RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g94 9/8 pp. 19-20
  • Kudzokera Kuchikoro Neiko?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kudzokera Kuchikoro Neiko?
  • Mukai!—1994
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Nei Pane Chinetso?
  • Kufunda Kwokuwedzera Here kana kuti Kwete?
    Mukai!—1994
  • Dzidzo Ine Donzo
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1992
  • Vabereki—Munoda Kuti Vana Venyu Vave Neramangwana Rakaita Sei?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—2005
  • Bhaibheri Rinoshora Dzidzo Here?
    Mukai!—1998
Ona Zvimwe
Mukai!—1994
g94 9/8 pp. 19-20

Kudzokera Kuchikoro Neiko?

KUTSVAKA basa kwaRobert kwakanga kuri chinoitika chinovhiringidza icho chakapedza makore matatu akareba. Pakupedzisira, pazera ramakore 21, akapinzwa basa somupi wezano munzvimbo yamakamba avanhu vaduku muzhezha. Apo zvino akanga anzi sunungurwei, Robert akanga ave aneteswa nokutsvaka basa kunonetesa. “Vabereki vedu havambonzwisisi,” anodaro. “Kwakaoma zvikuru mazuva ano.”

Kufanana naRobert, pwere dzisingaverengeki dzichangobva kuchikoro dzinopinda muchiverengero chavashandi gore rimwe nerimwe. Dzine kariro. Dzine zvirongwa. Asi chiverengero chinowedzera chiri kuwana kuti hachigoni kuwana rudzi rwebasa urwo rwachakanga chakarira.

Nokudaro, vazhinji vari kuwedzera kufunda kwavo.a “Kana zvinoitika zvama 70 zvakapa chimiro chendangariro chakashata pamusoro pedzidzo,” inodaro magazini inonzi Fortune, “chimiro chendangariro chama 80 chakakurudzira chimiro chendangariro chakasiyana: Wana dhigirii kana kuti tambura migumisiro yacho.”

Nei Pane Chinetso?

Nei dzidzo yokuwedzera iri madikanwa kazhinji kazhinji? Kutanga, chiverengero chikuru chamabasa nhasi chinoda mwero wakakwirira zvikuru wounyanzvi. “Tera womubhangi uyo aingogamuchira bedzi mari dzinopinzwa akabviswa nomuchina wemari,” anodaro mumiririri weBato raVashandi reUnited States. “Zvino [tera] anofanira kundipa zano pamarudzi matatu emari dzinoronzeswa ndokunditsanangurira chikonzero nei ndichida urwu panzvimbo pourwo.” William D. Ford, sachigaro weHouse Education and Labor Committee, anoti: “Mabasa akapfava haachisipo.”

Chechipiri, vamwe vanonzwa kuti zvikoro hazvisi kupa vadzidzi dzidzo yakaringanira. Vanotaura kuti simbiso panhau dzakadai sokushandiswa zvisina kufanira kwemirimo, AIDS, nokudzivisa kubereka zvinokosha kupfuura kudzidziswa kurava, kunyora, uye nhamba. Dr. Robert Appleton, mudzidzisi kwamakore 27, anotaura kuti muitiro wechikoro unoratidzika kuva wakava “sangano rebasa regarikano yavanhu” ikoko kunoita basa rakaoma ro“kubata nezvinetso izvo zvaisarangarirwa kuva rutivi rwechikoro.”

Somugumisiro wokukundikana kwezvikoro kudzidzisa vadzidzi unyanzvi hunodikanwa, vazhinji vanopedza kudzidza pachikoro chapamusoro havakwanisi kuzvitsigira vamene. “Havana kudzidziswa kushanda,” anodaro Joseph W. Schroeder, mutungamiriri wehofisi yeJob Service yeFlorida. “Mukubata navanhu vaduku chinetso icho vashandirwi vanondiudza pamusoro pacho nguva dzose ndechokuti havagoni kurava kana kuti kunyora zvakanaka zvikuru. Havagoni kuzadza kumbiriso yebasa.”

Chikonzero chechitatu nei dzidzo yokuwedzera ingadikanwa ndechokuti munyika dzakawanda mune muraudzo wavakapedza kufunda pakoreji vari kuzadza kupindwa kwamabasa. “Vakapedza kufunda pakoreji vanopfuura kudikanwa kwounyanzvi hwavo,” inodaro The New York Times. “Vachipiwa uyu mugove wakanyanyisa,” mushumo wacho unowedzera kuti, “vashandirwi vanozengurira kuzvipinza mungozi yokupinza basa vakapedza kufunda pachikoro chapamusoro.”

Kuti vakwanirise nokuda kworudzi rwebasa rinodikanwa kuzvitsigira zvakaringanira, vazhinji vari kudzokera kuchikoro. MuUnited States, 59 muzana inopfuuridzira dzidzo yayo kupfuura chikoro chapamusoro. Ikoku kunomirira wedzero huru pachiverengero che 50 muzana icho chakanga chakatsiga kwamakumi amakore.

Miitiro yakafanana inocherekedzwa mudzimwe nyikawo. Somuenzaniso, chibviro chama 1960, Britain yakava newedzero huru muchikamu chavadzidzi vanogamuchira kufunda kunopfuura ganhuriro inomanikidzirwa. Mugore rimwe richangobva kupfuura, Australia yakava ne 85 muzana yaavo vari kupedza chikoro chapamusoro yaikumbira kuenda kumayunivhesiti akasiyana-siyana namakoreji. Inenge 95 muzana yavadzidzi veJapan inonyora mazamanishoni kuti igamuchire makore matatu omuraudzo edzidzo, umo vanogadzirirwa nokuda kwebasa kana kuti nokuda kwekoreji.

Zvisinei, dzidzo yokuwedzera haigoveri nguva dzose betsero dzinoshuviwa. Chii chiri betsero dzacho nedzisiri betsero?

[Mashoko Omuzasi]

a Mazita emwero yokufunda anosiyana munyika nenyika. Muidzi nyaya “chikoro chapamusoro” chinomirira mwero wakazara wokufunda kunomanikidzirwa. “Koreji,” “yunivhesiti,” “chikoro chokudzidzira mabasa,” uye “chikoro chounyanzvi hwamabasa okuita zvinhu” zvinonongedzera kumarudzi edzidzo yokuwedzera ayo asingadikanwi nomutemo asi anorondwa nokuzvidira.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe