Vabereki—Chii Icho Mwana Wenyu Ari Kutamba Nacho?
“BASA rakawanda uye pasina kutamba rinoita kuti Jack ave mukomana akagomara.” Chinodaro chimwe chirevo chekare. Kutamba nguva dzose kwave kuri rutivi runokosha rwoupenyu hwavana. Vana vanokudza ndangariro dzavo nokusimbisa tsandanyama dzavo kupfurikidza nemibato yokutamba ndokukudziridza unyanzvi hunokosha. Hunyanguvezvo, nhasi kutamba kwavana kwazova bhizimisi guru. Kugadzirwa nokutengeswa kwose kwezvinhu zvokutambisa kunodzorwa, kwete navana kana kuti navabereki, asi navagadziri vezvinhu, vatengesi, vazivisi, uye vanzveri vakangwara vokutengesa. Vakashongedzerwa noruzivo rutsva rwokuitwa kwezvinhu zvokutambisa netsigiro yezvinobudisa nhau zvine simba, vari kuchinja mifungo iri munyika yokutamba—nemigumisiro yakakomba nokuda kwavose vari vaviri vabereki navana.
Pasina panikiro vakawanda vari munzvimbo dzamabasa okugadzira zvinhu zvokutambisa vane fariro yapachokwadi mugarikano yavana. Kazhinji kazhinji zvikuru, kunyanguvezvo, mhindu inotora nzvimbo yokutanga. Nhau huru inova, kwete icho chichadzidzisa vana kana kuti kunyandura fungidziro dzavo, asi icho bedzi chichava chinotengwa. Uye chinotengwa nguva dzose hachisati chichingova bedzi zvinhu zvokutambisa zvomucheka, zvamatanda, uye zvepurasitiki zvegore rapfuura asi zvinhu zvokutambisa zvoruzivo rwefundo yakakwirira, zvinhu zvokutambisa chaizvoizvo zvokuti fungidziro yomwana haisati iri madikanwa.
Mumwe mugadziri, somuenzaniso, anotengesa motokari dzokutambisa dzakashongedzerwa nezvimudhori zvidukusa zvavanhu zvinoparadzana pabonderano. Apo motokari dzinobonderana, zvimudhori zvinobudisa nesimba maoko azvo, makumbo—uye misoro—kunze kwefafitera retumotokari twazvo. Chimwe chinhu chokutambisa chaichoicho chinoedza kunyepedzera kuva nenhumbu. Homwe yakafanana nebhegi yakagadzirirwa kuputira dumbu rekasikana inonyepedzera kupfanha kuduku nokurova kwomwoyo womwana asati akwaniswa ari kukura munhumbu.
Vamwe vanodavira kuti zvinhu zvokutambisa zvakadaro zvine ukoshi hwedzidzo. Donna Gibbs, mutungamiri wokubatana nezvinobudisa nhau weimwe kambani inogadzira zvinhu zvokutambisa, anodudza nyepedzero yenhumbu kuva “nzira inofadza yokuti [twusikana] twugoverane izvo amai vanotambura.” Zvisinei, haasati ari munhu ari wose anogoverana mbavarira yake. Dr. T. Berry Brazelton, purofesa wezvirwere zvavana vaduku paHarvard University Medical School, anodana ichi chinhu chokutambisa kuti “kuvhozhokerwa kwomukana womubereki wokugoverana chimwe chinhu chinokosha nomwana.” Dr. David Elkind, mumwe purofesa wefundo yavana, anotaura kuti “izvi zvinhu zvokutambisa zviri kunyanyisa.” Anotaura kuti chimudhori chinonyepedzera kuva mwana asati akwaniswa ari kukura munhumbu “chinopfuura zvikurusa izvo [vana] vanogona kunzwisisa kana kuti kukoshesa.” Kana zviri zvinhu zvokutambisa zvokunyepedzera chaizvoizvo chishava chebonderano yemotokari, anowedzera kuti sezvo terevhizheni iri yakatozara namasimba masimba, “huasimbisirei nourwu rudzi rwechinhu chokutambisa?”—The Globe and Mail, February 8, 1992.
Kunewo gakava pamusoro pemimwe mitambo yakakurumbira, yakadai semitambo yevhidhiyo yehondo nepfuti dzine mvura inobuda nesimba guru. Tichirangarira ikoko, mukuwirirana napurezidhendi weToy Manufacturers of America, “kune zvinhu zvokutambisa zvinofungidzirwa zvine 150 000 zvinotengeswa panguva ipi neipi inopiwa,” vabereki vane denho inotyisa mukusarudza kuti ndezvipi zvinhu zvokutambisa zvavanofanira kutenga. Chii chinofanira kutungamira vabereki muna ikoku? Pane chikonzero chine mufungo chokufunganya pamusoro pezvimwe zvinhu zvokutambisa zvanhasi here? Nyaya dzinotevera dzicharangarira iyoyi nemimwe mibvunzo inowirirana nayo.