinokuparira, kunetswa mune zvevatano chinhu chaichoicho chinotyisa chenzvimbo yebasa. Chii icho varume nevakadzi vanogona kuita kuti vazvidzivirire vamene? Kuchazombova nenguva here apo nzvimbo yebasa inenge isisina kunetswa?
[Mashoko Omuzasi]
a Maidi anosiyana, sezvo vanzveri vachishandisa mitoo yokunzvera yakasiyana uye rondedzero dzakasiyana dzekunetsa mune zvevatano.
[Bhokisi riri papeji 4]
Kunetswa Mune Zvevatano—Ngano Inorwisana Neidi
Ngano: Kunetswa mune zvevatano kuri kushumwa zvikuru pamusoro pako. Unongova zvawo mumwe muitiro wechinguvana, chinoshambadzirwa zvikuru nezvinobudisa nhau noupengo.
Idi: Kazhinji kazhinji, mukadzi anorasikirwa nezvakawanda zvikuru uye zvishoma zvokuwana kupfurikidza nokushuma kuitwa nyajambwa. Zvirokwazvo, vashomanene bedzi vevakadzi (22 muzana maererano neimwe nzvero) vanomboudza munhu upi noupi kuti vakanetswa. Rutyo, kwenudzo, kuzvishora, kangaidziko, uye kusaziva kodzero dzavo dzapamutemo zvinochengeta vakadzi vazhinji vakanyarara. Nyanzvi zhinji nokudaro dzinodavira kuti chinetso chacho chiri kushumwa zvishoma zvikuru!
Ngano: Vakadzi vazhinjisa vanofarikanya ngwariro yacho. Avo vanoti vakanetswa mune zvevatano vanongonyanyotapurika.
Idi: Nzvero nguva dzose dzinoratidza kuti vakadzi vanogumburwa nokubatwa kwakaipa kwakadaro. Mune imwe nzvero, “vanopfuura zvikamu zviviri muzvishanu zvavakadzi vakati vakasemburwa vatadzirwa uye chinenge chikamu chimwe muzvitatu chakati chakashatirwa.” Vamwe vakashumwa vachifunganya, vachikuvadzwa, uye vachiora mwoyo.
Ngano: Varume vanoitwa vanyajambwa zvikuru savakadzi.
Idi: Vanzveri veNational Association of Working Women (U.S.) vanoshuma kuti “inofungidzirwa kuva 90 muzana yemhaka dzokunetswa muvatano inobatanidza varume vakanetsa vakadzi, 9 muzana vane mitezo mimwe cheteyo yevatano . . . . , uye 1 bedzi muzana anobatanidza vakadzi vakanetsa varume.”
[Mufananidzo uri papeji 5]
Kunetswa mune zvevatano hakusi bedzi pamusoro pevatano