RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g94 9/8 pp. 31-32
  • Chii Chinogona Kukubetsera Kugonana Nokufunganya?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Chii Chinogona Kukubetsera Kugonana Nokufunganya?
  • Mukai!—1994
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Dzivisa Kariro Dzisina Mufungo
  • Dzora Kufunganya Kwokuwana Nharidzano Dzakaoma
  • Zvinhu Zvaunogona Kuita
  • Kukunda Dambudziko Rekushushikana
    Mukai!—2020
  • Ndoitei Kana Ndichitemeswa Musoro Kuchikoro?
    Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda, Bhuku 1
  • Funganyo Yakanaka, Funganyo Yakaipa
    Mukai!—1998
  • Zvinokonzera Kushushikana Mupfungwa uye Zvinozovapo
    Mukai!—2005
Ona Zvimwe
Mukai!—1994
g94 9/8 pp. 31-32

Murangariro weBhaibheri

Chii Chinogona Kukubetsera Kugonana Nokufunganya?

URI nyajambwa wokufunganya here? Kana zvakadaro, une vazhinji vakafanana newe. Idzi i“nguva dzokutambudzika,” uye vanhu vamazera ose nemifambiro youpenyu vari kuva nokufunganya. (2 Timotio 3:1) Dzimwe nyanzvi dzinotaura kuti inopfuura hafu yeshanyo dzose dzokuenda kuna chiremba dzinoparirwa nezvinetso zvine chokuita nefunganyo.

Bva kufunganya hakusati kuri chinhu chakashata hacho machiri chimene. “Kutaura idi,” anodaro mutungamiriri wekiriniki yefunganyo, “inotipa kufara kwedu, mbavarira yokurarama, simba rokuita naro zvinhu. Tinoifarikanya—kana tikaikwanisa.”

Kuno rumwe rutivi, kufunganya kunogona kuva kunokurira, kunoparadza. Zvakadini, ipapoka, kana kufunganya kuri kukuparira zvinetso? Hezvino zvikarakadzo zvishomanene zvakavakirwa pauchenjeri hweBhaibheri izvo zvingakubetsera kuderedza tapuro dzako dzinoparadza.

Dzivisa Kariro Dzisina Mufungo

“Tariro kana ichinonoka, inoodza mwoyo,” rinodaro Bhaibheri. (Zvirevo 13:12) Apo kariro dzisingatongozadzikwi, kufunganya kwacho kunogona kuva kunokurira. Ikoku kunodokusungirwa kuitika apo tinogadza kariro dzedu dzakakwirira nomutoo usina kukodzera.

Somuenzaniso, zvinobudisa nhau zvinozivisa zvakanyengedza vazhinji mukudavira kuti mufarwa wavo unotsamira pakuva nezvinhu zvokunyama. Apo mumwe anoshuva zvinhu zvaasingakwanisi kuwana, migumisiro yacho inogona kuva kufunganya nevhiringidziko. Bhaibheri nokudaro rinopa iri zano: “Kana tine zvokudya nezvokufuka, tichatenda nazvo.” (1 Timotio 6:8) Hungu, kunyange zvazvo ungasava nemotokari yacho, musha, kana kuti fanicha izvo ungada kuva nazvo, onga izvo unazvo. Chengeta kariro dzezvinhu zvokunyama dzine mwero.

Kariro dzisina mufungo dzinobatanidza vanhu dzinogonawo kuunza kufunganya. Somuenzaniso, nepo mushandirwi kana kuti mutarisiri ane maruramiro okukarira mwero une mufungo webasa kuna avo vari mutarisiro yake, upenzi kukarira kukwana kwavari. Carlos, mutarisiri wefekitari muBrazil, anoti: “Unofanira kugamuchira vanhu sezvavari. Kana ukakarira zvakawanda kupfuura zvavanogona kupa, kuchakwidziridza mwero wokufunganya, kuchiita munhu ari wose asingafari.”—Enzanisa naJeremia 17:5-8.

Dzora Kufunganya Kwokuwana Nharidzano Dzakaoma

Latin America Daily Post inowadzanyura mamwe manyuko okufunganya, ichitaura kuti ‘mufambiro wokuva wakarerekera kukuwana, wamakwikwi chisakiso chengozi yakakomba muhosha yomwoyo.’ Mutarisiri muduku weakaunzi anobvuma, kuti: “Pahofisi ndinodedera zvikuru nokutya kuwadzanyura utera hwangu. Ndinoshanda zvakanyanyisa ndokukunzwa kuchivhiringidza kusagamuchira kubvuma kunobva kuvamwe.”

Pamusoro pokutsvaka kuzivikanwa nokuwana kwakadaro, Soromoni akati: “Zvino ndakaona kubata kwose noumhizha hwose pakubata, kuti munhu unovengwa nowokwake pamusoro pazvo. Naizvozvo hazvina maturo, ndiko kudzingana nemhepo bedzi.”—Muparidzi 4:4.

Idi nderokuti, ‘unomhanyisa haazi iye unokunda’ pakureva nezvefambiro mberi yebasa kana kuti kuzivikanwa. (Muparidzi 9:11) Maria, mushandi womuhofisi muBrazil, anokutaura neiyi nzira: “Munhu angava namano, asi migariro, uye zvichida kunyange chizivano, zvinogona kupinganidza kukwidziridzwa.”—Enzanisa naMuparidzi 2:21; 10:6.

Chengeta kariro dzako dzine mwero ndokuziva ganhuriro dzako. Shandira mufaro uyo basa rimene rinounza panzvimbo pokushandira bedzi fambiro mberi. (Muparidzi 2:24) Chaizvoizvo, munhu anozvibatikanisa zvakanyanya haangorasikirwi bedzi nomufaro wakawanda woupenyu asiwo anogona kuva akaoma zvikuru zvokuti anonetesa nhamburiko dzake amene dzokubudirira. Dr. Arnold Fox nokudaro anopa zano, kuti: “Kuda kuva akaisvonaka mubasa rako inharidzano inoyemurika, asi usabvumira mufungo mumwe chete iwoyo kudzora upenyu hwako. Kana ukafuratira mifungo yorudo, kuseka, uye mufaro woupenyu, kana kuti kana wakabatikana zvikuru zvokuti unokanganwa kufarikanya upenyu, uri kuzvitambudza umene.”

Zvinhu Zvaunogona Kuita

Imwe nzira yokurwisa kuoma kwedzvinyiriro dzezuva nezuva kusakurira mufungo wokusetsa. (Muparidzi 3:4) Haudikanirwi kuva musetsi kuti uve nechimiro chendangariro chokufara. “Mwoyo wakafara unobatsira munhu kupora; asi mweya wakaputsika unowomesa mafupa.”—Zvirevo 17:22.

Une muitiro wokunonozetsa zvinhu here kutozosvikira mangwana? Pakupedzisira, kunonozeka kunowedzera panzvimbo pokukuderedza kufunganya. Bhaibheri rinopa zano, kuti: “Regai kuva nousimbe pakushingaira.” (VaRoma 12:11) Ita ndaza, yakanyorwa kana kuti yomundangariro, yezvinhu zvaunoda kuita. (Zvirevo 21:5) Ipapo sarudza zvinhu zvinoda kuitwa kutanga—uye tanga kuzviita.

Zvakadiniko, kunyanguvezvo, kana pasinei zvapo nenhamburiko dzako dzakanakisisa, uchiri anonzwa kuoma kana kuti anofunganya? Ungada kuita nhamburiko inowirirana kuchinja kufunga kwako. Usafungisisa zvikanganiso zvomunguva yakapfuura. Ikoku kunogona kuwedzera kufunganya kukuru kwazvino. Mumwe muzivi wezana ramakore rechi 19 akanyora, kuti: “Upenyu hunogona kunzwisiswa bedzi patinofunga nguva yakapfuura; asi hunofanira kuraramwa nenguva yemberi mundangariro.” Kunyange zvazvo tichigona kudzidza kubva mukukundikana, zviito zvedu zvazvino zvinoumba nguva yedu yemberi.

Mambo Dhavhidhi akanongedzera kumushonga wokufunganya wakanakisisa apo akanyengetera kuna Jehovha: “Matambudziko omwoyo wangu awanda kwazvo; haiwa, ndibudisei panjodzi dzangu.” (Pisarema 25:17) Hungu, Dhavhidhi akatarira kuna Mwari kuti asunungure funganyo dzake. Kana ukawana nguva yokurava nokufungisisa paShoko raMwari, uchawana nomutoo wakafanana kuti uchanzwa uri pedyo naMwari. Sezvaunosvika pakunzwisisa madonzo aMwari, uchasundwa kuisa fariro dzake pakutanga muupenyu hwako, idzo dzichakusunungura pafunganyo zhinji dzisiri madikanwa. (Mateo 6:31, 33) Dzidza kuitira hanya zuva rimwe nerimwe panguva. Kuwedzererei funganyo dzamangwana kuidzo dzanhasi? Jesu akakutaura neiyi nzira: “Musafunganya pamusoro pezvamangwana; nokuti mangwana achazvifunganyira zvawo; zuva rimwe nerimwe rinokwanirwa nenhamo yaro.”—Mateo 6:34.

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 32]

“Munhu angava nemano, asi migariro, uye zvichida kunyange chizivano, zvinogona kupinganidza kukwidziridzwa”

[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 31]

The Metropolitan Museum of Art,Mari dzakapiwa neJosephine Bay Paul neC. MichaelPaul Foundation, Inc., uye Charles Ulrick neJosephineBay Foundation, Inc., uye Fletcher Fund, 1967.

Zvapupu zvaJehovha isangano renyika yose ravanopfuura vadzidzi veBhaibheri vana mamiriyoni mana avo vakazvipira kubetsera vanhu kudzidza zvakawanda pamusoro pamadonzo aMwari. Kana uchida kuva namamwe mashoko kana kuti fundo yeBhaibheri yapamusha yapachena, tapota nyorera Watch Tower, 35 Fife Avenue, Harare, kana kuti kero yakakodzera yakarongwa papeji 5.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe