Vabereki—Sarudzai Zvinhu Zvokutambisa Zvomwana Wenyu Nokuchenjera
VANA i“nhaka inobva kuna Jehovha,” rinodaro Bhaibheri. (Pisarema 127:3) Vabereki vanotya Mwari naizvozvo vanoziva mutoro wavo wokurovedza vana vavo “pakuranga nokurayira kwaShe.” (VaEfeso 6:4) Havasati vachiusiyira vagadziri vezvinhu zvokutambisa kuti vaumbe unhu hwavana vavo.
Zvinhu zvokutambisa zvinogona kuita rutivi runokosha mukunyandura kukura kwomurangariro nendangariro zvavana. Zvisinei, ikoku hakusati kuchireva kuti vabereki vanofanira kupedzera mari yakawanda pazvinhu zvamagetsi zvoruzivo rwounyanzvi rwakakwirira. Zvimwe zvezvinhu zvokutambisa zvinovaka zvikurusa nezvinonyandura zvichakuchajai mari shomanene zvikuru.
Kadhibhokisiwo zvaro rinogona kuchinjwa kuva imba yokutambira, ndege, kana kuti chinhu chipi nechipi icho fungidziro yokuita zvinhu yomwana inogona kuisa muchiono. Gaba nefoshoro zvinogonesa mwana kuvaka nhare dzejecha. Mabhurokowo zvawo, mapuzzle, munyakwe, namacrayon zvinogona nenzira yakafanana kugovera maawa enhandaro inovaka. Nokuda kwavana vakura, zvinhu zvokutara mifananidzo nezvinhu zvokushandisa zvebasa rokuzvifadza naro zvinogona kudzidzisa unyanzvi hunobetsera ndokugovera mukana wakanaka nokuda kwamano okuita zvinhu—anogutsa nomutoo unogarisa kupfuura kupfura mifananidzo iri muvhidhiyo.
Mimwe mibato yokutamba haitongodi zvokushandisa chaizvo. Kufefeterwa nemhepo mumasango kunogona kuva chinoitika chinofadza nokuda kwomwana, zvikurukuru pakuperekedzwa nomubereki ane rudo, anobatanidzwa. Chokwadika, kunyange unyanzvi hwokutanga hwapamba hunogona kudzidziswa semibato inofadza. Penelope Leach mubhuku rake rinonzi Your Growing Child anonyora, kuti: “Kubika keke kana kuti zvokudya, kutimba bindu, kuchenesa motokari kana kuti kupenda denga, kutenga kana kuti kushambidza mwana zvose zvingava basa kwauri, asi kumwana wako zvingava pakati pamarudzi anodiwa zvikurusa omutambo.”
Nhungamiro Nomwe Dzinobetsera
Chokwadi, kune nzvimbo yezvinhu zvokutambisa zvakagadzirwa. Uye kana mari yemhuri inorongerwa kutenga zvinhu ichiwanika kuti izvitenge, ungada kuzvibvunza umene mibvunzo inotevera usati watenga:
1. Chinhu chokutambisa chinonyandura chaizvoizvo kuda kuziva kwomwana wangu nefungidziro here? Kana chisati, iye achakurumidza kufinhwa nacho. Chinhu chokutambisa chingaratidzika kuva chakanaka mukuzivisa kweTV, asi yeuka: Vatambi vavana navatambikadzi vakabhadharwa kuti varatidzike kuva vanonyanduka pamusoro pechinhu chokutambisa. Mwana wako angasaita nenzira imwe cheteyo. Edza kumucherekedza pamutambo kana kuti muchitoro chezvinhu zvokutambisa. Anokwezverwa kumarudzi api ezvinhu zvokutambisa?
Vabereki padzimwe nguva vanodavira kuti chinhu chokutambisa hachina ukoshi kutoti “chichidzidzisa.” Purofesa Janice T. Gibson, zvisinei, anotiyeuchidza, kuti: “Vana vanodzidza muzvinhu zvose zvokutambisa zvavanotamba nazvo. Chinokosha ndechokuti ivo vane chinofadza kuti varambe vachitamba munzira dzakavanakira.”
2. Chinhu chokutambisa chakakodzera nokuda kwamano omuviri neendangariro omwana wangu here? Padzimwe nguva mwana angangova asina kusimba zvakakwana, anoshivira zvakakwana, kana kuti akangwara zvakakwana kuti ashandise chinhu chokutambisa chakati. Mubereki, kunyanguvezvo, angava anoda kuchitenga nemhaka yokuti chine kwezvo yakati yeyeuchidzo yezvomunguva yakapfuura. Asi mukomana wamakore matatu okukura anogona chaizvozvo kufambisa chitima chokufananidzira chinofambiswa namagetsi—kana kuti kuvheyesa rutanda rwokurovesa baseball here? Huregererei kumirira kutozosvikira mwana wako akura zviri nani zvakakwana mumuviri nomundangariro kuti anzwisise zvinhu zvokutambisa zvakadaro?
3. Chinhu chokutambisa chakakotsekana here? Vana vaduku vanoda kuisa chinhu chiri chose mukanwa mavo uye vanogona kudzipwa nomutoo uri nyore nezvimabhuroko zvemiti kana kuti zvinhu zvepurasitiki. Miromo yakapinza neinobaya inogona kuva ine ngozi kuvana vezera ripi neripi. Ungadawo kuzvibvunza umene kana chinhu chokutambisa chine bviro yokuva chinokandirwa kana kuti kushandiswa sechombo mukurwisana nomumwe mwana.
MuUnited States, zvimwe zvinhu zvokutambisa zvine zviratidzo zvokuratidzira mapoka amazera chaiwoiwo azvinogadzirirwa. Kunamatira kurumbidzo dzakadaro kunogona kudzivirira mwana wako pakuvadziko. Kana uchipanikira pamusoro pechinhu chokutambisa, edza kubvunza mutengesi kana muenzaniso wokuratidzira uchiwanikwa nokuda kwokunzvera kwako.
4. Chinhu chokutambisa chakasanogadzirwa uye chinogarisa here? “Vana vanoda kudonhedza, kukandira, uye kuravidza chinhu chiri chose vanogona kuparadza zvinhu zvokutambisa zvisingagarisi,” magazini inonzi Parents inotiyeuchidza kudaro.
5. Chinhu chokutambisa chakafanirwa nemari here? Ziviso dzeTV hadziwanzokurukura mutengo, asi zvinhu zvokutambisa zvinodhura. Mari yakawanda inobhadhara zita rekambani panzvimbo pezvinhu chaizvoizvo zvinobatanidzwa. Kupfuurirazve, ziviso dzinowanzokudziridza kariro dzisiri dzechokwadi muvana, uko kunogona kuguma nokuora mwoyo kukuru.
Dzidzisa vana vako kuva vatengi vakangwara. Zvirevo 14:15 inoti: “Usina mano unotenda mashoko ose; asi wakangwara unongwarira mafambiro ake.” Imwe nyaya iri muThe New York Times yakati: “Padzimwe nguva unogona kuonesa pachine nguva mberi chikonzero nei chinhu chokutambisa chakati chakagadzirwa zvisina kunaka kana kuti chinosimudzirwa nenzira inotsausa.” The Times yakawedzera, kuti: “Vana vanova vatengi vakangwara zvikuru apo mari inobva muhomwe dzavo panzvimbo pedzenyu.”
Chokwadika, ukoshi chaihwoihwo hwechinhu chokutambisa hunobatanidza zvinopfuura zvinhu zvacho kana kuti unyanzvi hwokugadzira. Zvinhu zvinokosha ndezvokuti mwana wako achachishandisa kakawanda zvakadini, uye kuti chichamuunzira mufaro mukuru wakadini. Mudzuwe unoiswa muruvanze rwokuseri kweimba ungadhura zvikuru, asi ungagovera maawa akawanda omufaro kwenhambo yamakore. Chinhu chokutambisa chakachipa chinokurumidza kuraswa chingava kupambadzwa kwemari pakupedzisira.
6. Ndezvinokosha zvipi nemipimo izvo chinhu chokutambisa chinodzidzisa? Purofesa wefundo yavana David Elkind anopa zano kuti “zvinhu zvokutambisa zvinofanira kunyandura fungidziro yavana munzira dzakanaka, kwete dzakashata.” Dzivisai zvinhu zvokutambisa zvinotyisa, zvinosimudzira nomutoo wakajeka masimba masimba, kana kuti zvinotevedzera zvakaipa zvavanhu vakura, zvakadai sokubhejera.
Zvakadiniko nezvinhu zvokutambisa zvakavakirwa pavanhu vomungano kana kuti vomufungidziro yesayenzi? Nhauro dzakadaro kazhinji kazhinji dzinobata norukundo rwavakanaka pavakaipa. Vamwe vabereki nokudaro vanorangarira ‘zvinhu zvamashiripiti’ zviri muidzi ngano soungwaru hwakapfava hwefungidziro youhwana ndokusaona kuvadziko mukurega vana vavo vachizvifarikanya. Vamwe vangatya kuti nhauro dzingagona kunyandura kufarira mashiripiti. (Dheuteronomio 18:10-13) Pasina kutonga vamwe, vabereki vanofanira kuita zvisarudzo zvavo vamene muna ikoku, vachirangarira tapuro idzo nhauro dzakadaro—uye zvinhu zvokutambisa zvipi nezvipi zvakavakirwa pazviri—dzinazvo pavana vavo.
Yeukawo nheyo iri pana 1 VaKorinte 10:23: “Ndakatenderwa zvinhu zvose; asi zvose hazvindibatsiri.” Nepo chinhu chokutambisa chinodiwa chingave chisingarambidzwi kwauri, zvirokwazvo kuchitenga kunobatsira here? Chingatsamwisa vamwe kana kuti kuvagumbura here?
Zvinhu zvokutambisa zvinotaurwa kuva zvinodzidzisa zvinofanirawo kunzvereseswa nomubereki, zvikurukuru apo izvo zvinotaurwa kuva zvinodzidzisa vana pamusoro penhau dzevatano nemimba. Mwana agadzirira mashoko akadaro here? Mashoko acho angava anopiwa zviri nani kupfurikidza nekurukurirano dzinofambira mberi pakati pako nomwana here?a Zvinhu zvokutambisa zvakati zvingaratidza mativi omuviri enhau dzakadaro, asi zvingaratidza zvimiro zvendangariro zvetsika here?
7. Ndinoda chaizvoizvo kuti mwana wangu ave neichi chinhu chokutambisa here? Ungarangarira kuti mwana wako anotova nezvinhu zvokutambisa zvakawanda, kuti chinhu chokutambisa hachisati chichingova chinoshanda nokuda kwemigariro yako, kana kuti chinhu chokutambisa chinoita ruzha rukuru kupfuura rwaunogona kurarama narwo. Kana zvinetso zvakadaro zvisingagoni kupedzwa, ungatofanira kutaura kuti kwete. Ikoku hakusati kuri nyore. Asi kutera kufungidziro iri yose youhwana nechinodiwa hakusati kuchizobetsera mwana wako kukura kuva munhu akura akadzikama. Cherekedza nheyo iri pana Zvirevo 29:21 (NW), inoti: “Kana munhu achirera muranda wake [kana kuti mwana] kubvira paupwere zvichienda mberi, muupenyu hwake hwapashure iye achatova asingaongi.”
Ikoku hakusati kuchireva kuti somubereki, unofanira kuva ane rumano naasina mufungo. Ikoko kungaparira bedzi mwana wako kutsamwa nokushatirwa. “Kuchenjera, kunobva kumusoro . . . kunyoro.” (Jakobho 3:17) Imwe nyanzvi yokuchengetwa kwavana yakataura neiyi nzira: “Unofanira kugara pasi nomwana wako ndokutsanangura nenzira yokungwarira zvikuru chikonzero nei usingadi kumupa zvinhu zvokutambisa zvakati.”
Zvimwe Zvinhu ZvinokoshaKupfuura Zvinhu Zvokutambisa
Nepo zvinhu zvokutambisa zvichigona kuva midziyo inokosha nokuda kwokudzidzisa nokuvaraidza, zvinongova bedzi zvinhu zvisina upenyu. Mwana angada chinhu chokutambisa, asi chinhu chokutambisa hachigoni kuda mwana. Vana vanoda ngwariro yorudo iyo bedzi vabereki vanogona kupa. “Zvikurukuru mubereki ndiye chinhu chokutambisa chati chambogadzirwa,” anodaro Dr. Magdalena Grey. Apo vabereki vanotamba navana vavo, vanobetsera kuita chisungo chomurangariro chapedyo ndokubetsera kukukura kwezvimiro zvakanaka zvendangariro nemirangariro.
Hungu, vana vanoda kutamba kunovaka. Asi chinokosha zvikuru, vanoda nhungamiro yetsika neyomudzimu. “Upenyu husingaperi ndihwo,” rinodaro Bhaibheri, “kuti vakuzivei imi, Mwari uri woga wazvokwadi, naJesu Kristu, wamakatuma.” (Johane 17:3) Vabereki vanogona kuita rutivi rukuru mukubetsera vana vavo kuwana iyi zivo inoponesa upenyu. Mhuri pakati peZvapupu zvaJehovha dzinoedza kuita fundo yeBhaibheri rutivi rwomuitiro wadzo wenguva dzose. Kazhinji kazhinji dzinoita kudaro nebetsero yezvinyorwa zvakadai seBhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri, KuTerera kunoMudzidzisi muKuru, uye Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda, zvakanyorwa zvikurukuru nokuda kwevechiduku. Aya mabhuku haasati achingovaraidza bedzi—akabetsera zviuru zvavana kukudziridza kutenda kwakanaka muna Mwari. Vana vanoongawo makaseti akarekodhwa emitambo yeBhaibheri neezvinyorwa zvakadai saMunhu Mukurusa Ati Amborarama.b
Naizvozvo vaKristu vechokwadi vanoita zvakawanda kupfuura kutamba navana vavo—vanonyengeterawo navo, kufunda navo, uye kutaura navo. Kupa ngwariro yakadaro yorudo kunoda nguva nenhamburiko huru. Asi pakupedzisira, kunopa mwana mufaro mukuru unogarisa kupfuura uyo mutambo upi noupi kana kuti chinhu chokutambisa chinokwezva chinogona kupa!
[Mashoko Omuzasi]
a Ona nyaya pamusoro pedzidzo yevatano muchinyorwa cheMukai! chaMarch 8, 1992.
b Zvakabudiswa neWatchtower Bible and Tract Society of New York, Inc.
[Mufananidzo uri papeji 8, 9]
Vana vanofarikanya zvinhu zvokutambisa zvinoitwa pamusha—tswanda dzokuisa zvinhu zvokuwacha dzinova motokari; mabhokisi eshangu anova zvitima