Kunetswa Mune Zvevatano—Nzira Yokuzvidzivirira Nayo Umene
“HAKUNA mukadzi anofanira kunetswa nezvikarakadzo zvevatano zuva nezuva,” akadaro mumwe munyori wemagazini Gretchen Morgenson, “asi ikoku hakuna mufungo kuvakadzi kuti vakarire mhoteredzo yakanaka yapabasa isina mifambiro yakashata.” Nenzira inorumbidzwa, nhamburiko dzinoitwa dzavashandirwi nematare kuita kuti nzvimbo yebasa ive yakati kotsekanei yakava nemigumisiro yakanaka. Ngozi yemhosva mumatare, somuenzaniso, yakasunda vashandirwi navashandi kupote nyika kuedza kuvandudza mhoteredzo yapabasa. Kambani zhinji dzakavamba miitiro yadzo dzimene yokubata nokunetswa pabasa. Misangano nemisangano yerovedzo inoitwa kurayiridza vashandi mufambiro wakanaka pabasa.
Chokwadika, kune mufungo kuziva ndokutevedzera mirayiro yekambani nemitemo yomunzvimbomo. (VaRoma 13:1; Tito 2:9) VaKristu vakakuwanawo kuchibetsera kushandisa nheyo dzeBhaibheri. Kutevera idzi nhungamiro dzakafuridzirwa mukubata kwako navashandi biyako kunogona kuita zvizhinji kukubetsera kudzivisa kuva nyajambwa wekunetswa mune zvevatano—kana kuti kuva mupariri wako.
Mufambiro Wakafanira Nokuda Kwavarume
Rangarira nhau yokuti varume vanofanira kubata sei vakadzi. Nyanzvi zhinji dzinonyevera mukurwisana nokubata avo vane mitezo yakasiyana yevatano. Dzinonyevera kuti kupuruzira kwoushamwari pamusana kungagona kusanzwisiswa nyore nyore. “Vatongi vanorangarira kubata-bata nenzira yakakomba zvikuru,” rinodaro gweta rezvemabasa Frank Harty. Chikarakadzo charo? “Kana kuchibatanidza zvinopfuura kubatana maoko, musakuite.” Chokwadi, Bhaibheri rimene hariiti mutemo unobatanidza zvose panhau iyi.a Asi mukurangarira mamiriro ezvinhu apamutemo neetsika zvazvino uno, ngwariro yakakodzera—zvikurukuru nokuda kwaavo vane muitiro wokubata vasingazivi sezvavanokurukura.
Sezvinobvumwa, zano rakadaro harisi nyore nguva dzose kutevera. Glen, somuenzaniso, anobva mutsika yeHispanic. “Uko ndinobva,” anodaro, “vanhu vanongokumbundira zvikuru kupfuura muno muUnited States. Mumhuri yangu kazhinji kazhinji tinowanzokwazisa shamwari nokutsvoda, asi muno takanyeverwa kuti tisakurumidza kuita ikoko.” Nheyo dzeBhaibheri, kunyange zvakadaro, dzinobvumikisa kuva dzinobetsera munhau iyoyi. Muapostora Pauro akaudza murume muduku Timotio, kuti: “Bata majaya savanun’una, vakadzi vakuru savanamai, uye vakadzi vaduku sehanzvadzi, norucheno rwakakwana.” (1 Timotio 5:1, 2, New International Version) Ikoku kungasabatanidza kubata-bata kwoutere, kwokunyengera, kusingadikanwi here?
Nheyo imwe cheteyo inogona kushandiswa kumataurire. Nenzira yakakodzera, Bhaibheri rinoti: “Asi upombwe, netsvina yose, kana kuchiva, ngazvirege kurehwa pakati penyu, sezvinofanira vatsvene; nezvakaipa, nokutaura zvoupenzi, nokunemera, izvo zvisina kufanira.” (VaEfeso 5:3, 4) Gweta rezvokunetswa mune zvevatano Kathy Chinoy rinokarakadza kuti usati wataura unofanira kurangarira mubvunzo mumwe: “Ungada kuti mai vako, hanzvadzi yako, kana kuti mwanasikana wako aratidzirwe kune izvozvo here?” Kutaura kwakashata, kunokarakadzira kunoshoresa vose vari vaviri mutauri nomunzwi.
Kudzivisa Kunetswa
Munhu angaedza sei kudzivirira kuva nyajambwa wekunetswa? Zano iro Jesu akapa vadzidzi vake apo akavatuma pamugove wavo wokutanga wokuparidza ringagona, zvichida, kushandiswa muaya mashoko akapoteredza: “Tarirai, ndinokutumai samakwai pakati pamapere; saka chenjerai senyoka, mururame senjiva.” (Mateo 10:16) Zvisinei hazvo, muKristu haasiri asingabetseri. Bhaibheri rinotivimbisa, kuti: “Nokuti uchenjeri huchapinda mumwoyo mako, . . . kungwara kuchakurindira, njere dzichakuchengeta.” (Zvirevo 2:10, 11) Naizvozvo, ngatitarirei dzimwe nheyo dzeBhaibheri dzinogona kukubetsera kuzvidzivirira umene.
1. Ngwaririra nzira yaunozvibata nayo umene navashandi biyako. Ikoku hakurevi kuva asingaitiri hanya kana kuti ane utsinye, nokuti Bhaibheri rinotikurudzira ku“[tsvaka] rugare navanhu vose.” (VaHebheru 12:14; VaRoma 12:18) Asi sezvo Bhaibheri risinganyeveri vaKristu ku“[famba] nokuchenjera kuna vari kunze,” kune mufungo kuchengetedza muitiro webhizimisi, zvikurukuru pakubata navane mitezo yakasiyana yevatano. (VaKorose 4:5) Bhuku rinonzi Talking Back to Sexual Pressure, rakanyorwa naElizabeth Powell, rinokurudzira vashandi “kudzidza musiyano chaiwo pakati pechimiro chendangariro chinofadza chakafanira kubasa ravo norudzi rwoushamwari urwo rungagona kureva kubvumwa kwevatano.”
2. Pfeka zvine mwero. Chaunopfeka chinotumira shoko kuvamwe. Shure munguva dzeBhaibheri, kupfeka zvitaira zvakati zvezvipfeko kwairatidzira munhu seane utere kana kuti kusazvibata. (Zvirevo 7:10) Zvimwe chetezvo ndezvechokwadi kazhinji kazhinji nhasi; zvipfeko zvakabata, zvinokwezva, kana kuti zvinoratidzira zvinogona kukwezva rudzi rwakaipa rwengwariro. Chokwadi, vamwe vangarangarira kuti vane kodzero yokupfeka chipi kana chipi chavanoda. Asi seizvo munyori Elizabeth Powell anokutaura, “kana uchishanda pakati pavanhu vanodavira kuti kuba mari kwakanaka, ndingakuudza kusaisa chikwama chako pachiuno chako. . . . Unofanira kuziva kuipa kwe . . . zvimiro zvendangariro zvenzanga kuedza kuzvidzivirira umene pakuitwa nyajambwa nawo.” Zano reBhaibheri rinowirirana nomusi. Rinorayira vakadzi ku“shonga nguo dzakafanira, vanokunyara nokuzvidzora.” (1 Timotio 2:9) Pfekai zvine mwero, uye sezvinobvira ungava zvishoma chipfuro chokutaura kwakaipa kana kuti nezviito.
3. Ngwarira songaniro dzako! Bhaibheri rinotiudza nezvomukadzi muduku ainzi Dhina uyo akava nyajambwa wokubatwa chibharo. Iye sezviri pachena akakwezva ngwariro yomudenhi wake nemhaka yokuti iye nguva dzose “wakabuda kundoona vakunda venyika iyoyo” yeKenani—vakadzi vaizivikanwa nokuda kwoutere! (Genesi 34:1, 2) Nenzira yakafanana nhasi, kana uchikurukura nguva dzose navashandi biyako—kana kuti kuvateerera—vanozivikanwa nokuda kwokukurukura nhau dzisina kuchena, vamwe vangapedzisa kuti ungava anogamuchira zvikarakadzo zvevatano.
Ikoku hakurevi kuti unofanira kufuratira vashandi biyako. Asi kana kurukurirano ikava isina kunaka, huregererei kungobva? Nenzira inofadza, vazhinji veZvapupu zvaJehovha vakawana kuti kuva nomukurumbira wemipimo yetsika wakakwirira kunobatira kuvadzivirira pakunetswa.—1 Petro 2:12.
4. Dzivisa mamiriro ezvinhu okubvumirana pane zvisina kufanira. Bhaibheri rinotaura nzira iyo murume muduku ainzi Amnoni akaronga nayo kuva oga nomukadzi muduku ainzi Tamari kuitira kuti agokwanisa kuvatana naye. (2 Samueri 13:1-14) Vanetsi nhasi vangazvibata nenzira yakafanana, zvichida kukoka ari pasi kuti agoverane chinwiwa chinodhaka kana kuti kusara pabasa maawa apashure nokuda kwechikonzero chisiri pachena. Ngwarira kokero dzakadaro! Bhaibheri rinoti: “Munhu wakangwara unoona zvakaipa, ndokuvanda.”—Zvirevo 22:3.
Kana Wakanetswa
Chokwadika, vamwe varume vachaita zvikarakadzo zvisakafanira kunyange apo mukadzi anenge akazvibata nenzira isina mhaka. Unofanira kuita sei kuzvikarakadzo zvakadaro kana ukaitwa chipfuro? Vamwe vakarumbidza kubata nenhau yacho pasina kukangaidzwa! ‘Vatano yomuhofisi chinhu chinofadza choupenyu!’ anodaro mumwe mukadzi. Zvisinei, vasingatongorangariri ngwariro yakadaro isina kukodzera seinofadza kana kuti seinogutsa. VaKristu vechokwadi vanosemburwa nayo. Vano“venga zvakaipa” uye vanoziva kuti chinangwa chezvikarakadzo zvakadaro kazhinji kazhinji ndechokunyengera munhu kupinda muutere. (VaRoma 12:9; enzanisa na2 Timotio 3:6.) Kunyange uri muduku, mufambiro wakaipa kunyomba chiremera chavo chechiKristu. (Enzanisa na1 VaTesaronika 4:7, 8.) Unogona sei kubata nemamiriro ezvinhu akadaro?
1. Mira wakasimba! Bhaibheri rinotiudza nzira iyo murume aitya Mwari ainzi Josefa akaita nayo kuzvikarakadzo zvounzenza: “Zvino shure kwaizvozvo mukadzi watenzi wake wakatarira Josefa, akati: Vata neni. Josefa akangofuratira hake zvikarakadzo zvake, achikarira kuti chinetso chacho chaizongopera choga here? Mukupesana! Bhaibheri rinotaura kuti akaramba noushingi zvikarakadzo zvake, achiti: “Ndingaita seiko chinhu ichi chakaipa zvikuru nditadzire Mwari?”—Genesi 39:7-9.
Zviito zvaJosefa zvakagadza muenzaniso wakanaka nokuda kwavose vari vaviri varume navakadzi. Kufuratira—kana kuti zvakatoipa zvikuru, kutyisidzirwa—nokutaura kwokukarakadzira kana kuti mufambiro wokudenha hakunyanyoita kuti kupere; panzvimbo pezvo, rutyo kana kuti kunyara zvingaita kuti kuwedzere! Mupi wezano rokudzivisa kubatwa chibharo Martha Langelan anonyevera kuti vabati vechibharo kazhinji kazhinji vanoshandisa kunetsa mune zvevatano se“nzira yokuyera nayo bviro yokuti mukadzi acharwisa mukudenhwa; kana asingaiti chinhu uye achitya apo anonetswa, vanofunga kuti achava asingaiti chinhu ndokutyiswa apo anodenhwa.” Naizvozvo kwakakomba kuti umire wakasimba pachiratidzo chokutanga chokunetswa. Maererano nomumwe munyori, “kutaura kuti aiwa pakare pakarepo uye zvakajeka kazhinji kazhinji kwakakwana kuita kuti munetsi arege mufambiro unogumbura.”
2. Aiwa wako ngaareve aiwa! Jesu akataura ikoko muMharidzo yake yapaGomo. (Mateo 5:37) Kutaura kwake kwakakodzera nokuda kweaya mamiriro ezvinhu, sezvo vanetsi kazhinji kazhinji vachiomerera zvikuru. Unofanira kuva akasimba zvakadini chaizvo? Ikoko kunotsamira pamamirire ezvinhu uye kuita kwomunetsi. Shandisa mwero upi kana upi wesimba kuti anzwisise chimiro chako. Mune zvimwe zviitiko, kutaura kwakapfava, kwakananga muchimiro chenzwi chakapfava kuchava kwakakwana. Tarisa mumaziso ake. Nyanzvi dzinokarakadza zvinotevera: (a) Taura mirangariro yako. (“Handitongozvidi zvachose apo uno . . .”) (b) Dudza nenzira yakananga mufambiro unogumbura. (“. . . apo unoshandisa hasha, mutauro wakashata. . . .”) (c) Jekesa chaunoda kuti munhu wacho aite. (“Ndinoda kuti urege kutaura kwandiri nenzira iyoyo!”)
“Hapana mamirire ezvinhu, zvisinei,” Langelan anonyevera kudaro, “ayo rwisano inofanira kutungamirira kukurwisa. Kurwisawo (kushandisa kunyomba, tyisidziro, uye kutuka, kukanda zvibhakera, kupfira munetsi) hakubatsiri. Kutaura kwamasimba masimba kune ngozi, uye hapana dikano yokushandisa masimba masimba omuviri kutoti pane kudenhwa chaikoiko kwomuviri kunoda kuzvidzivirira.” Zano rinoshanda rakadaro rinowiririrana namashoko eBhaibheri ari pana VaRoma 12:17: “Musatsiva munhu chakaipa kana akakuitirai chakaipa.”
Zvakadiniko kana kunetswa kwacho kukapfuurira pasinei zvapo nenhamburiko dzako huru dzokukumisa? Dzimwe kambani dzakagadza miitiro yokubata nekunetswa mune zvevatano. Kazhinji kazhinji tyisidziro zvayo yokuvamba miitiro yekambani yokunyunyuta ichaita kuti munetsi wako akurege. Ipapo zvakare, ingasadaro. Kunosuruvarisa kutaura, kuwana mutarisiri anonzwira urombo harisi basa riri nyore nguva dzose nokuda kwavakadzi kana kuti varume. Glen, uyo anoti akanetswa nomushandi wechikadzi, akaedza kunyunyuta. Anoyeuka kuti: “Apo ndakaudza bhasa pamusoro paikoku, handina kutongowana betsero. Kutaura idi, iye akafunga kuti kwaifadza. Ndaingofanira kungwarira mukadzi wacho ndokuedza kumudzivisa.”
Vamwe vakaedza chiito chapamutemo. Asi kutonga kukuru mumhaka dzomudare kwaunorava nezvako muzvinobudisa nhau hakusati kuchitongova chaikoiko. Kunze kwezvo, bhuku rinonzi Talking Back to Sexual Pressure rinonyevera, kuti: “Mitoo yezvepamutemo mukurwisana nekunetsa inoda simba guru remirangariro nenguva; inoguma nenhamo yomuviri pamwe chete neyendangariro.” Nechikonzero chakanaka Bhaibheri rinonyevera, kuti: “Usakurumidza kundoita nharo.” (Zvirevo 25:8) Pashure pokurangarira kuvadziko dzemirangariro nedzomudzimu dzechiito chapamutemo, vamwe vakasarudza kutsvaga rimwe basa.
Mugumo Wokunetswa
Kunetswa mune zvevatano hachisi chinhu chitsva. Ndekwavose somwoyo womunhu usina kukwana, unoronga mazano une makaro. Zviito nemhosva dzamatare hazvisati zvichizotongobvisa kunetswa mune zvevatano munzanga. Kubviswa kwekunetswa muvatano kunoda chinjo huru yomwoyo muvanhu.
Nhasi, Shoko raMwari nemudzimu wake zviri kuparira chinjo yakadaro muvanhu munyika yose. Kwakaita sokunge kuti mapere neshumba zviri kudzidzira kuita samakwayana nemhuru, sezvakangofanoziviswa nomuporofita Isaya. (Isaya 11:6-9) Kupfurikidza nokufunda Bhaibheri navanhu, Zvapupu zvaJehovha gore rimwe nerimwe zvinobetsera zviuru zvakawanda zvaaichimbova ‘mapere’ kuita chinjo dzounhu huru, dzinogara. Ava vanhu vanoteerera murayiro wapaMagwaro woku“bvisa munhu wekare, unoodzwa nokuchiva kwokunyengera” ndokuutsiva no“munhu mutsva, wakasikwa akafanana naMwari pakururama, nohutsvene hwezvokwadi.”—VaEfeso 4:22-24.
Rimwe zuva pasi richazadzwa navarume navakadzi vanonamatira kumipimo yeBhaibheri. Vanhu vanotya Mwari vanomirira nokudisa zuva iroro, apo kuchava nomugumo kuzvimiro zvose zvokubatwa zvisina kufanira. Kusvikira panguva iyoyo, vanogonana zvakanakisisa sezvavanogona nezvinhu chaizvoizvo zvakaipa.
[Mashoko Omuzasi]
a Nyevero yaPauro iri pana 1 VaKorinte 7:1 “arege kubata mukadzi” sezviri pachena inonongedzera kuvatano, kwete kubata-batawo zvako. (Enzanisa naZvirevo 6:29.) Mumashoko akapoteredza, Pauro ari kukurudzira kusaroora kana kuti kusaroorwa uye ari kunyevera mukurwisana nokupinda muutere.—Ona “Mibvunzo Inobva Kuvaravi” muNharireyomurindi yaJanuary 1, 1973.
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 7]
“Ungada kuti amai vako, hanzvadzi, kana kuti mwanasikana varatidzirwe kune zvakadaro here?”
[Mufananidzo uri papeji 8]
Mufambire wakanaka webhizimisi nomupfekero une mwero zvinogona kuita zvakawanda kukudzivirira pakunetswa
[Mufananidzo uri papeji 10]
VaKristu vechokwadi nhasi vanodzidza kubata mumwe nomumwe nenzira yokuremekedza