RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g96 1/8 p. 32
  • “Mumiromo Yavacheche”

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • “Mumiromo Yavacheche”
  • Mukai!—1996
Mukai!—1996
g96 1/8 p. 32

“Mumiromo Yavacheche”

Mumwe mukadzi wokuBallito, Natal, South Africa, akaratidza kuonga kwechokwadi bhuku raBhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri uye akanyora, kuti:

“Ndine muzukuru, anonzi Rudi Naidoo, uyo anongova negore nehafu rokukura, uye anodudza zita reanodokuva munhu ari wose ari mubhuku racho kupfurikidza nokungoona bedzi mifananidzo yavo. Anotokuudza izvo vanhu vakati vomuBhaibheri vari kuita mumifananidzo yacho. Somuenzaniso, nyaya 11 inoratidza Noa achipa zvibayiro. Rudi anotiudza kuti, ‘Noa—achinamata Jehovha.’

“Paanobvunzwa chiri kuita Joshua munyaya 49, Rudi anomira saJoshua mumufananidzo wacho, apo anenge achiti, ‘Zuva mira!’ Haagoni kududza mashoko acho zvakarurama asi anoataura munzira yake amene inosetsa, inofadza.

“Zvakare, ndinoda kukuongai nokuda kweichi chinyorwa chakaisvonaka. Vana vaduku vanokwanisa kurondedzera izvo vamwe vakuru vasingazivi. Mashoko aJesu ari pana Mateo 21:16 ndeechokwadi zvirokwazvo, okuti: ‘Mumiromo yavacheche navanomwa makakwanisa kukudza.’”

Kana ungada kugamuchira Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri kana kuti ungada kuti mumwe munhu ashanyire musha wako kuzokurukura ukoshi hwedzidzo yeBhaibheri newe, tapota nyorera Watch Tower, 35 Fife Avenue, Harare, Zimbabwe, kana kuti kukero iri pedyosa newe yakarongwa papeji 5.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe