Zvinhu Zvokutambisa Zvanhasi Izvo—Zvinodzidzisei Vana Vedu?
VANA vane kuchidziro yomuzvarirwo yokutamba. Mukuwirirana nebhuku rinonzi Choosing Toys for Children, vana vane utano “nomutoo womuzvarirwo vanoita nzvimbo yavo vamene yokuongorora nefungidziro.” Ikoku kwakanga kwakadaro kunyange munguva dzekare. Shure panguva iyoyo kwakanga kwakarovedzeka kuona vana ‘vachitamba munzvimbo dzavose.’ (Zekaria 8:5) Kutamba kwakadaro kwaiwanzobatanidza mitambo yokutanga zvinhu, yokufungidzira.—Enzanisa naMateo 11:16, 17.
Nomutoo wakakodzera, ipapoka, kutamba kwakanzi ibasa romwana, uye kana ikoko kuri kwechokwadi, ipapoka zvinhu zvokutambisa zvinogona kutaurwa kuva midziyo yomwana. Magazini inonzi Parents inoti: “Kutamba ndiyo nzira iyo vana vanodzidza nayo pamusoro penyika. . . . Kutamba nezvinhu zvokutambisa kunoderedza nyika kusvikira kumwero youkuru hwomwana, nyika iyo mwana anogona kubata nokudzora. Kutamba kunokudziridza tsandanyama netsinhirano, kunogovera mukana wokufambidzana, kunonzvera miganhu pakati pechinhu chaichoicho nefungidziro, uye kunobetsera vana kudzidza kukurukura nomumwe nomumwe, kuita majana, kugoverana. Kutamba kunonyandura fungidziro uye kunopa ruzivo rwokuzviwanira muunyanzvi hwokupedza zvinetso.”
Zvinhu zvokutambisa zvaikoshawo kuvana munguva dzeBhaibheri. Kuchera muIsraeri kwakafukunyura chiwanwa chiduku chinokosha chezvinhu zvokutambisa zvavana, zvakadai sehosho, pembe, uye hari nengoro. The World Book Encyclopedia inoti: “MuAfrica yekare, vana vaifarikanya mabhora, mhuka dzokutambisa, uye zvinhu zvokutambisa zvinokweviwa. Vana vomuGirisi yekare neRoma vaitamba namagwa, zvikochikari, mahoop, uye zvinhu zvinovhiriridzwa. Mukati meMiddle Ages muEurope, zvinhu zvokutambisa zvakakurumbira zvaibatanidza mamarble omunyakwe, hosho, uye zvimudhori zvinotambiswa.”
Zvinhu zvokutambisa zvinonyandura, zvinofadza, uye zvinodzidzisa zvichiri kuita rutivi runokosha nhasi. Bva, kune murwi unokatyamadza wezvinhu zvokutambisa pamusika zviri zvoukoshi hunopanikirika. Imwe nyaya ya 1992 mumagazini yeTime inoti: “Musatarira kuuwandu hwegore rino hwezvinhu zvokutambisa zvitsva kana muri kutsvaka mufaro wakanaka, unovaka. Anodokuva mugadziri mukuru ari wose [ari] kusimbisa zvinosembura.” Rimwe boka rezvinhu zvokutambisa raibatanidza dehenya repurasitiki roukuru chaihwoihwo iro vana vanogona kugadzira kuti rive “rinosemesa sezvingabvira.” Zviri kutengeswawo zvinhu zvokutambisa zvenyengedzo yokushanda kwomuviri, zvakadai sokurutsa. Vabereki navana nenzira yakafanana vari kuiswa kudzvinyiriro dzinotyisa dzokutenga izvi zvinhu zvokutambisa.
Kutengesera Vana
Magazini inonzi Pediatrics in Review inotaura kuti “Bumbiro [rekare] Remitemo raHammurabi rakaiita mhaka inorangwa norufu kutengesera chinhu chipi nechipi mwana.” Zvisinei, vagadziri vezvinhu zvokutambisa vanhasi navazivisi havanyari kutengesera vana vasina chavanoziva zvinhu zvavo zvinogadzirwa zvinodhura. Vachishandisa ruzivo rwokunzvera rwakaoma kunzwisisa, vaiti vezvinhu zvokutambisa vanonzwisisa ndangariro dzavana. Uye kupfurikidza nokupfuurira kuwedzera misiyano mitsva kuzvigadzirwa zvavo, vanogona kuita kuti rudzi rwegore rapfuura rwuratidzike kuva rwechinyakare, uye rwegore rino rwuratidzike kuva rwusingadzivisiki.
Basa rokugadzirwa kwezvinhu zvokutambisa rinoshandisawo zvizere simba reterevhizheni. MuUnited States, kuronga mapurogiramu eterevhizheni avana kunodokuva kunozadzwa neziviso dzezvinhu zvokutambisa. Vachishandisa mifananidzo yekamera yokuchenjera, mitinhimira chaiyo, uye nziyo dzinonyandura, ziviso dzinoita kuti zvinhu zvokutambisa zvenhando zviratidzike kuva zvamashiripiti, zvinonyandura. Kunyange zvazvo vanhu vakura vazhinjisa vachigona kucherekedza nyengedzo mukuita kwakadaro, “vana vaduku vanodavira kuti ziviso dziri kutaura chokwadi.”—Pediatrics in Review.
Dzakawanda dzeshoo dzinonangidzirwa kuvana dzinoparira chaizvoizvo ziviso dzourefu hwepurogiramu. Mukuwirirana nechinyorwa chinonzi Current Problems in Pediatrics, mapurogiramu akadaro ano“gadzirirwa kusimudzira kutengeswa kwechinhu chokutambisa panzvimbo pokudzidzisa kana kuti kuvandudza upenyu hwavana.” Purogiramu inonzi Teenage Mutant Ninja Turtles, somuenzaniso, yakaita “zvigadzirwa zvinopfuura 70, cereal yechisvusvuro, uye bhaisikopo.”
Mukuwirirana nePediatrics in Review, “fundo dzakawanda dzinoratidzira kuti vana vanoratidzirwa kuziviso vanonetsa vabereki vavo kuti vatenge zvigadzirwa zvinoziviswa.” Muvambi wekambani imwe yamarudzi ose yezvinhu zvokutambisa anoti: “Unongoona bedzi vana vachikweva mabhachi avabereki vavo uye unoziva icho ivo vari kutaura: ‘Kana ndisingavi neichi chinhu chokutambisa, ndichafa.’” Hakushamisi, ipapoka, kuti muCanada moga vatengi vanopedzera mabhiriyoni Z$6,0 gore rimwe nerimwe pazvinhu zvokutambisa zvavana vavo, vazukuru, uye shamwari.
Mitambo Yehondo
Mitambo yehondo yevhidhiyo iri pakati pezvinhu zvakakurumbira zvikurusa munzvimbo dzamabasa okugadzira zvinhu zvokutambisa. Vatsigiri vanotaura kuti mitambo yakadaro inobetsera kukudziridza unyanzvi hwokupedza zvinetso, tsinhirano yamaoko namaziso, unyanzvi hwokushandisa tsandanyama, pamwe chete nokunyandura kuda kuziva. “Chikashandiswa nomutoo wakarurama,” inodaro nyaya iri muThe Toronto Star, “chinhu chokutambisa chamagetsi chinogona kuva chisingakuvadzi, kunyange kuva chinodzidzisa.” ‘Asi,’ pepanhau racho rinobvuma kuti, ‘kazhinji kazhinji zvikuru mubato unoparadzanisa navamwe, kunyange kupindwa muropa.’
Rangarira mumwe mukomana akava anopindwa muropa nokutamba mitambo yehondo yevhidhiyo. Amai vake vanoti: “Anoshamisa—haasiyi panooneka mifananidzo yefirimu kutozosvikira auraya munhu ari wose.” Mwana uyu ane makore mangani? Ane makore maviri bedzi! Kagunwe kake kane mhoni yokupfanya mabhatani maawa mana kusvikira kumashanu pazuva. Bva, amai vanoratidzika kuva vasingaitiri hanya. “Kunetseka bedzi kwandinako ndekwokuti iye anoda kuti chinhu chiri chose chiitwe pakarepo,” ivo vanodaro nokuridza minwe yavo. Mutambo wacho “unokurumidza zvikuru . . . , uye zvinhu chaizvoizvo zvoupenyu hazvikurumidzi kudaro.”
Mukuwirirana neThe Toronto Star, vavengi vemitambo yevhidhiyo vanofunga kuti mitambo “haikurudziri vana kudzidza kuzvifadza vamene nefungidziro, kurava kana kuti dzimwe varaidzo dzegamuchidzanwa, pamwe chete nokuvaedza kurega basa rinoitirwa kumba rokuchikoro.” Vamwe vadzidzisi vevana vanototaura kuti ‘mitambo yevhidhiyo ityisidziro inonyengera uye inokwanisa kukurudzira mufambiro wamasimba masimba, wokugara woga muvana.’
Mishumo yenhau yeterevhizheni yokubhomba mukati mehondo yePersian Gulf muna 1991 yakanyandura kudikanwa kukuru kwezvinhu zvokutambisa zvakawanda zvehondo isingashandisi zvombo zvenyukireya. Zvinhu zvakakurumbira zvikurusa zvakanga iri mifananidzo yamatangi eAbrams, zvombo zvinokandwa zveScud, namaherikoputa eHind. Nyanzvi dzinotya kuti kutamba nezvinhu zvokutambisa zvakadaro kungakurudzira denho kana kuti zvichida kugomadzira pfungwa dzavana kumasimba masimba. Zvikurukuru, kuita kudaro kunorwisana nomudzimu worugwaro rweBhaibheri uri pana Isaya 2:4, iyo yakadeya kuzivisa kuti vanhu vaMwari hava“zodzidzi kurwa.”
Kwave kune nhambo apo zvinhu zvokutambisa zvinoratidzika kuva chaizvoizvo, zvakadai sepfuti dzine mvura inobuda nesimba, zvakatanga masimba masimba chaiwoiwo. Mune rimwe guta reNorth America, kurwisana kwepfuti dzepurasitiki dzine mvura inobuda nesimba kwakaparira kupfura kwepfuti chaikoiko, kuchiguma norufu rwomukomana ane makore 15 okukura. Mune chakaitika chiri choga, pwere mbiri dzakakuvadzwa nomumwe murume ane pfuti akashatiriswa pashure pokunge anyoroveswa nepfuti dzinotsenenedza mvura. Zvimwe zvakaitika zvakawanda zvamasimba masimba zvakatangwa nerwisano dzepfuti dzine mvura dzinoratidzika kuva dzisingakuvadzi.
Murangariro Waunopa
Vabereki vashomanene vakavimbika vanotendera chaizvoizvo masimba masimba. Zvisinei, basa rokugadzira zvinhu zvokutambisa zvehondo rinobudirira. Padzimwe nguva vabereki vanosarudza kubvumiranisa zvisina kufanira zvitendero zvavo vamene panzvimbo pokumutsa hasha dzomwana. Zvisinei, mukuita kudaro vangava vachiparira mwana kuvadziko huru. Munzveri woutano hwendangariro weCanada Susan Goldberg anotaura, kuti: “Apo isu tinopa zvinhu zokutambisa kuvana, tiri kuratidzira tendero yedu yeizvo chinhu chokutambisa chinomirira.” Ichokwadi kuti kunongova bedzi kwomuzvarirwo kuti vamwe vana padzimwe nguva varatidzire muitiro wokudenha wakati. “Vasina pfuti dzokutambisa,” inotaura kudaro imwe nyanzvi yokushanda kwendangariro, “vana vangaita gadziriro dzavo vamene, kunyange kushandisa minwe yavo.” Zvingava zvechokwadi. Asi mubereki anofanira kukurudzira denho kupfurikidza nokugovera vana mifananidzo yezvombo zvamasimba masimba here?
Ndokwechokwadiwo kuti vana vashomanene vacharonda chaizvoizvo upenyu hwoutsotsi nemhaka bedzi yokuti vakatamba nepfuti yokutambisa. Asi kana ukapa vana vako zvinhu zvokutambisa zvakadaro, murangariroi waunopa? Unoda kuti vadavire kuti masimba masimba anofadza kana kuti kuuraya nehondo zvinofadza here? Muri kuvadzidzisa kuremekedza mipimo yaMwari here? Shoko rake rinoti: “Mweya [waMwari] unovenga wakaipa nounomanikidza.”—Pisarema 11:5.
Susan Goldberg anopfuurirazve kuti ‘kana vana vakabatanidzwa zvikuru mukutamba kwamasimba masimba netendero yechinyararire yavabereki, sezvingabvira zvikuru ivo vachashandisa denho kuti vapedze zvinetso.’ Bhaibheri rinoti pana VaGaratia 6:7: “Izvo zvinodyara munhu, ndizvo zvaanochekazve.” Mwana sezvinobvira anogona kucheka miitiro younhu hwakanaka mukutamba kwamasimba masimba here?
Mukurangarira nhau yacho pasina kwakarerekerwa, kunofanira kubvumwa kuti vana vose vakasiyana. Mumwe mwana angapindwa muropa nomutambo wamagetsi, asi mumwe angasava. Uye kana vana vachibatanidza chaizvoizvo kurira nemifananidzo zvokuuraya nokupfura muvhidhiyo namasimba masimba chaiwoiwo kunogona kukurukurwa. Vabereki naizvozvo vanofanira kusarudza icho chiri chakanakisisa nokuda kwavana vavo vamene ndokushandisa ngwariro huru mukusarudzwa kwezvinhu zvokutambisa zvavana vavo.
[Mufananidzo uri papeji 6]
Kutamba kunobetsera vana kudzidza nzira yokuwirirana nomumwe nomumwe